RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 103 p. 238-p. 239 ndim. 2
  • “Umambo Hwenyu Ngahuuye”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Umambo Hwenyu Ngahuuye”
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Ndechipi Chiri Chinangwa chaMwari Nokuda Kwapasi?
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Mwari Akasika Vanhu Aine Chinangwa Chei?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Upenyu Hwakaoma Hunovamba
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Chinangwa chaMwari Nokuda Kwenyika—Chava Kuda Kuzadziswa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 103 p. 238-p. 239 ndim. 2
Vanhu vakuru nevana vari kunakidzwa neupenyu muParadhiso

CHIDZIDZO 103

“Umambo Hwenyu Ngahuuye”

Jehovha akavimbisa kuti: ‘Hakuchazovi nekuchema, kurwadziwa, kurwara, kana kufa. Ndichapukuta misodzi yese pamaziso avo. Zvinhu zvese zvakaipa hazvizoyeukwi.’

Jehovha akaisa Adhamu naEvha mubindu reEdheni kuti vararame vachifara uye vaine rugare. Vaifanira kunamata Baba vavo vekudenga Jehovha uye kuzadza nyika nevana vavo. Adhamu naEvha havana kuteerera Jehovha, asi izvozvo hazvina kuchinja chinangwa chake. Mubhuku rino taona kuti zvinhu zvese zvinovimbiswa naMwari zvinoitika. Umambo hwake huchaunza makomborero akanaka panyika, sezvaakavimbisa Abrahamu.

Vanhu vakuru, vana uye mhuka, zvese zviri muParadhiso

Munguva pfupi, Satani nemadhimoni ake nevanhu vese vakaipa vachange vasisipo. Munhu wese achanamata Jehovha. Hatizorwari kana kufa. Asi tichamuka zuva rega rega tiine simba uye tichifadzwa neupenyu. Nyika ichava paradhiso. Vanhu vese vachava nezvekudya zvakanaka uye pekugara pakanaka. Vanhu vachange vaine mutsa, vasina utsinye uye vasingarwisani. Mhuka dzemusango hadzizotyi vanhu, uyewo isu hatizodzityi.

Zvichange zvichinakidza chaizvo kuona Jehovha achimutsa vakafa. Tichagamuchira vanhu vakararama kare vakadai saAbheri, Noa, Abrahamu, Sara, Mozisi, Rute, Esteri naDhavhidhi. Tichabatsirana navo pakugadzira nyika kuti ive paradhiso. Pachava nebasa rekuita rakawanda rinonakidza.

Jehovha anoda kuti uvewo muParadhiso. Uchasvika pakumuziva nenzira dzausina kumbofunga nezvadzo. Zuva nezuva ngatirambei tichiswedera pedyo naJehovha, iye zvino uye nekusingaperi!

“Jehovha, Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa nekuremekedzwa nesimba, nekuti makasika zvinhu zvese.”—Zvakazarurwa 4:11

Mibvunzo: Umambo hwaMwari huchachinja sei upenyu panyika? Pavanhu vese vawakaverenga nezvavo mubhuku rino, ndiani waunoda kuzoona muParadhiso?

Zvakazarurwa 21:3, 4; Jobho 33:25; Zvirevo 2:21, 22; Isaya 11:2-10; 33:24; 65:21; Mateu 6:9, 10; Johani 5:28, 29; 17:3

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe