CHIKAMU 1
Kubva Pana Inoki Kusvika Panguva yeVatongi
Rakaprindwa
Muchikamu chino tichaverenga nezvenyaya dzakaitika mumakore anenge 2 200. Tichatanga nenyaya yaInoki, uyo akararama Adhamu achiri mupenyu, uye tichazopedzisira nenyaya yemuprofita Samueri, uyo akagadza mambo wekutanga weIsraeri. Tichanzwawo nezveushingi hwakaratidzwa nevanhu vakadai saNoa, Abrahamu, Sara, Mozisi, Rakabhi, Dhibhora, uye Gidhiyoni. Tichaona kuzvipira kwakaita vamwe vavo kuti vafambe nzendo refu dzaigona kuisa upenyu hwavo panjodzi, uye vamwe vavo vakarwa “hondo dzaJehovha.” Vese zvavo vakaratidza ushingi pavaiita zvavakanga vanzi vaite naMwari wavo wavaida.