Vadiwa Vedu Vakafa Vari Kupi Zvino?
“MUKOMANA muduku aripiko zvino?” Amai vaitambudzika (vadudzwa munyaya yapfuura) vakaramba vachishamisika nokwakanga kwaenda mwana wavo akafa. Ko iye akanga ari mudenga kana kuti muimwe nzvimbo yakati here?
Amai vaAndrew vakakurumidza kupiwa mhinduro. Pakunzwa nezvenhamo yacho, mwana wake mukurusa, uyewo muRoma Katurike, akapindura, kuti: “Andrew ari muLimbo.” Asi akanga ari here?
Limbo Iri Kupi Kana Kuti Chii?
The Concise Oxford Dictionary inotaura kuti Limbo i“nzvimbo iri pamuganhu pehero, musha unofungidzirwa wavanhu vakarurama pamberi pokuva maKristu navacheche vasina kubhapatidzwa; . . . mugariro wokuregeredzwa kana kuti wokukanganwiwa.” Pamusoro peLimbo, New Catholic Encyclopedia inoti: “Nhasi shoko racho rinoshandiswa navafundisi kuratidzira mugariro nenzvimbo zvemweya iya isina kufanirwa nehero nezvirango zvayo zvisingagumi asi yaisagona kupinda mudenga pamberi peDzikinuro (Limbo yamadzibaba) kana kuti zvimwe zvemweya iya inobviswa zvisingagumi muchiono chine mbiri nemhaka yechivi chapakuvamba choga (Limbo yavana).”
Zvisinei, enisaikoropidhia imwe cheteyo inotiwo: “Mugariro wavacheche vanofa vasina Rupabhatidzo zvamazvirokwazvo chinetso chakaoma zvikuru. . . . Nhau yeLimbo ichiri pakati penhau dzisina kugadzikiswa dzoumwari. Kutsigirwa kwapamutemo kwokuvapo kweLimbo neChechi hakuwanwi.” Mukusimbiswa kwaikoku, The New Encyclopædia Britannica inoti: “Nemhaka yokuti Chechi yeRoma Katurike haina kutongotsigira pamutemo dzidziso yelimbo somugariro uripo kana kuti nzvimbo, murangariro welimbo unoramba uri nhau isina kugadzikiswa.”
Pasinei zvapo naikoku, Vakaturike vazhinji vanoshingaira vanogamuchira murangariro weLimbo. Asi tapota rangarira iri pfundo nokungwarira: Vana vanofanirireiko kushurikidzwa kuti vavepo munzvimbo yenenji, isinganzwisiswi nokusingagumi kwose nemhaka bedzi yokuti ivo vakanga vasina kubhapatidzwa?
Ko Bhaibheri rinodudza Limbo here? Aiwa, Shoko raMwari haritongoidudzi. Naizvozvo ikoku kunomutsa mubvunzo unokosha: Vanhu, kubatanidza vana, vanoendepiko pavanofa?
Vanhu Vanoendepi Parufu?
Murangariro wakakurumbira pakati pavaendi kuchechi vechiKristudhomu ndowokuti parufu vanhu vanoenda kudenga kana kuti zvimwe kuhero. Asi chii chinotaura Bhaibheri pamusoro paikoku? Iro rinoti: “Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachafa; asi vakafa havazivi chinhu chipi nechipi.” (Muparidzi 9:5, The Holy Scriptures, According to the Masoretic Text) Naizvozvo vakafa havazivi chinhu. Ivo havasi vapenyu kune imwe nzvimbo asi vakafa chaizvoizvo uye chose chose. Ivo havazivi chinhu.
Iri idi rinotsigirwa nouku kutaura kuri mubhuku reBhaibheri raMapisarema: “Vakafa havarumbidzi Jehovha, kunyange ani naani unoburukira kwakanyarara.” (Pisarema 115:17) “Usavimba navanokudzwa, kana nomwanakomana womunhu wapasi, uyo asino ruponeso. Mudzimu wake unobuda, ndokudzokera pasi pake; nezuva iroro mifungo yake inoparara.”—Pisarema 146:3, 4, NW.
Asi zvakadiniko nomweya? Hausati uri usingafi here? Aiwa. Mukupesana neizvo vanhu vazhinjisa vanodavira, mweya hausati uri usingafi. Iri idi rinotaurwa zvakajeka muBhaibheri, iro rinoti: “Mweya unotadza—iwo umene uchafa.” (Ezekieri 18:4, 20, NW) Imwe simbiso yaikoku inowanwa pana Mabasa 3:23 (NW), iyo inoti: “Zvamazvirokwazvo, mweya upi noupi usingateereri Muporofita iyeyo [Jesu] uchaparadzwa chose chose.”
Ko Rufu Mugumo Wechinhu Chiri Chose Here?
Rufu harusi zvarwo mugumo wechinhu chiri chose. Rumuko rwavakafa rwunodzidziswa zvakajeka muMagwaro. Jesu akati: “Musashamiswa naikoku, nokuti nguva iri kuuya umo vose avo vari muhwiro hwokuyeukwa vachanzwa inzwi rake ndokubuda, avo vakaita zvinhu zvakanaka kurumuko rwoupenyu, avo vakaita zvinhu zvakashata kurumuko rworutongeso.” (Johane 5:28, 29, NW) Kupfuurirazve, Jesu akamutsa zvomenemene vanhu vakati mukati moushumiri hwake pasi pano. Chinoitika chinoshamisa zvikurusa chaiva chiya cheshamwari yaJesu Razaro. Iye akanga ave afa kwamazuva mana. Asi apo Jesu akadanidzira, kuti: “Razaro, buda!” murume akafa akapindura, achibuda muhwiro. Mufaro wakadini nokuda kweboka raicherechedza! Uye chaiva chinoitika chinofadza zvakadini nokuda kwaMaria naMarta, hanzvadzi dzaRazaro!—Johane 11:38-45.
Ndokupi kwakanga kwave kuna Razaro mukati mamazuva iwayo mana? Mudenga here? MuLimbo here? Aiwa. Bhaibheri haritauri ikoku kana kuti kukuratidzira. Kudai Razaro akanga ave achiziva ari mune imwe nzvimbo, zvirokwazvo iye angadai akaudza vamwe pamusoro paikoku. Asi Bhaibheri rinoti: “Vakafa havazivi chinhu.”—Muparidzi 9:5, The Jerusalem Bible.
Chimwe chinoitika chinofadza chakaitika paguta reNaini. Sezvo Jesu akasvika pasuo reguta, akasangana navanhu vakanga vakatakura wakafa. Nyakufa akanga ari “mwanakomana mumwe oga waamai vake,” avo vakanga vari chirikadzi. Nomuzvarirwo, ivo vakanga vachichema zvikuru. Ikoku kwakatapura mwoyo une mutsa, une rudo waJesu. Iye akasvika, akamisa vakatakura wakafa, uye akati: “Jaya, ndinoti kwauri: Muka.” Uye munhu akafa akadaro! Iwe unogona here kufungidzira mufaro waamai nokushamiswa kwavakamirapo?—Ruka 7:11-17.
Ko iri jaya raiva nechinhu chipi nechipi chokutaura here pamusoro pokuva mudenga kana kuti Limbo? Aiwa. Aizogona sei? “Vakafa havazivi chinhu.” Bhaibheri rinofananidzawo rufu nehope huru. Dhavhidhi akati: “Rangarirai, mundipindure, Jehovha Mwari wangu; vhenekerai meso angu, ndirege kuvata hope dzokufa.” (Pisarema 13:3) Uyezve, pamberi chaipo pokumutsa kwake Razaro, Jesu akafananidza rufu nokurara.—Johane 11:11-14.
Papfundo rino, mumwe mubvunzo unomuka.
Ko Vanhu Vakanaka Vapi Navapi Vanoenda Kudenga Here?
Hungu, vamwe vanhu vakanaka vanoenda kudenga. Idi rinofadza zvikurusa pamusoro pavanhu vakanaka, kana kuti maKristu echokwadi, risingazivikanwi kuvaendi kuchechi vazhinjisa nderokuti kune mapoka maviri. Vashoma vanoenda kudenga kunotonga naJesu Kristu, nepo vazhinji vachafarikanya upenyu husingaperi pasi pano. Zvichida ikoku kunokushamisa. Naizvozvo, ngatirangarirei zvinotaura Bhaibheri paiyi nhau inofadza.
Nderipi rakanga riri donzo rapakuvamba raMwari nokuda kworudzi rwomunhu? Apo iye akasika Adhama naEvha, ko airangarira here kuti ivo vanofanira kufarikanya upenyu kwechinguvana mubindu reEdheni uye ipapo kufa ndokuenda kudenga? Aiwa. Mwari akavapa mugove chaiwo pamusoro papasi, achiti: “Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.” (Genesi 1:28) Uye Jehovha haachinji donzo rake rakagadzwa. Iye anozivisa, paPisarema 89:34 (NW), kuti: “Handisati ndichizochinja kutaura kunobuda pamiromo yangu.” Naizvozvo Paradhiso yeEdheni inofanira kudzorerwa ndokufarikanywa navabatiri vakatendeka vaJehovha—boka ravazhinji radudzwa pamusoro apa.
Boka ravashoma rinopiwa ropafadzo chaiyo zvikuru, iya yokutonga naKristu mudenga. Namamwe mashoko, ivo vachagoverana naJesu mukudzora avo vanogara pasi pano. Iyi ndiyo hurumende yoUmambo iyo maKristu anonyengeterera mumunyengetero waShe. Nenzira inofadza, mumunyengetero mumwe chetewo, tinoti: “Kuda kwenyu ngakuitike, somudenga, napasi panowo.”—Mateo 6:9, 10, NW.
Bhaibheri rinozivisa here kuti vangani vachafarikanya ropafadzo huru zvikuru yokutonga naKristu mudenga? Hungu, rinodaro. Zvakazarurwa ganhuro 14, ndima 1, inoti: “Zvino ndakatarira, ndikaona Gwaiana rimire paGomo reZioni, rina vamwe vane zviuru zvine zana namakumi mana navana, vane zita raro, nezita raBaba varo, rakanyorwa pahuma dzavo.” Rangarira kuti Zvakazarurwa anoshandisa zviratidziro zvakawanda, kana kuti “zviratidzo,” sezvinotaurwa mundima yokutanga, Zvakazarurwa 1:1. “Gwaiana” ndiJesu Kristu. (Enzanisa Johane 1:29.) Uye Gomo reZioni rinonongedzera kwete kudzimbahwe rezvamatongerwe enyika reIsraeri asi ku“Jerusarema rokudenga.”—VaHebheru 12:22.
Zvakazarurwa ganhuro 7 inotipa mashoko pamusoro paose ari maviri boka rokudenga neboka rapasi atadudza. Ndima 4-8 dzinodudza 144 000 “vakaiswa chisimbiso vachibva murudzi rwuri rwose rwavanakomana vaIsraeri.” Ichi ndichimwe chinoitika chokufananidzira uye chinoreva Israeri womudzimu, kana kuti “Israeri waMwari.” (VaGaratia 6:16, NW) VaRoma 2:29 inoti: “MuJudha ndiye uri mukati, uye kudzingiswa kwake ndiko kwomwoyo kupfurikidza nomudzimu.” Zvakazarurwa 7:9 (NW) inotevera kurondedzera boka rapasi, ichiti: “Tarira! boka guru, risina munhu akakwanisa kuverenga, rakabva mumarudzi ose nendudzi navanhu nendimi.”
Vanhu Vakanaka Vachagara Pasi Pano
Mabhirioni avanhu vakanaka achararama muparadhiso yapasi. (Ruka 23:43) Iwe ungada here kuva pakati pavo? Chokwadika ungada. Kuchava ropafadzo yakadini kurarama papasi rakacheneswa iro risina zvinoshatisa, nzara, utsotsi, chirwere, kutambura, uye kariro inotyisa yerwisano yenyukireya! Bhaibheri rinodeya kutaura chaizvoizvo here chinhu chakadaro? Hungu, zvamazvirokwazvo. Iro rinoti: “Nokuti vanoita zvakaipa vachagurwa; asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika. . . . Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru. Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”—Pisarema 37:9, 11, 29; enzanisa naMateo 5:5.
Zvakadiniko, ipapoka, nezvavana vakafa? Ko ivowo vachava muParadhiso yapasi here? Ivo havaendi kuLimbo, iyo isipo. Asi vaduku vari muyeuko yaMwari vachadzokera murumuko rwavakafa—chimwe chezvipikirwa zvinoshamisa zviri muShoko raMwari, sezvatatocherechedza. (Johane 5:28, 29; Mabasa 24:15) Zvichida iwe wakarasikirwa navadiwa murufu uye kazhinji kazhinji unoshamisika kwavari zvino. Kubva muMagwaro kwakajeka kuti ivo vakarara, vachimirira rumuko. Ko iwe ungada here kuva namashoko akawanda pamusoro peiyi tariro inoshamisa youpenyu muparadhiso yapasi? Kana zvakadaro, wadiiko kukurukura izvi zvinhu neZvapupu zvaJehovha pazvinotevera kushanyira musha wako?
[Mufananidzo uri papeji 6]
Vamwe vanhu vakanaka vanoenda kudenga. Ndivanaani?
[Mufananidzo uri papeji 5]
Razaro akanga aripiko paakanga akafa?
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 7]
Photo taken at Brooklyn Botanic Garden