RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 11/8 pp. 24-25
  • Ndiani Achaunza Rugare Rusingaperi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndiani Achaunza Rugare Rusingaperi?
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rugare Rwenyika Yose Rwava Pedyo
  • Minyengetero Inonzwiwa naMwari
  • Ndiani Achatungamirira Rudzi Rwomunhu Kurugare?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • “Rugare rwaMwari” Ngarurinde Mwoyo Wenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Rugare Rwechokwadi—Rwunobva Mumanyukoi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Zvichafamba Sei Kuti Pasi Rose Pave Nerugare?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 11/8 pp. 24-25

Ndiani Achaunza Rugare Rusingaperi?

NEI Mwari asina kupindura minyengetero yorugare yakapiwa nevatungamiriri vezvitendero zvomunyika zvakasiyana-siyana? Bhaibheri rine mhinduro inofadza zvikuru. Hakusi kuti Mwari haafariri rugare—anoda rugare chaizvo kupfuura mufundisi upi noupi anonyengetera pamusoro parwo. Zvazviri ndezvokuti Mwari akatoita urongwa chaihwo hwokuunza rugare munyika. Akatotora matanho chaiwo okuti izvozvo zviitike. Akataura zvakajeka zvinangwa zvake kuvanhu. Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti zvitendero zvomunyika zvinofuratira zvakataurwa naMwari.

Kare Mwari akapikira ‘mbeu,’ mutongi, anotsanangurwa neBhaibheri zvishoma nezvishoma, richiramba richipa mashoko akawanda nezvokuti ndiye ani. (Genesi 3:15; 22:18; 49:10) Muprofita Isaya, anozivikanwa nokuda kwouprofita hwake hwaMesiya hunoshamisa, akanyora kuti Mutungamiriri akafanotaurwa uyu aizova, “Muchinda worugare” panyika uye kuti mukutonga kwake, paisazova ‘nokupera kworugare.’ (Isaya 9:6, 7) SoMutongi wokudenga, achapindira kuti aparadze uipi uye kuchinja nyika kuti ive paradhiso, inenge isina kusaruramisira, kurwara, urombo, kana rufu. Pachava norugare noupenyu husingaperi. (Pisarema 72:3, 7, 16; Isaya 33:24; 35:5, 6; Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 21:4) Izvi zvichaitika rini?

Rugare Rwenyika Yose Rwava Pedyo

Jesu akaudza vadzidzi vake kuti kuguma kwenyika ino yakaipa uye kutanga kwenzanga itsva yevanhu kuchatangirwa nezviitiko zvakawanda zvinoshamisa zvinokatyamadza nyika, zvichaitika pamwe chete munhambo imwe chete. (Mateu 24:3, 7-13) Zvakawanda zvezviitiko izvi—hondo, kuperevedza kwezvokudya, kudengenyeka kwepasi, kungotaura zvishoma zvacho—zvakaitika nguva nenguva munhambo dzose. Asi hazvina kumbobvira zvatambudza vanhu panguva imwe chete uye pasi pose sezvazvakaita munhambo yedu. Uye njodzi dzinokonzerwa nezvinhu zvakadaro dzinoparadza zvikuru kupfuura zvadzaimboita nokuti iye zvino nyika yave nevanhu vakawandisa.

Chimwe chiitiko chakafanotaurwa nezvacho neBhaibheri kuparadzwa kwezvakatipoteredza kuri kuramba kuchiitwa nevanhu. (Zvakazarurwa 11:18) Uyezve, kuguma kwakafanotaurwa kusati kwaitika, basa repasi pose rokunyevera rinofanira kupedzwa, kuparidzwa kwe“mashoko akanaka oumambo.” Nhasi Zvapupu zvaJehovha zviri kuita basa iroro pasi pose.—Mateu 24:14.

Kuzadzika kwouprofita uhwu kunoreva mashoko akanaka kuvanhu vakatendeka. Nyika itsva yakapikirwa yorugare rwakakwana yava pedyo! Izvozvo zvichaita kuti pave nokupera zvachose kworuvengo nougandanga. Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”—Isaya 11:9.

Minyengetero Inonzwiwa naMwari

Kunyengetera kuna Mwari hakusi kupedza nguva kana kuti kungoita mutambo usina basa. MuBhaibheri, Jehovha anonzi “Wokunzwa munyengetero.” (Pisarema 65:2) Saka, chero nguva, ari kuteerera kuminyengetero yakawanda inopiwa nevanhu vepachokwadi vari panyika. Zvisinei, pane zvinodiwa kuti minyengetero inzwiwe here? Bhaibheri rinoti vanhu vane mwoyo yakatendeseka vanodzidza nezvechokwadi cheBhaibheri pamusoro paMwari vanofanira kuita maererano neizvi, vachiva “vanamati vechokwadi,” vanomunamata “nomudzimu nechokwadi.” (Johani 4:23) Minyengetero yeavo vasingaremekedzi zvido zvake haipindurwi: “Unoramba kunzwa murayiro [waMwari] nenzeve yake, kunyange nomunyengetero wake unonyangadza.”—Zvirevo 28:9.

Zvinosuruvarisa kuti vatungamiriri vezvitendero vakawanda nhasi havadzidzisi kana kunyengeterera chinangwa chaMwari chokuunza rugare. Pane kuti vadaro, vanonyengeterera hurumende dzevanhu kuti dzipedze zvinetso zvakadaro, nepo Shoko raMwari richitaura zvakajeka kuti “munhu, anofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.”—Jeremia 10:23.

Zvakaprofitwa kuti “pamazuva okupedzisira,” munguva yedu, vanoda rugare vachadirana ku“gomo reimba yaJehovha” rokufananidzira—kureva kuti, kukunamata kwechokwadi. Vakadaro vachachinja zvinhu zvakawanda muupenyu hwavo: “vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.”—Isaya 2:2-4.

Nhasi pane boka ravanamati vari kuedza kurarama maererano nemashoko iwayo here? Kana kuti zvitendero zvose zvinongotaura nezvorugare asi izvo zvichisimudzira hondo? Pauchazosangana neZvapupu zvaJehovha, tinokukumbira kuti ukurukure nezvorugare navo uye udzidze kuti chitendero chipi chinodzidzisa vanhu kuti vave norugare nevamwe vose.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe