RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bh p. 221-p. 222 ndim. 2
  • Jesu Akaberekwa Muna December Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Akaberekwa Muna December Here?
  • Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu
    Mukai!—2014
  • Jesu Akazvarirwa Kupi Uye Riini?
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Jesu Akazvarwa Rini?
    Mukai!—2009
  • Jesu Akaberekwa Musinou Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
bh p. 221-p. 222 ndim. 2

MASHOKO OKUWEDZERA

Jesu Akaberekwa Muna December Here?

BHAIBHERI haritiudzi pakaberekwa Jesu. Zvisinei, rinotipa chikonzero chakanaka chokugumisa kuti haana kuberekwa muna December.

Funga nezvemamiriro okunze panguva iyoyo yegore muBhetrehema, umo Jesu akaberekerwa. Mwedzi wechiJudha waKisrevhi (unoenderana naNovember/December) waiva mwedzi waitonhora uye wainaya. Mwedzi waitevera iwoyo waiva Tebheti (December/January). Ndiwo waitonhora zvakanyanyisa pagore, uchitombova nesinou munzvimbo dzakakwirira. Ngationei zvatinoudzwa neBhaibheri nezvemamiriro okunze enzvimbo iyoyo.

Munyori weBhaibheri anonzi Ezra anoratidza kuti zvechokwadi Kisrevhi waiva mwedzi waizivikanwa kuti waitonhora uye wainaya. Pashure pokutaura kuti boka revanhu vakanga vaungana muJerusarema “mumwedzi wechipfumbamwe [Kisrevhi] pazuva rechimakumi maviri romwedzi,” Ezra anotaura kuti vanhu ‘vaidedereswa nemvura yainaya.’ Nezvemamiriro okunze panguva iyoyo yegore, vanhu vakanga vaungana vakati: “Uno mwaka wokunaya kwemvura, hazvibviri kumira panze.” (Ezra 10:9, 13; Jeremiya 36:22) Hazvishamisi kuti vafudzi vaigara kudivi iroro renyika vaiva nechokwadi chokuti ivo nemapoka avo ezvipfuwo vaisava kunze usiku December paaisvika!

Zvisinei, Bhaibheri rinotaura kuti vafudzi vakanga vari musango vachifudza mapoka avo ezvipfuwo usiku pakaberekwa Jesu. Kutaura chokwadi, munyori weBhaibheri Ruka anoratidza kuti panguva iyoyo, “vafudzi vaigara kunze kwemisha vachitarisira mapoka avo ezvipfuwo panguva dzokurinda usiku” pedyo neBhetrehema. (Ruka 2:8-12) Ona kuti zvechokwadi vafudzi vaigara kunze kwemisha, kwete kungofamba-famba kunze mukati mezuva. Vaiva nemapoka avo ezvipfuwo musango usiku. Kutsanangurwa ikoko kwokugara kunze kwemisha kunokodzera mamiriro okunze anotonhora uye okunaya eBhetrehema muna December here? Kwete, hakukodzeri. Naizvozvo mamiriro ezvinhu ane chokuita nokuberekwa kwaJesu anoratidza kuti haana kuberekwa muna December.a

Shoko raMwari rinotiudza nguva chaiyo yakafa Jesu, asi rinotipa mashoko mashomanana ane chokuita nepaakaberekwa. Izvi zvinotiyeuchidza mashoko aMambo Soromoni okuti: “Zita rakanaka riri nani pane mafuta akanaka, uye zuva rokufa riri nani pane zuva rokuberekwa kwomunhu.” (Muparidzi 7:1) Saka, hazvishamisi kuti Bhaibheri rinopa mashoko akawanda, akadzama ane chokuita noushumiri hwaJesu uye rufu asi mashoko mashomanana ane chokuita nenguva yaakaberekwa.

[Mufananidzo uri papeji 221]

Jesu paakaberekwa, vafudzi nemapoka avo ezvipfuwo vaiva musango usiku

a Kuti uwane mamwe mashoko, ona mapeji 215-218 ebhuku rinonzi Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe