Rokupedzisira Ramasimba Makuru Enyika
Apo bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rakanyorwa, anodokusvika makore ane 1 900 apfuura, rakataura kuti “madzimambo” mashanu, kana kuti masimba enyika, akanga atouya ndokuenda. Iwaya akanga ari Egipita, Asiria, Bhabhironi, Medhia nePersia, uye Girisi. Rechitanhatu, Roma, rakanga ‘richipo,’ asi rechinomwe rakanga risati rasvika. (Zvakazarurwa 17:10) Chii chakanga chiri simba renyika rechinomwe iroro? Rakavapo sei? Uye chii chicharitevera? Mhinduro kuiyi mibvunzo inokosha inhau yeiyi nyaya.
GADZIRIRO huru yenhau yenyika makore anopfuura 2 500 apfuura yakapiwa pachine nguva mberi mubhuku rinoparadzirwa zvikurusa nyika yati yaziva. Bva, vanhu vashomanene zvikuru vane kopi yebhuku iroro, Bhaibheri, havana pfungwa ipi neipi yamashoko anoshamisa ayo rinaro.
Somuenzaniso, anopfuura makore 500 pamberi pokuberekwa kwaJesu Kristu, muporofita Dhanieri akanyora chiono chakafuridzirwa nenzira youmwari machiri masimba makuru enyika chibviro chenguva yake akamirirwa nezvikara zvine simba. Chikara chimwe nechimwe chaiva namavara esimba renyika iro chakamirira. Umambo hweRoma hune simba hwakarondedzerwa semhuka huru “yaityisa nokuvhundutsa, ine simba guru kwazvo.” Dhanieri akataura kuti “iyo yakanga yakasiana nemhuka dzose dzakaitangira; yakanga ine nyanga gumi.”—Dhanieri 7:2-7.
‘Runyanga Ruduku’
Pashure penguva yakati, Umambo hweRoma hwakakura zvokufukidza nharaunda yakabva kuBritish Isles kudzika kugura yakawanda yeEurope, kusvikira makapoteredza Mediterranean uye kupfuura Bhabhironi kusvikira kuPersian Gulf. Umambo hune simba ihwohwu pakupedzisira hwakapunzika kuva marudzi akawanda—kuva “nyanga dzine gumi” idzo Dhanieri akaona.a Ipapo Dhanieri akaona “rumwe runyanga [irworwo], ruchibuda pakati pedzimwe, ruri ruduku, dzimwe nyanga nhatu pane dzokutanga dzikadzurwa nemidzi yadzo pamberi parwo.” (Dhanieri 7:8) Ikoku kwakarevei?
Dhanieri akaudzwa, kuti: “Kana dziri nyanga dzine gumi, paushe uhwu [hweRoma] pachamuka madzimambo ane gumi, asi mumwezve uchamuka shure kwavo [‘runyanga ruduku’]; iye uchasiana navamwe vokutanga, uchakunda madzimambo matatu.” (Dhanieri 7:24) Ndiani akanga ari ‘runyanga ruduku,’ uye ndivanaani vakanga vari madzimambo matatu iye akakunda?
Chitsuwa chiri kumusoro mukona rokuchamhembe kwakadziva kumadokera kwoUmambo hweRoma chakanga charamba kwenguva refu chiri pamucheto pezvinoitika zvenyika. Mumwe wezvenhau akatsanangura, kuti: “Muzana ramakore regumi nerechitanhatu, England yakanga yave iri simba rakaderera. Pfuma yayo yakanga iri duku kuenzaniswa neiyo yeNetherlands. Vanhu vayo vose vakanga vari vashoma zvikuru kupfuura avo veFrance. Mauto ayo akashongedzerwa (kubatanidza mauto ayo omugungwa) akanga akaderera kune eSpain.” Zvisinei, England yakakudziridza ngarava dzehondo dzomugungwa dzoukoshi hwakati, uye vadenhi vayo navapambi vakavamba kudenha makoroni eSpain nengarava dzayo dzaiva nepfuma huru.
Nyanga Nhatu
Muna 1588 Phillip II weSpain akatanga kurwisa Spanish Armada navatambudzi vake veEngland. Iri boka rengarava 130 rakanga rakatakura varume vanopfuura 24 000 rakakwasva zvishoma nezvishoma richikwira neEnglish Channel, kuzongova bedzi nyajambwa wemhepo dzinorwisana namadutu anotyisa eAtlantic. MuModern Europe to 1870, wezvenhau Carlton Hayes anonyora kuti ichi chinoitika “chakaratidzira kupfuura kunokosha kwoukuru hwengarava dzehondo dzomugungwa kuchibva muSpain kuenda muEngland.”
Muzana ramakore rechi 17, vaDutch vakakudziridza nokure ngarava hurusa dzokushambadzira munyika. Ngarava dzavo dzakatonga makungwa, uye vakakweretesa mhindu yavo kuhurumende kwose kwose. Asi namakoroni ayo anokura emhiri kwamakungwa, England yakakurira munowo.
Ipapo, muzana ramakore rechi 18, maBritish namaFrench vakarwa munzvimbo dzakaparadzana zvikuru zvakadai seNorth America neIndia, kuchitungamirira kuTreaty of Paris muna 1763. Pamusoro pacho, William B. Willcox akanyora mubhuku rake Star of Empire—A Study of Britain as a World Power kuti kunyange zvazvo chibvumirano chakaoneka kuva kubvumirana pane zvisina kufanira, “zvomenemene icho chakabvuma nzvimbo itsva yeBritain sesimba rakatanhamara reEurope munyika mberi kweEurope.”
Vamwe vezvenhau vanobvuma, vachiti: “Mumazana maviri amakore ehondo navaSpain, vaDutch, uye vaFrench, Great Britain yakabuda muna 1763 sesimba gurusa rezvokutengeserana neramakoroni munyika.” (Modern Europe to 1870) “Muna 1763 Umambo hweBritain hwakabatanidza nyika seRoma yakamutsidzirwa neyakakudziridzwa.” “Ihwo hwakabuda muhondo dzapakati pezana ramakore hwava umambo hukurusa nohwakasimba zvikurusa—uye rinovengwa zvakakwana zvikurusa—simba munyika.” (Navy and Empire, rakanyorwa naJames L. Stokesbury) Hungu, urwu ‘runyanga ruduku’ rwakanga rwakura kuva simba renyika rechinomwe renhau yeBhaibheri.
MaBritish akakwira naNire uye kuyambuka Rwizi rwaZambezi. Ivo vakapinda muUpper Burma, North Borneo, uye zvitsuwa zvePacific. Uyezve, ivo vakaita koroni Canada, Australia, New Zealand, uye mhenderekedzo yegungwa yokumabvazuva yeNorth America. “Umambo hweRoma hwakanga hwakazviringanira,” anonyora kudaro James Morris muPax Britannica. “Umambo hweBritain hwakaziviswa mupasi rose.” Ihwo hwakava umambo hukurusa munhau yorudzi rwomunhu, hunobatanidza chinodokuva chikamu chimwe chezvina chapamusoro papasi uye kupfuura chikamu chimwe chezvina chavanhu vayo vose. Kwakataurwa kuti zuva harina kutongovira muumambo hwayo.
Simba Ramaviri
Mubhuku raZvakazarurwa, iri simba renyika rechinomwe rakanga rarondedzerwawo serine “nyanga mbiri segwaiana.” (Zvakazarurwa 13:11) Kuvirei nenyanga mbiri? Nemhaka yokuti Umambo hweBritain norudzi rutsva rweAmerica, zvakabatanidzwa nomutauro mumwewo, nheyo, uye miitiro, zvakakurumidza kushandira pamwe chete. Izvo zvakava, mumativi akawanda, simba renyika ramaviri rinotaura chiNgezi.
William B. Willcox anoonesa muStar of Empire kuti muzana ramakore rechi 19 United States “yakaparadzaniswa neEurope nengarava dzehondo dzeBritain.” Iye anowedzera, kuti: “Kwezana rimwe ramakore United States yakanga yakasununguka kukura kuva simba guru pasina kumbova, kunze kwomuhondo yayo yavagari vemo, neuto kana kuti ngarava dzomugungwa izvo rimwe simba riri rose guru raizivikanwa nazvo.” America “yakanga yakwanisa kuzviparadzanisa nemhaka yokuti Royal Navy yakanga yave iri mudziviriri wayo mukurwisana namasimba eEurope.” Gare gare, United States yakavawo simba guru rehondo.
Muenzaniso wakatanhamara womubato wakabatanidzwa weBritain neAmerica wakaitika pana June 6, 1944, apo kufamba kweHondo yeNyika II kwakachinja muEurope yokuchamhembe. Pazuva iroro, mauto akabatanidzwa ane 156 000 eBritain, America, uye mamwe akavhozhokera nyika yeEurope. Iri uto rakabatanidzwa raitungamirirwa zvikuru nomutungamiriri wehondo weU.S. noutungamiriri hwokushanda hwomutungamiriri weBritain—Eisenhower naMontgomery rimwe nerimwe. Kupfuurirazve, mabhomba eatomu ayo akagumisa hondo neJapan akabva munhamburiko yavose yakaitwa namasayendisiti eBritain neAmerica.
Seizvo Los Angeles Times yaMay 5, 1986, yakaonesa, kunyange munguva yorugare, Britain neAmerica zvakabatira pamwe “munharaunda dzinonetsa dzakadai soungwaru noruzivo rwenyukireya.” Gare gare yakakumbanirwa neCanada, Australia uye New Zealand, ivo “vakakamuranisa nyika kuva nharaunda dzomutoro wokuunganidza ungwaru ndokubvumirana kugoverana kunyange mashoko akavandika zvikurusa.” Pepanhau irori rakataura kuti nepo ukama “nguva dzose hwave husina kunaka,” “hwakazivikanwa zvikuru nokuda kwokuva kwahwo pedyo kupfuura shatiriso dzahwo.”
Mazhinjisa amakoroni eBritain akawana kuzvitonga uye akakumbanira Commonwealth of Nations. Nepo umambo hwacho hungave hwapfuura, Simba reNyika reEngland neAmerica riripo. Asi richangovapo bedzi kwe“nguva pfupi,” pakuenzaniswa namazana amakore akawanda ayo simba reRoma rakapfuura raiva nesimba.—Zvakazarurwa 17:10.
Umambo Hutsva Hwenyika Yose
Uporofita hwaDhanieri pamusoro pamasimba makuru enyika hwakabvumikisa kuva hwechokwadi mumakore 2 500 ehurumende yenyika—kuvambira pamberi pa 500 P.N.V. kuburuka kusvikira kusimba renyika rechinomwe muzuva redu. Nokudaro, tinogona kuva nechivimbo murutivi rwasara rwouporofita ihwohwo. Idi rinokatyamadza nderokuti ihwo hahurondedzeri mamwe masimba enyika avanhu! Zvakazarurwawo akaratidzira kuti kwaizongova namanomwe bedzi.b Ipapo, chii chichatevera kuitika?
Ganhuro 7 yaDhanieri, iyo inotaura pamusoro peaya masimba enyika, inopfuurira kurondedzera chimwe chinhu chinotova chinokatyamadza zvikuru—chinjo huru munzira inotongwa nayo pasi! Maumambo avanhu anokundikana anofanira kuguma ndokutsiviwa nohwokudenga hwakarurama.
Chiono chaDhanieri chakamubvumidza kuona chikara choumambo chakaisvonaka chokudenga cho“Wakakwegura Pamazuva,” Jehovha Mwari. Akaunzwa pamberi paIyeyu akanga ari “mumwe wakafanana nomwanakomana womunhu”—Jesu Kristu akamutswa.c Dhanieri anorondedzera, achiti: “Akapiwa simba, nokubwinya, noushe, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vamushumire; simba rake roushe isimba risingaperi, risingazopfuuri, uye ushe hwake hahungazoparadzwi.”—Dhanieri 7:9, 10, 13, 14.
Uporofita hwapamberi pezvi hwakapiwa kuna Dhanieri pamusoro pamasimba enyika mamwe chetewo hwakanga hwati: “Mumazuva amadzimambo iwawo Mwari wokudenga uchagadza umambo husingazotongoparadzwi . . . Ihwo huchaputsanya nokuparadza maumambo iwawa ose, uye ihwo humene huchagara kusvikira kunguva dzisingazivikanwi. . . . Uye chiroto chakavimbika, uye dudziro yacho ndeyechokwadi.”—Dhanieri 2:44, 45, NW.
Hurumende iyoyi yoUmambo inodzorwa naMwari ndiimwe cheteyo Jesu akatidzidzisa kunyengeterera. Iye akati: “Munofanira kunyengetera, ipapoka, neiyi nzira: ‘Baba vedu vari mumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, somudenga, uyewo pasi pano.’”—Mateo 6:9, 10, NW.
Vagari vapasi vachava vanofara sei muhurumende iyeyo! Ichava chinjo kubva mukushandisa kwavanhu kusakafanira kuenda kururamisiro youmwari, kubva munzira yomunhu isina kukwana yokuita zvinhu kuenda kumipimo mikurusa yaMwari. Izvo Bhaibheri rinotaura pamusoro pokushanda kwoUmambo kuchava nhau yenyaya iri munguva yemberi munhevedzano ino.
[Mashoko Omuzasi]
a Runyanga, chombo chinotyisa, runowanzoshandiswa muBhaibheri kumirira vatongi nemitsara yamadzimambo inotonga.—Dheuteronomio 33:17; Zekaria 1:18-21; Zvakazarurwa 17:3, 12.
b Zvakazarurwa 17:11 inodudza “chikara” icho chiri “worusere, mumwe wavanomwe.” Iri simba rechisere iro raizovapo mukati menduramo yerechinomwe richakurukurwa munyaya yapashure.
c Kutaura kwokuti “Mwanakomana womunhu” kunowanwa kanodokusvika 80 munhau dzeEvhangeri, uye muchinoitika chiri chose kunonongedzera kuna Jesu Kristu.—Ona Mateo 26:63, 64.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Kuvhozhokera kweAllied Europe pana June 6, 1944, kwakanga kuri muenzaniso wakatanhamara webatira pamwe yeEngland neAmerica
[Kwazvakatorwa]
U.S. Coast Guard photo