9 SHIFRA, PUA, AMRAMU, JOKEBHEDHI, MIRIYEMU
“Nekutenda Mozisi Akavanzwa”
JOSEFA akanga atove nemakore 60 afa. VaIjipiti vakanga vatokanganwa murume uyu akatendeka akanga ashandiswa naJehovha kuti aponese rudzi rwavo panzara. Panguva iyi muIjipiti makanga mava kutongwa nemumwe Farao uyo aivenga uye aitya vaIsraeri. VaIsraeri vairamba vachiwanda chaizvo nekuti Jehovha aivakomborera. Saka vaIjipiti vakatanga kubata vaHebheru sevaranda vachivaitira utsinye. Asi vaHebheru vairamba vachingowedzera kuwanda.
Farao akabva afunga rimwe zano reumhondi. Akaita kuti vananyamukuta vaviri vechiHebheru vainzi Shifra naPua, vaunzwe kwaari. Chimbofunga kuti vakanzwa sei pavakanzwa mambo uyu ane simba achivarayira kuti vauraye vana vechikomana vese vavanenge vasunungutsa! Asi vakadzi vaviri ava vainge vakashinga uye “vaitya Mwari wechokwadi.” Vainyatsoziva kuti pasinei nekuti munhu ane simba rakakura zvakadii, hapana aiva nekodzero yekuvaudza kuti varege kuteerera Jehovha, Changamire wezvinhu zvese pasi nekudenga. Kutya kwavaiita Mwari kwakavabatsira kuti vanyatsoratidza ushingi. “Havana kuita zvavakanga vaudzwa namambo weIjipiti.” Vakatoita zvaipesana nezvakanga zvataurwa namambo. Vakachengetedza uye vakaponesa vana vacheche vakawanda chaizvo. Farao akagumbuka zvisingaite, asi ivo vakaratidza kuti vakachenjera vakaita kuti Farao asaziva zvavakanga vachiita. Jehovha aiona zvese zvavaiita. Achiratidza kuti aikoshesa zvavakaita, “Mwari akaitira vananyamukuta vacho zvakanaka.” Nekufamba kwenguva, akazoita kuti vavewo nemhuri dzavo.
Kudai Shifra naPua uye vabereki vaMozisi nehanzvadzi yake vasina kuratidza ushingi chii chingadai chakaitika kwaari?
Farao paakaona kuti zvaakanga aronga zvakanga zvisina kubudirira, akafungazve rimwe zano reutsinye. Akadzika mutemo wekuti: Vana vechikomana vese vaiberekwa nevaHebheru vakandwe muRwizi rwaNire! Panguva iyoyo yakanga yakaoma chaizvo, mumwe murume wechiHebheru ainzi Amramu nemudzimai wake, Jokebhedhi, vaifanira kuita chisarudzo chakaoma chaizvo. Vakanga vatova nevana vaviri, Miriyemu naAroni. Asi Jokebhedhi paakanga ava nepamuviri pemwana wavo wechitatu, iye nemurume wake vainyatsoziva kuti kana mwana wacho ari mukomana upenyu hwake hwaizova pangozi. Mwana wacho paakaberekwa vakaona kuti aiva mukomana, saka vakaedza kumuhwandisa kuti pasava neanomuona. Asi ungasvikepi uchiedza kuhwandisa kamwana kacheche? Mwana wacho paakanga ava nemwedzi mitatu, Jokebhedhi akatora tswanda akainama netara ndokubva aisa kacheche kacho mukati. Akabva aenda kunohwandisa tswanda yacho pakati patsanga dzaiva kumahombekombe kweRwizi rwaNire. Akaitawo kuti mwanasikana wake Miriyemu ahwande ari nechekure asi ari paaigona kuona tswanda yacho.
Pave paya, mwanasikana waFarao akabva adzika kuRwizi rwaNire kunogeza. Akabva aona tswanda yacho ndokutuma murandasikana wake kuti aende kunoitora. Paakavhura tswanda yacho akaona muine kamwana kamukomana kachichema uye akakanzwira tsitsi. Akafunga kutora kacheche kacho kuti kave kamwana kake asi akaona kuti paidiwa amai vanoyamwisa kuti vakarere. Miriyemu aiva kamusikana kakashinga kaikurumidza kufunga. Saka akabva amhanya kunoudza mwanasikana waFarao kuti aikwanisa kumutsvagira mukadzi anoyamwisa kuti amurerere mwana wacho. Mwanasikana waFarao akabva abvuma. Miriyemu akabva aenda kunotora amai vake. Chimbofunga mafariro akaita Jokebhedhi paakaziva kuti akanga ava kutokwanisa kurera mwana wake zvakanaka-naka asina kana chekutya uku achitobhadharwa kuti amurere! Zviri pachena kuti Jokebhedhi naAmramu vakaita zvese zvavaigona kuti vadzidzise mwana wavo nezvaJehovha. Asi nekufamba kwenguva, zuva rakazosvika ravaifanira kuendesa mwana wacho kumwanasikana waFarao. Mwanasikana waFarao akamupa zita rekuti Mozisi.
Jehovha akakomborera Amramu, Jokebhedhi naMiriyemu here, nekuratidza kwavakanga vaita kutenda uye ushingi? Zviri pachena kuti akavakomborera! Amramu naJokebhedhi vakarera Miriyemu naAroni zvakanaka, zvekuti pavakakura vakazova vashumiri vaJehovha vakatendeka. Uye vaionawo kuti Jehovha aichengetedza Mozisi. Hatizivi hedu kuti Amramu naJokebhedhi vakanga vachiri vapenyu here Mozisi paakazotanga kushandiswa naJehovha, nekuti Bhaibheri harina zvarinotaura nezvazvo. (Eks. 6:20) Asi chatinoziva ndechekuti Miriyemu naAroni vakanga vachiri vapenyu. Vakaona Jehovha achiita mabasa anoshamisa achishandisa Mozisi. Uye vese vari vatatu vakaratidza kuti vaiva nekutenda kwakakura uye vaivawo neushingi. Muchitsauko chinotevera, tichaona kuti upenyu hwaMozisi hwakanga hwakaita sei paaikura uye kusarudza kwaakazoita kushumira Jehovha.
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Shifra naPua uye vemumhuri maMozisi vakaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. Zvakawanikwa nevanochera matongo zvinoratidza sei kuti nyaya iyi ndeyechokwadi? (g04 4/8 20 ¶4-5-wcgr)
2. Uchapupu hupi hunoratidza kuti zvinotaurwa neBhaibheri nezvetswanda yenhokwe, uye murayiro waFarao wekuti vana vacheche vaiberekwa nevaHebheru vaurayiwe, ndezvechokwadi? (g04 4/8 20 ¶6–21 ¶1-wcgr) Ona mufananidzo A
Christine Osborne Pictures/Alamy Stock Photo
Mufananidzo A: Kunyange mazuva ano, vanhu vachiri kugadzira zvikepe vachishandisa tsanga
3. Zvinhu zvipi zvatinoziva nezvevananyamukuta vechiHebheru, uye kukomborerwa kwavakazoitwa? (w03 11/1 8 ¶3-4-wcgr; it “Nyamukuta”-wcgr) Ona mufananidzo B
Mufananidzo B
4. Miriyemu akaratidza sei kuti akaramba aine kutenda kwakasimba kusvikira paakanga akwegura? (ijwia nyaya yechi7 ¶14-18-wcgr)
Zvidzidzo Zvatinowana
Vabereki vanodzidzei kubva pana Amramu naJokebhedhi?
Vana vemumhuri imwe chete vanodzidzei kubva kuna Miriyemu? Ona mufananidzo C
Mufananidzo C
Ungatevedzera sei ushingi hwaiva naShifra naPua?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza vanhu vataurwa munyaya ino pavachamutswa?
Dzidza Zvimwe
Ona zvatinodzidza kubva pavakadzi vaviri vakaramba kuteerera murayiro waFarao.
“Vakadzi Avo Vakaita Kuti Mwoyo waJehovha Ufare” (w03 11/1 8-9 ¶3-5-wcgr)
Tinoziva sei kuti Jehovha anoramba achichengetedza vaya vanoratidza ushingi hwekumuteerera pane kuteerera vanhu?