RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 5/15 pp. 8-9
  • Nhau Youbaba

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nhau Youbaba
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mashoko Akafanana
  • Baba Vavo ndiAbrahamu Here Kana Kuti ndiDhiyabhorosi?
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Jehovha Akamuti “Shamwari Yangu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Abrahamu Aiva Ani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mwari Anoidza Kutenda kwaAbrahama
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 5/15 pp. 8-9

Upenyu hwaJesu Noushumiri

Nhau Youbaba

MUKATI moMutambo waMatumba 32 N.V., kurukurirano yaJesu navatungamiriri vechiJudha inova yakakomba zvikuru. “Ndinoziva kuti muri rudzi rwaAbrahama,” Jesu anobvuma kudaro, “asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu hariendiki mukati menyu. Ini ndinoreva izvo zvandakaona kuna Baba vangu; imi munoitawo zvamakanzwa kuna baba venyu.”

Kunyange zvazvo asingazivisi baba vavo, Jesu anojekesa kuti baba vavo vakasiana nevake. Vasingazivi nezvouyo Jesu airangarira, vatungamiriri vechiJudha vanopindura, vachiti: “Baba vedu ndiAbrahama.” Ivo vanorangarira kuti vano kutenda kumwe cheteko nokwaAbrahama, uyo akanga ari shamwari yaMwari.

Zvisinei, Jesu anovakatyamadza nemhinduro, inoti: “Dai maiva vana vaAbrahama, maiita mabasa aAbrahama.” Zvamazvirokwazvo, mwanakomana chaiyeiye anotevedzera baba vake. “Asi zvino munotsvaka kundiuraya,” Jesu anodaro, “ini munhu wakakuudzai zvokwadi, yandakanzwa kuna Mwari. Abrahama haana kuita izvozvo.” Naizvoizvo Jesu anotizve: “Imi munoita mabasa ababa venyu.”

Havanzwisisizve uyo Jesu ari kutaura pamusoro pake. Ivo vanotaura kuti ivo vanakomana vapamutemo vaAbrahama, vachiti: “Hatina kuberekwa noupombwe.” Nokudaro, vachitaura kuva vanamati vechokwadi kufanana naAbrahama, ivo vanoti: “Tina baba vamwe, iye Mwari.”

Asi Mwari ndiBaba vavo chaizvoizvo here? “Dai Mwari aiva Baba venyu,” Jesu anopindura, “maindida ini, nokuti ndakabuda, ndikabva kuna Mwari. Nokuti handina kuzviuyira ini ndimene, asi ndiye wakandituma. Hamunzwisisi seiko kutaura kwangu?”

Jesu aiedza kuratidza ava vatungamiriri vorudzidziso miuyo yokumuramba kwavo. Asi zvino iye anoti nenzira yakananga: “Imi muri vababa venyu Dhiabhorosi, munoda kuita kuda kwakaipa kwababa venyu.” Dhiabhorosi rudziiko rwababa? Jesu akamuzivisa somuurayi ndokutiwo: “Kana achireva nhema, unoreva zvake, nokuti ndiye wenhema, uye baba vadzo.” Naizvozvo Jesu anogumisa, achiti: “Uri waMwari, unonzwa mashoko aMwari; imi hamunzwi nemhaka iyi, nokuti hamuzati muri vaMwari.”

Vashatiriswa neshurikidzo yaJesu, vaJudha vanopindura, vachiti: “Hatina kureva kwazvo here, tichiti: Uri muSamaria, uno mweya wakaipa?” Shoko rokuti “muSamaria” rinoshandiswa sokutaura kworuzvidzo nokumhura, vaSamaria vachiva vanhu vaivengwa navaJudha.

Achifuratira kunyomba kworuzvidzo pamusoro pokuva muSamaria, Jesu anopindura, kuti: “Handino mweya wakaipa, asi ndinokudza Baba vangu, zvino imi mondizvidza.” Achipfuurira, Jesu anoita chipikirwa chinokatyamadza, achiti: “Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu.” Chokwadika, Jesu haarevi kuti vose avo vanomutevera havasati vachizotongofa chaizvoizvo. Panzvimbo pezvo, iye anoreva kuti ivo havasati vachizotongoona ruparadziko rusingagumi, kana kuti “rufu rwechipiri” musina rumuko.

Zvisinei, vaJudha vanorangarira mashoko aJesu sezvaakaita. Nokudaro, ivo vanoti: “Tinoziva zvino kuti uno mweya wakaipa; Abrahama wakafa navaporofitawo; zvino iwe unoti: ‘Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongooni rufu.’ Ko iwe uri mukuru kuna baba vedu Abrahama, vakafa, kanhi? Navaporofita vakafa? Unozviita aniko?”

Muiyi kurukurirano yose, kuri pachena kuti Jesu ari kunongedzera ava vanhu kuidi rokuti iye ndiye Mesia akapikirwa. Asi panzvimbo pokupindura zvakananga mubvunzo wavo pamusoro pezivikanwo yake, Jesu anoti: “Kana ndichizvikudza, kuzvikudza kwangu hakuna maturo; unondikudza ndivo Baba, avo vamunoti ndiMwari wenyu. Hamuna kuvaziva imi, asi ini ndinovaziva; kana ini ndikati handivazivi, ndava murevi wenhema semi.”

Achipfuurira, Jesu anonongedzera zvakare kuna Abrahama akatendeka, achiti: “Abrahama, baba venyu, vakafara, vachiti vachaona zuva rangu; vakariona, vakafara.” Hungu, namaziso okutenda, Abrahama akatarira mberi kukusvika kwaMesia akapikirwa. Mukusatenda, vaJudha vanopindura, vachiti: “Iwe ugere kusvika makore ana makumi mashanu, wakaona Abrahama sei?”

“Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri,” Jesu anopindura, “Abrahama asati avapo, ini ndaivapo.” Jesu, chokwadika, ari kunongedzera kukuvapo kwake kwapamberi pokuva munhu somunhu womudzimu ane simba mudenga.

Vatsamwiswa nokutaura kwaJesu kwokuva aivapo pamberi paAbrahama, vaJudha vanonhonga mabwe kuti vakandire kwaari. Asi iye anovanda uye anobuda mutembere asina kukuvadzwa. Johane 8:37-59; Zvakazarurwa 3:14; 21:8.

◆ Jesu anoratidza sei kuti iye navavengi vake vane vanababa vakasiana?

◆ Chii chiri revo yokudana kwavaJudha Jesu kuti muSamaria?

◆ Jesu anoreva kuti vateveri vake havasati vachizotongoona rufu mupfungwai?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe