Ko Kutendeseka Kwava Kwechinyakare Here?
KUTSIGIRA kutendeseka senzira youpenyu—ikoko kwava kwechinyakare here munyika yazvino uno, yakasiiwa seisati ichashanda kana kuti youkoshi chaihwoihwo hupi nohupi? Kungaratidzika saizvozvo. Imborangarira mienzaniso mishomanene yokuti kusatendeseka kwakapararira sei, zvimiro zvakunova nako, mwero kwakwakasvika, uye kuti mutoro wako wava unodhura sei.
Mumakore achangobva kupfuura aya, ndyiko dzokukorovhera mitero dzeGermany dzakarangarirwa kuva mabhirioni $10 (U.S.) pagore, uye muSweden ndyiko dzegore negore dzinosvika ku $720 (U.S.) pamunhu. Naizvozvo kana iwe uchigara muimwe yeidzi nyika, kusatendeseka kunotapura zvaunobhadhara mumitero. Kurozva pamibhadharo yemitero yemari yaunogamuchira pagore kwakapararira kwazvo muUnited States zvokuti hurumende inorashikirwa naanorangarirwa kuva mabhirioni $100 mumari inopinda muhurumende gore negore. Funga kuti ibetsero yakadini mari yose iyoyo ingagona kuva mukubhadhara chikwereti chinoshamisa zvikuru chomubatanidzwa! Uyezve, mabhizimisi asiri apamutemo anorozva hurumende yeU.S. mamwe mabhirioni $10. Kuba muzvitoro nounhosi muUnited States kunodyira zvitoro mabhirioni $4 pagore, kuchikwidza mitengo pazvinhu. Kuchaja nenzira yokusatendeseka nhare dzokure kunhamba yomumwe munhuwo zvake kuri kudyira vaAmerica $1 mirioni gore negore.
MuCanada “mbavha dzenguva” avo vanopambadza nguva pabasa, vanodyira vashandirwi vavo mabhirioni $15 (eCanada) pagore, “anopfuura nakatatu hwerengedzo inorashwa kupfurikidza navashandi vanoba, kushandisa zvinhu zvisakafanira, kurozva inishuwarenzi, umharadzi, kurozva, kupisa zvinhu nohumwe utsotsi chaihwoihwo mubhizimisi.” Mukuwirirana nefundo ya 1986, mutwaro woumbavha hwenguva muUnited States mabhirioni $170 gore negore.
Mafemu anobudirira ane mamirioni amadhora anobira hurumende dzawo amene nenzira yamakaro. Seiko? Kupfurikidza nokudzitengesera maturusi namapati pamitengo mikuru zvikuru: maturusi okubatisa zvinhu eallen anoita masendi 12 nokuda kwe $9 606 (U.S.); matransistor anoita masendi 67 nokuda kwe$814; homwe dzepurasitiki dzamasendi 17 dzamakumbo ezvituru nokuda kwe$1 118. “Uri kutaura pamusoro pamabhirioni amadhora” okurasikirwa kuhurumende, akadaro seneta weU.S.
Inowedzerwa kuzviri pamusoro apa, mienzaniso yakashata munzvimbo iri yose inopiwa navanhu vakatanhamara inodzivisa kutendeseka. Sezvaungave wakacherechedza, vatungamiriri vomudzimwe nyika vanonyepa, vanokwenengera, vanofukidza, uye vanonzvenga mutoro wavo—hungu, kunyange kuponda vakwikwidzani vezvamatongerwe enyika ndokuita kuti kuratidzike kuti mumwe munhuwo zvake ndiye musakisi.
Naizvozvo ko kutendeseka kwava kwechinyakare here? Hakusati kuchasiri muitiro wakanakisisa here? Ko kutendeseka kwakanakisisa bedzi nemhaka yokuti Shoko raMwari rinotiudza kuti tinofanira kuva vakatendeseka here? Nyaya inotevera inokosha kwauri kana uchida mhinduro dzeiyi mibvunzo.