RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 4/15 p. 21
  • Nzwisiso Panhau

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzwisiso Panhau
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Masimba Masimba Akadeya Kutaurwa
  • Kubhadhara Mutengo
  • “Munhu Wokutanga Akanga Ari Munhu”
  • Imba Yakakamuka—Kukanganiswa Kunoitwa Vachiri Kuyaruka Nokurambana
    Mukai!—2010
  • Famba Sezvinorairidzwa naMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Dzidziso Yokushanduka-shanduka Inoenderana neBhaibheri Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mwari Anonzwa Sei Nezvokuita Chisimba?
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 4/15 p. 21

Nzwisiso Panhau

Masimba Masimba Akadeya Kutaurwa

“Vayaruki vari kuva vane masimba masimba zvikuru kupfuura zvavakanga vakaita makore apfuura,” anodaro James Fox, nyanzvi yezvisakiso zvemhaka nokubatwa kwadzo paNortheastern University. “Ndinoona chinjo chaiyoiyo murudzi rwomuduku rwatiri kuwana,” anodaro Faye Harrison, mutongi weMichigan. “Akaoma zvikuru, anokurumidza zvikuru (kumasimba masimba), akadzama zvikuru muusindimari hwakakomba pazera rapakuvamba.” Kutaura idi, vechiduku vakatsamwa “vane mutoro wemhaka dzinenge 300 dzokuurawa kwavabereki kunoitwa navayaruki gore negore,” inoshuma kudaro Detroit Free Press.

Neiko kune wedzero mumasimba masimba pakati pepwere dzanhasi? Fox anodudza kubvumira zvombo kukuru, masimba masimba eterevhizheni, uye “kazhinji kazhinji, kuremekedzwa kuduku kwechiremera,” mukuwirirana neUSA Today. Achinanga pavabereki, David Ramirez, mutongi weDenver, anodavira kuti “zvinokosha zvamagamuchidzanwa nemirangariro zvoruremekedzo hazvisi kupfuudzirwa kuvana uye vabereki vazhinji vanoratidzika kuva vasina musengwa kuvaduku vavo,” inodaro The Denver Post.

Akakodzera nguva zvikurusa ndiwo mashoko akanyorwa nomuapostora Pauro apo, mazana amakore apfuura, iye akadeya kutaura “kuti mumazuva okupedzisira nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo dzichavapo. Nokuti vanhu vachava vanozvida vamene, vanoda mari, vanozvikudza, . . . vasingateereri vabereki, . . . vasina rudo rwomuzvarirwo, . . . vasina kuzvidzora, vanotyisa, vasina rudo rworunako.” (2 Timotio 3:1-3, NW) MaKristu anogona kudzivisa kupinda kwezvimiro zvakadaro kupfurikidza nokuvaka ukama hworudo hwemhuri, sezvinoratidzirwa muzvikamu zvamashoko zveBhaibheri zvakadai saDheuteronomio 6:4-9 uye VaKorose 3:12-14, 18-21.

Kubhadhara Mutengo

“Isu hatiravi Bhaibheri uye hatizivi chiri mariri,” anodaro muongorori wokuvhota weAmerica George Gallup, Jr. “Tiri kubhadhara nokuda kwaikoku uye kutambura nenzira inowirirana mumwero wechatanuro, kushatiswa kwavana, kushandiswa zvisakafanira kwemirimo, uye kurozva nokusatendeseka pamwero yose yenzanga.” Mukuwirirana nokuongororwa kwomurangariro wavanhu, 40 muzana yavaAmerica inova muchechi paSvondo uye inenge 80 muzana inoroora muchechi, bva mwero wechatanuro wakapetwa katatu chibviro cha 1960, chiverengero chavananyakusaroorana vanogara pamwe chete chakawedzera kanodokusvika kakapetwa kashanu, uye kurwisana nomutemo kakapetwa kanodokusvika kana. Kubvisa pamuviri kwakapetwa katatu pakati pa 1972 na 1979.

Ichinongedzera chose chose kumviromviro yechinetso, Gallup yakati: “Nenzira yakajeka machechi haasi kusvika pamwero mukuru wokuroverera zvinokosha. Tiri kurarama mukuwirirana norudzidziso pamwero wapamusoro zvikuru. Harusi kuchinja upenyu uye kutungamirirazve. Uyewo haruna kuvakirwa paBhaibheri.”

Bva chiKristu chinofanira kuva chinochinja upenyu, chinotungamirirazve uye chakavakirwa paBhaibheri. Pakuvamba chakanga chakadaro. MaKristu apakuvamba akadzidziswa ku“bvisa hunhu hwekare.” Pauro akanyora, kuti: “Nokuti mhombwe, kana vanonamata zvifananidzo, kana vanofeva, kana vakapata, kana vanoita zvakaipa navarume, kana mbavha, kana vano ruchiva . . . havangagari nhaka youshe hwaMwari. Vamwe venyu vakanga vakadaro.—VaEfeso 4:22, NW; 1 VaKorinte 6:9-11.

“Munhu Wokutanga Akanga Ari Munhu”

Vezvemhindumupindu vanotaura kuti mhindumupindu inodavirika “zvakakwana” uye kuti iyo “irondedzero iyo munhu anogona kusimbisa murabhoritori.” Asi paSecond International Congress of Human Paleontology, yakaitwa misi ichangobva kupfuura iyi paTurin, Italy, kwakanga kuri pachena kuti masayendisiti mazhinji achine panikiro panhau yacho.

Panzvimbo pokusimbisa kuti mhindumupindu inodavirika “zvakakwana”, musangano wacho sezviri pachena wakaratidzira misiano mikuru yomurangariro pakati pamasayendisiti pamusoro pokuti munhu akashanduka-shanduka rini uye sei. Nyanzvi yezvoupenyu Bernard Vandermeersch, somuenzaniso, yakasimbisa idi rokuti, kana toreva nezvemviromviro yomunhu, miuyo yoruzivo rwoupenyu “inopikisa mashoko anogoverwa namavara anogarwa nhaka,” ayo anonongedzera kumukare mumwe wavose.

Zvisinei, pokanidzano dzakadaro dziripo bedzi pakati pavanhu vanokundikana kugamuchira zvokwadi yakapfava yokuti Mwari “akaita mumunhu mumwe rudzi rwuri rwose rwavanhu, kuti vagare pamusoro papasi rose.” (Mabasa 17:26, NW) Iye akakuita sei? Genesi 2:7 inotiudza kuti “Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake,” achiparira munhu kuva “mweya mupenyu.”

Nenzira isingashamisi, woruzivo rwezvinhu zvipenyu Giuseppe Sermonti, achitsinhira pamhedziso dzomusangano wacho, akabvuma kuti “kuedza kwose kwokutiita kuti tiburuke tichibva mumiti yamaape hakuna kubudisa miuyo inofadza. Munhu wokutanga akanga ari munhu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe