Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Zvokwadi yoUmambo Inokura muSri Lanka
SRI LANKA, kureva kuti “Nyika Yakaisvonaka,” izita rakare rakadzorerwa kuichi chitsuwa chakaisvonaka chichiri kuzivikanwa kuvazhinji nezita racho rekoroni, “Ceylon.” Nemhaka yenzvimbo yacho muIndian Ocean, chakanziwo Teardrop of India asi misodzi yacho yose yave isati iri iya yomufaro somunguva ichangobva kupfuura iyi sezvo masimba masimba edzinza akamuka, achiita misoro yenhau munyika yose.
Bva, munowo zvokwadi yoUmambo inokura. MuKristu wechiBuddha, wechiHindu, wechiMuslim, wechiParsi, uye wezita, ari kudzidziswa kuti Umambo hwaJehovha bedzi hunodzorwa naKristu Jesu hunogona kuunza kuporesa kusingagumi kumaronda edzinza neezvamatongerwe enyika anoparadzanisa nzanga. Zvinoitika zvinotevera zvinoratidza kukura kwezvokwadi yoUmambo muiyi “Nyika Yakaisvonaka.”
◻ Salimoon akarerwa kuti adavire kuti Qur’an iShoko raMwari. Asi iye aisatongogona kubvuma zvizere kuti Mwari ane ngoni zvikuru angatambudza vanhu muhero inopisa. Rimwe zuva Zvapupu zvaJehovha zvakamukoka kumusangano. Achiziva zvokwadi pakare pakarepo, iye haana kutongotarisa shure, uye iye zvino anobatira nomufaro somukuru muungano yechiKristu.
◻ Harry, muBuddha kwoupenyu hwose uyo akanga aratidzira kutenda kwake kworudzidziso kupfurikidza nokufamba pamarasha anopfuta, haana kukwanisa kutevera nheyo dzaiva mudzidziso dzechiBuddha yenzira sere: (1) nzwisiso yakarurama, (2) mufungo wakarurama; (3) mutauro wakarurama; (4) chiito chakarurama; (5) kurarama kwakarurama; (6) nhamburiko yakarurama; (7) ngwariro yakarurama; uye (8) kupa ngwariro kwakarurama. Idzo dzinofanira kuzadza rutivi rwuri rwose rwoupenyu hwomunhu. Kunyange zvazvo aizvifunga amene somuBuddha akanaka, kusvuta kwake, kunwa, nomumwe mufambiro usakafanira zvakasakisa zvinetso nemhuri yake. Pakupedzisira, iye akasarudza kufunda Bhaibheri. Bva, hakuna munhu akazvipira kufunda naye. Iye akanzwa kuti Zvapupu zvaJehovha zvingave zvichidisa, naizvozvo iye akapinda musangano paHoro yoUmambo, uye fundo yakarongwa. Chimwe cheZvapupu chaichimbova cheMuslim chakamubetsera kudzidza izvo Bhaibheri rinodzidzisa. Zvino, pakupedzisira, iye akawana simba rakabva kuna Jehovha rokutevera nenzira inobudirira nzira yenheyo dzakarurama. Iye ari kufara kubatira somubatiri anoshumira uye ari kuita rongedzero dzokupinda muushumiri hwoupiona.
Naizvozvo zvokwadi yoUmambo inokura muSri Lanka, uye zvino mune Zvapupu 1 086 muiyi nyika yakaisvonaka. Uku kukura kunoreva kuti nzvimbo huru yebazu inodikanwa, uye nzvimbo yaiyoyi iri kutsvakwa. Hama dziri kuvakawo Horo dzoUmambo itsva. MuPuttalam ungano yakaumbwa nemhuri gumi yakasarudza kuvaka Horo yoUmambo uye kuivaka yakakura zvakakwana nokuda kwamagungano edunhu. Horo yacho yakapedzwa munguva nokuda kwegungano redunhu, apo pakapinda 107. Zvino ungano yacho yave kudokupetwa ruviri, navanopfuura 75 vanopinda misangano inoitwa muzvose zviri zviviri chiTamil nechiSinhalese. Uye muchine nzvimbo yakakura yokumwe kukura.
Uporofita hweBhaibheri hunozadzikwa hunonongedzera kuidi rokuti nokukurumidza zvikuru musodzi uri wose worusununguko uchapukutwa mumeso ose seizvo Mwari akapikira. Kunyange mifungo yamasimba masimba edzinza haisati ichizopinda mumwoyo. (Zvakazarurwa 21:4; Isaya 65:17) Uye muuyu “musodzi” wakaisvonaka wechitsuwa, misodzi yomufaro ichabudiswa sezvo miuyo yechibereko chine rugare choUmambo hwaMwari inopfuurira kufarikanywa nokusingagumi.