Munguva Dzedu Dzinotyisa, Ndiani Waunogona Kuvimba Naye Chaizvoizvo?
“Usavimba navanokudzwa, kana nomwanakomana womunhu wapasi uyo asino ruponeso.”—PISAREMA 146:3, NW.
1. Chii chiri chiratidzo chenguva yedu, uye chinoratidza chinodikanwai?
PATAKANGA tiri vana uye pataityisidzirwa, taienda kuvabereki vedu vanoitira hanya nokuda kwenyaradzo nedziviriro nemhaka yokuti taivimba navo. Savakuru, tinodawo avo tinogona kuvimba navo. Ikoku kwakadaro zvikuru mazuva ano apo zvinhu zvakawanda kwazvo zvinotyisidzira zviri kuitika. Richitsinhira pamusoro penguva dzedu, rimwe pepanhau reGermany rakati: “Sezvisakamboitika nakare kwose, nyika yakazara norutyo.” Nguva nenguva, nyanzvi mune zvehurumende, vanyori venhau, uye vamwe vakataura rutyo rwavo pamusoro pezvinetso zvakakomba zviri kutarisana norudzi rwomunhu zvino.
2. Kutya nokushaikwa kwechivimbo zvakadeya kutaurwa sei nokuda kwechizvarwa chino?
2 Tsinhiro dzakadaro dzinoratidzira izvo Jesu Kristu akadeya kutaura pamusoro penguva yedu paakataura kuti yaizoratidzirwa ne“shungu yamarudzi, asingazivi nzira yokubuda nayo . . . vanhu vachipera simba nokuda kworutyo nekarirwo yezvinhu zvinowira papasi rinogarwa.” (Ruka 21:25, 26, NW) Bhaibheri rakadeya kutaura kuti muaya “mazuva okupedzisira nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo dzichavapo” uye kuti vanhu vaizova ‘vanozvida vamene, vasina kuvimbika, vacheri, uye vatengesi.’ Uku kutaura kunoratidza kuti chiratidzo chimwe chezera redu chaizova kushaikwa kwakakomba kwechivimbo.—2 Timotio 3:1-4, NW.
Chivimbo Chinoderera
3. Hufakazii huripo hwokuti chivimbo ndinyajambwa wezera redu?
3 Munguva dzino dzinotyisa, tinoda zvikuru kwazvo vamwe vatinogona kuvimba navo, avo vachava vakavimbika, betsero munguva yenhamo. Asi vazhinji vanonzwa vachiregererwa naavo vakavimba navo. Rimwe pepanhau romuimwe nyika rakazivisa, kuti: “Vanhu Havavimbi Namasangano Mazhinjisa Avanhu Vose.” Vaivimbwa zvidukusa vaiva vatungamiriri vezvamatongerwe enyika nevebhizimisi. Kusavimba kwawedzera mumhuriwo, sezvinoratidzirwa nemwero yakakwirira yechatanuro. Mumamwe marudzi, mune chatanuro imwe nokuda kweroorano nhatu dziri dzose kana kuti kunyange imwe nokuda kwembiri dziri dzose. Mune imwe nyika, 70 muzana yeroorano itsva dzose inoguma muchatanuro mukati mamakore gumi! Naizvozvo chivimbo ndinyajambwa anokura. Kusavimba kuri kutora nzvimbo yako. Kusati kuchasiri kwechienzi ndiko kutaura kwomumwe munhu uyo akati: “Handisati ndichavimbazve nomunhu upi noupi.”
4. Vanhu vaduku vazhinji vari kutapurwa sei norutyo?
4 Kune kusavimba kukuru kwazvo nemhaka yokuti iyi inguva inotyisa zvikurusa munhau yose yavanhu. Zana rino ramakore rakaona hondo mbiri dzenyika nedzimwe hondo dzakawanda idzo dzakatora upenyu hunopfuura mamirioni ane zana. Zvino, zvombo zvenyukireya zvinotyisidzira kuparadzanya upenyu hwose pasi pano. Uye ikoku kunotapura chivimbo kunyange chavaduku vamene. Rimwe pepanhau rezvokurapa rakashuma, kuti: “Vana vazhinji zvikuru, kunyange vacheche, vari kutyisidzirwa netyisidziro yokuuraya kukuru kwenyukireya.” Rimwe pepanhau reCanada rakataura kuti zvino kune “kusatenda runako rwavanhu, rusuruvaro, kukasharara nepfungwa yokusava nebetsero” muvanhu vaduku vazhinji. Imwe pwere yakati: “Isu hatimbonzwi zvedu takadzivirirwa navakuru. Tingakura kuva chizvarwa chisingatendi zvikurusa murunako rwavanhu chati chavapo.”
5. Kudai vaigona kutaura, boka risina mhaka zvikurusa nerisina dziviriro ravaduku ringanzwa sei?
5 Uye, chii icho rimwe boka ravaduku raizotaura—kudai ivo vangagona kutaura—pamusoro pokusanzwa vakadzivirirwa navakuru? Tinoreva avo vanourawa nokubvisa pamuviri ivo vasati vaberekwa. Imwe fungidziro inoisa chiverengero chokubvisa pamuviri munyika yose paanenge mamirioni 55 gore riri rose. Kurashwa kwakadini kworutivi rusine mhaka zvikurusa norusina betsero rworudzi rwomunhu!
6. Utsotsi hwakawedzera sei kukusavimba munguva yedu?
6 Kusavimba kwakawedzera nemhaka yorumwe rutyo rwuri kukura muzuva redu: kutya kuva nyajambwa woutsotsi. Vazhinji zvino vanoita kufanana nomumwe mukadzi uyo akataura kuti iye anorara ane rivhorovha pasi pepiro rake. Mumwe mukadzi anotya akati: “Ndinokuvenga. . . . Ambuya vangu vaisatongokiya masuo avo.” Nokudaro, chimwe chikamu chinonyorwa nomupepeti wenhau chepepanhau muPuerto Rico chakazivisa, kuti: “Vanhu vanoiswa mutorongo ndisu,” hungu, mumisha yedu timene yakapfigwa neyakakiiwa. Uku kutya kwakasimba. MuUnited States, somuenzaniso, mukadzi mumwe muvatatu sezvingabvira anodenhwa mukati menduramo yake. Muvhiyi mukuru imomo akataura kuti “vaAmerica vane mamirioni mana vanova vanyajambwa vamasimba masimba akakomba gore riri rose—kuponda, kubata chibharo, kurova vadzimai, kurova vana, kunyengera.” Utsotsi hwakadaro hunozivikanwa navose munyika dzakawanda, kuchikuvadzazve chivimbo icho vanhu vanacho muvamwe.
7. Neiko migariro yakashata yemari ichigovera kukusavimba?
7 Mumarudzi asina kubudirira, vanhu vazhinjisa varombo. Vashomanene vanovimba nomunhu upi noupi kuti avabudise makuri. Purezidhendi weimwe nyika yakadaro akataura kuti muruwa rumwe, muvana vane 1 000 vari vose vanoberekwa, 270 vanofa vasati vava negore rimwe rokukura. Imwe bedzi mudzimba 100 dziri dzose ine mvura. Hurumende yeimwe nyika inotaura kuti 60 muzana yavana vayo varombo, uye vana vakasiiwa vane mamirioni manomwe “vari kukura savakarambwa navasingagoni kurava kana kuti kunyora, vakadzingwa vasingagoni kuwana mabasa.” MuUnited States, chiverengero chepwere dzisina musha chinofungidzirwa kuva 500 000, asi vamwe vanoti chiverengero chaichoicho chakakura zvikuru. Vaduku vakadaro vanogona kuva nechivimbo chikuru sei muvabereki vavo, muchaunga, murunyararo, kana kuti muzvipikirwa zvavatungamiriri?
8. (a) Kutsiga kwamarudzi akapfuma nomugariro wemari wenyika yose zvinotyisidzirwa sei? (b) Nyanzvi dzinogona kuvimbwa kusvikira patambanukoi kuti dzipedze zvinetso zvemari?
8 Zvinetso zvemari zvinotambudza kunyange marudzi akapfuma. Misi ichangopfuura iyi, United States yaiva nechiverengero chikurusa chokubhuroka kwamabhangi chibviro choMugariro Mukuru Wakashata woKutengeserana wama 1930. Nyanzvi yezvemari yakanyora, ichiti: “Muuyo mukuru ndowomuitiro wokubhanga uyo zvirokwazvo usina kusimba nhasi sezvawakanga wakaita muma 1920,” usati wapunzika chaizvoizvo. Mumwe mucherechedzi akataura nezve“dutu riri kusvika rinoparadzanya zvikuru” mupfuma yenyika. Mumwe akati: “Kunzwa kwekurumidziro kunouya nemhaka yokuti idzi dzvinyiriro dziri musangano ramarudzi ose hadzisati dzichasiri kuoneka zvisina kujeka, idzo dzakasvika.” Ko nyanzvi dzepfuma dzinogona kuvimbwa nadzo kutungamirira marudzi kubuda muiyi nhamo here? Imwe yadzo yakataura kuti chinyorwa chadzo chokudeya kutaura “chinokatyamadza kwazvo zvokuti hapana panikiro idzo zvikurukuru dziri kuparadzira nyongano.”
Chivimbo Chakaiswa Pakaipa
9. (a) Chii chakaitika kuchivimbo chaivapo pakupera kwezana rino ramakore? (b) Neiko Zvapupu zvaJehovha zvingadai zvisina kuda kusaina rugwaro rweChibatanwa chaMarudzi muna 1945?
9 Kwose ikoku kwakasiana sei nechivimbo chaivapo apo nyika yakapinda muzana ramakore rechi 20. Kwakanga kwave kune makumi amakore orugare rwakati, uye kwairangarirwa kuti rugare nebudiriro zvaizosvika pakakwirira patsva. Asi muna 1914 Hondo yeNyika I yakaparadza murangariro iwoyo. Muna 1945, pashure pehondo yenyika yechipiri inotyisa zvikuru, Chata yeChibatanwa chaMarudzi yakasainwa. Marudzi akanyora chiono chawo chenyika yapashure pehondo yorugare, budiriro, uye ruramisiro. Mushumo wemisi ichangopfuura iyi wakati: “Chinyorwa chokupedzisira chakasainwa nenyika 51, dzinomirira nyika iri yose, rudzi norudzidziso.” Bva kwakanga kune rudzidziso rumwe rusina kumirirwa, kana kuti rwaida kuva, Zvapupu zvaJehovha. Izvo zvaiziva kuti zvipikirwa izvozvo zvorugare, budiriro, uye ruramisiro hazvisati zvaizoitwa norudzi rupi norupi rwenyika ino kana kuti nesangano ripi neripi rawo, zvakadai seChibatanwa chaMarudzi.
10. Chii chiri zvomene nhasi kukaenzaniswa nechiroto cheChibatanwa chaMarudzi shure muna 1945?
10 Mushumo mumwe chetewo unoti: ‘Makore ane makumi mana gare gare kunoratidzika kuva kwakafanira kuhwirudzura zvomene nefungidziro. Hufakazi hwacho hunoshungushidza. Nyika yakarurama zvishomanene, yakachengeteka zvishomanene, uye masimba masimba anokura ndidzo zvomene. Vanhu vanoshaiwa zvokudya, mvura, pokugara, tarisirwo youtano, uye dzidzo vari kuwedzera nenzira yakatsiga. Ikoku kwakanga kusiri muchiroto cha 1945.’ Iwo unowedzera, kuti: ‘Makore ane makumi mana pashure pokunge marudzi abatana pamwe chete kuti ave nechokwadi chokuti vanhu vose vangagona kurarama vasina rutyo nokushaiwa, nyika chaiyoiyo yama 1980 ndiimwe yourombo hukuru hwechinenge chikamu chimwe chezvina chavanhu. Nzufu dzine chokuita nenzara dzinoita avhareji ye 50 000 pazuva.’ Bva, marudzi anopedza madhora anopfuura mamirioni ane zana awa iri yose pahondo!
11. Zvipikirwa zvavanhu zvenyika iri nani zvakavimbika sei?
11 Nemhaka yeichi chinyorwa chinosuruvarisa pashure pamazana amakore ebanza, tinogona here kuvimba nezvipikirwa zvavanhu zvokupedza izvi zvinetso? Zvipikirwa zvakadaro zvinodokuva zvakavimbika samashoko akaputeni wengarava huru uyo akati: “Handigoni kufungidzira mugariro upi noupi ungaparira ngarava [huru] kuzara nemvura ndokunyura. . . . Kuvaka ngarava kwazvino uno kwakapfuura izvozvo.” Mumwe mutezo wavashandi vengarava iyoyo wakati kumumwe mutakurwi: “Mwari amene haangagoni kunyudza iyi ngarava.” Bva, ngarava iyoyo, Titanic, yakanyura muna 1912 nokurasikirwa kwoupenyu 1 500. Muna 1931 National Education Association muUnited States yakataura kuti kupfurikidza nedzidzo “utsotsi huchakaroparadzwa pamberi pa 1950.” Muna 1936 mumwe munyori wenhau weBritain akanyora kuti “zvokudya, zvokupfeka nepokugara zvichava zvapachena panosvika 1960. Ko iwe haubvumi here kuti zvomene dzanhasi dzinoratidza zvipikirwa izvozvo kuva zvenhema?
Munhu Wokuvimba Naye Chose Chose
12. Ndiani watinogona kuvimba naye chose chose, uye inhungamiroi yaakatipa?
12 Nokudaro, tinoda zvikuru manyuko atinogona kuvimba nawo kutibetsera kupfuura muidzi nguva dzinotyisa. Manyuko iwayo haagoni kuva munhu. Rudzi rwomunhu rwakazvipinza rumene muzvinetso zvihombe kwazvo zvokuti harugoni kuzvibudisa rumene. Manyuko anogona kuvimbwa nawo chose chose ndiye Musiki wavanhu, Jehovha Mwari. Iye anoziva chikonzero nei nyika iri mumugariro wayo wazvino, kwairi kunanga, uye chaachaita pamusoro payo. Iye akazivisawo aya mashoko mubhuku raakatipa nokuda kwenhungamiro yedu, Bhaibheri. Nezvaro, 2 Timotio 3:16, 17, NW, inoti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera nokuda kwokudzidzisa, nokuda kwokutsiura, nokuda kwokururamisa zvinhu, nokuda kwokuranga mukururama, kuti munhu waMwari agokwanisa zvizere, ashongedzerwe zvakakwana nokuda kwebasa riri rose rakanaka.”
13. Chii chinonzwisisa Zvapupu zvaJehovha pamusoro peBhaibheri?
13 Cherechedza kutaura ikoko kwakasimba. Shoko rakafuridzirwa raMwari rinoruramisa zvinhu. Iro rinotiudza chiri chakarurama. Iro rinoita kuti tive vanokwanisa zvizere. Iro rinotishongedzera zvakakwana nokuda kwechiri chakanaka. Chokwadi, vanhu vazhinji havagamuchiri Bhaibheri nokuda kwezvariri—Shoko raMwari. Asi Zvapupu zvaJehovha zvinodaro. (1 VaTesaronika 2:13) Isu tinonzwisisa kuti Musiki wenyika ino inotyisa yamabhirioni amakwara enzou namamirioni enyeredzi zvirokwazvo ane simba rokutanga bhuku. Iye ane simbawo rokuona kuti ururami hwaro hunochengetwa nokuda kwebetserwo yavatsvaki vezvokwadi.—1 Petro 1:25.
14. Bhaibheri rinotsinhirana sei nezvomene dzanhasi?
14 Munguva dzedu dzinotyisa, chii chinotaura Shoko raMwari pamusoro peiyi nhau yechivimbo? Tsinhiro dzaro dzinotsinhirana zvakakwana nemigariro chaiyoiyo sezvairipo. Jeremia 10:23 inoti nenzira yakarurama: “Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene, munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhanho dzake.” Uye Pisarema 146:3, NW; rinokurudzira nomazvo, richiti: “Usavimba navanokudzwa, kana kuti nomwanakomana womunhu wapasi, uyo asina ruponeso.”
15. Izanoi rinotipa Bhaibheri pamusoro pechivimbo?
15 Shoko raMwari rinotinyevera kwete kuvimba nesu timene nemhaka yokuti vanhu havana kukwana. (VaRoma 5:12) Jeremia 17:9 inoti: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose.” Nokuda kweichi chikonzero Zvirevo 28:26 inozivisa, kuti: “Unotenda mwoyo wake, ibenzi; asi unofamba nouchenjeri, ucharwirwa.” Ndokupi kwatinogona kuwana uhu uchenjeri uhwo hunogona kugovera nzira yokubuda nayo? Zvirevo 9:10 inopindura, ichiti: “Kuvamba kwouchenjeri ndiko kutya Jehovha; kuziva mutsvene ndidzo njere.” Hungu, uchenjeri hwoMusiki bedzi hunogona kutitungamirira kupfuura nomuidzi nguva dzinotyisa. Nokudaro, Zvirevo 3:5, 6 inopa zano, ichiti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose; urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.”
Murangariro waMwari Worudzidziso Rwenyika
16. Kutaurai kwakaipa kunoita marudzidziso enyika ino, sezvakaita vaFarise munguva yaJesu?
16 Uchenjeri ihwohwu hunobva kuna Mwari huchatigonesa kudzivisa musungo unouraya uyo marudzidziso enyika ino akawira mauri. Iwo anorangarira kuti akarurama nemhaka yokuti ndeerudzidziso. Chimiro chawo chakaita zvikuru sezvinorondedzerwa pana Ruka 18:9: “Wakarevawo, [Jesu] mufananidzo uyu kuna vamwe, vakanga vachizvitenda.” MuFarise akatenda Mwari kuti akanga asiri mutadzi, asi muteresi akaramba achikumbira, achiti: “Mwari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi.” Jesu akati: “Ndinoti kwamuri: ‘Uyu [mutadzi] wakaburukira kumba kwake aruramiswa kupfuura uya [muFarise]; nokuti mumwe nomumwe, unozvikudza, uchaninipiswa, nomumwe nomumwe unozvininipisa uchakudzwa.”—Ruka 18:10-14.
17. Mwari anorangarira sei nhamburiko dzorudzidziso dzaavo vakafanana navaFarise?
17 MuFarise haana kuzvininipisa amene pamberi paMwari. Panzvimbo pezvo, iye akanzwa kuti kupfurikidza nemipimo yake amene yakarurama akanga akarurama. Asi ikoko hakusati kuri nzira Mwari akamurangarira nayo. (Mateo 23:25-28) Akanga ari mutadzi anozvininipisa akaratidzira izvo Shoko raMwari rinotaura pana Isaya 66:2: “Asi ndicharangarira munhu uyu, iye murombo uno mweya wakaputsika, unodedera neshoko rangu.” Vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha havana kudedera neShoko raMwari. Ivo vakarifuratira. Ivo vakaita zvavaida uye ipapo vakafunga kuti Mwari aivatendera. Zvisinei, Jesu akati kwavari: “Havazi vose vanoti kwandiri, Ishe, Ishe, vachapinda muushe hwokudenga; asi unoita kuda kwababa vangu vari kudenga. Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro: Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here? Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here? Zvino ndichavaudza pachena: Handina kutongokuzivai; ibvai kwandiri, imi vaiti vokusarurama.”—Mateo 7:21-23.
18. Mwari achatonga sei marudzidziso anoti anomubatira asi asingawirirani nemitemo yake?
18 Vatungamiriri vorudzidziso ivavo vomuzana ramakore rokutanga havana kuvimba naMwari. Panzvimbo pezvo, vakaisa chivimbo chavo mumagamuchidzanwa ayo aipunza mitemo yaMwari. (Mateo 15:3, 9) Naizvozvo Jesu akavaudza, kuti: “Masiirwa imba yenyu rava dongo.” (Mateo 23:38) Soufakazi hwokuti Mwari akanga zvamazvirokwazvo asiya rudzidziso rwavo rwechiJudha, mugore ra 70 reNguva yaVose ivo, dzimbahwe ravo rorudzi, Jerusarema, uye tembere yavo zvakaparadzanywa namauto eRoma. Hakuna kusiana nhasi. Marudzidziso enyika ino akagadza mipimo yawo amene yenamato iyo isingawirirani nemipimo yaMwari. Naizvozvo ari kuita kwete kuda kwake asi kwawo amene. Nokudaro, mumeso aMwari, iwo anorangarirwa savaiti vokusateerera mutemo. (Tito 1:16) Sechibvumikiso chokuti Mwari akasiya aya marudzidziso, iwo achakurumidza kuparadzanywa namarudzi, kungofanana neJerusarema netembere yaro rakaparadzwa nehondo dzeRoma muzana rokutanga ramakore.—Ona Zvakazarurwa 17, 18.
19. Mibvunzoi ingabvunzwa pamusoro porudzidziso?
19 Ko uku kurangarirwa kwamarudzidziso enyika kwakanyanyokomba here? Tinogona sei kuva nechokwadi chokuti marutongeso aMwari achakurumidza kurwisana nawo? Chii chinofanira kuita rudzidziso kuti ruwane tendero yaMwari? Pane mienzaniso yenhau here inoratidza kuti Jehovha anodzivirira avo vanotendeukira kwaari nenzira yokutendeseka ndokuzviisa pasi pemitemo yake? Nyaya inotevera ichatsinhira pamibvunzo iyoyi.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ Chii chakagovera kukusavimba munguva yedu?
◻ Neiko chivimbo chenyika ino chakatungamirirwa zvisakafanira?
◻ Ndiani watinogona kuvimba naye chose chose, uye inhungamiroi yaakatipa?
◻ Neiko tisingafaniri kuzvivimba timene kana kuti vamwe vanhu?
◻Mwari anorangarira sei marudzidziso enyika ino?
[Mifananidzo iri papeji 13]
MuFarise akarangarira kuti akanga akarurama, asi mutadzi akakumbira nokuzvininipisa nokuda kwengoni dzaMwari
[Mufananidzo uri papeji 15]
Mwari anoshurikidza marudzidziso asingaiti kuda kwake sezvaakangoita muzana rokutanga ramakore apo hondo dzeRoma dzakaparadza Jerusarema