Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Vanhu vaMwari vanokarirwa ku‘tarisira avo vari vavo vamene,’ naizvozvo Abrahama aigona sei kungoendesa zvake Hagari naIshmaeri murenje?
Kuri zvose zviri zviri kworudo uye kwakakodzera kuti vabatiri vaMwari vatarisire mitezo yemhuri inoshaiwa. Pamusoro pavabereki vechiKristu, muapostora Pauro akanyora, kuti: “Asi kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.”—1 Timotio 5:8.
Tinogona kuva nechokwadi chokuti chiito chaAbrahama chakanga chisingapesani nomudzimu wezano roumwari rakadaro, nokuti iye anodudzwa somuenzaniso wokutenda kwechokwadi, achiva “shamwari yaJehovha.”—Jakobho 2:23; VaHebheru 11:8-19, NW.
Mwari akapikira chikomborero kupfurikidza nembeu yaAbrahama, kana kuti mudyi wenhaka. Apo Sara akanga akwegura uye achiri asingabereki, iye akakurudzira Abrahama kubereka mwanakomana nokumurandakadzi wake weEgipita Hagari. Gare gare, apo Hagari akanga ava napamuviri, iye akavamba kuita nokuvirima kwazvo kuna Sara zvokuti kwaigona kurondedzerwa sa“masimba masimba,” kana kuti chakaipa chinokuvadza pamudzimai anodiwa waAbrahama. (Eksodho 23:1; 2 Samueri 22:49; Pisarema 11:5) Abrahama akarega Sara achiisa Hagari munzvimbo yake, apo Hagari akatizira kurenje, zvichida achidzokera kuEgipita. Nhauro yacho haisati ichitaura kuti iye akatora mbuva, naizvozvo iye angave akaziva kuti aigona kuwana zvokudya nemvura pamimwe misasa, zvakadai sokumapoka Anodzungaira.—Genesi 12:1-3, 7; 16:1-6.
Ngirozi yakapindira ndokuudza Hagari kuti anofanira kudzokera, kuti aizova navazukuru vazhinji, uye kuti ‘ruoko [rwomwanakomana wake Ishmaeri] rwaizorwisana nomunhu ari wose.’ (Genesi 16:7-12) Asiri makore mazhinji zvikuru gare gare, Ishmaeri akabvumikisa kuva anorwisana naIsaka muduku, mudyi wenhaka wechokwadi waAbrahama akaberekwa naSara. Ishmaeri akavamba ‘kuseka’, kana kuti kushora, Isaka. Uku kwakanga kwakakomba zvikuru kupfuura makwikwi avana vavabereki vamwe chetevo. Shoko raMwari rinokuzivisa so“kutambudza” mbeu yakadeya kutaurwa nenzira youmwari yaAbrahama. Naizvozvo chiito chakasimba chakanga chakafanira.—Genesi 21:1-9, NW; VaGaratia 4:29-31.
Jehovha akaudza Abrahama kuteerera chimiro chomudzimai wake pachaifanira kuitwa, ku‘dzinga Hagari nomwanakomana wake.’ Kunyange zvazvo Abrahama asina kufadzwa nekariro yokuenda kwaHagari nomwanakomana wake, Abrahama akaita mbuva dzokunyama nokuda kwavo. Mumusiano unobvira nenguva yekare apo Hagari akapinda murenje, nguva ino iye akaenda nomugove wechingwa (zvichida kureva zvokudya zvakasiana-siana) nemvura—zvakagoverwa naAbrahama. Iye sezviri pachena akarasika pane imwe nzvimbo “murenje reBheeri-shebha,” uye migove yake yakapera asati awana imwe yetsime munharaunda macho. Asi mugariro wake wakanga usati uchizvidzisa Abrahama, nokuti iye akanga aita ‘mbuva nokuda kwaavo vakanga vari vake amene,’ kunyange mukutarisana nomufambiro usakafanira waida kudzingwa kwavo mumhuri.—Genesi 21:10-21.
[Mepu/Mufananidzo uri papeji 31]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Great Sea
Mount Carmel
Megiddo
Jerusalem
Hebron
Beer-sheba
Dead Sea
Negeb
[Kwazvakatorwa]
Based on a map copyrighted by Pictorial Archive (Near Eastern History) Est. and Survey of Israel
[Mufananidzo]
Wadi Zin, mupata worwizi wakaoma kumaodzanyemba kweBheeri-shebha