Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Guinea Inokwazisa Vakokorodzani vo“Rugare Rwoumwari”
MAZUVA mana okutanga a 1987 akaona kokorodzano yoruwa yokutanga yeZvapupu zvaJehovha yati yaitirwa muRepublic of Guinea, West Africa. Kunyange zvazvo Guinea iri zvikurukuru nyika yamaMuslim umo basa reZvapupu zvaJehovha richigere kuzivikanwa pamutemo, Zvapupu imomo zvakawana mukurumbira savanhu vakanaka, vane mutsa, vane rugare. Yakanga iri mhaka youyu mukurumbira kuti hurumende yakazarura masuo zvakafara kuti igamuchire vakokorodzani vo“Rugare Rwoumwari.”
Pakati penhume paiva navafundisi vapfumbamwe vakafamba vachibva Freetown, Sierra Leone, muvhani uye pamidhudhudhu miviri. Pamuganhu, ivo vaifanira kuyambuka rwizi vari muchiyambutso icho chakanga chakaumbwa namabwato matatu ane mapuranga akachinjikwa paari. Apo vakanga vangoyambuka bedzi zvakakotsekana nezviyambutso zvacho, vafundisi vakabvunza, kuti: “Tinofanira kubhadhara marii?” “Imi vanhu muri Zvapupu zvaJehovha,” ndiyo yaiva mhinduro. “Hapana mutengo.”
Zvakadiniko necustoms neimmigrations? “Musanetseke pamsoro pako,” ivo vakaudzwa kudaro. “Chinhu chiri chose chakatarisirwa. Ingopfekai mabheji enyu.” Mazana edzimwe nhume akanga achiva nezvinoitika zvakafanana. Hurumende yeGuinea yakanga isina kungobvumira bedzi kupfuura kwakasununguka vachiyambuka rwizi rwunoparadzanisa Guinea neSierra Leone neLeberia; ivo vakanga varegera miitiro yecustoms neimmigration nokuda kwomunhu upi noupi akanga ane bheji ro“Rugare Rwoumwari!” Mumwe mutariri wedunhu, uyo akabva Liberia, akati: “Bheji rakanga riri nani zvikuru kupfuura pasipoti.”
Hurumende yeGuinea yakabetsera mudzimwe nzira. Ivo vakagovera motokari yokutakura Zvapupu kubva mudzimbahwe, Conakry, kuenda kuguta rekokorodzano reGuéckédou, mamaira anopfuura 400. Ivo vakabvumidza kutengwa kwamafuta emotokari idzo dzakanga dzabva Freetown. Ivo vakaraira hotera iri pedyosa nenzvimbo yekokorodzano kuchengeta kamuri dzavo dzose nokuda kweZvapupu. Ivo vakarairawo kushandiswa kwehoro yeguta nokuda kwekokorodzano, vachiigovera pasina mutengo.
Gavhuna woruwa, uyo ari mukuru mukuru mukurusa murutivi irworwo rwenyika, akachengeta nhume 11 panzvimbo yake amene. Iye akanga ariwo pakati pavane 1 132 vakateerera hurukuro yavose paSvondo.
Jehovha Mwari haasati achizokanganwa mutsa wakadaro wakaratidzwa kuvabatiri vake.—Mateo 10:42; 25:40.