RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bm chikamu 1 p. 4
  • Musiki Anopa Vanhu Paradhiso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Musiki Anopa Vanhu Paradhiso
  • Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Anoronga Kuti Munhu Afarikanye Upenyu muParadhiso
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Tinogona Kudzidza Kuvanhu Vaviri Vokutanga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Upenyu hwakanga hwakaita sei muParadhiso?
    Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi
  • Vakarasa Kodzero Yokugara Muparadhiso
    Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
Ona Zvimwe
Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
bm chikamu 1 p. 4
Adhamu naEvha vari mumunda weEdheni vakakomberedzwa nemhuka

CHIKAMU 1

Musiki Anopa Vanhu Paradhiso

Mwari anosika zvinhu zvose zvinooneka uye upenyu panyika; anosika murume nemukadzi vakakwana, ovaisa mumunda wakanaka, uye anovapa mirayiro yokuti vateerere

Shumba, shiri, uye mhembwe zviri mumunda weEdheni

MASHOKO anotevera anonzi ndiwo mashoko okusuma anozivikanwa zvikuru ati anyorwa. “Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.” (Genesisi 1:1) Nemutsetse iwoyo usina zvakawanda asi uchitaura zvinhu zvikuru, Bhaibheri rinotisuma nezveMunhu anokosha zvikuru anotaurwa muMagwaro Matsvene​—Mwari wemasimbaose, Jehovha. Ndima yekutanga yeBhaibheri inoratidza kuti Mwari ndiye Musiki wezvose zvinooneka, kusanganisira nyika yatinogara pairi. Ndima dzinotevera dzinotsanangura kuti munguva refu dzinotevedzana, dzinonzi nenzira yekufananidzira mazuva, Mwari akagadzira nyika kuti tigare pairi, achiita kuti zvinhu zvose zvinoshamisa zviri munyika zvivepo.

Munhu ndiye aiva chisikwa chikuru pazvisikwa zvaMwari zvepanyika. Aiva chisikwa chakaitwa nomufananidzo waMwari​—achikwanisa kuratidza unhu hwaJehovha, hwakadai serudo neuchenjeri. Mwari akaumba munhu neguruva revhu. Mwari akamutumidza kuti Adhamu, akabva amuisa muparadhiso​—munda weEdheni. Mwari pachake ndiye akasima munda wacho, achiuzadza nemiti yakanaka inobereka.

Mwari akaona zvichibatsira kuti munhu ave nemudzimai. Achishandisa imwe yembabvu dzaAdhamu, Mwari akaumba mukadzi uye akamuendesa kumurume semudzimai wake, akazonzi Evha. Achifara, Adhamu akadetemba achiti: “Zvino iri ipfupa remapfupa angu nenyama yenyama yangu.” Mwari akatsanangura kuti: “Ndokusaka murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira mudzimai wake uye vachava nyama imwe.”​—Genesisi 2:22-24; 3:20.

Mwari akapa Adhamu naEvha mirayiro miviri. Kutanga, akavaudza kuti varime uye vatarisire nyika uye vaizadze nevana vavo. Chechipiri, akavaudza kuti vasadya muchero womuti mumwe chete bedzi mumunda wose wakakura kudaro, “muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.” (Genesisi 2:17) Kana vaisazoteerera, vaizofa. Nemirayiro iyoyo, Mwari akapa murume nomudzimai wake mukana wokuratidza kuti vaibvuma kuti ndiye Mutongi wavo. Kuteerera kwavo kwaizoratidzawo rudo rwavo uye kuonga kwavo. Vaiva nezvikonzero zvokubvuma kutonga kwake kwomutsa. Pakanga pasina chakakanganisika pavanhu ivavo vakakwana. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Mwari akaona zvinhu zvose zvaakanga aita uye, tarira! zvakanga zvakanaka kwazvo.”​—Genesisi 1:31.

—Kubva pana Genesisi zvitsauko 1 ne2.

  • Bhaibheri rinorondedzera sei kusikwa kwevanhu nemusha wavo wepanyika?

  • Mwari akaita kuti murume nemukadzi vararame upenyu hwakaita sei?

  • Mwari akapa vanhu vaviri vokutanga mirayiro ipi?

ZITA RAMWARI

Magwaro Matsvene anotaura nezvaMwari nemazita okuremekedza akasiyana-siyana akadai sokuti Musiki uye Mwari Wemasimbaose. Mamwe mazita anotaura nezveunhu hwaMwari hwakadai seutsvene hwake, simba rake, kururamisira kwake, uchenjeri hwake uye rudo rwake. Zvisinei, Mwari akazvipa zita risina mumwe anaro rokuti Jehovha. Sokunyorwa kwakaitwa Bhaibheri mumitauro yaro yokutanga, zita raMwari iri rinowanikamo kanenge ka7 000 kutanga pana Genesisi 2:4. Zita rokuti Jehovha rinoreva kuti “Anoita Kuti Zvive Sezvaanoda.” Kuziva izvi kunonyaradza nokuti zvinoreva kuti Mwari anogona kuzadzisa chero chinangwa chaanenge achifunga uye anogona kuzadzisa chero zvaanovimbisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe