RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 9/15 p. 32
  • Yamuro Yokudzidzisa Inoshamisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Yamuro Yokudzidzisa Inoshamisa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 9/15 p. 32

Yamuro Yokudzidzisa Inoshamisa

MWANA muduku anogona kuyeuka zvakawanda kupfuura zvaunofunga. Mutsamba yokuonga nokuda kwamatepi ekaseti eBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, mumwe amai vokuFlorida (U.S.A.) anonyora pamusoro pomwanakomana wavo ane makore mashanu okukura, achiti:

“Kana ukamubvunza nenhamba chete, iye anoziva chinotaura nhau yacho. Iye achigere kurava asi akadzidza nomusoro nhau dzacho uye anogona kudzitaura nomusoro. Vanhu vakandiudza kuti vana vavo havarari vasina gumbeze kana kuti zvitambiso. Wangu haagoni kurara tepi yake isiri kurira. Iye anoteerera nhau dzacho nguva dzose. Iye anorara usiku huri hwose achidziteerera. Heino pikicha yake achidziteerera.”

Kuteerera makaseti enhau 116 dziri muBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri kuchabetsera vaduku kudzidza chinotaura Bhaibheri. Ko iwe uri kushandisa here iyi yamuro yokudzidzisa yakaisvonaka? Arabhamu ine makaseti mana (muchiNgezi) inoita $18 bedzi; nguva yokurira maawa mashanu nehafu.

Ndapota tumirai, muchiripira mari yokuposita, arabhamu yebrown yevinyl ine matepi ekaseti mana eBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. Ndinopfigira $18.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe