Iwe Unoyeuka Here?
Wakawana zvinyorwa zvemisi ichangobva kupfuura iyi zveNharireyomurindi kuva zvoukoshi hunoshanda kwauri here? Wadiiko kuedza yeuko yako nemibvunzo inotevera?
◻ Chii chiri mhinduro kuchinetso chanhasi chapamuviri pepwere?
Pwere dzinofanira kupiwa nhungamiro yetsika neyomudzimu. Bhaibheri rinoratidza kuti vabereki vane mutoro wokuita ikoku. (VaEfeso 6:4)—4/15, peji 4.
◻ Chii chinoita kuti kuve kwakaoma kurera vana nenzira inobudirira?
Vabereki navana havana kukwana uye, nokudaro, vanoita zvikanganiso. (VaRoma 5:12) Uyewo, vana vanokura vanopesvedzerwa zvikuru kwazvo nekombamiro dzakashata dzechaunga chomuzuva razvino; ichochi chinotapura zvakaipa zvinokosha zvavo nomurangariro paupenyu. (2 Timotio 3:1-5)—5/1, peji 4.
◻ Ndeipi iri misiano mina inoshamisa iri pakati pamaKristu echokwadi neezita bedzi?
MaKristu echokwadi anorega ropa. (Mabasa 15:28, 29) Iwo anochengeta mupimo wakakwirira wetsika. (1 VaKorinte 6:9, 10) MaKristu echokwadi anoramba asingatori rutivi kuzvematongerwe enyika nerwisano dzakawanda dzorudzi. (Johane 17:16) Avo vanotevera Jesu vanoshandisa muenzaniso wake somuenzaniso woukama hwavo hwomumba. (VaEfeso 5:21-25)—5/1, mapeji 17-19.
◻ Neiko vaJudha vakadana Jesu kuti muSamaria? (Johane 8:48)
VaJudha vaivenga vaSamaria. Nokudaro, shoko racho rakashandiswa navo sokuratidzirwa kworuzvidzo nokumhura pana Jesu.—5/15, peji 8.
◻ Chii chiri “mutauro wakachena” unotaurwa nezvawo pana Zefania 3:9?
Uyu mutauro wezvokwadi yapaMagwaro uyo unogonesa vanhu vanotya Mwari vamarudzi ose namadzinza kubatira Jehovha nomwoyo mumwe.—5/15, peji 16.
◻ Rusunungukoi runobva mukukudziridza ukama naMwari?
Rusununguko mukutyiwa kunopinza muuranda kwomunhu nomutsika dzinorema dzisina revo chaiyoiyo kana kuti ukoshi. (Zvirevo 29:25) Uyewo, rusununguko mukutyiwa kworufu. (Muparidzi 9:5, 10; Johane 5:28, 29)—6/1, mapeji 5-6.
◻ Chii chakareva Jesu paakati: “Usiku hunouya, husingagoni munhu kubate basa nahwo”? (Johane 9:4)
Jesu pano akanga achinongedzera kunguva apo iye aizopinda muguva uye aisazokwanisazve kuita mabasa anoshamisa ayo akanga aita achiri mupenyu.—6/1, peji 8.
◻ Rubhapatidzo rwomumvura runorevei?
Kunyudzwa kwakakwana mumvura chiratidziro chakakodzera chetsauriro yomunhu kuna Mwari, kupfurikidza nako munhu wacho anova mushumiri akagadzwa. Ari pasi pemvura, iye, chaizvoizvo, anofa kuyaichimbova nzira yake youpenyu, uye pakubuda mumvura, iye anova, sokunge zvakadaro, mupenyu kunzira itsva yokuzvibaira mubasa raJehovha. (Enzanisa naVaRoma 6:2-4; 12:1; VaFiripi 3:16.)—6/15, peji 29.
◻ Ndedzipi dziri dzimwe nzira dzokuratidzira nadzo kuonga kuna Jehovha?
Apo kuonga kunenge kwakasimba, chishuvo chinosunda chokubatira Mwari chinokura mumwoyo unoonga. Nzira imwe yokugutsa nayo ichi chishuvo kupinda muushumiri, zvichida mubasa roupiona. Imwe kubatira pamwe mugadziriro yokuvaka zvino iri kuitika kupota pasi.—7/1, peji 11.
◻ Neiko Jesu akapa simba 70 vavadzidzi vake rokurapa vanorwara apo akavatuma panhimbe yokuparidzira muGarirea?
Ava vadzidzi, kupfurikidza nokuita manenji akadaro, vakagadzirira nzira yokuti Jesu aite basa rapashure. Manenji ayo vakaita aizoita kuti vazhinji vavanasaimba vade kusangana naJesu ndokuteerera shoko rake roUmambo.—7/1, mapeji 16-17.
◻ Ko Jesu akanga achinongedzera kuna Judhasi here apo iye akaudza Pirato, kuti: “Wakandiisa kwauri, une zvivi zvinokunda zvako”?—Johane 19:11.
Kunoratidzika kuti Jesu akanga achinongedzera kuvose avo vaiva nomutoro wokuva kwake pamberi paPirato achitongwa. Ikoko zvamazvirokwazvo kwakabatanidza Judhasi Iskarioti, uyo akashambadza Jesu. (Ruka 22:2-6) Asi muprista mukuru Kayafasi navamwe vatungamiriri vorudzidziso vakabatanidzwawo mukuparira kusungwa kwaJesu. (Mateo 26:59-65; 27:1, 2, 20-23) Sezvingabvira vose vane mhaka ivava vakabatanidzwa muizvo Jesu akataura pana Johane 19:11.—7/15, peji 30.
◻ Ingozii inouraya zvikuru inobatanidzwa nokunamata mifananidzo?
Wezvamapisarema akati nezvavaIsraeri: “Vachibatira zvidhori zvavahedheni, ivo vakazviwana vamene vapinzwa mumusungo wokubaira vanakomana vavo vamene navanasikana kumadhemoni.” (Pisarema 106:36, 37, The Jerusalem Bible) Magwaro echiKristu echiGiriki anonyevera nezvengozi imwe cheteyo. (1 VaKorinte 10:19, 20) Kunamata zvifananidzo kworudzi rupi norupi kunotanga kubvira kwokuti mufananidzo uchabatira senzvimbo yokuonana namasimba emadhemoni.—8/1, peji 6.