Ratidzira Chivimbo Muna Jehovha—Kupfurikidza Nokushandisa Zvinhu Zvinodzidzwa
“Vimba naJehovha, uite zvakanaka; gara panyika, ushingairire kutendeka.”—PISAREMA 37:3.
1, 2. (a) Ndoupi unofanira kuva muuyo unoshuviwa wefundo yomunhu oga? (b) Jakobho anopa muenzanisiroi, uye kuona kunorondedzerwa naye ndokwokukurumidzira here?
FUNDO yomunhu yeShoko raMwari haisi yefarikanyo zvayo yomunhu oga. Fundo inofanira kuva mutoo wokusakurira nawo chivimbo muna Jehovha. (Zvirevo 3:1-5) Mashoko owezvamapisarema ari pamusoro apa anoratidza kuti chivimbo choumwariwo chinozviratidzira chimene mumunhu no‘kuita [kwake] zvakanaka.’
2 Jakobho akakurudzira, kuti: “Ivai vaiti veshoko, musava vanzwi voga, muchizvinyengera. Nokuti kana munhu ari munzwi weshoko asati ari muiti waro, wakafanana nomunhu unoona chiso chake, chaakaberekwa nacho, muchionioni. Nokuti unozviona, ndokuenda, ndokukanganwa pakarepo kuti wakadini iye.” (Jakobho 1:22-24) Naizvozvo uku kutarira kwakanga kusati kuchingova zvako kungoringa. Shoko rechiGiriki nokuda kwa“ona” rinoshandiswa pano zvikurukuru “rinoratidzira chiito chendangariro mukunzwisisa maidi akati pamusoro pechinhu.”—An Expository Dictionary of New Testament Words, rakanyorwa naW. E. Vine; enzanisa naMabasa 7:31, Kingdom Interlinear.
3. Munhu anotarira muchionioni angakurumidza sei kukanganwa kuti “wakadini iye”?
3 Fungidzira, ipapoka, mumwe munhu ari kuzviongorora amene muchionioni, zvichida achiwana mufananidzo wacho kuva wakati shatei. Iye angaona humbu dzakaparirwa nokudyisa nokunwisa, masaga pasi pameso nemhaka yokusavata, uye mafinya pahuma yake nemhaka yefunganyo dzinonetsa. Azvitarisa amene, iye anosarudza kuita chinjo dzaifanira kuitwa kare kare mutsika nomumutoo woupenyu. Ipapo ano“enda.” Nomufananidzo unokangaidza wabuda muchiono zvakanaka, iye ano“kanganwa pakarepo,” kwete zvikuru kwazvo matarisikire ake, asi “kuti wakadini iye.” Chisarudzo chake chokuita chinjo chinopera.
4. Muenzanisiro waJakobho unoshanda sei kufundo yedu yaMagwaro?
4 Nenzira yakafanana, iwe ungava mudzidzi anokwanisa weBhaibheri. Bva, unoita sei kuicho unoona muchionioni cheShoko raMwari? Apo zvikanganiso zvomudzimu nezvakaipa zvinoratidzirwa, ikoku kunokuparira here itiro hanya yechinguvana bedzi, kana kuti unoita here chisarudzo chakasimba chokururamisa zvikanganiso zvacho? Jakobho akawedzera, kuti: “Asi munhu unocherekedza murairo wakakwana, iwo murairo wokusunungurwa, akaramba achidaro, asati ari munzwi, unokanganwa, asi muiti webasa, iye ucharopafadzwa nezvaanoita.” (Jakobho 1:25) Wezvamapisarema akanyengetera, achiti: “Ndidzidzisei, Jehovha, nzira yemitemo yenyu; ndigoichengeta kusvikira pakuguma.”—Pisarema 119:33.
Icho Miitiro Yedu Inotaura Pamusoro Pedu
5. (a) Chii chinotaura miitiro yedu pamusoro pedu? (b) Ingwavairai yakamirira avo vari “vashandisi vezvinokuvadza”?
5 Chaizvoizvo, chatinoita kana kuti kushandisa chinobvumikisa zvatiri mukati. Uye pane imwe nguva munhu anoita kuti “mukati makavandika” muoneke kupfurikidza nokuita zvakanaka kana kuti zvimwe zvakashata. (Pisarema 51:6) Soromoni akati: “Kunyange nomwanakomana unozvizivisa nezvaanoita, kana basa rake rakanaka, kana rakarururama.” (Zvirevo 20:11) Ikoku kwakanga kuri kwechokwadi nezvaJakobho naEsau pavakanga vari vaduku. Sezvo nguva yakapfuura, mabasa aEsau akaita kuti kushaiwa kwake nzwisiso yomudzimu kuve pachena. (Genesi 25:27-34; VaHebheru 12:16) Ikoku kwave kuri kwechokwadiwo nezvezviuru zvaiti zvaivimba naJehovha asi zvakabvumikisa kuva izvo Bhaibheri rinodana kuti “vaiti vezvinokuvadza.” (Jobho 34:8) Wezvamapisarema akanyora, achiti: “Kana vakaipa vachimera souswa, uye kana vaiti vose vezvakaipa vachikura, zvinoitwa kuti vaparadzwe nokusingaperi.”—Pisarema 92:7.
6. Neiko kuchikosha kuti tiite kuti chivimbo chedu muna Jehovha chioneke zvino?
6 Chiverengero chavanhu vakaipa chiri kuwedzera, uye ruparadziko rwavo rwuchakurumidza kuuya; Mwari haasati achizoshivirira vaiti vezvakaipa kusvikira kunguva isingazivikanwi. (Zvirevo 10:29) Naizvozvo kunokosha kuti tiite kuti chivimbo chedu muna Jehovha chiratidzirwe kupfurikidza nokushandisa zvatinodzidza. “Chengetai mufambiro wenyu wakaisvonaka pakati pamarudzi,” anopa zano Petro. (1 Petro 2:12, NW) Ndedzipi dziri nzvimbo, ipapoka, matingavandudza?
Kubata Kwedu Navamwe
7. Nei tichifanira kungwarira mukubata kwedu na“avo vari kunze”?
7 Imwe nzvimbo ingava mutoo wedu wokubata navamwe. Zvirevo 13:20 inoyevera, kuti: “Shamwari yamapenzi inoshatiswa.” Vachikundikana kushandisa iri zano rakafuridzirwa, vamwe vanozvibvumira vamene kuva vakanyanyorovedzana navanhu venyika kubasa nokuchikoro. Imwe hama yakaroora nokudaro yakabatanidzwa mumufambiro usakachena nomumwe mukadzi pabasa pake. Iye akakumbanirawo vashandi biyake vechirume panzendo kunzvimbo dzokunwira dzomunzvimbomo, kuchiguma nokudhakwa kwake. Zvamazvikwazvo, tinofanira “kuramba tichifamba nouchenjeri kuavo vari kunze.”—VaKorose 4:5, NW.
8. Vamwe vangavandudza sei mukubata kwavo namaKristu biyavo?
8 Asi zvakadiniko nezvokubata kwedu namaKristu biyedu? Ngatitii, somuenzaniso, une chikwereti chehama chemari. Ko unganonotsa kuibhadhara nenzira isiri madikanwa here, uchirangarira kuti nemhaka yokuti hama yacho inoratidzika kuva yakapfuma, iwe unoida kupfuura zvainoita here? “Wakaipa unokwereta, asingaripizve,” rinodaro Pisarema 37:21. Kana kuti kana iwe uri mushandirwi, unoshandisa here nheyo yokuti “Mubati wakafanirwa nomubairo wake” pakunouya kukubhadhara vashandi Zvapupu? (1 Timotio 5:18) Pauro akakwanisa kutaura nezvokubata kwake amene, achiti: “Takafamba panyika, zvikuru kwamuri, . . . noutsvene nezvokwadi yaMwari.”—2 VaKorinte 1:12.
Mupfekero Une Mwero Nokutsvinda
9. Ikombamiroi mumupfekero nokutsvinda dzakacherekedzwa navamwe vakuru?
9 Mumwe mutariri anofambira muGermany akarondedzera mamwe maKristu omunzvimbomo se“chizvarwa chinopfeka tenesi” nemhaka yomupfekero wavo wakanyanyova usina kutsarukana pamisangano. Hofisi yebazu yakawedzera kuti vamwe vapindi vemisangano “vari pedyo nokuva vane upfende,” kunyange zvazvo “voruzhinji zvikuru vehama dzedu vachipfeka zvine mwero.” Imwe nyika inoshuma zvakafanana kuti “kushaikwa kwoutsanana hwomunhu oga chinetso muno . . . Dzimwe hama hadzipfeki zvipfeko zvakachena. Ivo vanorega vhudzi ravo risina kukanwa uye rine tsvina pakuenda kumisangano kana kuti mubasa romumunda.” Kunokosha sei kuti vabatiri vaJehovha vave vakatsvinda navachena murutivi rwuri rwose!—2 VaKorinte 7:1.
10. (a) Inheyoi inofanira kutungamirira chisarudzo chedu chomupfekero nokutsvinda? (b) Ndirini apo zano ringave rakafanira, uye tinofanira kugamuchira sei?
10 Tinofanira ku“pfeka zvine mwero, nechiremera nokufanira,” zvikurukuru patinenge takabatikana mumibato yomudzimu. (1 Timotio 2:9, New International Version) Nhau yacho haisi kana sitaera yakati iri yazvino uno zvikuru asi kana yakafanira nokuda kwomunhu anotaura kuva mushumiri waMwari. (VaRoma 12:2; 2 VaKorinte 6:3) Zvipfeko zvakanyanyova zvisina kutsarukana kana kuti zvinobata zvikuru zvinogona kuderedza shoko redu. Zvitaera zvinoita kuti varume vatarisike savakadzi nenzira yakajeka uye nenzira yamadiro kana kuti zvinoita kuti vakadzi vatarisike savarume hazvina kufanira chose chose. (Enzanisa naDheuteronomio 22:5.) Chokwadika, tsika dzomunzvimbomo dzingasiana, mukuwirirana nomugariro wokunze, zvinodikanwa zvapabasa, zvichingodaro, zvokuti ungano yechiKristu haisati ichiita mirairo yorumano kuti ifukidze uhama hwenyika yose. Uyewo vakuru havafaniri kuisa zvishuvo zvavo zvomunhu oga paboka. Zvisinei, kana sitaera yokutsvinda yomuparidzi woUmambo kazhinji kazhinji ichikangaidza ungano kana kuti kuderedza ushumiri, zano romutsa rakafanira. Ko iwe ungagamuchira zano rakadaro nokuzvininipisa, uchiratidzira chivimbo muna Jehovha here?—VaHebheru 12:7.
Kuvimba naMwari Kugovera Vatsvaki voUmambo
11. Vamwe vakabatwa sei mukurondwa kwezvinhu zvokunyama, uye neiko ikoku kusiri kuchenjera?
11 “Naizvozvo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateo 6:33, NW) Kunosuruvarisa sei apo vamwe vanokundikana kuteerera mashoko iwayo! Vachidavira ngano yechengeteko mune zvemari, ivo vanoronda pfuma, dzidzo yenyika, uye mabasa enyika namanyemwe, “vanovimba nepfuma yavo.” (Pisarema 49:6) Soromoni anonyevera, kuti: “Usazvinetsa kuwana pfuma; unoda kuzvitarira nameso ako? Zvaenda! Nokuti zvirokwazvo inozviitira mapapiro, segondo rinobhururukira kudenga.”—Zvirevo 23:4, 5.
12. Avo vanoronda pfuma ‘vanozvibaya vamene pose pose namarwadzo mazhinji’ sei?
12 Muapostora Pauro anonyeverazve, kuti: “Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu zhinji. (1 Timotio 6:10) Mubvunzurudzo muU.S.News & World Report, Dr. Douglas LaBier akataura kuti majaya mazhinji nemhandara vanoronda pfuma “vanoshuma kunzwa kwokusagutswa, funganyo, kupera mwoyo, kusava namaturo, upengo, pamwe chete nenyunyuto dzakawanda pamusoro pomuviri—kutema kwomusoro, kurwadziwa nomusana, zvinetso zvomudumbu, kusavata, zvinetso zvokudya.”
13. Neiko kwakanakisisa kugutswa ne“zvokudya nezvokupfeka”?
13 Avo vanovimba naJehovha kuti avagovere vanozvidzivisira vamene marwadzo akawanda nefunganyo. Chokwadi, kugutswa ne“zvokudya nezvokufuka” chete kungareva mupimo une mwero zvikuru wokurarama. (1 Timotio 6:8) Asi “pfuma haibatsiri chinhu nezuva rokutsamwa.” (Zvirevo 11:4) Kupfuurirazve, patinowedzera basa redu kuna Jehovha, tinozvipinza timene mumutsetse we“chikomborero chaJehovha” icho “chinopfumisa, uye iye haawedzeri marwadzo nacho.”—Zvirevo 10:22.
“Tsvaka Rugare Urutevere”
14, 15. (a) Rudzii rwenhau padzimwe nguva dzakavhiringidza rugare rwedziungano? (b) Rugare runogona sei kurondwa apo kusabvumirana kunoitika?
14 Imwe nzira yatinoratidzira nayo chivimbo chedu muna Jehovha “kutsvaka rugare ndokurutevera” pakati pavatendi biyedu. (1 Petro 3:10-12, NW) Padzimwe nguva, kunyanguvezvo, zvinhu zviduku zvinobvumirwa kuva manyuko ekakavadzano inokasharara pakati pehama: kushongedzwa kweHoro yoUmambo, gadziridzo mundima dzeungano, migove yeFundo yeBhuku, kutarisirwa kwemigove yamagazini namabhuku. Kana kuti, muzvimwe zvinoitika, panzvimbo pokupedza kakavadzano dzomunhu oga kana kuti dzebhizimisi nomudzimu waMateo 18:15-17, hama dzakarega kutaura kune imwe neimwe kana kuti dzakavhiringidza ungano negakava radzo.
15 Jakobho anoti: “Chibereko chokururama chinodyarwa parugare navanoita rugare.” (Jakobho 3:18) Mukufarira rugare, naizvozvo, iva anodisa kutera kuzvishuvo kana kuti mirangariro yavamwe, kunyange kurega maruramiro omunhu oga. (Enzanisa naGenesi 13:5-12.) Somuenzaniso, kana ungano mbiri dzichigoverana Horo yoUmambo, ungano imwe haifaniri kuva nechimiro chokuti horo “ndeyayo” uye ine chiremera chokuraira nguva dzomusangano kana kuti mamwe mabasa kana kuti zvimwe zvinhu kuimwe ungano. Kuremekedzana nebatira pamwe zvinofanira kutekeshera.
16. Chii chiri ukoshi hwokuziva nhevedzano youbati ushe hwoumwari mumusha nomuungano?
16 Kakavaro dzakawanda dzinogona kudziviswa patinongoziva bedzi nhevedzano youbati ushe hwoumwari ndokuchengeta nzvimbo yedu yakafanira. (1 VaKorinte 11:3; VaEfeso 5:22-27) Apo vadzimai vanoremekedza zvishuvo zvavarume vavo, vana mirairo yavabereki vavo, vabatiri vanoshumira nhungamiro inobva kuvakuru, mabasa avo ano“parira kukura [kweungano] nokuda kwokuvakwa kwayo imene murudo.” (VaEfeso 4:16, NW) Sezvinobvumwa, padzimwe nguva, varume, vabereki, uye vakuru vanokundikana. (VaRoma 3:23) Asi ko kupandukira, kunyunyuta, kana kuti kudzivisa miraidzo inosundwa zvakanaka kunovandudza mugariro wacho here? Kuri nani zvikuru sei kuchengeta nzvimbo yedu yakagoverwa naMwari ndokutsvaka rugare!
Kuzvishandisa Timene Mumunda
17. (a) Zvikonzeroi zvinopa vamwe zvokuva negoverano duku bedzi mubasa rokuparidzira? (b) Kristu akakurudzira sei maKristu kuita kudzvinyiriro dzanhasi?
17 Nokuda kwavazhinji, kunyanguvezvo, denho hurusa kuita basa rechiKristu rokuparidzira mashoko akanaka. (Mateo 24:14; 28:19, 20) Vamwe vanongova zvavo negoverano duku mubasa romumunda, zvichida vachitaura kuti dzvinyiriro dzokuwana chokurarama nacho nokurera mhuri inokuita kuti kuvaomere kuita zvakawanda. Sezvinobvumwa, dzvinyiriro dza“mazuva okupedzisira” dzinotyisa. (2 Timotio 3:1) Jesu, zvisinei, akanyevera pamusoro poku‘remedzwa nefunganyo dzoupenyu.’ Sezvo migariro inoipa zvikuru, maKristu anofanira ku‘zvimisa amene kuti tote ndokusimudza misoro yawo.’ (Ruka 21:28, 34) Imwe yenzira dzakanakisisa dzo“kumira [nadzo] zvakasimba” mukurwisana nedenho dzaSatani ndeyokuita kuti “tsoka [dzedu] dzisungwe neshongedzerwo yamashoko akanaka”—kugoverana nguva dzose mukuparidzira!—VaEfeso 6:14, 15, NW.
18. Chii chingava chikonzero nei vamwe vachirega kuva negoverano yakazara mubasa rokuparidzira?
18 Shure muzuva raPauro, maKristu akawanda (muungano dzakati) akanga “achitsvaka fariro dzawo amene, kwete idzo dzaKristu Jesu.” (VaFiripi 2:21, NW) Ikoku kungagona kuva kwechokwadi here nezvavakati kuti vari pakati pavo nhasi? Zvichida vanokundikana kurangarira kutsvaka Umambo sezvakaita munhu uya akawana “parera rimwe rine mutengo mukuru” raaizoregerera zvimwe zvinhu zvipi nezvipi. (Mateo 13:45, 46) Vachitera kuudyire, ivo vanotora nzira iri nyore zvikurusa ndokuita zvavo basa shomanene. Yeuka, kunyanguvezvo, rudo nokuda kwaJehovha uye nokuda kwomunhu biyedu runosunda maKristu echokwadi kuparidzira, kunyange kana kutanga kutaura navaenzi kuchipesana nekombamiro yedu yomuzvarirwo.—Mateo 22:37-39.
19. Neiko Jehovha asingafadzwi nenhamburiko dzinodziya, uye tingayera sei basa redu timene kwaari?
19 Kana tisingasundwi kuparidzira, ipapo rudo rwedu nokuda kwaJehovha nechivimbo chedu maari zvishomanene zvikuru. “Ziva Mwari wababa vako, umushumire nomwoyo wakarurama,” Dhavhidhi akapa zano Soromoni kudaro, “nokuti Jehovha unonzvera mwoyo yose, unonzwisisa ndangariro dzose dzemifungo.” (1 Makoronike 28:9) Jehovha haanyengedzwi nenhamburiko dzinodziya. Kunyange goverano yenguva dzose mubasa romumunda haimugutsi kana tichingopa bedzi zvishomanene hazvo zveizvo tingagona kuita kudai tai‘zvishandisa timene nesimba.’ (Ruka 13:24) MuKristu mumwe nomumwe anofanira nokudaro kuongorora nokutendeseka goverano yake mubasa romumunda ndokuzvibvunza amene, kuti: ‘Ndiri kuita chaizvoizvo here zvose zvandinogona?’ Zvichida gadziridzo muzvinokosha zvedu inofanira kuitwa.
Kusundwa “Kuita Zvakanaka” Nemienzaniso Yavamwe
20. Neiko kwakafanira kunzvera mienzaniso yakanaka inogadzwa namaKristu biyedu?
20 Basa redu kuna Mwari hariitwi mu“kuenzanisa nomumwe munhu.” (VaGaratia 6:4, NW) Kunyanguvezvo, mienzaniso yakanaka yavamwe inogona kazhinji kazhinji kutisunda kuita zvakawanda. Muapostora Pauro amene akati: “Ivai vatevedzeri vangu, kunyange sezvo ini ndiri waKristu.” (1 VaKorinte 11:1, NW) Rangarira, ipapoka, kuti inguva yakawanda sei hama dzedu dziri kupedzera mubasa romumunda mwedzi mumwe nomumwe. MuUnited States, avhareji yamaawa yomuparidzi yakakwira kubva pamaawa 8,3 muna 1979 kusvikira kumaawa 9,7 muna 1987! Hama dzedu dzave dzichiwedzera nenzira yakatsiga nguva yadzinopedzera mumunda. Ikoko ndokwechokwadi nezvako here?
21. Chii chakasunda vazhinji kupinda mubasa roupiona? Enzanisira.
21 Zvichisundwa nemienzaniso yokushingaira yavamwe, zviverengero zvikuru zviri kupindawo mubasa roupiona hwenguva dzose. MuCalifornia (U.S.A.) imwe hanzvadzi duku inonzi Angela akapiwa basa rinokwezva, kubatanidza mari yokundodzidza kukoreji yechisarudzo chake. Angela, panzvimbo pezvo, akasarudza ushumiri hwenguva yakazara. Chikonzero chake? “Kupfurikidza nokusonganirana namapiona akawanda, ndaigona kuona mufaro mukuru chaizvoizvo negutsikano kwete chete navo vamene asi noukama hwavo naJehovha. Ndakada kuva nouyu mufaro mukuru negutsikano.”
22. Ndedzipi dziri betsero dzokushandisa zvinhu zvinodzidzwa?
22 Ko iwe unoda “mufaro mukuru negutsikano here”? Ipapo “vimba naJehovha uite zvakanaka”! Ita kuti zvaunoziva zvikusunde kuita unani hwako mubasa raJehovha. Kushandisa zvinhu zvinodzidzwa kuchaita kuti fambiro mberi yako yomudzimu ioneke kuvose uye kuchabetsera vamwe kupinda munzira inoponesa upenyu. (1 Timotio 4:15, 16) Naizvozvo, vose ngavaite chimwe chinhu kumashoko aPauro ari pana VaFiripi 4:9, anoti: “Zvinhu izvo zvamakadzidza, nezvamakapiwa, nezvamakanzwa, nezvamakaona kwandiri, itai izvozvo; Mwari worugare ngaave nemi.”
Mapfundo Ehwirudzuro
◻ Ndokupi kunofanira kuva kuita kwedu mukuongorora muchionioni cheShoko raMwari?
◻ Tingavandudza sei mumutoo wedu wokubata navamwe?
◻ Neiko kuri kusachenjera kuronda zvinhu zvokunyama?
◻ Tinogona sei kutsvaka rugare muungano?
◻ Chii chinofanira kutisunda kuva negoverano yakazara mubasa romumunda?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Hakuna kukwana kucherekedza zvikanganiso nemhosho zvomudzimu. Tinofanira kuita chimwe chinhu kuzviruramisa!
[Mifananidzo iri papeji 18]
Avo vanoronda pfuma kazhinji kazhinji vanounza pavari vamene “marwadzo mazhinji”