RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 9/15 pp. 3-4
  • Ko Vanhu Vose Vakanaka Vanoenda Kudenga Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ko Vanhu Vose Vakanaka Vanoenda Kudenga Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Denga Rakaita Sei?’
  • Kudenga Kwakamboita Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Denga
    Mukai!—2016
  • Vadiwa Vedu Vakafa Vari Kupi Zvino?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mufaro Usingaperi—Mudenga Here Kana Kuti Pasi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 9/15 pp. 3-4

Ko Vanhu Vose Vakanaka Vanoenda Kudenga Here?

“Mariro akanga apera asi kwete katyamadzo huru. . . . Kwakaratidzika kuva kusingadaviriki kuti mavhiki mashomanene bedzi pamberi pezvi mukomana wangu muduku akanga ave achitanga kufamba, chiso chake chiduku chichipenya nenyemwerero yorukundo. Asika zvino Andrew akanga afa! . . .

“Ndakaramba ndakamira pawindo, ndichitarira murima, ndichiongorora matenga. ‘Mukomana muduku aripi zvino?’ Ndakashamisika. ‘Ko iye ari pane imwe nzvimbo kumusoro ikoko mudenga pakati penyeredzi here?’”

RUFU rwomwana zvimwe ndichinoitika chinokatyamadza zvikurusa icho vabereki vanogona kuva nacho. ‘Mwana wedu aripi zvino?’ ivo vanoshamisika. ‘Ari mudenga here kana kuti imwe nzvimbo yakati?’ Marudzidziso mazhinjisa anodzidzisa kuti vana vanofa vanoenda kudenga. MuJohannesburg, South Africa, mashoko ari parimwe ibwe rapaguva anorava, kuti: “Mwari akanga achida ruva riri kupetenuka, ngirozi yake yakatora rimwe reedu.” Asi munhu angashamisika: ‘Mwari anofanirireiko kuda “ruva riri kupetenuka” apo, mukuwirirana nechitendero chavose, iye achitova neakawanda kwazvo?’ Uye vanhu vasingaverengeki vanoshamisika . . .

‘Denga Rakaita Sei?’

Vanhu vazhinjisa vanongova bedzi nepfungwa isina kujeka yedenga. Vamwe vanotaura nomufaro nezve“pai mudenga apo unofa.” Asi chii chinotaura Bhaibheri? Ndima yaro imene yokutanga inoti: “Pakutanga Mwari wakasika denga nenyika.” (Genesi 1:1) Ikoku kunonongedzera kumatenga anooneka, gadziriro ine mbiri yenyeredzi namakwara enzou. (Dheuteronomio 4:19) Asi kunewo matenga omudzimu. Nokudaro, Bhaibheri rinotaura nezvo“hugaro [hwaJehovha] hutsvene hunobwinya.”—Isaya 63:15.

Ndianiko akanga ari wokutanga kukwira kuuhu “hugaro hutsvene” hwaBaba vedu vokudenga? Mwanakomana wavo anodiwa, Jesu Kristu. Iye akati: “Hakuno munhu akakwira kudenga, asi iye akaburuka kudenga, iye Mwanakomana womunhu.” (Johane 3:13) Ikoku kunoratidza zvakajeka kuti hakuna zvisikwa zvavanhu zvakanga zvaenda kudenga. Asi Jesu akapikira kuti vamwe vanhu vaizoenda ikoko. Pamberi chaipo pokukwira kwake kudenga, iye akati kuvadzidzi vake vakatendeka: “Ndinoenda kundokugadzirirai pokugara . . . ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemi mugovapowo.”—Johane 14:2, 3.

Sezvinooneka, ipapoka, vamwe vanhu vakanaka vanoenda kudenga. Asi ko vanhu vose vakanaka vanoenda kudenga here? Zvakadiniko nezvomusha womunhu—pasi? Unofanira kuparadzwa here nehondo yenyukireya kuva rasha rakapiswa rinoyanguruka muchadenga? Nyangwe. Bhaibheri rinoti: “Rudzi rumwe runoenda, rumwe rudzi runouya; asi pasi panongogarapo nokusingaperi.” (Muparidzi 1:4) Uye Musiki anofanirireiko kuparadza iri pasi rakaisvonaka, kunyange zvazvo mativi aro akashatiswa navanhu vane udyire? Shoko raMwari rinopikira, kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”—Pisarema 37:29.

Sezviri pachena, ipapoka, pasi rine nguva yemberi inofadza. MuMharidzo yake yakakurumbira yapaGomo, Jesu akadeya kutaura, kuti: “Vanofara vanyoro, sezvo vachagara nhaka pasi.” (Mateo 5:5, NW) Uyezve, bhuku rokupedzisira reBhaibheri, Zvakazarurwa, rinoratidzira kuti pasi richava paradhiso. Pamusoro porudzi rwomunhu rwunoteerera, iro rinoti: “Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo. Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Kubva muzviri pamusoro apa, kunogona kuonwa kuti vamwe vanhu vakanaka vanoenda kudenga, nepo vamwe vachafarikanya upenyu pasi pano. Ikoku kunoreva kuti kune mapoka maviri akajeka avanhu anobatanidzwa. Ikoko kunobvira sei? Uyezve, kufanana naamai vaAndrew, vazhinji vanonetseka pamusoro pechinoitika kuvana vavo vanofa vasina kubhapatidzwa. VaRoma Katurike vanodzidziswa kuti vanoenda kunzvimbo inonzi Limbo. Kune nzvimbo yakadaro here? Ko vana vanoendako here? Mhinduro dzinogutsa nedzinonyaradza dzinogoverwa munyaya inotevera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe