Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Ko vaJudha vaiva nechiremera chapamutemo chokuuraya Jesu here, sezvinokarakadzwa namashoko aPirato ari pana Johane 19:6?
Hatigoni kuva nechokwadi kana panguva iyoyo vaRoma vakapa vaJudha chiremera chokuuraya.
Pashure pokunge vatungamiriri vechiJudha vanyandura kusungwa kwaJesu, vakava nechimiro chakati chokutonga. Mukati mokutonga ivo “vakatsvaka uchapupu hwenhema kuti vapomere Jesu, vamuuraye.” Pakupedzisira, vakati Jesu ane mhaka yokutuka Mwari ndokutaura kuti iye nokudaro “unofanira kufa.” (Mateo 26:59, 60, 65, 66) Asi pashure poku“rangana pamusoro paJesu kuti vamuuraye,” vakamuendesa kuna gavhuna weRoma, Pirato.—Mateo 27:1, 2.
Iyi migariro yakatungamirira vazhinji kugumisa kuti vaJudha panguva iyeyo vakanga vasina mvumo yava Roma yokuuraya Jesu Kristu papomero iyoyo yorudzidziso. Sezviri pachena inosimbisa uyu murangariro imhinduro yavaJudha apo Pirato akavaudza kutonga akapomerwa mhosva pasi pomutemo wechiJudha. Ivo vakapindura, kuti: “Hatina kutenderwa isu kuti tiuraye munhu.” (Johane 18:31) Kutaura idi, gamuchidzanwa rinorondedzerwa muJerusalem Talmud rinotaura kuti anenge makore 40 pamberi poruparadziko rweJerusarema muna 70 N.V., vaJudha vakarasikirwa nechiremera chavo chokuuraya vaiti vezvakaipa.
Ndokwechienzi sei, ipapoka, kurava mashoko aPirato ari pana Johane 19:6. Achipindura danidziro dzakabva kuvatungamiriri vorudzidziso dzokurovererwa kwaJesu, Pirato akavaudza, kuti: “Chimutorai imi, mumurovere pamuchinjikwa, nokuti ini handiwani mhosva kwaari.” Uku kutaura kunoratidzika kuva kunorwisana neizvo vaJudha vakanga vataura pana Johane 18:31.
Wezvenhau wechiJudha Flavius Josephus anogovera nhauro yechapupu chakaona iyo ingajekesa iyi rwisano. Iye anoshuma kuti mukati medenho yeRoma paJerusarema muna 70 N.V., vapanduki vakadzokera shure ndokupinda munzvimbo yetembere. Vamwe vaava varwi vaiva neropa munharaunda dzaiva kunze kwemiganhu nemhaka youtsvene hwadzo. Asemeswa nouku kuzvidzwa kweiyo kunyange vaRoma vairangarira kuva nzvimbo inoyera, General Titus akadanidzira, kuti:
“Imi vanhu vanosemesa! Hamuna here kuvaka rusvingo irworwo [kana kuti mupingo wakaderera unoparadzanisa rutivi rworuvazhe] kuti mudzivirire Imba yenyu Tsvene? Hamuna here pano nepano parwuri kuisa mabwe akanyorwa mabhii echiGiriki needu timene, anorambidza munhu upi noupi kupfuura rusvingo? Uye hatina kukupai here mvumo yokuuraya munhu upi noupi airupfuura, kunyange kana akanga ari muRoma? Neiko ipapoka, imi vanhu vane mhaka, muri kutsika-tsika zvino miviri yakafa iri mukati marwo?”—The Jewish War, rakashandurwa naG. A. Williamson, peji 312. Kutsveyamisa mashoko kwakawedzerwa.
Nokudaro, kunyange kudai vaRoma vasina kurega vaJudha vachishandisa chirango chokuuraya nokuda kwemhaka dzavanhu, kunoratidzika kuti vakapa chiremera chokuuraya nokuda kwemhaka dzorudzidziso dzakakomba dzakati. VaJudha avo vakapa Jesu kuna Pirato vangave vakakufunga kuva kunodikanwa kurega vaRoma vachiuraya, zvichida kuita kuti rufu rwake ruve rwakaipa zvikuru, naizvozvo danidziro ipi neipi yavanhu yaizonangidzirwa pavaenzi. (VaGaratia 3:13; Dheuteronomio 21:23) Pirato, kunyanguvezvo, sezvinobvira achida kudzivisa chinetso ichocho, akavaudza kuti: “Mutorei imi mumene mumurovere.” Iye angave airatidzirawo, kuti airangarira kuti kana nhau yacho yaiva yorudzidziso youkombi hwakakwana, vatungamiriri vechiJudha vanofanira kuva nomutoro wokuuraya Jesu.
[Mifananidzo iri papeji 31]
Runyoro urwu rwaparuvazhe rwetembere (ona mufananidzo) rwakarambidza Vamarudzi kupfuura rusvingo rwakaderera rwetembere
[Kwazvakatorwa]
Mufananidzo weguta reJerusarema panguva yetembere yechipiri—uri panzvimbo yeHolyland Hotel, Jerusarema
[Kwazvakatorwa]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.