37 DHANIERI
“Akatsidza Mumwoyo Make Kuti Aisazozvisvibisa”
DHANIERI akanga ava kugara kune imwe nyika, kure chaizvo nekumba kwavo. Mhuri yavo yakanga yatapwa pamwe chete nevamwe vanhu vakawanda vachibva kuJudha, vakaendeswa kuBhabhironi. Rwendo rwacho rwakanga rwakareba chaizvo zvekuti rwaigona kuvatorera mwedzi 4 kuti vasvike kuBhabhironi. Pavakasvika, masoja amambo akabva auya akatora Dhanieri nevamwe vakomana vechidiki, achivaparadzanisa nemhuri dzavo achibva avaendesa kumuzinda wamambo. Dhanieri akabva atanga kushamwaridzana nevamwe vakomana vatatu vaivawo vaHebheru vaiva nemazita ekuti: Hananiya, Mishaeri, naAzariya. Pasina kana nguva vakazoona kuti chinangwa chavakanga vaunzirwa kumuzinda wamambo chaiva chekuti vadzidziswe kuti vapedzisire vaita sevaBhabhironi chaivo.
Dhanieri akasangana nemiedzo yakakura paaiva kure nekumba
Vakomana ava pavakangosvika mumuzinda, Mambo Nebhukadhinezari akabva audza mukuru wemuzinda ainzi Ashpenazi kuti achinje mazita evakomana vacho. Mazita akawanda echiHebheru airumbidza Mwari wechokwadi. Semuenzaniso zita rekuti “Dhanieri” rinoreva kuti, “Mutongi wangu ndiMwari.” Asi kana kuri kuBhabhironi vanhu vakawanda vaipiwa mazita ekurumbidza vanamwari vavo venhema. Saka Dhanieri akapiwa zita rechiBhabhironi rekuti Bheteshazari. Zita iri rinogona kunge rakabva pamunamato waiitwa nevaBhabhironi vachikumbira mwari wenhema ainzi Bheri kuti achengetedze Mambo. Mambo Nebhukadhinezari aidawo kuti vakomana ava vave nemafungiro evaBhabhironi. Saka akaita kuti vadzidziswe kutaura uye kunyora mutauro wechiKadheya waitaurwa nevaBhabhironi kuitira kuti vazoshandira mambo mumuzinda wake. Asi zvese izvi aingova mavambo chete.
Mambo akagadza Ashpenazi kuti atungamirire kudzidziswa kwaizoitwa vakomana vacho. Akaitawo kuti vapiwe zvekudya uye waini zvemhando yepamusoro, zvakangofanana nezvaaidya iye. Pamwe vamwe vakomana vaivapowo vakatofara pavakanzwa kuti vaizopiwa zvekudya zvaidyiwa namambo. Asi pane kuti Dhanieri neshamwari dzake vafarewo vakatoona kuti uyu wakanga uri muedzo chaiwo. Nemhaka yei?
VaBhabhironi vanofanira kunge vaiziva kuti vaJudha vane zvimwe zvinhu zvavaisadya nekuti zvairambidzwa nemutemo waJehovha. Saka Dhanieri anofanira kunge akazvibvunza kuti: ‘Vari kuda kuedza kuita kuti tityore mutemo waJehovha here nekudya zvekudya zvisina kuchena? Kana vakatipa nyama, inenge yakanyatsochekwa here ikabuda ropa kana kuti vari kuda kutinyengera kuti tityore mutemo waJehovha wekusadya ropa? Kana tikadya nyama iyi hatizoonekwi setava kunamata vanamwari venhema here? Uyewo, kana tikanwa waini yakawanda kudai yavari kutipa, pfungwa dzedu dzinozosara dzichishanda zvakanaka here?’a
Dhanieri anofanira kunge akanyengetera kakawanda nezvenyaya iyi uye kubvunza shamwari dzake kuti voita sei. Dhanieri “akatsidza mumwoyo make” kuti aisazoita chero chii zvacho chaizogumbura Jehovha. Saka akabva aenda kunotaura naAshpenazi achikumbira kuti iye neshamwari dzake vasapiwe zvekudya izvi zvaigona kuzovasvibisa. Jehovha akaratidza kuti akanga aina Dhanieri nekuti akaita kuti Ashpenazi asagumburwe nechikumbiro chaakanga aita. Asi Ashpenazi aityira kuti chii chaizoitika kana mambo akazoona vakomana vacho vava kurwara nemhaka yekuti vakanga varamba zvekudya zvaaivapa. Aiziva kuti aizopiwa mhosva naNebhukadhinezari. Dhanieri haana kuda kupikisana naye. Asi pave paye, Dhanieri akaratidza ushingi achibva ataura nemunhu akanga agadzwa naAshpenazi kuti avachengete. Akakumbira kuti iye neshamwari dzake nhatu vapiwe miriwo nemvura chete kwemazuva 10 aizotevera, ozovaenzanisa nevamwe vakomana. Murume wacho akabvuma kuita zvavakanga vakumbira!
Mazuva acho 10 paakapera, zvakazooneka kuti vakomana ava vaitoratidzika zviri nani kupfuura vamwe vese! Saka vakabva vabvumirwa havo kuramba vachidya miriwo nekunwa mvura. Izvi zvakaratidza pachena kuti Jehovha akakomborera kutenda uye ushingi zvakaratidzwa naDhanieri neshamwari dzake. Saka havana kuzombobvira vakanganwa zvavakaitirwa naJehovha panguva iyoyo.
Muchitsauko chinotevera, tichadzidza nezvemuedzo unotyisa wakasangana neshamwari nhatu dzaDhanieri waida kuti varatidze ushingi. Kana ari Dhanieri akararama kusvika ava nemakore anenge 100 uye akasanganawo nemiedzo yaida kuti aratidze ushingi. Pane imwe nguva Jehovha akamboita kuti Nebhukadhinezari arote hope, saka Dhanieri aifanira kutsanangurira mambo kuti hope dzacho dzairevei. Asi zvakanga zvisiri nyore kuti atsanangurire mambo uyu aidada zvinhu zvakaipa zvaizoitika kwaari. Papera makore akawanda, Dhanieri aifanira kutsanangurira mambo Bheshazari, akanga ava kutonga panguva iyoyo, mashoko akanga akanyorwa pamadziro ekuti aizofa. Uye paakanga akwegura, Dhanieri akakandwa mugomba reshumba. Paaisangana nemiedzo yese iyi, Dhanieri akaramba achingoratidza ushingi sezvaaingoita kubvira achiri mudiki. Ndosaka imwe ngirozi yaJehovha yakataura naDhanieri ichimuti, “Murume anokosha chaizvo”!
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Dhanieri akaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. Mashoko ari pana Dhanieri 1:1 anopikisana nemashoko ari pana Jeremiya 25:1 here? (dp 18-19 ¶14-15-wcgr)
2. Chimwe chinyorwa chekuBhabhironi chinoratidza sei kuti ‘nzvimbo yaichengeterwa pfuma yamwari waNebhukadhinezari’ yaitovako zvechokwadi? (Dhan. 1:2; it “Nzvimbo Inochengeterwa Pfuma” ¶3-wcgr) Ona mufananidzo A
© The Trustees of the British Museum. Licensed under CC BY-NC-SA 4.0. Source. Modifications: Box added.
Mufananidzo A: Chinyorwa chekuBhabhironi chaNebhukadhinezari chinotaura ‘nezvemaichengeterwa pfuma’ mutemberi yaMerodhaki
3. “Vapristi vaiita zvemashiripiti” vaiita basa rei? (Dhan. 1:20; it “Mashiripiti Uye Uroyi” ¶2-6-wcgr) Ona mufananidzo B
Mufananidzo B: Chinyorwa chevhu chekuBhabhironi chakanyorwa kuti “unorapa” sei munhu anenge achifungidzirwa kuti akarohwa nechipoko
4. Miriwo yaidyiwa naDhanieri neshamwari dzake nhatu inofanira kunge yaisanganisira chii? (Dhan. 1:12; dp 40 ¶25-wcgr)
Zvidzidzo Zvatinowana
Vechidiki vanodzidzei kubva pane zvakaitwa naDhanieri kunyange pavanenge vari kwavo vega?
Dhanieri “akatsidza mumwoyo” kuti aizoramba achiteerera Jehovha. Izvi zvakamubatsira sei kuti ave neushingi? (Dhan. 1:8) Tingamutevedzera sei? Ona mufananidzo C
Mufananidzo C
Ndepapi pamwe patingatevedzera ushingi hwakaratidzwa naDhanieri?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Dhanieri paachamutswa?
Dzidza Zvimwe
Ona vhidhiyo inoratidza zvakaitika munyaya iyi iri muBhaibheri.
Vechidiki vangatevedzera sei ushingi hwaiva naDhanieri uye kuvimbika kwaainge akaita?