Mwari Haasaruri
“Mwari haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.”—MABASA 10:34, 35.
1. MuAtene yakare, kutaurai kunokosha kwakaita Pauro pamusoro pedzinza?
“MWARI uyo akaita nyika nezvose zviri mairi, achiva Ishe wezvose zviri zviviri Denga napasi, haagari mutembere dzakaitwa nomunhu. . . . Iye akasika rudzi rwuri rwose rwavanhu ruchibva mumukare mumwe kuti rugare pamusoro papasi rose.” (Mabasa 17:24-26, Phillips) Ndianiko akataura mashoko iwayo? Muapostora wechiKristu Pauro, mukati mehurukuro yake yakakurumbira paGomo reMars kana kuti Areopago, muAtene, Girisi.
2. Chii chinobetsera kuita kuti upenyu huve hwakanaka nohunofadza, uye mumwe mushanyi weJapan kuSouth Africa akaororwa nei?
2 Kutaura kwaPauro kungasanotiita kuti tifunge pamusoro pemhatsa inoshamisa iripo muchisiko. Jehovha Mwari akasika vanhu, mhuka, shiri, tupuka, uye miti zvamarudzi akasiana-siana akawanda kwazvo. Upenyu hwaizova husingafadzi sei kudai zvose zvakanga zvakafanana! Mhatsa yazvo inobetsera kuita kuti upenyu huve hwakanaka nohunofadza. Somuenzaniso, mushanyi akabva Japan aipinda kokorodzano yeZvapupu zvaJehovha muSouth Africa akaororwa nemhatsa yorudzi noruvara zvaakacherechedza imomo. Iye akataura kuti kwakasiana sei muJapan, umo voruzhinji zvikuru vane mavara mamwe chetewo orudzi.
3. Vamwe vanorangarira sei ruvara rweganda rwakasiana, kuchimutsa chii?
3 Asi mhatsa yoruvara pakati pamarudzi kazhinji kazhinji inoparira zvinetso zvakakomba. Vazhinji vanorangarira avo voruvara rweganda rwakasiana kuva vakaderera. Ikoku kunomutsa daka, kunyange ruvengo nenhamo yefungira mano yakaipa yorudzi. Musiki wedu akaronga ikoku here? Ko mamwe marudzi makuru mumeso ake here? Ko Jehovha anosarura here?
Musiki Wedu—Anosarura Here?
4-6. (a) Chii chakataura Mambo Jehoshafati pamusoro porusaruro? (b) Vose vari vaviri Mosesi naPauro vakasimbisa sei kutaura kwaJehoshafati? (c) Mibvunzoi ingamutsa vamwe?
4 Tinogona kuwana pfungwa yakati yomurangariro woMusiki wedu worudzi rwose rwomunhu kupfurikidza nokudzokera shure munhau. Mambo Jehoshafati, uyo akatonga Judha kuvambira muna 936 kusvikira kuna 911 P.N.V., akaita vandudziko dzakawanda ndokuronga kushanda kwakafanira kwegadziriro yokutonga yakavakirwa pamutemo woumwari. Iye akapa iri zano rakaisvonaka kuvatongi: “Chenjerai zvamunoita; nokuti hamutongeri vanhu imi; asi Jehovha; . . . chenjerai, muzviite, nokuti kuna Jehovha Mwari wedu hakune zvakaipa, kana kutsaura vanhu.”—2 Makoronike 19:6, 7.
5 Mazana amakore pamberi pezvi, muporofita Mosesi akanga audza marudzi aIsraeri, kuti: “Jehovha Mwari wenyu . . . usingatsauri vanhu.” (Dheuteronomio 10:17) Uye mutsamba yake kuvaRoma, Pauro akapa zano, achiti: “Kuchava nedambudziko nenhamo nokuda kwomunhu ari wose ari muiti wezvakaipa, nokuda kwomuJudha pakutanga uye nokuda kwomuGirikiwo . . . Nokuti Mwari haana vananyachide.”—VaRoma 2:9-11, The New English Bible.
6 Asika vamwe vangabvunza, kuti: ‘Zvakadiniko navaIsraeri? Ko ivo vakanga vasiri vanhu vakasarudzwa vaMwari here? Ko iye akanga asiri mutsauri kwavari here? Mosesi haana kutaura here kuna Israeri wose, kuti: “Jehovha Mwari wako wakakutsaura kuti uve rudzi rwake chairwo pakati pendudzi dzose dziri panyika dzose”?’—Dheuteronomio 7:6.
7. (a) Chii chakavapo apo vaJudha vakaramba Mesia? (b) Nhasi, ndivanaani vanogona kufarikanya zvikomborero zvinoshamisa zvinobva kuna Mwari, uye sei?
7 Aiwa, Mwari akanga asingasaruri mukushandisa vaIsraeri nokuda kwedonzo chairo. Mukusarudza rudzi rwokubereka narwo Mesia, Jehovha akasarudza vazukuru vamadzitateguru akatendeka echiHebheru. Asi apo vaJudha vakaramba Mesia, Jesu Kristu, uye vakamuita kuti aurawe, ivo vakarasikirwa nenyasha dzaMwari. Nhasi, zvisinei, avo vedzinza ripi neripi kana kuti rudzi vanoshandisa kutenda muna Jesu vanogona kufarikanya zvikomborero zvinoshamisa ndokuva nekariro youpenyu husingaperi. (Johane 3:16; 17:3) Zvirokwazvo, ikoku kunobvumikisa kuti Mwari haasaruri. Uyezve, Jehovha akaraira vaIsraeri “kuda mugari wokumwe” uye “kusamubata zvisakafanira,” pasinei zvapo nedzinza rake kana kuti rudzi. (Dheuteronomio 10:19; Revhitiko 19:33, 34, NW) Zvirokwazvo, ipapoka, Baba vedu vane rudo vari mudenga havasaruri.
8. (a) Chii chinobvumikisa kuti Jehovha haana kuratidza chizivano kuna Israeri? (b) Jehovha akashandisa sei Israeri?
8 Ichokwadi kuti vaIsraeri vakafarikanya maropafadzo chaiwo. Asi ivo vaivawo nomutoro unorema. Ivo vaiva mumusengwa wokuchengeta mitemo yaJehovha, uye avo vaikundikana kuiteerera vaitukwa. (Dheuteronomio 27:26) Kutaura idi, vaIsraeri vaifanira kurangwa varangwazve nokuda kwokusateerera Mutemo waMwari. Nokudaro, Jehovha haana kuvabata norusaruro. Panzvimbo pezvo, iye akavashandisa kuita mienzaniso youporofita nokugovera mienzaniso inonyevera. Nomufaro, Mwari akabereka Musununguri, Jesu Kristu, kupfurikidza naIsraeri, nokuda kwokukomborerwa kworudzi rwose rwomunhu.—VaGaratia 3:14; enzanisa naGenesi 22:15-18.
Jesu Aisarura Here?
9. (a) Jehovha naJesu vakafanana sei? (b) Mibvunzoi inomuka pamusoro paJesu?
9 Sezvo Jehovha asingasaruri, Jesu aigona kuva anosarura here? Eya, rangarira izvi: Jesu akamboti: “Handitsvaki kuda kwangu, asi kuda kwowakandituma.” (Johane 5:30) Chinzwano chakakwana chiripo pakati paJehovha noMwanakomana wake anodiwa, uye Jesu anoita kuda kwaBaba vake murutivi rwuri rwose. Kutaura idi, ivo vakafanana kwazvo mumurangariro nedonzo zvokuti Jesu aigona kuti: “Wandiona ini, waona Baba.” (Johane 14:9) Kwaanopfuura makore 33, Jesu akava noruzivo rwokuzviwanira chairwoirwo achirarama somunhu pasi pano, uye Bhaibheri rinozivisa kuti akabata sei vanhu biyake. Chii chakanga chiri chimiro chake kumamwe madzinza? Ko iye aifungira mano akaipa kana kuti aisarura here? Ko Jesu akanga ari wezvourudzi here?
10. (a) Jesu akapindura sei kuchikumbiro chomukadzi weFenikia chebetsero? (b) Kupfurikidza nokunongedzera kuVamarudzi se“mbwanana,” Jesu akanga achiratidza fungira mano yakaipa here? (c) Mukadzi wacho akakurira sei chirambidzo, uye nomuuyoi?
10 Jesu akapedza uzhinjisa hwoupenyu hwake hwapasi ane vanhu vechiJudha. Asi rimwe zuva akasvikwa nomukadzi weFenikia Wamarudzi, uyo akamukumbira kuporesa mwanasikana wake. Mumhinduro Jesu akati: “Ndakangotumirwa kumakwai akarashika eimba yavaIsraeri.” Bva, mukadzi wacho akateterera, achiti: “Ishe, dondibatsirai henyu!” Pana ikoko, iye akawedzera, kuti: “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokuchikandira imbwanana.” KuvaJudha, imbwa dzakanga dziri mhuka dzisina kuchena. Naizvozvo kupfurikidza nokunongedzera kuVamarudzi se“mbwanana,” Jesu akanga achiratidzira fungira mano yakaipa here? Aiwa, nokuti iye akanga achangobva kududza basa rake chairo rakabva kuna Mwari rokutarisira ‘makwai akarasika aIsraeri.’ Uyezve, kupfurikidza nokufananidza vasiri vaJudha ne“mbwanana,” kwete imbwa dzomusango, Jesu akapfavisa kuenzanisa kwacho. Chokwadika, izvo akataura zvakaedza mukadzi wacho. Nokuzvininipisa, kunyange zvazvo akatsunga kukurira ichi chirambidzo, iye akapindura nokungwarira pakutaura, kuti: “Hon’o Ishe, kunyange nembwananawo dzinodya zvimedu zvinodonha patafura ravatenzi vadzo.” Aororwa nokutenda kwomukadzi wacho, Jesu akaporesa mwanasikana wake pakare pakarepo.—Mateo 15:22-28.
11. Sezvakaratidzirwa nechinoitika chakabatanidza Jesu, chimiroi icho vaJudha navaSamaria vaiva nacho kuno mumwe nomumwe?
11 Rangarirawo kusangana kwaJesu navaSamaria vakati. Ruvengo rukuru rwaivapo pakati pavaJudha navaSamaria. Pane imwe nhambo, Jesu akatuma nhume kundomuitira gadziriro mumusha wakati weSamaria. Asi vaSamaria ivavo “havana kumugamuchira, nokuti chiso chake chakanga chakaringira Jerusarema.” Ikoku kwakakangaidza Jakobho naJohane kusvikira papfundo rokuti ivo vakada kudanira mwoto unobva kudenga ndokuvaparadzanya. Asi Jesu akatsiura vadzidzi vaviri, uye ivo vose vakaenda kumusha wakasiana.—Ruka 9:51-56.
12. Neiko mukadzi akati weSamaria akashamiswa nechikumbiro chaJesu?
12 Ko Jesu akagoverana murangariro woruvengo waivapo pakati pavaJudha navaSamaria here? Eya, cherechedza chakaitika pane imwe nhambo. Jesu navadzidzi vake vakanga vachifamba vachibva Judhea vachienda Garirea uye vaifanira kupfuura nomuSamaria. Aneta norwendo, Jesu akagara pasi parutivi petsime raJakobho kuti azorore apo vadzidzi vake vakaenda kuguta reSikari kundotenga zvokudya. Munguvayo, mumwe mukadzi weSamaria akauya kuzochera mvura. Zvino, Jesu amene pane imwe nguva akanga akaronga vaSamaria savari “vorumwe rudzi.” (Ruka 17:16-18, The Kingdom Interlinear Translation of the Greek Scriptures) Asi iye akati kwaari: “Ndipeiwo, ndinwe.” Sezvo vaJudha vakanga vasina zvokuita navaSamaria, mukadzi akashamiswa akapindura, achiti: “Ko iwe muJudha, unokumbira seiko kunwa, ini mukadzi wemuSamaria?”—Johane 4:1-9.
13. (a) Jesu akapindura sei chirambidzo chomukadzi weSamaria, uye ndokupi kwaiva kuita kwake? (b) Chii chaiva muuyo wokupedzisira?
13 Asi Jesu akafuratira kuramba kwomukadzi wacho. Panzvimbo pezvo, iye akabata banza rokumupa uchapupu, kunyange kubvuma kuti iye akanga ari Mesia! (Johane 4:10-26) Mukadzi akashamiswa akasiya chirongo chake patsime, akamhanya achidzokera kuguta, uye akavamba kuudza vamwe zvakanga zvaitika. Kunyange zvazvo iye akanga ararama upenyu hwoutere, akazivisa fariro yake muzvinhu zvomudzimu kupfurikidza nokuti: “Ko uyu handiti ndiye Kristu here?” Ndoupi wakanga uri muuyo wokupedzisira? Vazhinji vavanhu vomunzvimbomo vakatenda Jesu nemhaka youchapupu hwakaisvonaka mukadzi wacho akanga apa. (Johane 4:27-42) Nenzira inofadza, mubhuku rake raA Biblical Perspective on the Race Problem, mufundisi weCongregational Thomas O. Figart akaita iyi tsinhiro: “Kana Ishe wedu akakufunga kuva kunokosha zvakakwana kutsiva gamuchidzanwa rorudzi rwakaipa nechiito chenyasha, ipapo tinofanira kuteerera kuti isu hatisati tichiyeredzwa murwizi rwourudzi nhasi.”
14. Hufakazii hwokusasarura kwaJehovha hwakazviratidzira humene mukati moushumiri hwaFiripo muevhangeri?
14 Kusasarura kwaJehovha Mwari kwakabvumira vanhu vamadzinza akasiana-siana kuva vaproserite vechiJudha. Rangarirawo chakaitika mazana amakore 19 apfuura mumugwagwa womurenje pakati peJerusarema neGaza. Mumwe murume mutema aishandira mambokadzi weEtiopia akanga akatasva mungoro yake achirava uporofita hwaIsaya. Uyu mukuru mukuru akanga ari muproserite akadzingiswa, nokuti “iye akanga aenda kuJerusarema kundonamata.” Ngirozi yaJehovha yakaoneka kumuevhangeri wechiJudha Firipo ndokumuudza, kuti: “Swedera, urambire pangoro iyo.” Ko Firipo akati: “Haiwa, aiwa! Iye murume worumwe rudzi here”? Kana! Chokwadi, Firipo akafadzwa kugamuchira kokero yomuEtiopia yokupinda mungoro, kugara pasi naye, uye kutsanangura uporofita hwaIsaya pamusoro paJesu Kristu! Apo ivo vakasvika padziva, muEtiopia akabvunza, kuti: “Chinyiko chingadzivisa ndirege kubhapatidzwa?” Sezvo pakanga pasina chinhu chaidzivisa ikoku, Firipo akabhapatidza muEtiopia nomufaro, uye Jehovha akagamuchira murume iyeyo anofara somuteveri akazodzwa woMwanakomana wake asingasaruri, Jesu Kristu. (Mabasa 8:26-39) Asi humwe hufakazi hwokusasarura kwoumwari hwakakurumidza kuzviratidzira humene.
Chinjo Huru
15. Ichinjoi yakaitika pashure porufu rwaJesu, uye Pauro anotsanangura sei iyoyi?
15 Rufu rwaKristu haruna kubvisa fungira mano yakaipa yedzinza yenyika. Asi kupfurikidza norufu irworwo rwechibairo, Mwari akachinjira ukama hwavadzidzi vechiJudha vaJesu kuvateveri vaVamarudzi. Muapostora Pauro akaratidzira ikoku paakanyorera maKristu aVamarudzi aiva paEfeso ndokuti: “Naizvozvo rangarirai, kuti imi vahedheni munyama, . . . kuti nenguva iyo makanga musina Kristu, muri vatorwa paushe hwavaIsraeri, muri vaeni pasungano dzechipikirwa, musine tariro musina Mwari panyika. Asi zvino muna Kristu Jesu imi, makanga muri kure kare, makaswededzwa muropa raKristu. Nokuti ndiye rugare rwedu, iye wakaita zvinhu zviviri kuti chive chinhu chimwe, akaputsa rusvingo rwapakati rwaiparadzanisa.” “Rusvingo” irworwo, kana kuti chiratidzo cheparadzaniso, yakanga iri gadziriro yesungano yoMutemo iyo yaishanda sorusvingo pakati pavaJudha naVamarudzi. Rwakaparadzwa pahwaro hworufu rwaKristu kuitira kuti kupfurikidza naye vose vari vaviri vaJudha naVamarudzi vagogona “kusvika kuna Baba nomudzimu mumwe.”—VaEfeso 2:11-18, NW.
16. (a) Neiko Petro akapiwa kiyi dzoUmambo? (b) Ikiyi ngani dzaivapo, uye chii chakabva mukushandiswa kwadzo?
16 Kupfuurirazve, muapostora Petro akapiwa “kiyi dzoumambo hwamatenga” kuitira kuti vanhu vedzinza ripi neripi vagogona kudzidza pamusoro pamadonzo aMwari, “kuberekwazve” nomudzimu mutsvene, uye kuva vadyi venhaka vomudzimu naKristu. (Mateo 16:19; Johane 3:1-8, NW) Petro akashandisa kiyi nhatu dzokufananidzira. Yokutanga yaiva yavaJudha, yechipiri yavaSamaria, uye yechitatu yaVamarudzi. (Mabasa 2:14-42; 8:14-17; 10:24-28, 42-48) Nokudaro Mwari asingasaruri, Jehovha, akazarurira vakasarudzwa vamadzinza ose ropafadzo yokuva vateveri vomudzimu vaJesu navadyi venhaka pamwe chete voUmambo.—VaRoma 8:16, 17; 1 Petro 2:9, 10.
17. (a) Chionoi chechienzi chakapiwa Petro, uye nei? (b) Varume vakati vakatungamirira Petro kumusha waani, uye ndivanaani vakanga vakamumirirako? (c) Petro akayeuchidza Vamarudzi ivavo nezvechii, asi chii icho Mwari akanga amudzidzisa zvakajeka?
17 Nokuda kwokugadzira Petro kushandisa kiyi yechitatu—yaVamarudzi—iye akapiwa chiono chechienzi chemhuka dzisina kuchena uye akaudzwa, kuti: “Simuka Petro, baya, udye.” Chifundo chacho chaiva ichi: “Chakanatswa naMwari, usati, chine tsvina iwe.” (Mabasa 10:9-16) Petro akashamisika zvikuru pamusoro perevo yechiono chacho. Asi nokukurumidza varume vatatu vakasvika kuzomuendesa kumusha kwaKornerio, mukuru mukuru weuto weRoma aiva paKaseria. Sezvo guta iroro rakanga riri dzimbahwe guru ramauto eRoma muJudhea, yakanga iri nzvimbo yomuzvarirwo yokuti Kornerio ave nomusha wake. Akanga achimirira Petro mumugariro iwoyo waMarudzi zvikuru akanga ari Kornerio, pamwe chete nehama dzake dzokunyama neshamwari dzapedyo. Muapostora akavayeuchidza, kuti: “Imi munoziva kuti hazvina kufanira kuti muJudha afambidzane nomunhu worumwe rudzi, kana kuuya kwaari. Asi Mwari akandiratidza, kuti ndirege kuti munhu haana kunaka, kana kuti une tsvina naizvozvo ndauya, ndisingarambi, zvandakadanwa; zvino ndinobvunza kuti mandidanireiko.”—Mabasa 10:17-29.
18. (a) Izivisoi inokosha yakaita Petro kuna Kornerio navashanyi vake? (b) Pashure pouchapupu hwaPetro pamusoro paJesu, ndichinoitikai chinoshamisa chakaitika? (c) Inhanhoi yakatorwa panguva iyeyo pamusoro paVamarudzi ivavo vanotenda?
18 Pashure pokunge Kornerio atsanangura nhungamiro yaMwari yezvinhu, Petro akati: “Zvirokwazvo, ndinoona kuti Mwari haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:30-35) Ipapo, sezvo muapostora akapfuurira kupa uchapupu pamusoro paJesu Kristu, chimwe chinhu chinoshamisa chakaitika! “Petro wakati achataura mashoko awa, [mudzimu mutsvene (NW)] wakaburuka pamusoro pavose, vakanzwa shoko.” Shamwari dzechiJudha dzaPetro “vakashamiswa, nokuti chipo cho[mudzimu mutsvene (NW)] chakanga chadururwa pamusoro pavahedheniwo; nokuti vakavanzwa vachitaura nedzimwe ndimi, vachirumbidza Mwari.” Petro akapindura, kuti: “Kuno munhu here ungadzivisa mvura, kuti ava, vakapiwa [mudzimu mutsvene (NW)] sesu, varege kubhapatidzwa?” Ndiani aigona kuramba, sezvo mudzimu mutsvene waMwari asingasaruri wedenga wakanga wadururirwa paVamarudzi ivava vanotenda? Naizvozvo, Petro akaraira kuti ivo “vabhapatidzwe muzita raJesu Kristu.”—Mabasa 10:36-48.
“Murudzi Rwuri Rwose”
19. Neiko ruvengo rwedzinza rwuri kuwedzera, uye kusvikira patambanukoi?
19 Isu zvino tinozviwana timene tiri “mumazuva okupedzisira,” uye “nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo” iidi roupenyu. Pakati pezvimwe zvinhu, vanhu vadi vavo vamene, vanozvikudza, vanozvitutumadza, vasina rudo rwomuzvarirwo, vasina kuzaruka kubvumirano ipi neipi, vasina kuzvidzora, vanotyisa, vakaoma musoro, uye vanodada. (2 Timotio 3:1-5, NW) Mumugariro wenzanga wakadaro, hakushamisi kuti ruvengo rwedzinza nerwisano zviri kuwedzera munyika yose. Munyika dzakawanda, vanhu vamadzinza akasiana-siana kana kuti mavara vanozvidzana kana kuti kunyange kuvengana. Ikoku kwakatungamirira kukurwa chaikoiko uye kunyange utsinye hunotyisa munyika dzakati. Kunyange mudzinonzi nzanga dzinoziva, vanhu vazhinji vane chitambudzo mukukurira fungira mano yakaipa yedzinza. Uye iyi “hosha” inoratidzika kuva iri kupararira ichipinda munharaunda umo munhu angasamboikarira, zvakadai sezvitsuwa zvegungwa izvo zvaichimbova zvinodokufadza mukuva kwazvo norugare.
20. (a) Chionoi chakafuridzirwa chakaona Johane? (b) Ichi chiono chouporofita chiri kuzadzikwa kusvikira patambanukoi? (c) Chitambudzoi chichine vamwe chokukurira zvizere, uye ndokupi kwavanofanira kutsvaka mhinduro?
20 Pasinei zvapo nokushaikwa kwetsinhirano yedzinza mumativi akasiana-siana enyika, zvisinei, Mwari asingasaruri, Jehovha, akadeya kutaura kupinzwa kwavanhu vane mwoyo wakatendeseka vamadzinza ose namarudzi muchinzwano chamarudzi ose chinoshamisa. Kupfurikidza nefuridziro youmwari, muapostora Johane akaona “chiverengero chikuru, chisingabviri kuverenga, chavanhu vanobva murudzi rwuri rwose, dzinza, ndudzi, uye mutauro; ivo vakanga vakamira pamberi pechigaro choumambo napamberi peGwaiana,” vachirumbidza Jehovha. (Zvakazarurwa 7:9, The Jerusalem Bible) Uporofita ihwohwu hwava kutozadzika. Nhasi, zvapupu zvaJehovha, zvinopfuura 3 300 000 zvamarudzi ose namadzinza munyika 210, zviri kufarikanya chinzwano netsinhirano yamadzinza. Asi ivo vachiri vasina kukwana. Kunyange vamwe vaivava vane chitambudzo mukukurira zvizere fungira mano yakaipa yedzinza, kunyange zvazvo ivo vangava vasingazivi nezvaikoku. Ichi chinetso chinogona sei kukurirwa? Tichakurukura iyi nhau munyaya inotevera, yakavakirwa pazano rinobetsera rinobva muShoko rakafuridzirwa raMwari asingasaruri, Jehovha.
Ungapindura Sei?
◻ Neiko ungataura kuti Jehovha akanga asingasaruri mukushandisa vaIsraeri?
◻ Chitendisoi chiripo chokuti Jesu Kristu akanga asingafungiri rudzi mano akaipa kana kuti kusarura?
◻ Petro akabetserwa sei kuona kuti “Mwari haasaruri”?
◻ Pasinei zvapo nokushaikwa kwetsinhirano yedzinza munyika ino, huporofitai hunoratidzira chinzwano huri kuzadzikwa zvino?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Muapostora Pauro akaudza vaAtene kuti Mwari “akasika rudzi rwuri rwose rwavanhu kuti rugare pamusoro papasi rose”
[Mufananidzo uri papeji 12]
Nemhaka yokuti Jesu akanga asingasaruri, akapupurira kumukadzi weSamaria patsime raJakobho pedyo neSikari