RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bm chikamu 2 p. 5
  • Vakarasa Kodzero Yokugara Muparadhiso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakarasa Kodzero Yokugara Muparadhiso
  • Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Mashoko Akafanana
  • Upenyu hwakanga hwakaita sei muParadhiso?
    Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi
  • Vamwe Vakuru Kwatiri
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Adhamu naEvha Havana Kuteerera Mwari
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Tinogona Kudzidza Kuvanhu Vaviri Vokutanga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
bm chikamu 2 p. 5
Evha achibata muchero wakarambidzwa

CHIKAMU 2

Vakarasa Kodzero Yokugara Muparadhiso

Ngirozi yakapanduka yakafurira murume nemukadzi vokutanga, Adhamu naEvha kuti varambe utongi hwaMwari. Izvi zvakaita kuti chivi nerufu zvipinde munyika

NGUVA refu asati asika vanhu, Mwari akasika zvisikwa zvomudzimu zvisingaoneki zvakawanda zvinonzi ngirozi. MuEdheni, ngirozi yakapanduka, yakazozivikanwa saSatani Dhiyabhorosi, yakashandisa ungwaru pakuedza Evha kuti adye muchero womuti mumwe chete wakanga warambidzwa naMwari.

Achishandisa nyoka pakutaura, Satani akapa pfungwa yokuti Mwari ainyima mukadzi wacho nemurume wake chimwe chinhu chaidiwa. Ngirozi yacho yakaudza Evha kuti iye nomurume wake vaisazofa kana vakadya muchero wakarambidzwa. Nokudaro, Satani akapa Mwari mhosva yokunyepera vana vake vepasi. Munyengeri wacho akaita kuti zviratidzike sokuti kusateerera Mwari kwaizoita kuti vanhu vawane zivo chaiyo uye rusununguko. Asi idzi dzaiva nenhema chaidzo​—kutaura zvazviri, nhema dzokutanga dzakataurwa panyika. Nyaya chaiyo yaivapo yaisanganisira uchangamire hwaMwari, kana kuti kutonga kwake kwepamusorosoro​—kuti Mwari ane kodzero yokutonga uye kuti anotonga zvakarurama here uye zvakanakira vaanotonga.

Evha akabvuma nhema dzaSatani. Akatanga kuchiva muchero wacho, uye akabva atodya mumwe wacho. Pave paya akazopa murume wake mumwe wacho, iye akaudyawo. Saka vakava vatadzi. Chiito ichocho chaiita sechiduku chaitova chiratidzo chokupandukira. Nokusarudza nemaune kusateerera murayiro waMwari, Adhamu naEvha vakaramba kutonga kweMusiki akanga avapa zvose kusanganisira upenyu hwakakwana.

Mwana wacho “achakupwanya musoro uye iwe uchamupwanya chitsitsinho.”​—Genesisi 3:15

Mwari akapa vapanduki vacho mutongo unorwadza. Akafanotaura nezvekuuya kweMwana akapikirwa kana kuti Mudzikinuri, aizoparadza Satani, uyo aimiririrwa nenyoka. Kwekanguva Mwari akaita kuti mutongo werufu waakanga apa Adhamu naEvha unonoke kushanda kuitira kuti aratidze tsitsi pavana vavo vakanga vasati vazvarwa. Vana ivavo vaizova nechikonzero chokuva netariro nokuti Munhu aizotumwa naMwari aizogadzirisa matambudziko akakonzerwa nokupandukira kwakaitika muEdheni. Kuti chinangwa chaMwari nezveMuponesi aizouya chaizozadzika sei uye kuti Munhu akatumwa aizova ani, zvakabudiswa pachena zvishoma nezvishoma Bhaibheri paraienderera mberi richinyorwa.

Mwari akadzinga Adhamu naEvha muParadhiso. Vaizofanira kushanda nesimba kuti vawane chouviri kubva muvhu raiva nechokunze kwemunda weEdheni. Evha akabva abata pamuviri akabereka Kaini, mwana wokutanga waAdhamu naEvha. Vaviri ava vakava nevamwe vanakomana nevanasikana, kusanganisira Abheri naSeti, sekuru vaNoa.

—Kubva pana Genesisi zvitsauko 3 kusvika ku5; Zvakazarurwa 12:9.

  • Nhema dzokutanga ndedzipi, uye ndiani akadzitaura?

  • Adhamu naEvha vakarasa sei Paradhiso?

  • Paakapa vapanduki vacho mutongo pamusana pezvavakanga vaita, Mwari akapa chikonzero chipi chokuva netariro?

KUSAKWANA UYE RUFU

Mwari akasika Adhamu naEvha vakakwana, vaine tariro yokurarama nokusingaperi muParadhiso. Pavakapandukira Mwari, vakaita chivi. Saka Adhamu naEvha vakanga vasisina kukwana uye vakagura ukama hwavo neTsime roupenyu, Jehovha. Kubva ipapo zvichienda mberi, ivo nevana vavo vasina kukwana vaisakwanisa kunzvenga chivi uye naizvozvowo rufu.​—VaRoma 5:12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe