RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bm chikamu 24 pp. 27-28
  • Pauro Anonyorera Ungano

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pauro Anonyorera Ungano
  • Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Mashoko Akafanana
  • Mazano Pamusoro Pokutenda, Mufambiro Uye Rudo
    Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Timotio—“Mwana Wangu Chaiye Pakutenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Pauro Ari muRoma
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Tsinhirano Yose yeBhaibheri
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
Ona Zvimwe
Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
bm chikamu 24 pp. 27-28
Ari musungwa, Pauro ari kutaura mashoko achinyorwa mutsamba

CHIKAMU 24

Pauro Anonyorera Ungano

Tsamba dzaPauro dzinosimbisa ungano yechiKristu

UNGANO yechiKristu yakanga ichangoumbwa yaizova nebasa rinokosha mukuzadzika kwechinangwa chaJehovha. Asi pasina nguva, vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakatanga kutambudzwa. Vaizoramba vakaperera here kuna Mwari pakutarisana nokutambudzwa nevanhu vaiva kunze kweungano uye pakutarisana nengozi dzisinganyatsooneki dzaibva kune vaiva muungano? Magwaro echiKristu echiGiriki ane tsamba 21 dzaipa mazano uye dzaikurudzira zvakakodzera.

Patsamba idzi, 14 dzacho​—kubva pana vaRoma kusvika pana VaHebheru—​dzakanyorwa nomuapostora Pauro. Tsamba idzi dzakapiwa mazita maererano nevadzainyorerwa​—angava munhu mumwe chete kana vanhu veimwe ungano. Ona dzimwe nyaya dzinotaurwa mutsamba dzaPauro.

Nyevero nezvetsika uye mufambiro. Vaya vanoita ufeve, upombwe nezvimwe zvivi zvakakomba “havazogari nhaka youmambo hwaMwari.” (VaGaratiya 5:19-21; 1 VaKorinde 6:9-11) Vanamati vaMwari vanofanira kubatana pasinei nokuti ndevenyika ipi. (VaRoma 2:11; VaEfeso 4:1-6) Vanofanira kuzvipira pakubatsira vavanonamata navo vachifara. (2 VaKorinde 9:7) Pauro anoti: “Rambai muchinyengetera.” Kutaura zvazviri, vanamati vanokurudzirwa kudurura mwoyo yavo kuna Jehovha mumunyengetero. (1 VaTesaronika 5:17; 2 VaTesaronika 3:1; VaFiripi 4:6, 7) Kuti minyengetero yedu inzwiwe naMwari, tinofanira kunyengetera nokutenda.​—VaHebheru 11:6.

Chii chichabatsira mhuri kuti dzibudirire? Varume vanofanira kuda madzimai avo semiviri yavo. Vakadzi vanofanira kuremekedza varume vavo zvikuru. Vana vanofanira kuteerera vabereki vavo, nokuti izvi zvinofadza Mwari. Vabereki vanofanira kutungamirira uye kudzidzisa vana vavo norudo, vachishandisa zvinotaurwa neShoko raMwari.​—VaEfeso 5:22–6:4; VaKorose 3:18-21.

Mepu yenzvimbo dzaigara Pauro paainyora tsamba dzake

Chinangwa chaMwari chinojekeswa. Zvakawanda zvakataurwa muMutemo waMosesi zvakabatsira kudzivirira uye kutungamirira vaIsraeri kusvikira Kristu asvika. (VaGaratiya 3:24) Zvisinei, vaKristu havafaniri havo kuchengeta Mutemo iwoyo kuti vanamate Mwari. Paainyorera vaHebheru​—vaKristu vakambova muchiJudha—​Pauro akajekesa zvikuru zvairehwa noMutemo uye kuti chinangwa chaMwari chaizozadzika sei pana Kristu. Pauro akatsanangura kuti zvikamu zvakasiyana-siyana zveMutemo wacho zvaikosha munyaya youprofita. Somuenzaniso, kubayira mhuka kwaifananidzira chibayiro chorufu rwaJesu, chaizoita kuti zvivi zvikanganwirwe zvechokwadi. (VaHebheru 10:1-4) Achishandisa rufu rwaJesu, Mwari akadzima sungano iyoyo yoMutemo, nokuti yakanga isingachadiwi.​—VaKorose 2:13-17; VaHebheru 8:13.

Ungano yekare ichiteerera pachiverengwa imwe yetsamba dzaPauro

Mirayiridzo pakurongeka kwakakodzera kweungano. Varume vanoda kuita mabasa muungano vanofanira kuva netsika dzakanaka uye vanofanira kurarama maererano nezviri muBhaibheri. (1 Timoti 3:1-10, 12, 13; Tito 1:5-9) Vanamati vaJehovha Mwari vanofanira kugara vachiungana nevavanonamata navo kuti vakurudzirane. (VaHebheru 10:24, 25) Misangano yokunamata inofanira kuvaka uye kudzidzisa.​—1 VaKorinde 14:26, 31.

Muapostora Pauro paakazonyora tsamba yake yechipiri kuna Timoti, akanga adzoka kuRoma; ari musungwa achimirira kutongwa. Vanhu vashomanana chete vaiva noushingi ndivo vakamushanyira. Pauro aiziva kuti nguva yake yakanga yava pfupi. Akati: “Ndarwa kurwa kwakanaka kwazvo, ndamhanya kusvika kumugumo, ndachengeta kutenda.” (2 Timoti 4:7) Zvimwe Pauro akazourayirwa kutenda kwake pashure penguva pfupi. Asi nanhasi tsamba dzomuapostora wacho dzichiri kutungamirira vanamati vaMwari.

—Kubva pana VaRoma; 1 VaKorinde; 2 VaKorinde; VaGaratiya; VaEfeso; VaFiripi; VaKorose; 1 VaTesaronika; 2 VaTesaronika; 1 Timoti; 2 Timoti; Tito; Firimoni; VaHebheru.

  • Tsamba dzaPauro dzine mirayiridzo ipi panyaya yetsika nomufambiro?

  • Pauro akajekesa sei kuzadzika kwechinangwa chaMwari muna Kristu?

  • Pauro akapa mirayiridzo ipi pakurongeka kwakakodzera kweungano?

MBEU YAKAVIMBISWA NDIANI?

Pashure pokunge Adhamu naEvha vatadza, Mwari akashandisa mutauro wokufananidzira paakati kunyoka: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi nepakati pevana [mbeu] vako nomwana [mbeu] wake. Iye achakupwanya musoro uye iwe uchamupwanya chitsitsinho.” (Genesisi 3:15) Magwaro anoratidza kuti Dhiyabhorosi ndiye “nyoka yepakutanga.” (Zvakazarurwa 12:9) Kuratidzwa kweMbeu yaMwari yakavimbiswa, kana kuti Mununuri, chaiva chakavanzika chakaziviswa zvishoma nezvishoma muBhaibheri mumazana emakore.

Makore anenge 2 000 pashure pokunge Adhamu naEvha vatadza, Jehovha akaratidza kuti Mbeu yakavimbiswa yaizouya nokudzinza raAbrahamu. (Genesisi 22:17, 18) Mazana emakore pave paya, muapostora Pauro akabudisa pachena kuti Mesiya, Jesu Kristu ndiye mukuru pane vanoumba Mbeu yacho. (VaGaratiya 3:16) Maererano naGenesisi 3:15, Jesu akapwanywa “chitsitsinho” nenzira yokufananidzira paakaurayiwa. Zvisinei, Mwari akamutsa Jesu, uyo ‘akaitwa mupenyu mumudzimu.’​—1 Petro 3:18.

Mwari akaitawo chinangwa chokuti vanhu 144 000 vazova chikamu chiduku chembeu yacho. (VaGaratiya 3:29; Zvakazarurwa 14:1) Vanomutsirwa kuupenyu hwomudzimu sevagari venhaka pamwe chete naKristu muUmambo hwokudenga.​—VaRoma 8:16, 17.

SaMambo ane simba mudenga, nokukurumidza Jesu achaparadza Dhiyabhorosi nembeu yake​—vanhu vakaipa uye madhimoni vanotevera Satani. (Johani 8:44; VaEfeso 6:12) Kutonga kwaJesu kuchaunza rugare nomufaro kuvanhu vose vanoteerera. Saka pakupedzisira achapwanya nyoka yacho mu“musoro,” achiitsakatisa zvachose.​—VaHebheru 2:14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe