Munyengetero paGomo reHiei—Imhinduro Nokuda Kworugare Rwenyika Here?
MUNYENGETERO uchaunza rugare rwenyika here? “Rugare harusati ruchizouya nokungonyengetera chete. Hakuna kupfava saizvozvo,” akadaro Gijun Sugitani, murongi womusangano womunyengetero wakaitwa muna August 1987 muJapan. “Asi handifungi kuti rugare ruchawanwa pasinawo munyengetero.” Murangariro wake wakanga wakafanana chaizvo nouyo waiva navaJapan 500 nenhume 24 dzemhiri kwamakungwa kuMusangano Mukuru woRudzidziso wa 1987 wakaitirwa muKyoto, Japan.
Sekete yeTendai yechiBhuddha yakatsigira uyu musangano womunyengetero sounotevera uyo wakaitwa muna 1986 paAssisi (Italy) ndokuuronga kuti uwirirane nokuchengetwa kwegore negore kwechi 1 200 kwokuzarurwa kweEnryakuji Temple paGomo reHiei. Vanhu vamwe navamwe vane ruzivo rwechiBhuddha, rwechiKristu nezita, rwechiConfucia, rwechiHindu, rwechiIslam, rwechiJudha, rwechiSikh, uye rwechiShinto vakaita majana okupa munyengetero pagomo racho. Ko musangano wacho wakanga uri chaizvoizvo here mhinduro nokuda kworugare rwenyika?
Musangano We“gadziriro Yamaruva”
“Musangano mukuru igadziriro yamaruva yorudzidziso,” akadaro Etai Yamada, muprista mukuru wesekete yeTendai nasachigaro worukudzo. “Hapana rimwe ramaruva rinorasikirwa nechimiro charo rimene nomunhuwi.” Iye akareva kuti chero bedzi marudzidziso akabatanidzwa muchishuvo chawo chorugare rwenyika, rumwe norumwe runogona kuchengeta zvitendero zvarwo zvinopikidzana, kufanana namaruva mamwe namamwe ari mugadziriro imwe.
Pakati pa“maruva” akatanhamara aiva pamusangano pakanga pane Chechi yeKaturike, yakamirirwa naFrancis Cardinal Arinze weVatican Secretariat for Non-Christians. Arinze akarava shoko rapapa, iro rakataura kuti “rugare harugoni kuwanwa pasina munyengetero uye kunyange zvazvo hondo dzingatangwa nechiverengero chakaganhurirwa chavanhu, rugare runoda batira pamwe nechinzwano zvomunhu ari wose.”—Mainichi Daily News, August 5, 1987, peji 12.
Kana tariro yorugare rwenyika “ichida batira pamwe nechinzwano zvomunhu ari wose,” Mwari kwaari ivo vanopa minyengetero akasimba sei? Nhume dzakanyengeterera rugare, asi idzo dzinodavira kuti nhamburiko dzavanhu dzingaruparira. Kufanana negadziriro yamaruva yokushongedza, musangano wavo womunyengetero waifanira kuva ratidzirwo yakaisvonaka yenhamburiko dzavo vamene.
Gadziriro yamaruva yakaisvonaka kuona, asi kana nhambo chaiyo yangopera chete, maruva asina midzi anosvava uye kupfuma kwawo kunobhuruwara. Runako rweruva rimwe nerimwe nokuisvonaka kwegadziriro zvinokurumidza kurashwa. Uye maruva haasati achirehwa kuti abereke michero. Uyu musangano mukuru wakagumawo se“gadziriro yamaruva” isingabereki zvibereko here?
Vatungamiriri vamene vorudzidziso vaitora rutivi havana kugutswa nemiuyo yacho. “Ivo vangadai vakada kuva vakananga zvikuru pamusoro pokuti mipimoi iyo marudzidziso anofanira kuita munguva yemberi asi vakataura kuti pakanga pasina nguva yakakwana yekurukurirano dzakadaro,” inoshuma kudaro Asahi Evening News. Zvisinei, muuyo wakadaro waikarirwa. “Donzo redu,” akadaro Takaaki Kobayashi, mumwe wavarongi vomusangano mukuru, “kunzwa zvikarakadzo zvorudzidziso rumwe norumwe pamusoro penzira dzakanakisisa dzokuwana nadzo rugare. Mutemo mukuru ndowokuti mutori rutivi mumwe nomumwe anofanira kuteerera mirangariro yavamwe pasina kutsinhira kana kuti kupindura kana kuti kukurukura.” Nhamburiko yavo pamusangano womunyengetero yakanga yakaganhurirwa kukuteerera vamwe, kwete kuita chiito. Somuuyo, musangano wacho “wakakundikana kuronga mapfundo akajeka okuwana nawo nharidzano dzomusangano mukuru.”
Wakanga Uri wamaKristu Echokwadi Here?
Vanhu vanovavarira kutevera Jesu Kristu vangashamisika, vachiti: ‘Ko muKristu anofanira kukumbanira mumusangano womunyengetero wakadaro here?’ Idi rokuti iwo wakaitirwa paGomo reHiei, gomo dzvene resekete yechiBhuddha, rinopa zvokufunga nezvazvo. Iwe unogona kufungidzira here Jesu Kristu achikwira gomo dzvene rechiBhuddha kuzopa munyengetero worugare?
Muapostora Pauro akanyevera vateveri vaJesu Kristu, kuti: “Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi; nokuti kururama kungava noukama hweiko nokusarurama? Chiedza chingayanana sei nerima? Kristu unganzwana sei naBheriari? Unotenda ungava nomugove weiko nousingatendi? Tembere yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? . . . ‘Saka budai pakati pavo, muzviraure, ndizvo zvinotaura [Jehovha (NW)], musabata chinhu chine tsvina’; ‘ndizvo ndichakugamuchirai.’”—2 VaKorinte 6:14-17.
Ko kupa minyengetero pamusangano wokutenda kwakavhengana pagomo dzvene rechiBhuddha hakugumi here no‘kuva [kwomuKristu] akasungwa zvisina kufanira navasingatendi’? Ikoku kunoreva here, ipapoka, kuti maKristu echokwadi anofanira kuva asingakendengi pamusoro pokunyengeterera rugare? Nyangwe!
Munyengetero Worugare
Muuporofita hwake pamusoro po“rutivi rwokupedzisira rwamazuva,” muporofita Isaya akataura nezvavazhinji vaizoti: “Uyai, imi vanhu, uye ngatikwirei kugomo raJehovha,” kwete kuGomo reHiei rechiBhuddha. “Gomo raJehovha” rinofananidzira namatwo yechokwadi yaMwari weBhaibheri. ‘Kukwira’ kugomo iroro kunoguma nechiiko? Chokwadi, Jehovha “achatiraidza pamusoro penzira dzake, uye tichafamba munzira dzake,” akadaro Isaya! “Iye [Jehovha] achaita zvamazvirokwazvo rutongeso pakati pamarudzi,” akawedzera kudaro muporofita wacho. Somuuyo, kwaizova norugare rwenyika, nokuti Isaya akadeya kutaura kuti vanamati vechokwadi “vachafanira kupfura minondo yavo ichiva miromo yamapadza namapfumo avo kuva zvisanzauriso. Rudzi harusati ruchizosimudzira rudzi munondo, uyewo havasati vachizodzidzirazve hondo.”—Isaya 2:2-4, NW.
Uyu mugariro unototekeshera pakati peZvapupu zvaJehovha, uye nokukurumidza uchafukidza pasi rose. Asi seiko? Jehovha Mwari, kwete vanhu, achaunza rugare rwechigarire kupfurikidza noUmambo hwake. Huchabvisa mupasi mharadzi dzorugare dzose uye huchapinza paradhiso yapasi. (Zvakazarurwa 11:15, 18) Kusafanana nokutaura kwakaitwa pamusangano mukuru worudzidziso uyo wakanga wakafanana ne“gadziriro yamaruva” inoorora asi isingabudiriri mashoko aJehovha haasati achitongodzokera kwaari asina miuyo.—Isaya 55:11.
Neiko, ipapoka, tichifanira kunyengeterera rugare kana Mwari achifanira kuruparira pasinei zvapo nenhamburiko dzavanhu? Kupfurikidza nokunyengeterera Umambo hwaMwari kuti huuye, tiri kuratidzira chishuvo chedu timene chorugare uye tiri kuratidzira kutenda kwedu munzira yaMwari yokuruparira pasi pano. (Mateo 6:9, 10) Kana tichizoona rugare runoitwa naMwari kana kuti kwete kunotsamira paku“vimba kwedu na[Jehovha].” Naizvozvo uya ku“gomo raJehovha” uye kumbanira mumunyengetero worugare rwechokwadi urwo iye akapikira!—Pisarema 37:9, 11.
[Mufananidzo uri papeji 8]
Gadziriro yamaruva yakaisvonaka kuona, asi haisati ichirehwa kubereka zvibereko
[Mufananidzo uri papeji 9]
Mount Hiei, gomo dzvene resekete yeTendai yechiBhuddha, apo pakaitirwa musangano womunyengetero