RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 7/1 pp. 28-30
  • Vashandisi Zvisakafanira Vo‘urombo Nokusaziva’ Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vashandisi Zvisakafanira Vo‘urombo Nokusaziva’ Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ChiKristu—Chikonzero Nei Icho Chakafadza Vanozvininipisa
  • Mwari Haasaruri
  • Nguva Dzazvino Uno
  • Zvapupu zvaJehovha
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Batsirwa Nedzidzo Yakanaka Kupfuura Dzose Iripo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Kuchengeta Dzidzo Iri Munzvimbo Yayo
    Mukai!—1994
  • “Mudzidze Kwandiri”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 7/1 pp. 28-30

Vashandisi Zvisakafanira Vo‘urombo Nokusaziva’ Here?

“ZVAPUPU ZVAJEHOVHA . . . zvinoshandisa zvisakafanira varombo, vanoregeredzwa, uye kusaziva kwechikamu chakanaka chavanhu vedu,” akadaro munyori weMexico Jorge García, “kuti zvidzore hana yavo nenzira inofambira mberi.”—Excelsior yaMarch 9, 1983.

Pomero dzakafanana paZvapupu zvaJehovha dzinowanzonzwiwa muLatin America. ‘Hakuna munhu anokosha anombova mumwe weZvapupu zvaJehovha,’ vanodaro vanhu vane unyanzvi, vezvamatongerwe enyika, uye vatungamiriri vorudzidziso. ‘Zvapupu zvaJehovha zvinowana vateveri vazvo muvanhu varombo, vasingazivi.’ Ichokwadi kuti vazhinji veZvapupu zvaJehovha vanhu vane zvishoma, ikoku kunoreva here kuti Zvapupu zvaJehovha zviri ‘kushandisa zvisakafanira urombo, vanoregeredzwa, uye kusaziva?’ Ko idi rokuti vanhu vazhinji vanozvininipisa navarombo vanogamuchira dzidziso dzazvo rinoreva here kuti dzidziso dzakadaro dzakaipa?

Kupindura iyi mibvunzo, ngatikufungei tichidzokera shure kuzana rokutanga ramakore reNguva yedu yaVose. Rudzii rwavanhu rwaikwezverwa kuchiKristu shure panguva iyeyo?

ChiKristu—Chikonzero Nei Icho Chakafadza Vanozvininipisa

Vatsoropodzi vomuzuva razvino uno veZvapupu zvaJehovha vari kungodzokorora zvavo mashoko avashori vomuzana rokutanga ramakore vechiKristu. Rangarira, somuenzaniso, vazivi vechiGiriki avo vaigara muguta rakare reKorinte. Muapostora Pauro akakutaura achiti, “vaGiriki vanotsvaka uchenjeri.” (1 VaKorinte 1:22) Ivo vaida, chokwadika, kwete uchenjeri hweBhaibheri, asi zvibvumikiso zvouzivi zvakaoma kunzwisisa. Uye apo muapostora Pauro “asina kuuya namashoko oupenzi kana kuti ouchenjeri” asi akapa panzvimbo pezvo shoko rakapfava ra“Kristu, uye iye akarovererwa,” chiKristu chakanyombwa navazhinji so“upenzi.”—1 VaKorinte 1:23; 2:1, 2.

Ko Pauro akanga ‘achishandisa zvisakafanira kusaziva,’ ipapoka, mukufadza vanozvininipisa navanozvidukupisa pamwe chete navamwe vagari veKorinte here? Nyangwe. Pauro akatsanangurira maKristu omo, kuti: “Nokuti tarirai kudanwa kwenyu, hama dzangu, kuti havasi vazhinji vakachenjera panyama vakadanwa, . . . asi Mwari wakatsaura zvinhu zvoupenzi zvenyika, kuti anyadzise vakachenjera; . . . kuti kurege kuva nenyama ingazvikudza pamberi paMwari.”—1 VaKorinte 1:26-29.

Kuvambira pamavambo pamene, chiKristu chakanga chave chiri rudzidziso rwaikwezva zvikurukuru vanhu vakaderera, vanozvininipisa. Vaapostora 12 vaJesu—nheyo yechechi yake—havana kutorwa pakati pavanyori navaFarise vakadzidza. (VaEfeso 2:20) Panzvimbo pezvo, ivo vakabva muboka rinoshanda, vana vachiva varedzi. (Mateo 4:18-22; 10:2, 3) Ivo vaiva varume vairangarirwa navatungamiriri vorudzidziso sa“vasina kudzidza nevenhando,” kureva kuti dzidzo yavo yaiva yokutanga ndizvo kwete vakabva kuzvikoro zvedzidzo yakakwirira. (Mabasa 4:13, NW) Vanyori navaFarise “vakadzidza” vakazvidza Mesia akamirirwa kwenguva refu, vachinyomba dzidziso dzake navateveri vake. Ivo vakava nechimiro chokuti ‘hakuna munhu anokosha anotevera Jesu.’

Yeuka zvakaitika pane imwe nhambo apo vakatuma vatariri kuti vando“bate” Jesu. Vatariri vakadzoka vasina. Neiko? Chinoti chinyorwa cheBhaibheri: “Vatariri vakapindura, vachiti: ‘Hakuno munhu wakatongotaura nokutaura kwomunhu uyo.’” Hungu, ivo vakashamiswa nedzidziso dzaJesu! Bva, vatungamiriri vakadzidza vorudzidziso vakapindura sei? “Naizvozvo vaFarise vakapindura, vakati: ‘Nemiwo matsauswa kanhi? Kuvakuru nokuvaFarise hakuno mumwe wakatongotenda kwaari here?’” (Johane 7:32, 44-48) Rudado nokudaro rwakavadzivisa kugamuchira Jesu. Chokwadi, Bhaibheri rinotaura kuti “vazhinji vavabati vakatenda kwaari; asi vakanga vasingamureururi nokuda kwavaFarise, kuti varege kubudiswa musinagoge; nokuti vakanga vachida kukudzwa navanhu kupfuura kukudzwa naMwari.”—Johane 12:42, 43.

Fungidzira ikoko! Ava varume vakapwiswa zvomenemene kuti Jesu aiva nezvokwadi, asi ivo vakaramba kuva vadzidzi vake nemhaka yokutya vanhu. Kwakanga kusati kuchiva kwakakodzera kuti ava vatongi varege nzvimbo yavo mumapoka enzanga, ezvamatongerwe enyika, uye orudzidziso kuti vave vateveri vaJesu. Hakushamisi kuti Jesu akati: “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Zvinoremera mufumi kupinda muushe hwokudenga”! (Mateo 19:23) Naizvozvo, vose zvavo, vakadaro vainyanyodada zvokusagona kutevera rudzidziso rwaivada nenzira yokuzvininipisa kuti ‘vatakure danda ravo rokutambudzira ndokutevera Jesu.’ (Mateo 16:24) Kristu nokudaro akati mumunyengetero: “Ndinokuongai Baba, Ishe wokudenga napasi, kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvi, mukazvizarurira vacheche.” (Ruka 10:21) Mukusafanana navangwaru venyika, vakadaro vaigamuchira zvokwadi.—Enzanisa naMateo 18:3.

Mwari Haasaruri

Mudzidzi Jakobho akanyora, achiti: “Ko Mwari haana kusanangura varombo venyika here kuti vave vapfumi pakutenda, navadyi venhaka youshe hwaakapikira vanomuda?” (Jakobho 2:5) Ikoku kwakareva, ipapoka, kuti avo vane pfuma nedzidzo yenyika vairambidzwa kubatira Mwari here? Nyangwe! Pashure pokunge mutendeuki wokutanga waVamarudzi, Kornerio, agamuchira mudzimu mutsvene, Petro akati: “Zvirokwazvo ndinoona kuti Mwari haasi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35) Zvichida Petro akayeuka mashoko aJehovha kuna Samueri, akataurwa mazana amakore kare, anoti: “Nokuti Jehovha haaoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.”—1 Samueri 16:7.

Nenzira inofadza, ipapoka, Bhaibheri rinotaura kuti “boka guru ravaprista rakavamba kuteerera kutenda.” (Mabasa 6:7, NW) MaKristu akawanwawo, mu“imba [ine mukurumbira] yaKesari.” (VaFiripi 4:22) Uye kunyange zvazvo voruzhinji vamaKristu vaiva varombo, kwaiva navamwe vaiva muungano vakanga vakapfuma.—1 Timotio 6:17.

Nguva Dzazvino Uno

Hakufaniri kutishamisa, ipapoka, kuti zvokwadi nhasi yakabereka chibereko zvikurukuru pakati pavanhuwo zvavo. Jehovha achiri kutarira, kwete paakaundi yebhangi yomunhu kana kuti dzidzo yokunyika, asi pamwoyo. (Zvirevo 21:2) Yeukawo, kuti Jesu akati: “Hakuno munhu ungauya kwandiri, kana Baba, vakandituma, vasingamukwevi.” (Johane 6:44) Zvamazvirokwazvo, Baba vaizokwevera kwavari vamene bedzi avo vaizvininipisa navanodzidzisika, havasati here?

Zvisinei, uku hakusi kutaura kuti vanhu vakadzidza navanonzi nyanzvi havasi kuva Zvapupu zvaJehovha. Apo Pauro akapa kutsanangurwa kwakapfava, bva kune simba kwezvokwadi pamberi paMambo Agripa, mambo akabvuma, kuti: “Unenge unodokundiita muKristu nenguva duku.” (Mabasa 26:27, 28) Nenzira yakafanana, vazhinji vakadzidza vakakwezverwa kuzvokwadi nokutsanangurwa kwakajeka nokune mufungo kwezvokwadi yeBhaibheri uko Zvapupu zvaJehovha zvinopa. Yeuka, munhu anozvininipisa haasati zvake ari asina kudzidza. Mosesi akanzi “munyorosa wavanhu vose vakanga vari pamusoro papasi.” (Numeri 12:3, NW) Bva, iye akanga “araidzwa muuchenjeri hwose hwavaEgipita.”—Mabasa 7:22, NW.

Kunokosha, kunyanguvezvo, kuti apo vanhu vedzidzo duku yokunyika vanovamba kusonganirana neZvapupu zvaJehovha, ivo kazhinji kazhinji vanoita nhanho dzokuvandudza unyanzvi hwavo hwedzidzo. Ivo vanoedza kuvandudza tsika dzavo dzokurava nokufunda kuti vadzidze zvokwadi dzehwaro dzeBhaibheri ndokuvambirana nokuyerera kwakatsiga kwamabhuku eBhaibheri anobudiswa neZvapupu zvaJehovha. Kana munhu wapachokwadi achida kudzidza Bhaibheri asi achidziviswa nokusagona kurava nokunyora, muraidzo wapachena kazhinji kazhinji unogona kurongwa kupfurikidza neungano yomunzvimbomo.

Watchtower Society inotobudisa kabhukwana kane musoro unoti Dzidzai Kurava Nokunyora. Aka kabhukwana kakabetsera zviuru zvakawanda zvavanhu kudzidza kurava muAsia, Africa, uye Central neSouth America. Munyika imwe yeLatin America, vane 51 249 vakadzidza kurava nokunyora mumakore 26 apfuura nebetsero yeaka kabhukwana! Mumusha mumwe muduku weLatin America, sipikita weBato reDzidzo akasangana pamwe chete navamiriri vamasangano akasiana-siana anoverengeka—kubatanidza Zvapupu zvaJehovha. Chapupu chaivapo chakavaudza pamusoro pekabhukwana kanonzi Dzidzai Kurava ndokukokera boka racho kumumwe wemisangano yeZvapupu.

Boka rakapinda Chikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwoumwari—musangano wakarongedzerwa kubetsera varume navakadzi kuva vadzidzisi vanobudirira. Kushamisiko yavo, ivo vakaona mumwe murume uyo ivo vakanga vaziva saasingagoni kurava nokunyora—ari pachikuva achipa hurukuro yeBhaibheri! Akati mumwe wavashanyi, mukuru wechikoro: “Hakubviri kuti uyu murume watakaziva nguva dzose saasingagoni kurava nokunyora anokwanisa kukurukura muchiSpanish [panzvimbo pekamutauro kake], ndoda zvikuru kutaura kuvateereri, asi ari kudaro.”

Naizvozvo panzvimbo pokushandisa zvisakafanira vanhu vakaderera, maKristu echokwadi nhasi ari kuvabetsera kuzvivandudza vamene kupfurikidza nokubatsira kusvika pazivo yezvokwadi. MaKristu akadaro ari kuita basa redzidzo Jesu akaraira paakati: “Naizvozvo endai muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai.” (Mateo 28:19, 20, NW) Uye somuuyo, gore rimwe nerimwe makumi ezviuru anobva mumwero uri wose wechaunga ari kukumbanira Zvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe