RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 3/15 pp. 15-20
  • Kubatira Savashandi Biyake Vanovimba vaJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubatira Savashandi Biyake Vanovimba vaJehovha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Kushandisa Ruramisiro’
  • “Kuda Mutsa”
  • Miedzo Yoruvimbiko
  • “Kuva Anozvininipisa Mukufamba naMwari Wako”
  • Kuzvininipisa Kwakafanira Kupwere
  • Kuzvininipisa—Unhu Hunosimudzira Rugare
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • “Uchenjeri Huri Kune Vanozvininipisa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • “Ndimi Mega Makavimbika”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • “Jehovha Anodei Kwauri?”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 3/15 pp. 15-20

Kubatira Savashandi Biyake Vanovimba vaJehovha

“Iye akakuudza, haiwa munhu wapasi, chiri chakanaka. Uye ko Jehovha anodei kwauri asi kuti ushandise ruramisiro nokuda mutsa nokuva anozvininipisa mukufamba naMwari wako?”—MIKA 6:8, NW.

1. Pahwaroi hwapaMagwaro vabatiri vose vaJehovha nhasi vanogona kunzi “vashandi biyake”?

MUAPOSTORA wechiKristu Johane akanyora, kuti: “Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari; ndizvo zvatiriwo.” (1 Johane 3:1) Uye muapostora Pauro akati nezvake amene nomufambidzani wake Aporo: “Isu tiri vashandi biyake vaMwari.” (1 VaKorinte 3:9, NW) Kutaura ikoku kwose kuri kuviri kwakaitwa navateveri vakazodzwa vaJesu Kristu uye pamusoro pavo. Asi munheyo iko kunoshanda kuvabatiri vose vechokwadi vaMwari. Naizvozvo ikoku kungagona kutaurwa namamwe mashoko kuti: ‘Onai kuti rudzii rworudo urwo Baba vakaisa patiri mukuti tinofanira kuva vashandi biyake vaJehovha.’

2. Neiko kuchibvirira vabatiri vaJehovha kuva vashandi biyake?

2 Kunobvirira sei vanhu vane utera, vasina kukwana kuva vashandi biyake voMusiki mukuru, uyo ane simba gurusa nouchenjeri, akakwana mururamisiro, uye anotaurwa sorudo? Ikoku kunobvira nemhaka yokuti vabereki vedu vokutanga vakaitwa mumufananidzo norufanano zvoMusiki nezvomushandi biyake, Shoko, kana kuti Logos. (Genesi 1:26, 27; Johane 1:1) Naizvozvo vabereki vedu vokutanga vakapiwa mwero wakati wouchenjeri, ruramisiro, simba, uye rudo. Ndokusaka Jehovha aigona kutaura kuvabatiri vake vapasi kupfurikidza nomuporofita wake, kuti: “Iye akakuudza, haiwa munhu wapasi, chiri chakanaka. Uye ko Jehovha anodei kwauri asi kuti ushandise ruramisiro nokuda mutsa nokuva anozvininipisa mukufamba naMwari wako?”—Mika 6:8, NW.

3. Chii chinorehwa pana Mika 6:8, uye chii chinodikanwa kumunhu asati agona kuva mumwe wavashandi biyake waJehovha?

3 Patinorava mashoko anoti, “Ko Jehovha anodei kwauri asi . . . ?” revo inoratidzika kuva yokuti chinotevera chinosanopeta mutoro wo‘munhu wapasi’ kuna Mwari navanhu biyake. Kuti ikoku kwakadaro chaizvoizvo kusvikira patambanukoi kuchava pachena sezvo kurukurirano inopfuurira. Chokwadika, haasati ari munhu upi noupi zvake anogona kufamba naJehovha. Iyi ropafadzo yakachengeterwa avo ‘vakasangana naye nerangano,’ sokunge zvakadaro. (Amosi 3:3) Seiko? Kupfurikidza nokunge waita tsauriro yachose chose kuna Jehovha ndokuratidzira iyoyi norubhapatidzo rwomumvura, sezvaratidzirwa munyaya yapfuura. Naizvozvo, Mika 6:8 inorevei nokuda kwaava vanhu?

‘Kushandisa Ruramisiro’

4. Zvikurukuru, “kushandisa ruramisiro” kunorevei?

4 Kutanga, pane chinodikanwa cho“kushandisa ruramisiro.” Savashandi biyake vaJehovha Mwari, tinofanira kuva nehana yakanaka. “Kushandisa ruramisiro” zvikurukuru kunoreva kuita chiri chakarurama, chinodikanwa kwatiri naMwari. Uku kunoreva kuti tinofanira kuita misengwa yedu, mukuru uchiva kupa Jehovha kuzvipira kwapoga. (Nahumi 1:2) Iye haashiviriri makwikwi. Hatimbogona zvedu kubatira vatenzi vaviri.—1 VaKorinte 10:22; Mateo 6:24.

5. Jesu Kristu akaratidza sei kuti aida kururama uye aivenga uipi?

5 Uyezve, “kushandisa ruramisiro,” tinofanira ‘kuda kururama ndokuvenga uipi,’ sezvakaita Jesu Kristu. Nemhaka yorudo rwake rwokururama, iye akazvichengeta amene ari “usine chakaipa, usine kusvibiswa, wakaparadzaniswa navatadzi.” (Pisarema 45:7; VaHebheru 7:26) Uye nemhaka yokuti Jesu aivenga uipi, iye akatuka vatungamiriri vorudzidziso vanonyengera navana makaro vezuva rake nehasha dzakarurama.—Mateo 23:13-36; Johane 8:44.

6. Neiko tichifanira kuva nebvumirano inopfuura yendangarirowo zvayo yokuti tinofanira kudzivisa chinorambidzwa nemhaka yokuti chakashata?

6 Sezvinogona kuonwa mumuenzaniso waJesu, kuda kururama hakuna kukwana. Tinofanira kuvengawo—hungu, kusema, kushora, kusemburwa, kuva noruvengo rwakasimba rwechakashata. Nemhaka yokuti kombamiro dzedu dzakashata kuvambira paupwere hwedu zvichienda mberi uye mwoyo yedu ichinyengera, ichinyengedza, tinoda inopfuura bvumirano yendangarirowo zvayo yokuti chakashata chinorambidzwa. (Genesi 8:21; Jeremia 17:9) Kutoti tichishora zvakasimba kombamiro nemiedzo zvokutadza, tichatera kukwezvo dzazvo. Tinofanira kuva nokuvenga kwakasimba kumwe cheteko kwechakashata uko Pinehasi akaratidzira apo iye akashandisa pfumo kubaya vaviri vakabatanidzwa mukunamatwa kwoutere kwaBhaari wePeori.—Numeri 25:5-8.

7. Chipupuriroi chatinacho chokuti Jehovha haashandisi savashandi biyake vapi navapi vakaipa?

7 Jehovha haadi uye haasati achizoshandisa savashandi biyake vanhu vapi navapi vakaipa. Ikoku kunojekeswa paPisarema 50:16-18, patinorava, kuti: “Asi kunowakaipa, Jehovha unoti: ‘Iwe ungadudzira seiko zvandakatema, nokureva sungano yangu nomuromo wako? Zvaunovenga kurairwa, nokurasha mashoko angu shure kwako. Wakati uchiona mbavha, ukafarirana nayo, unoshamwaridzana nemhombwe.’”

8. Ndichinoitikai chinosimbisa ruzvidzo rwatinogona kuparira kupfurikidza nokutera kuchakaipa?

8 Tingaramba takabatikana mubasa raJehovha, tichiparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Asi kana tisingangwariri zvikuru kushandisa kuzvidzora, tingadarika nemhaka youtera hwenyama ndokuunza ruzvidzo pazita raJehovha. Nokudaro, makore mashomanene apfuura mumwe mukuru akaita upombwe nehanzvadzi yomudzimu iyo yaiva nomurume asingatendi. Pamadekwana ayo kudzingwa kwowaichimbova mukuru kwakaziviswa, murume akashatirwa akapinda muHoro yoUmambo nepfuti duku ndokupfura kuvanhu vaviri vane mhaka. Hapana nomumwe wavo akaurawa, asi zuva rakatevera racho ikoku kwakanga kuri mashoko apapeji yokutanga mupepanhau gurusa romuUnited States! Zvirokwazvo, chakaipa chinounza ruzvidzo.—Zvirevo 6:32.

9. Mukuwirirana naZvirevo 4:23, chii chatinofanira kutaviridza, uye nei?

9 Nenzira yakakodzera, naizvozvo, tinopiwa zano, kuti: “Chengeta mwoyo wako, kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.” (Zvirevo 4:23) Hungu, tinofanira kuzviranga timene pamusoro peicho tinorega mwoyo yedu yokufananidzira ichifungisisa. Kazhinji kazhinji zvikuru, terevhizheni, magazini, uye zvimwe zvimiro zvinobudisa nhau zvinosimbisa zvinhu zvisakachena, kubatanidza mabhuku outere. Naizvozvo, tinofanira kuva vanosarudza zvikuru pamusoro pechatinotarira, kuteerera, uye kurava. Kudzora mufungo kwomunhu oga kunokosha kwazvo! Somuenzaniso, kungava kuri nyore kuwana mufarwa mukunyandura mundangariro dzedu fungidziro dzoutere, zvinhu izvo tingasafunga nezvokuedza kuita muupenyu chaihwoihwo. (Mateo 5:28) Asi kazhinji kazhinji kufunga kwakadaro kunoguma nezviito zvakashata. Panzvimbo pokufungisisa mundangariro pazvinhu zvakadaro, ipapo, ngatiratidzirei chibereko chomudzimu mutsvene chokuzvidzora ndokufungisisa zvinhu zvakarongwa pana VaFiripi 4:8.—VaGaratia 5:22, 23.

“Kuda Mutsa”

10, 11. (a) Musianoi unogona kuitwa pakati pokutendeka noruvimbiko? (b) Mwanakomana waMwari akaratidzira sei kutendeka noruvimbiko?

10 Chinodikanwa chechipiri chinodudzwa pana Mika 6:8 ndechokuti isu “tide mutsa.” “Kuda ruvimbiko” ndiyo nzira inorava nayo pano The New English Bible. Mashoko omuzasi omuNew World Translation Reference Bible anoratidza kuti shoko rechiHebheru cheʹsedh, rakashandurwa kuti “mutsa,” ringagona kushandurwawo kuti “mutsa worudo” kana kuti “rudo rwokuvimbika.” Mukuwirirana navanyori veduramashoko, “kuvimbika kunoreva kudzivisa kwakasimba kumuedzo upi noupi wokutiza kana kuti kukwenyera.” “Kuvimbika anowedzera kukutendeka pfungwa yokuda kutsigira nokurwira munhu kana kuti chinhu, kunyange pazvakaipa zvikuru.” Nenzira inofadza, muMagwaro tinowanawo musiano muduku mukushandiswa kwaaya mashoko. Somuenzaniso, shoko rokuti “ruvimbiko” haritongoshandiswi nezvezvinhu zvisina upenyu. Asi shoko rokuti “wakatendeka” rinonzarwo ranzarwozve. Nokudaro, mwedzi unonzi “chapupu chakatendeka chiri kudenga.” (Pisarema 89:37) Ipapowo, mashoko aMwari anotaurwa kuva akatendeka, ndiko kuti, akavimbika.a (Zvakazarurwa 21:5; 22:6) Ruvimbiko, zvisinei, runopiwa bedzi kuna Jehovha Mwari navabatiri vake vanotenderwa. Nenzira inowirirana, nezvaJehovha, tinorava, kuti: “Nomumwe munhu akavimbika muchaita noruvimbiko.”—2 Samueri 22:26, NW.

11 Mwanakomana waMwari akanga akatendeka uye akavimbika kuna Jehovha mudenga. Pasi pano, iye akatambura kuedzwa somunhu Jesu Kristu uye akabvumikisa neteerero yake kuti akanga ari zvose zviri zviviri akatendeka naakavimbika somunhu. Ikoku kunoratidzirwa naVaHebheru 5:7-9, patinorava, kuti: “Iye, pamazuva enyama yake, wakauya kuna iye wakanga achigona kumurwira parufu, neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari. Kunyange aiva Mwanakomana, wakadzidza kuteerera nezvaakatambudzika; akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vose vanomuteerera.”

Miedzo Yoruvimbiko

12. Padzimwe nguva, chii chingaedza ruvimbiko rwedu, uye vamwe vakaita sei kumiedzo yakadaro?

12 Ruvimbiko kuna Jehovha Mwari runoda kuti tivewo vakavimbika kuvabatiri vake vari pasi pano, maKristu biyedu. Muapostora Johane anojekesa ikoku paanotiyeuchidza, kuti: “Usingadi hama yake yaakaona, ungada seiko Mwari, waasina kumuona.” (1 Johane 4:20) Kusakwana kwavamwe kungaedza ruvimbiko rwedu muna ikoku. Somuenzaniso, apo ivo vakagumburwa, vamwe vakaratidzira utera muruvimbiko rwavo kusangano raJehovha kupfurikidza nokusapinda misangano yechiKristu. Mumwe muedzo woruvimbiko rwedu kuhama dzedu unomuka apo avo Jehovha ari kushandisa kutungamirira vanokanganisa muchisarudzo. Nguva nenguva, zvikanganiso zvakadaro zvakashandiswa navamwe sepembedzo yokushatirwa ndokuzvibvisa vamene musonganiro yesangano rinooneka raJehovha. Asi nzira yavo yechiito inoruramiswa here? Kana!

13. Neiko kuparadzana nesangano raJehovha kusingaruramiswi, uye zvisarudzoi zvinozvipa zvimene kuvasina kuvimbika vakadaro?

13 Neiko vanhu vakadaro vasingaruramiswi mukusiya sangano raMwari? Nemhaka yokuti Shoko rake rinotipikira kuti: “Vanoda murau [waJehovha] vano rugare rukuru; hapana chinovagumbusa.” (Pisarema 119:165) Uyezve, tinorairwa kuva “norudo rukuru nokuda kwomumwe nomumwe, nemhaka yokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji. (1 Petro 4:8, NW; Zvirevo 10:12) Kupfuurirazve, ngatiti mumwe munhu angazviparadzanisa amene navanhu vaJehovha. Ndokupi kwaangaenda? Haana kutarisana here nenhau imwe cheteyo iyo yakatarisana nayo navaapostora vaJesu paakavabvunza kana ivo vaidawo kumusiya? Muapostora Petro akapindura nomazvo, kuti: “Ishe, tichagoenda kuna aniko? Ndimi muna mashoko oupenyu husingaperi.” (Johane 6:68) Hakuna imwezve nzvimbo yokuenda kunze kwoku“Bhabhironi Guru,” umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema kana kuti mukudzora kwe“chikara” chezvamatongerwe enyika chaSatani. (Zvakazarurwa 13:1; 18:1-5) Zvikurukuru, vasina kuvimbika avo vakasiya sangano rinooneka raJehovha vakakumbanira avo vari mu“Bhabhironi Guru” rinoshora Mwari.

“Kuva Anozvininipisa Mukufamba naMwari Wako”

14, 15. (a) Irevoi dzine shoko rechiShona rokuti “kuzvininipisa”? (b) Tinoitira hanya pano revoi yo“kuzvininipisa”, uye nokuda kwezvikonzeroi? (c) Neiko maKristu achifanira ‘kuisa kuyera kuno mwero pamano awo kana kuti faniro’?

14 Shoko rechiShona rokuti “kuzvininipisa” rine revo dzinoverengeka. Iro rinogona kunongedzera kuicho chisingazvitutumadzi, “chakaganhurirwa musaizi, mwero, kana kuti ukuru.” Kana kuti rinogona kuva nerevo yorucheno, “kuchengeta zvakafanira zvomupfekero nomufambiro.” (1 Timotio 2:9) Ipapo kune revo yo“kuzvininipisa” yatinoitira hanya zvikuru, ndiko kuti, kuziva miganhu yako kana kuti “kuisa kuyerwa kune mwero pamano omunhu kana kuti faniro.” Hatingatongogoni kuva mumwe wavashandi biyake vaJehovha kana tine murangariro wakakwirira zvikuru wedu timene, kukwevera ngwariro kwatiri timene panzvimbo pokukwevera ngwariro zvikurukuru kuna Jehovha Mwari.

15 ‘Kuisa kuyerwa kune mwero pamano edu timene kana kuti faniro’ ndiyo revo iri pachena yatinofanira kubatanidza neshoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “kuzvininipisa” pana Mika 6:8. Uku kuri pachena kubva munzira iyo shoko racho rinoshandiswa nayo mukumwe kuoneka kwaro bedzi muMagwaro echiHebheru. Pana Zvirevo 11:2 rinosianiswa kwete nokusachena kwevatano asi nokuzvitutumadza, uko kunobva mukunyanyozvifunga umene. Ipapo tinorava, kuti: “Kana kuzvikudza kuchisvika, kunyadziswa kwasvikawo; asi uchenjeri huri kuna vanozvininipisa.” Kuzvininipisa kunopindirana nokuva norutyo rwaJehovha, uko kunobatanidzwawo nouchenjeri. (Pisarema 111:10) Munhu anozvininipisa anotya Jehovha nemhaka yokuti anoziva kuti pane musiano mukuru wakadini uri pakati pake naMwari, pakati pokururama kwaMwari nesimba nokusakwana kwake amene noutera. Naizvozvo, munhu anozvininipisa anoshandira ruponeso rwake norutyo nokudedera.—VaFiripi 2:12.

16. Ndaapi ari mamwe magwaro anoratidza chikonzero nei maKristu achifanira kuva anozvininipisa?

16 Pane zvikonzero zvakawanda kwazvo nei vashandi biyake vaJehovha vachifanira kuva vanozvininipisa! Pasinei zvapo nouchenjeri hwatingava nahwo, simba romuviri ratingave takapiwa, kana kuti ipfuma yokunyama yakadini yatingave tinayo, hatina zvikonzero zvokuganza. (Jeremia 9:23) Zvokona neiko? Nemhaka yenheyo inotaurwa pana 1 VaKorinte 4:7, inoti: “Nokuti ndianiko wakakutsaura iwe? Chinyiko chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, unozvikudzireiko seusina kupiwa?” Hatinawo chikonzero chipi nechipi chokuganza nemhaka yezvibereko zvoushumiri hwedu, nokuti tinoraveiko pana 1 VaKorinte 3:6, 7? Ipapowo Pauro akati: “Ini ndakasima Aporo wakadiridza; asi Mwari wakameresa. Naizvoizvo unosima haazi chinhu, kana unodiridza; asi Mwari unomeresa.” Mashoko aJesu ari pana Ruka 17:10 anofanira kubetserawo kutichengeta tichizvininipisa, nokuti iye akati: “Saizvozvo, nemiwo, kana maita zvose zvamarairwa, muti: ‘Tiri varanda pasina, takaita sezvataifanira kuita.’”

17. Neiko kuzvininipisa kuri zvirokwazvo nzira youchenjeri?

17 Kuzvininipisa zvirokwazvo inzira youchenjeri. Kuzvininipisa kunotigonesa kugutswa papi kana papi patakaropafadzwa kubatira. Kana tichizvininipisa, hatisati tichizoedza nechinendirini kushaina asi tichagutswa nokuzvibata timene so“muduku.” (Ruka 9:48) Ipapo, tichava nechimiro chowezvamapisarema, uyo akazivisa, kuti: “Zuva rimwe pavazhe dzenyu rinokunda mamwe ane chiuru pakunaka. Ndinoti zviri nani kuti ndive murindi womukova mumba maMwari wangu, pakuti ndigare pamatendi avane zvakaipa.” (Pisarema 84:10) Uyezve, kana tichizvininipisa, tichava norudo ruchatisunda kutungamirira mukuratidzira rukudzo kuvamwe.—VaRoma 12:10.

Kuzvininipisa Kwakafanira Kupwere

18. (a) Neiko kuzvininipisa kwakakodzera zvikuru nokuda kwepwere? (b) Kudikanwa kwokuzvininipisa kunotsigirwa nechinyorwai chinobatanidza pwere dzomuzuva razvino uno?

18 Zvikurukuru kwakakodzera kuti pwere dzechiKristu dzizvishongedze dzimene nenguvo yokuzvininipisa. Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini wakagovera Erihu nokuda kwadzo! Kunyange zvazvo iye aiva nemhinduro dzakarurama, akanga achidisa kumira noruremekedzo kutozosvikira varume vakuru vataura. (Jobho 32:6, 7) Kazhinji kazhinji, pwere dzinokombamira kunzwa dzichizvivimba, kuva dzinoziva zvishoma nezvemiganhu yadzo. Nemhaka yokuti dzine simba romuviri uye dzakawana zivo yakati, idzo dzingakombamira kuzvidza vakuru vadzo. Asi zivo haina kuenzana nouchenjeri, uhwo huri kushandiswa kwezivo. Muenzaniso chinyorwa chinosuruvarisa icho pwere dzazvino uno dziri kuita muUnited States. Imomu, 63 muzana yokusunga nokuda kwoutsotsi hukuru inobatanidza vanhu vaduku vanosvika kumakore 24 ezera, ne 30 muzana yokusunga ichiva yaavo vari pasi pezera re 18. Kunoshumwawo kuti “kuchaira wakadhakwa kana kuti wakanganiswa nemirimo chisakiso chikuru chorufu pakati pavaAmerica vane makore 15-24.” Munyika iyoyo, “roorano dzakawanda zvikuru dzavechiduku dziri kuguma nechatanuro,” nepo kuchishumwa kuti “roorano dzichagara zvikuru kana chikomba nomwenga vane mamwe makore mashomanene ouchenjeri shure kwavo apo vanochata.”

19. Izanoi rapaMagwaro iro pwere dzinoita zvakanaka kufungisisa?

19 Nderokuchenjera sei, ipapoka, zano reShoko raMwari! Nenzira yakakodzera, iro rinoraidza pwere kukudza baba wadzo namai vadzo, kuvateerera muchinhu chiri chose. (VaEfeso 6:1-3; VaKorose 3:20) Pwere dzinofanira kurangarira zvakakomba zvikuru zano rokuchenjera, rinoti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.”—Zvirevo 3:5, 6.

20. Itusoi idzo vanhu vose vakazvitsaurira ndokubhapatidzwa vanogona kukarira kana vakateerera Mika 6:8?

20 Ituso dzakadini idzo tose zvedu tinogona kukarira kana, pashure pokunge taratidzira chivimbo muna Jehovha kupfurikidza netsauriro norubhapatidzo rwomumvura, tika‘shandisa kururama, tikaratidzira rudo rokuvimbika, uye tikazvininipisa mukufamba naMwari wedu’? Inokosha zvikurusa yadzose, tichava netendero yaJehovha nemhaka yokusvitsa zvinodikanwa zvake uye nokudaro tichafadza mwoyo wake kupfurikidza nokugoverana mutsveneswo yezita rake guru nerinotyisa. (Zvirevo 27:11) Uyezve, tichawana muupenyu hwedu timene zvokwadi yenheyo yokuti “kuzvipira kwoumwari kunobetsera nokuda kwezvinhu zvose, sezvakune chipikirwa choupenyu zvino nouhwo huchauya.”—1 Timotio 4:8, NW.

[Mashoko Omuzasi]

a Murutivi rwokumadokero rweUnited States, mune tsime iro kwamakore akawanda, paavhareji, rakaputika kamwe maminiti 65 ari wose. Iro nokudaro rakawana zita raro, Akatendeka Wekare.

Ndedzipi Dziri Mhinduro Dzako?

◻ Mutsinhirano naMika 6:8, chii chinodikanwa kuti ti“shandise ruramisiro”?

◻ Ruvimbiko kuna Jehovha runei chokuita noukama hwedu namaKristu biyedu?

◻ Tinofanirirei kuva ‘vanozvininipisa mukufamba naMwari’?

◻ Nei kuzvininipisa kuchibetsera zvikurukuru pwere dzechiKristu?

[Mufananidzo uri papeji 17]

Ko iwe unotaviridza mwoyo wako here kupfurikidza nokuva anosarudza pamusoro pechaunotarira, kuteerera, uye kurava?

[Mufananidzo uri papeji 18]

Petro aiziva kuti kwakanga kusina imwezve nzvimbo yokuenda nemhaka yokuti Jesu akanga ane “mashoko oupenyu husingaperi.” Ko iwe wakatsunga zvakafanana kuramba wakavimbika kusangano raJehovha here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe