RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w87 11/1 pp. 21-23
  • Rusununguko Rworudzidziso Runotsigirwa muIndia

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rusununguko Rworudzidziso Runotsigirwa muIndia
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Misoro Midiki
  • Kumuka Kwakaita Nhau Yacho
  • Vana Vanorwisana Nehurumende
  • Ityisidziro Kuchinzwano Chorudzi Here?
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
w87 11/1 pp. 21-23

Rusununguko Rworudzidziso Runotsigirwa muIndia

CHISARUDZO chaAugust 11, 1986, cheDare Gurusa muNew Delhi chakashamisa mamirioni. Pane imwe nguva apo urudzi hwakanga hwakasimba, vashomanene vaikarira kuti rusununguko rworudzidziso rwavorushoma vorudzidziso vanozivikanwa zvishoma zvikurusa rwaizoremekedzwa. Asi pashure pokunzvereseswa kwamaidi, dare rapamusoro zvikurusa reIndia rakaraira kuti vana veZvapupu zvaJehovha havagoni kumanikidzirwa kuimba rwiyo rworudzi. Muchisarudzo chakatanhamara dare rakati:

“Tinogutswa, mumhaka yazvino, kuti kutandaniswa kwavana vatatu pachikoro nokuda kwechikonzero chokuti nemhaka yokutenda kwavo kwokutungamirirwa nehana kworudzidziso, ivo havakumbaniri kuimbwa kworwiyo rworudzi mukuungana kwamangwanani kunyange zvazvo vachimira nenzira yokuremekedza apo rwiyo runoimbwa, kuputswa kwamaruramiro avo makuru ‘kurusununguko rwehana uye kutaura, kushandisa uye kuparadzira norusununguko rudzidziso rwavo.’”

Mutongi O. Chinnappa Reddy naMutongi M. M. Dutt weDare Gurusa reIndia ndivo vakanga vari vatongi vakanzwa mhaka yakakurumbira zvino yorwiyo yeZvapupu zvaJehovha.

Kumuka Kwakaita Nhau Yacho

Inodokusvika hafu yeZvapupu zvaJehovha 8 000 muIndia inowanwa munyika duku yeKerala murutivi rwokumaodzanyemba zvikurusa rwourwu rudzi rukuru. Muzvikoro zvizhinjisa imomo, rwiyo rworudzi runoimbwa zuva nezuva. Muitiro muchikoro chaicho chiri kutaura nezvacho waiva wokuti vadzidzi vose vaimbe rwiyo. Vana veZvapupu zvaJehovha, zvisinei, vakangomira zvavo apo vamwe vaiimba. Chisarudzo cheDare Gurusa chakati: “Hakuna munhu aitambudzika. Hakuna munhu aizvidya mwoyo. Hakuna munhu aikufunga kuva kwokusaremekedza kana kuti kwokusavimbika kunyika yako. Vana vairegwa vari murugare uye vari kuzvitendero zvavo.” Uyu ndiwo waiva mugariro kwamakore.

Ipapo July 1985 akasvika. Mumwe mutezo weState Legislative Assembly wakaramba uchiti waifunga kuti kwaiva kusavimbika kunyika yako kuti munhu upi noupi arambe kuimba rwiyo rworudzi. Kurukurirano yakatevera, uye zvakakurukurwa zvakabudiswa mumapepanhau akatanhamara akawanda omunyikamo.

Zviremera zvezvikoro zvizhinjisa muKerala, izvo kutozosvikira panguva iyoyo zvainzwira tsitsi vana veZvapupu zvaJehovha, zvakatya nemhaka yokuramba kwaiva muLegislative Assembly neziviso yakashata. Somuuyo, vana veZvapupu zvaJehovha vakadzingwa pachikoro chimwe pashure pechimwe.

Vana Vanorwisana Nehurumende

V. J. Emmanuel, ane vana vaduku vatatu, Bijoe, Binu Mol, uye Bindu, vakadzingwa pachikoro, akatsvaka mushonga wapamutemo. Mr. Emmanuel akapwiswa zvakasimba kuti mutemo waimutsigira. Iye aiziva kuti, mukuwirirana neChikamu 25 (1) cheBumbiro reMitemo reIndia, “vanhu vose vane maruramiro zvakaenzana orusununguko rwehana namaruramiro okutaura norusununguko, kushandisa nokuparadzira rudzidziso.”

Pakupedzisira Division Bench yeDare Rapamusoro reKerala rakatonga mhaka yacho, asi rakaramba udzisiro yaV. J. Emmanuel. Iyoyi yakanga iri katyamadzo huru nemhaka yokuti Bumbiro reMitemo reIndia haritauri kuti rwiyo rworudzi runofanira kuimbwa kuratidza ruremekedzo nokuda kwarwo. Rinongotaura bedzi kuti vagari vemo vanofanira “kugara mukuwirirana neBumbiro reMitemo ndokuremekedza pfungwa dzaro namasangano, Mureza worudzi noRwiyo rwoRudzi.” Uyewo hakuna mumwe mutemo upi noupi unoda kuti vagari vemo vose veIndia vaimbe rwiyo rworudzi.

Mhaka yacho yakaudzisirwa kuDare Gurusa reIndia. Mukuramba chisarudzo cheDare Rapamusoro reKerala, chisarudzo cheDare Gurusa chakati: “Dare Rapamusoro rakazvitsausa rimene ndokutaura pamsoro pechimwe chinhu. Ivo vakarangarira, muudzame huri hwose, shoko riri rose nomufungo zvoRwiyo rwoRudzi ndokugumisa kuti kwakanga kusina shoko kana kuti mufungo zviri muRwiyo rwoRudzi izvo zvaigona kugumbura mirangariro yorudzidziso yomunhu upi noupi.” Bva, seizvo Dare Gurusa rakataura nomazvo, “iyoyo haisati ichitongova nhau yacho.”

Nhau yacho ndeyorudzidziso, ndiko kuti, maruramiro avanhu okuchengeta rusununguko rwavo rwokunamata. Idi ndeiri, Zvapupu zvaJehovha hazviimbi rwiyo rworudzi rwenyika ipi neipi. Nziyo dzakadaro, chaizvoizvo, minyengetero inoimbwa, uye Zvapupu zvaJehovha zvinoramba kudziimba nokutungamirirwa nehana. “Izvo zvinorega kuimba chaikoiko,” chisarudzo cheDare Gurusa reIndia chakatsanangura kudaro nenzira yokunzwisisa, “nemhaka yechitendero chazvo chokutendeseka nokutenda kuti rudzidziso rwazvo haruzvibvumidzi kukumbanira miitiro ipi neipi kunze kweminyengetero yazvo kuna Jehovha Mwari wazvo.”

Nenzira inokosha, Bumbiro reMitemo reIndia rinopikira “rusununguko rwokutaura nokuratidzira,” uko kunobatanidza rusununguko rwokunyarara. Izvozvo ndizvo izvo vana vakanga vachiita apo rwiyo rwaiimbwa mukati mokuungana kwamangwanani kuchikoro—ivo vairamba vakanyarara. Bva, zviremera zvedzidzo zveKerala, chaizvoizvo, zvakanga zvarambidza kunyarara. Naizvozvo mubvunzo wakamuka kana kurambidza kwakadaro kwaitsinhirana namaruramiro anopikirwa neBumbiro reMitemo.

Dare Gurusa rakagumisa panhau iyi, richiti: “Isu nokukurumidza tingataura kuti hapana gadziriro yomutemo inosungira munhu upi noupi kuimba Rwiyo rwoRudzi uyewo hatifungi kuti kusaremekedza Rwiyo rwoRudzi kana munhu akamira nokuremekedza apo Rwiyo rwoRudzi runenge ruchiimbwa asingakumbaniri kuimba.”

Sezvataurwa pakuvamba, basa romugari wemo ari wose, mukuwirirana neBumbiro reMitemo, ku‘remekedza Rwiyo rwoRudzi.’ Pamsoro poruremekedzo rwakadaro, Prevention of Insults to National Honor Act of 1971 inoti: “Munhu upi noupi anodzivisa namaune kuimbwa kwoRwiyo rwoRudzi kana kuti anoparira dzongonyedzo kukuungana kupi nokupi kwokuimba kwakadaro acharangwa nokuiswa mutorongo kwenhambo ingasvika kumakore matatu, kana kuti nefaindi, kana kuti nezvose zviri zviviri.” Vana veZvapupu zvaJehovha, zvisinei, vakanga vasina kutongodzivisa munhu upi noupi kuimba Rwiyo rwoRudzi. Ivo vakanga vasina kutongoparira dzongonyedzo ipi neipi kukuungana kupi nokupi kwokuimba kwakadaro.

Ityisidziro Kuchinzwano Chorudzi Here?

Kumwe kwokutaura kweHurumende kwaiva kwokuti kuimba rwiyo rworudzi kwaikosha nokuda kwechinzwano neperero zvenyika. Bva, ko kuimbwa kunomanikidzirwa kworwiyo rworudzi kunogovera chaizvoizvo kuchinzwano chenyika kana kuti kuperero yavagari vemo vayo here?

Nenzira inofadza, rwiyo rworudzi rweIndia rungori bedzi mumutauro wenzvimbo imwe, naizvozvo harunzwisiswi navoruzhinji vavaIndia vanoruimba. Nokudaro, nokuda kwavoruzhinji, kuimba rwiyo rworudzi zvimwe hakuna revo uye kunoumba, zvikurukuru, muitiro usina maturo. Zvapupu zvaJehovha hazvikumbaniri mumiitiro yakadaro. Izvo zvinongonyengetera bedzi kuna Mwari wazvo, Jehovha.

Kwakataurwawo kuti kana chisarudzo cheDare Gurusa chikanakira Zvapupu zvaJehovha, chingagona kutyisidzira chengeteko yenyika. Asi Zvapupu zvaJehovha zvomuIndia vashomanene, zvinongosvika bedzi vanhu 8 000. Ko boka duku rakadaro ringava tyisidziro kurudzi rwavanhu vanopfuura mamirioni 800 here? Kunze kwezvo, Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa munyika yose nokuda kwokutendeseka kwazvo neteerero kumitemo yehurumende dzavanogara madziri.

MuNigeria rimwe gweta rakati: ‘Zvapupu vagari vemo vanobhadhara mutero navanoteerera mutemo. Chapupu chipi nechipi chinogona kutendeseka norudzidziso rwacho kusvikira patambanuko yokuruteerera pangozi yokurasikirwa namaropafadzo akati chichava chakatendeseka zvakaenzana muzvimwe zvinhu zvizhinjisa. Chikonzero icho chinorambira kuba mari yehurumende apo vamwe vake vanoimba rwiyo rworudzi asi vachirozva mari ndechokuti Bhaibheri rake iro rinomukumbira kusaimba rwiyo rworudzi rakataurawo kuti haafaniri kuba.’

Tongero yokupedzisira yechisarudzo chakatanhamara cheDare Gurusa inokosha. Iyo yakati: “Tinongoda bedzi kuwedzera kuti: gamuchidzanwa redu rinodzidzisa shiviriro; ruzivo rwedu runodzidzisa shiviriro; bumbiro redu remitemo rinoshandisa shiviriro; ngatirege kurishatisa.” Ko hurumende navatungamiriri vachanzwisisa uyu mufungo wakaisvonaka here? Ko chisarudzo chakaitwa neDare Gurusa chicharamba chiri chokupedzisira here? Nguva bedzi ichataura.

[Mifananidzo iri papeji 23]

Vana vatatu vakaramba nenzira yokuremekedza kugoverana mumuitiro wokuvimbika kunyika

Mhuri yakazvitsaurira yavana vatatu

Iyi mhuri yakarava nezvemhaka yedare, yakafunda Bhaibheri, uye vakabhapatidzwa

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe