RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 5/1 pp. 3-6
  • Nzira Yokuva Nayo Mubereki Anobudirira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzira Yokuva Nayo Mubereki Anobudirira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chiri Mubereki Anobudirira?
  • Neiko Kwakaoma?
  • Purani Inobudirira Yavabereki
  • Batai Mumwe Nomumwe Somunhu Akasiana
  • Rovedza “Kubvira Paucheche”
  • Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Vabereki Vari Voga, Zvinetso Zvakawanda
    Mukai!—2002
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Vabereki—Ivai Muenzaniso Wakanaka Kuvana Venyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 5/1 pp. 3-6

Nzira Yokuva Nayo Mubereki Anobudirira

“NDICHAKUUDZAI kuti kuva mubereki anobudirira kunodeyi,” anodaro Raymond, baba wavashanu. “Ropa, basa rakaoma, misodzi, uye dikita!”

Mudzimai waRaymond anobvuma nomwoyo wose. Asi iye anowedzera, kuti: “Kurera vana hakusi nyore nhasi, asi sezvaunovaona vachikura kuva vakuru vakavimbika, basa racho rakasanokufanira.”

Kurera vana hakuna kutongova chose chose kusina funganyo. Bva, nhasi, kuvabereki vazhinji kunoratidzika kuti kurera vana kwazova kunonetsa zvikuru. “Ndinofunga kuti kuva mubereki nhasi kwakaoma zvikuru kupfuura munguva yavabereki vangu nemhaka yokuti upenyu hwazova hwakaoma zvikuru,” anodaro Elaine, uyo ava namakore 40 okukura uye mai womwanakomana wechiduku. “Nguva dzose hauzivi nguva yokuva norumano nenguva yokuva nengoni.”

Chii Chiri Mubereki Anobudirira?

Mubereki anobudirira ndiye anorera mwana wake nenzira yakadaro zvokuti mwana wacho ane banza riri rose rokukura kuva mukuru akavimbika, uyo achapfuurira nenzira yokushingaira kunamata Mwari ndokuratidzira rudo nokuda kwomunhu biyake. (Mateo 22:37-39) Nenzira inosuruvarisa, kunyanguvezvo, havasi vana vose vanotora dzoro ravo mukuva vakuru vakavimbika. Zvokona nei? Nguva dzose imhaka yavabereki here apo ikoku kunoitika?

Rangarira muenzanisiro. Munhu anoita chibvumirano chokuvaka angava namapurani akanakisisa nezvivakiso zvokushandisa. Asi chii chingava muuyo kana muiti wechibvumirano akaramba kutevera mapurani, zvichida kunyange kubvumidza nhimbu dzoupenzi kuti dziitwe kana kuti kubvumira zvivakiso zvakashata kuti zvitsive zvakanaka? Ko chivako chapedzwa hachingavi chakashata, kunyange chine ngozi kushandisa here? Ngatitii, kunyanguvezvo, muiti wechibvumirano aingwarira uye akaita unani hwake kutevera mapurani nokushandisa zvivakiso zvakanaka. Ko mwene wechivako chakapedzwa zvino haangavi nomutoro wokuchichengeta chiri mumugariro wakafanira here? Ko iye haangaviwo nomutoro wokusabvisa zvivakiso zvakanaka ndokuzvitsiva nezvakashata here?

Nenzira yokufananidzira, vabereki vanobatanidzwa mubasa rokuvaka. Ivo vanoda kuvakira muvana vavo hunhu hwakaisvonaka. Bhaibheri rinogovera purani yakanakisisa nokuda kwaikoku. Zvivakiso zvakanaka, “ndarama, sirvheri, mabwe anokosha,” zvinofananidzwa muMagwaro namavara akadai sokutenda kwakasimba, uchenjeri hwoumwari, nzwisiso yomudzimu, ruvimbiko uye kunzwisiswa kworudo kwaMwari wamasimba ose nemitemo yake.—1 VaKorinte 3:10-13, NW; enzanisa nePisarema 19:7-11; Zvirevo 2:1-6; 1 Petro 1:6, 7.

Mwanawo, sezvaanokura, anova nomutoro mukuru zvikuru wokuvaka maari amene hunhu hwechokwadi hwakarurama. Iye anofanira kuva anodisa kutevera purani imwe cheteyo, Shoko raMwari, uye kushandisa zvivakiso zvakanaka zvimwe chetezvo sezvakaita vabereki vake. Kana mwana pakuva mukuru muduku akaramba kuita ikoku kana kuti akaparadza basa rokuvaka rakaisvonaka rakadaro, ipapo iye anoshorwa nokuda kwengwavaira inovapo somuuyo.—Dheuteronomio 32:5.

Neiko Kwakaoma?

Kuva mubereki anobudirira nhasi kwakaoma nokuda kwezvikonzero zvinenge zviviri. Kutanga, vose vari vaviri vabereki navana havana kukwana uye vanoita zvikanganiso. Kazhinji kazhinji, ikoku kunobatanidza icho Bhaibheri rinodana kuti kutadza, uye kombamiro yokutadza yakagarwa nhaka.—VaRoma 5:12.

Chikonzero chechipiri ndeichi: Vana vanokura vanopesvedzerwa navanopfuura vabereki vavo chete. Nzanga yose ine muuyo wakati pazvinokosha zvomwana nomurangariro paupenyu. Nemhaka yaikoku, uporofita hwaPauro pamusoro pezuva redu ndohweitiro hanya kuvabereki. Iye akati: “Munofanira kutarisana neidi: nhambo yokupedzisira yenyika ino inofanira kuva nguva yezvinetso. Vanhu havasati vachizoda chinhu kunze kwemari naivo vamene; ivo vachava vanozvitutumadza, vanozvikudza, uye vanotuka; vasingaremekedzi vabereki, vasingaongi, vasina umwari, vasina rudo rwomuzvarirwo; ivo vachava vakasimba muruvengo rwavo, vacheri, vasingazvidzori navanotyisa, vasina runako rwose, vatengesi, vanoda zvinofadza, vanozvikoshesa. Ivo vachava vanhu vanoisa mufarwa munzvimbo yaMwari, vanhu vanochengeta chimiro chokunze chorudzidziso, asi vanoramba zvomene yarwo. Ibva pavanhu vakafanana naivava.” (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.)—2 Timotio 3:1-5, The New English Bible.

Negadziriro yechaunga chomuzuva razvino yakaitwa nezvinhu zvakaipa zvakadaro, kunomboshamisa here kuti vamwe vabereki vanokandira maoko avo mudenga mukukangaidzwa ndokudokurega kurera vana? Tarirai shure kusvikira kugore ra 1914. Gore iroro rine ngwavaira rakaona chinjo huru muchaunga, uye yakanga isiri chinjo nokuda kwezviri nani. Hondo mbiri dzenyika chibviro chenguva iyeyo dzakabvisa runopfuura rugare mupasi. Chaunga nhasi hachina tsika dzinodikanwa kuita basa racho mukugadzirira vana nokuda kwoukuru hwokuvimbika. Chaizvoizvo, vabereki vane mwoyo wakarurama vanotarisana nemhoteredzo yechaunga ine utsinye kuzvinokosha zvavanoda kudzidzisa vana vavo.

Nokudaro, vabereki vane vabetseri vashomanene muboka. Munguva yakapfuura, ivo vaivimba nezvikoro zvehurumende kubetsera kudzidzisa vana vavo zvinokosha zvikuru zvimwe chetezvo izvo ivo savabereki vaikoshesa mumusha mavo. Hazvichakambodaro kunyanguvezvo.

“Dzvinyiriro papwere nhasi dzakasiana,” anodaro Shirley, uyo akapedza kufunda pachikoro pachamusoro muna 1960. “Takanga tisina mirimo kana kuti rusununguko rwokuvatana apo ndakanga ndiri muchikoro chapamusoro. Kusvuta mudzanga pachivande kwairangarirwa kuva kwakashata makore 30 apfuura. Apo mwanasikana wangu mukurusa akapinda muchikoro chapamusoro kuvambira muna 1977 kusvikira kuna 1981, kushandiswa kwemirimo kwakanga kuri chinetso chikuru. Zvino mirimo yakapinda muzvikoro zvapasi. Mwanasikana wangu mudukusa, uyo ane makore 13 okukura, akatofanira kutarisana nedzvinyiriro iyoyo yemirimo zuva riri rose kuchikoro kwamakore maviri apfuura.”

Uyewo, munguva yakapfuura, vabereki vaigona kuvimba navanambuya, hama dzokunyama, uye vavakidzani kubetsera kutarisira mufambiro wa“Johnny.” Asi zvakare, ikoko kwakachinja. Uye kunosuruvarisa kushuma, muchiverengero chinokura chemhuri, hamusati muchimbova neboka remitezo miviri; mutoro wose wokurera vana unowira pamapfudzi omubereki mumwe.

Purani Inobudirira Yavabereki

Kunyange zvazvo kurera vana kwakaoma zvikuru nhasi, vabereki vanogona kubudirira kana vakazviyamura vamene neyamuro yagara nguva refu—Bhaibheri. Shoko raMwari rinogona kuva purani yako, kana kuti purogiramu yechiito, nokuda kwokuva vabereki. Kungofanana nomuiti wechibvumirano akachenjera anoshandisa zvakanaka purani kutungamirira kuvakwa kwechivako kusvikira kukupedzwa kwacho kunobudirira, iwe unogona kushandisa Bhaibheri senhungamiro yako mukurera vana vako kuva vakuru vakavimbika. Chokwadi, Bhaibheri harina kuitirwa donzo zvikurukuru sebhuku remiraidzo nokuda kwohubereki hunobudirira, asi iro rine zano rakananga kuvabereki navana. Iro ipfumawo yenheyo idzo padzinoshandiswa dzinogona kukubetsera somubereki.—Dheuteronomio 6:4-9.

Somuenzaniso, rangarira Diane. Apo mwanakomana wake ane makore 14 okukura, Eric, aiva muduku zvikuru, akanga ari “mwana akanyarara, akaoma kutaura naye,” iye anodaro. Pakanga pari panguva iyeyo apo iye akawana uchenjeri huri seri kweichi chirevo cheBhaibheri, chinoti: “Mano [donzo romunhu kana kuti vavariro] mumwoyo womunhu angaita semvura yakadzika; asi munhu wenjere uchaichera.” (Zvirevo 20:5) Nokuda kwavamwe vana, mirangariro yavo nemifungo—vavariro dzavo chaidzoidzo—zviri mumwoyo mavo kufanana nemvura iri pasi petsime rakadzama. Eric akanga akaita saizvozvo. Kunoda basa rakaoma rinoitwa nomubereki kuchera vavariro idzodzo. “Apo iye aiuya kumba achibva kuchikoro, akanga asati achifara pamusoro pezvinhu zvokutaura,” anoyeuka Diane. “Naizvozvo ndakawana nguva yokuwana zvaakanga achitarisana nazvo kuchikoro. Padzimwe nguva ndaitaura kwamaawa chaiwoiwo naEric asati azivisa zvaakanga achifunga chaizvoizvo pasi mumwoyo make.”

Chikonzero choukoshi hwakakwirira hweBhaibheri senhungamiro chakapfava: Jehovha Mwari ndiye Munyori waro. Iye ndiyewo Musiki wedu. (Zvakazarurwa 4:11) Iye anoziva musikirwo wedu uye anodisa ‘kutidzidzisa kuti tizvibetsere timene nokutiparira kufamba munzira matinofanira kufamba.’ Ikoku ndokwechokwadi kana munhu ari mubereki kana kuti mwana. (Isaya 48:17; Pisarema 103:14) Kunyange zvazvo vamwe vanhu vachifanira kushanda zvikuru kupfuura vamwe pakuva mubereki ari nani, vose vanogona kuva vari nani pakuva vabereki kupfurikidza nokutevera nhungamiro dzakarongwa muMagwaro.

Batai Mumwe Nomumwe Somunhu Akasiana

Vana vakanaka havagoni kuitwa kupfurikidza nokutevera mitemo yavanhu yakafanira kungofanana nomukuru ari wose asingaitwi kuti ave mubereki “akakwana.” Mwana mumwe nomumwe ane hunhu hwake amene, uye mwana mumwe nomumwe anofanira kubatwa naye somunhu akasiana. Bhaibheri rinoziva ikoku. Kubetsera vabereki kudzivisa kuenzanisa zvisakanaka mwana mumwe nomumwe, nheyo iri seri kwezano rinotevera reBhaibheri yakafanira: “Zvino munhu mumwe nomumwe ngaaidze basa rake amene, ipapo ungazvirumbidza pamusoro pake iye amene oga, asingazviiti pamusoro pomumwe.”—VaGaratia 5:26; 6:4.

John, baba wavaviri, anowana kuti pangiro iri pamusoro apa yapaMagwaro inomubetsera kuchengeta murangariro wavana vake womumwe nomumwe, kana kuti kunyange wedzimwe mhuri, wakadzikamawo. “Ndinokurudzira vana vangu kusatarira izvo dzimwe mhuri dzinazvo kana kuti dzinoita,” John anotsanangura. “Tine mupimo wedu timene wemhuri uyo unofanira kuchengetwa.”

Rovedza “Kubvira Paucheche”

Ndirini apo rudzidziso runofanira kuva rutivi rwokuva mubereki kunobudirira? “Haungagoni kunyanyokurumidza zvikuru,” anodaro Gary, ane mwanakomana achangovamba kudzidza kukirechi. Gary anodavira kuti vana vanofanira kuva neshamwari chaidzoidzo muungano yechiKristu yomunzvimbomo kunyange vasati vatanga kuenda kuchikoro. Ikoko ndichimwe chikonzero nei Gary nomudzimai wake vave vachiunza Evan kumisangano yechiKristu panodokuva kuvambira pazuva raakaberekwa. Gary ari kutevedzera izvo Juniki, mubereki uyo anorumbidzwa muBhaibheri, akaita nomwanakomana wake Timotio. Timotio akadzidza zvokutanga zvedzidziso dzapaMagwaro “kubvira paucheche.”—2 Timotio 1:5; 3:15.

Mai vaTimotio uye zvimwe mbuya vake, Roisi, vakava nechokwadi chokuti dzakanga dzisiri pfungwa dzavo dzomunhu oga idzo dzakamuorora kuvambira paucheche; panzvimbo pezvo, ivo vaiziva kuti dzakanga dziri dzidziso dzaJehovha dzaizomuita akachenjera nokuda kworuponeso. Tsamba yakanyorerwa Timotio nomuapostora wechiKristu Pauro inoti: “Asi iwe, rambira pane zvawakadzidza nezvawakatendiswa, uzive kuti wakazvidzidza kunaani, kuti kubvira paucheche hwako wakaziva manyoro matsvene anogona kukupa uchenjeri hunoisa kukuponeswa nokutenda kuri muna Kristu Jesu.”—2 Timotio 3:14, 15.

Naizvozvo Roisi naJuniki vakabetsera Timotio kurangarira paShoko racho ndokuisa kutenda kwake paizvo Shoko rakanyorwa raMwari rakataura. Neiyi nzira kutenda kwake hakuna kuvakirwa chose chose muvabereki vake asi muuchenjeri hwoumwari hweShoko raJehovha. Iye haana kutevera zvokwadi yechiKristu nemhaka bedzi yokuti mai vake naambuya vakanga vari vanamati vaJehovha, asi akazvipwisa amene kuti zvaakadzidziswa navo yaiva zvokwadi chaizvoizvo.

Pasina panikiro, Timotio akarangarirawo kuti mai vake naambuya vakanga vari rudzii rwavanhu—zvirokwazvo vanhu vomudzimu. Ivo havasati vaizomuitira utsotsi kana kuti kumonyanisa zvokwadi nokuda kwamadonzo oudyire. Uyewo vakanga vasiri vanyengeri. Timotio, naizvozvo, akanga asina panikiro pamusoro pezvinhu izvo akadzidza. Uye hapana panikiro yokuti upenyu hwake hwomukuru somuKristu anoshingaira hwakafadza mai vake vakatendeka.

Hungu, kuva mubereki kunobudirira ibasa rakaoma, asi seizvo mai anokorwa mashoko kare akataura: “Basa racho rakakufanira.” Zvikurukuru ikoku ndokwechokwadi apo vabereki vanogona kutaura pamusoro pavana vavo izvo muapostora Johane akanyora kuvana vake vomudzimu: “Handino mufaro unopfuura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muzvokwadi.”—3 Johane 4.

[Bhokisi riri papeji 6]

Gadziriro Yedzidzo Yaiteverwa Navabereki Muna Israeri Wakare

Muna Israeri wakare, vabereki vaiva nomutoro wokudzidzisa nokurovedza vaduku vavo. Ivo vakava varaidzi navatungamiriri vavana vavo. Kuva mubereki kwazvino uno kunogona kubetsera kupfurikidza nokuteerera gadziriro yakafanana. Gadziriro yedzidzo muna Israeri ingapetwa sezvinotevera:

1. Kutya Jehovha kwaidzidziswa.—Pisarema 34:11.

2. Kukudzwa kwababa namai kwaipangirwa.—Eksodho 20:12.

3. Muraidzo muMutemo, pamwe chete nomumibato yaJehovha, wakarovererwa.—Dheuteronomio 6:7-21.

4. Kuremekedza vanhu vakuru kwaisimbiswa.—Revhitiko 19:32.

5. Teerero yaisimbiswa.—Zvirevo 23:22-25.

6. Rovedzo inoshanda yokururama yairovererwa.—Marko 6:3.

7. Dzidzo mukurava nokunyora yaipiwa.—Johane 7:15.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Shoko raMwari ndiro purani, kana kuti gadziriro yechiito, nokuda kwokuva mubereki

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe