RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 102 p. 236-p. 237 ndim. 2
  • Zvakaratidzwa Johani

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakaratidzwa Johani
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 66—Zvakazarurwa
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Kuisvonaka Kwechigaro Choumambo Chokudenga chaJehovha
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
  • Ndivanaani Vanogara Kudenga?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Kuimba Rwiyo Rutsva Rworukundo
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 102 p. 236-p. 237 ndim. 2
Muapostora Johani ari kunyora bhuku raZvakazarurwa

CHIDZIDZO 102

Zvakaratidzwa Johani

Muapostora Johani paaiva musungwa pachitsuwa chePatimosi, Jesu akamuratidza zviono 16 kana kuti mifananidzo yezvaizoitika mune ramangwana. Zviono izvozvo zvairatidza kutsveneswa kwaizoitwa zita raJehovha, kuuya kwaizoita Umambo hwake uye kuti kuda kwake kwaizoitwa sei panyika sezvakunoitwa kudenga.

Mune chimwe chiono, Johani anoona Jehovha akagara pachigaro chake chinokudzwa kudenga, akakomberedzwa nevakuru 24 vakapfeka hembe chena uye mumisoro yavo muine korona dzegoridhe. Pachigaro chacho paibuda mheni dzaipenya neruzha rwemabhanan’ana. Vakuru 24 vanopfugama pamberi paJehovha kuti vamunamate. Mune zvimwe zvaakaratidzwa, Johani anoona boka guru revanhu vanonamata Jehovha vanobva kumarudzi ese nemitauro yese. Jesu uyo anonzi Gwayana, anovafudza uye anovaendesa kumvura yeupenyu. Pava paya mune chimwe chiono, Jesu anotanga kutonga kudenga saMambo pamwe chete nevakuru 24. Muchiono chakazotevera chacho, Johani anoona Jesu achirwa neDhiragoni, kureva Satani nemadhimoni ake. Jesu anobva avadzinga kudenga ndokuvakanda panyika.

Jesu nevanhu 144 000 vari paGomo reZioni

Johani anozoona mufananidzo wakanaka weGwayana nevanhu 144000 vakamira paGomo reZiyoni. Anoonawo ngirozi ichibhururuka pamusoro penyika ichiudza vanhu kuti vatye Mwari uye vamukudze.

Muchiono chakazotevera, Johani anoona hondo yeAmagedhoni ichirwiwa. Muhondo iyoyo, Jesu neuto rake vanokunda Satani nenyika yake yakaipa. Muchiono chekupedzisira, Johani anoona kunzwanana pakati pezvisikwa zvekudenga nezvepanyika. Satani nevanhu vake vanobva vaparadzwa zvachose. Anoonawo vanhu vese vari kudenga nepanyika vachitsvenesa zita raJehovha uye vachinamata iye chete.

“Ndichaisa ruvengo pakati pako nemukadzi, nepakati pevana vako nemwana wake. Iye achakupwanya musoro uye iwe uchamuruma pachitsitsinho.”—Genesisi 3:15

Mibvunzo: Johani akaratidzwa zviono zvingani? Jesu achaitei pahondo yeAmagedhoni?

Zvakazarurwa 1:1-3; 4:1-11; 7:4, 9-17; 11:15-18; 12:5-12; 14:1, 6, 7; 16:14, 16; 21:5

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe