14 RAKABHI
Akasarudza Jehovha
PARUSVINGO rweguta reJeriko, paiva neimwe imba yaigarwa nemumwe mukadzi aiva pfambi ainzi Rakabhi. Paaitarisa panze nepahwindo reimba yake, aikwanisa kuona kunze ‘kweguta remichindwe’ achiona nyika yakaoma kuti gwa, yarohwa nezuva. (Dheut. 34:3) Asi paaibuda mumba achifamba muguta, aiona vanhu vakasuruvara uye vapera simba nekutya. Vagari vemuJeriko vaiziva kuti Jehovha akanga achibatsira vanhu vake vaIsraeri saka ivo vaizoparadzwa. Zvakanga zvava kuda kuitika izvozvo zvainyatsoenderana nemabasa avo.
VaIsraeri vakanga vadzika musasa pedyo neguta racho. Makore 40 izvi zvisati zvaitika, Jehovha akanga anunura vanhu vake paakanyudza uto rese raFarao muGungwa Dzvuku akaritsakatisa. Munguva pfupi yakanga yadarika, Jehovha akanga aita kuti vanhu vake vakunde zvine mutsindo madzimambo aiva nesimba evaAmori ainzi Sihoni naOgi. Izvi zvaishamisa nekuti vaIsraeri vaingovawo vanhu vaitenderera murenje kwete varwi vane unyanzvi. Iye zvino vakanga vauya kuJeriko vachitungamirirwa naJehovha kuti varange vanhu ivavo vaiita mabasa akaipa.
Rakabhi aiziva kuti vanhu verudzi rwake vakanga vakaipa. Anogona kunge aitoshuvirawo kurarama upenyu huri nani pane upenyu hwechipfambi hwaairarama. Zvaakadzidza nezvaJehovha hazvina kuita kuti atye asi zvakaita kuti ave netariro. Iye zvino akanga ava kuziva nezvaMwari anochengetedza vanhu vake uye anovaremekedza, akatosiyana nekure navanamwari venhema vechiKenani. Aida kuswedera pedyo naMwari uyu waakanga ava kuziva kuti anonzi Jehovha, Mwari anoda tsika dzakachena, anoita zvakarurama uye anochengetedza vanhu vake.
Rimwe zuva pane varume vaviri vaakanga asingazive vakauya pamba pake usiku vachitsvaga pekurara. Nekungwara kwake, Rakabhi akakurumidza kuzviona kuti varume ava vaiva vasori vechiIsraeri. Asi haasi iye ega akaziva kuti vaiva vasori. Mambo weJeriko akatuma varume kumba kwaRakabhi kuti vanomuudza kuti abudise vasori ivavo. Apa Rakabhi akanga ava kufanira kusarudza zvekuita, uye zvaaizosarudza zvaigona kuzochinja upenyu hwake zvachose. Aizosarudza kutsigira vanhu vemuguta rake here kana kuti aizosarudza kutsigira Jehovha?
Rakabhi akaratidza ushingi akasarudza kutsigira Jehovha. Akaita kuti vasori vacho vahwande padenga reimba yake akabva arasisa varume vakanga vatumwa namambo. Varume vacho pavakaenda Rakabhi akaenda padenga remba ndokuudza vasori vaya kuti nei akanga asarudza kuvaponesa. Akati: “Ndinoziva kuti Jehovha achakupai nyika.” Rakabhi akanga ava kutenda muna Mwari wavo! Akabva avaudza mashoko anokurudzira ekuti: Varume vemuJeriko vapera simba nekukutyai. Akabva ateterera vasori vacho kuti vazomuponesa Jehovha paaizoita kuti vaIsraeri vaparadze guta racho.
Mukadzi aiita zvechipfambi akawanepi ushingi hwekusiya vanhu vake uye upenyu hwakaipa hwaairarama?
Rakabhi akanga aponesa upenyu hwevasori ava uye vakazvionera vega kuti akanga atsigira Jehovha. Vakabvuma kuita zvaakanga akumbira. Rakabhi nemhuri yake vaizoponeswa. Aifanira kuita kuti pasava neanoziva kuti vasori vacho vakanga vaenda nekupi, orembedza tambo tsvuku pahwindo reimba yake yaiva parusvingo rweguta, uye oramba ari mumba pairwiwa hondo yacho. Izvozvo ndizvo zvaizomuponesa pamwe chete nemhuri yake.
Rakabhi akabatsira vasori vacho kuti vatize muguta achivadzikisa netambo nepahwindo reimba yake. Akabva asara achiita zvese zvaakanga audzwa nevasori vacho. Akasungirira tambo tsvuku pahwindo reimba yake uye akashinga kusatomboudza munhu kuti vasori ava vakanga vafambirei. Zviri pachena kuti kudai varume vemuguta iri vakanga vaziva zvaakaita varume vacho vaigona kuzomuuraya zveutsinye. Uyewo akateerera akaita kuti vemumhuri make varambe vari mumba. Jehovha paakamisa mvura yaiyerera muRwizi rwaJodhani achiitira kuti vaIsraeri vakwanise kuyambuka, zviri pachena kuti Rakabhi akabva awedzera kuva nechokwadi chekuti akanga asarudza zvakanaka. Uto revaIsraeri paraifora richitenderera neguta racho kwemazuva 7, vanhu vaiva mukati meguta vanofanira kunge vaitowedzera kutya. Pakazosvika zuva rechi7, vaIsraeri pavakaridza hwamanda vachibva vashevedzera zvinotyisa, Rakabhi nemhuri yake vanofanira kunge vakanga vakaungana pamwe chete vakachengeteka vari mumba imomo, uku masvingo achiita kuondomoka!
Hondo yacho payakapera, vasori vaya vakabudisa Rakabhi nemhuri yake. Rusvingo rwacho rwese rwakanga rwakoromoka kunze kwekachikamu kaiva neimba yake chete. Sezvakanga zvataurwa naJoshua, Rakabhi nemhuri yake vakaponeswa. Nekufamba kwenguva, vaIsraeri vakatozopedzisira vava kuona Rakabhi semumwe wavo. Akaroorwa nemurume wechiIsraeri vakava nevana. Papera mazana emakore, pakazoberekwa mumwe muzukuru wake aiva neushingi hunodarika hwechero munhu upi zvake akamborarama panyika pano, Jesu Kristu. (Mat. 1:5, 16) Jehovha akapa Rakabhi chikomborero chakakura chaizvo nekuti aiva nekutenda uye akaratidza ushingi.
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Rakabhi akaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. Tsanangura kuti Rakabhi airarama upenyu hwakaita sei paaiva muJeriko. (w13 11/1 12 ¶4–13 ¶1-wcgr)
2. Tinoziva sei kuti vasori pavakaenda kumba kwaRakabhi vakanga vasina kufambira kuita zveunzenza naye? (it “Pfambi”-wcgr)
3. Nei padenga reimba yaRakabhi paiva nemashanga emufurakisi akawanda akarongwa ipapo, uye furakisi yaishandiswei? (it “Furakisi”-wcgr) Ona mufananidzo A
Thanks for your interest in my photos/Moment Open via Getty Images
Mufananidzo A: Munda wefurakisi
4. Nei tingati Rakabhi haana kukanganisa paakarasisa varume vakanga vatumwa namambo? (w04 12/1 9 ¶1-wcgr) Ona mufananidzo B
Mufananidzo B
Zvidzidzo Zvatinowana
Nei zvaida ushingi kuti Rakabhi asiye zvechipfambi otanga kunamata Jehovha pamwe chete nevaIsraeri? Vari kudzidza Bhaibheri vanodzidzei kubva pane zvaakaita?
Kunyange zvazvo Bhaibheri richirambidza kunyepa, vaKristu vanodzidzei kubva pane zvakaitwa naRakabhi kana vavengi vaMwari vakavamanikidza kutaura mashoko akavanzika ane chekuita nehama dzavo dzechiKristu? (Zvir. 11:13; Mup. 3:7; VaEf. 4:25) Ona mufananidzo C
Mufananidzo C
Mufananidzo C
Ndepapi pamwe patingatevedzera ushingi hwakaratidzwa naRakabhi?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Rakabhi paachamutswa?
Dzidza Zvimwe
Nyaya yaRakabhi inotidzidzisei pane zvatinofanira kuita kana tichida kuzopona pazuva raJehovha?
“Unofanira Kunge Uri Kupi Pachasvika Mugumo?” (w09 5/15 6-8)
Shandisa nyaya ine musoro uri pasi apa kuti ubatsire vana vako kufungidzira zvaiitika munyaya yaRakabhi.