Zvose Izvi Zvinorevei?
JESU KRISTU akati: “Kuguma kwegadziriro yezvinhu” kwaizoratidzwa nehondo, kushomeka kwezvokudya, nhenda, uye kudengenyeka kwenyika.—Mateu 24:1-8; Ruka 21:10, 11.
Kubvira muna 1914 upenyu hwave huchiparadzwa nokurwisana kwemarudzi uye kwemapoka emadzinza, kakawanda zvichikonzerwa nokupindira kwevafundisi mune zvematongerwe enyika, uye iye zvino nemabasa ougandanga ari kuitika kwose kwose.
Pasinei nokufambira mberi kwesayenzi mukugadzira zvokudya, mazana emamiriyoni evanhu pasi pose havana zvokudya zvakakwana. Gore negore mamiriyoni evanhu anofa nemhaka yokushomeka kwezvokudya.
Nhenda, kureva zvirwere zvinotapukira zvakapararira, rutivi rwechiratidzo chakapiwa naJesu. Hondo Yenyika I yapera denda refuruwenza rakauraya vanhu vanodarika 21 000 000. Kusiyana nenhenda dzakaitika kare mune dzimwe nharaunda, rakasvika kunyika dzose kusanganisira zvitsuwa zviri kure. AIDS iri kutsvaira nyika yose, uye zvirwere zvakadai seTB, marariya, river blindness (upofu), uye chirwere chinonzi Chagas hazvisi kupera munyika dzichiri kusimukira.
Gore rimwe nerimwe zvinonzi kunoitika makumi ezviuru okudengenyeka kune ukuru hwakasiyana-siyana. Pasinei zvapo nemichina inogona kuona ukuru hwokudengenyeka iripo uye nzira dzokuzivisa nadzo dziri nani, njodzi dzinoitika munzvimbo dzinogara vanhu vakawanda dzakonzerwa nokudengenyeka dzava kungogara dzichitaurwa munhau.
Bhaibheri rakafanotaurawo kuti: “Ziva chinhu ichi, kuti pamazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, vanochera, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nemhaka yokudada, vanoda zvinofadza panzvimbo pokuda Mwari, vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari asi vachiva venhema kusimba rakwo; usiyane naivava.”—2 Timoti 3:1-5.
Haubvumi here kuti tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo”?
Wakambozvicherechedza here kuti vanhu vanozvida zvikuru uye vanoda mari zvakanyanyisa, uye vanozvikudza?
Ndiani angaramba kuti nyika izere nevanhu vane udyire asi vasingaongi, vasingambodi kubvumirana, vasina kuvimbika?
Unozviziva here kuti kusateerera vabereki pamwe chete nokushayikwa kworudo kunotyisa zvawedzera kwazvo, kwete munzvimbo shoma chete asi munyika yose?
Hapana mubvunzo kuti unoziva kuti tiri kurarama munyika inopengeswa nokuda mafaro asi isingadi zvakanaka. Aya ndiwo matsanangurire anoita Bhaibheri mafungiro aizopararira mu“mazuva okupedzisira.”
Zvakawanda zvinodiwa here kuti tizive nguva yatiri kurarama mairi? Jesu akafanotaurawo kuti munguva iyiwo, mashoko akanaka oUmambo hwaMwari aizoparidzwa mupasi rose rinogarwa. (Mateu 24:14) Izvozvo zviri kuitwa here?
Nharireyomurindi, magazini inotsanangura Bhaibheri iyo inotaura zvokuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaJehovha, inodhindwa nguva dzose mumitauro yakawanda kudarika mabhuku api neapi anobudiswa nguva nenguva.
Gore roga roga, Zvapupu zvaJehovha zvinopedza maawa anodarika bhiriyoni zvichiparidzira vamwe nezvoUmambo hwaMwari.
Panguva ino zviri kubudisa mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumitauro inenge 400, kunyange iya inotaurwa nevanhu vanogara kure uye vari vashomanana bedzi. Zvapupu zvaJehovha zvasvika kuvanhu vemarudzi ose nemashoko akanaka; zvaparidzirawo muzvitsuwa zvakawanda nendima duku zvikuru dzisingaonekwi senyika mune zvematongerwe enyika. Munzvimbo dzakawanda, zvine purogiramu yenguva dzose yokudzidzisa Bhaibheri.
Zvechokwadi, mashoko akanaka oUmambo hwaMwari ari kuparidzwa munyika yose inogarwa, kwete nechinangwa chokutendeutsa nyika, asi chokupa uchapupu. Vanhu kwose kwose vari kupiwa mukana wokuratidza kana vane hanya nouyo akasika matenga nenyika uye kana vacharatidza kuremekedza mitemo yake kana kuti, kana vacharatidza kuti vanoda vavakidzani vavo.—Ruka 10:25-27; Zvakazarurwa 4:11.
Munguva pfupi iri kutevera, Umambo hwaMwari huchabvisa vanhu vose vakaipa panyika ndokuita kuti ive paradhiso yepasi pose.—Ruka 23:43.
[Bhokisi riri papeji 6]
Mazuva Okupedzisira Echii?
Haasi mazuva okupedzisira evanhu. Nokuti avo vanoita kuda kwaMwari, Bhaibheri rinovapa tariro yokurarama nokusingaperi.—Johani 3:16, 36; 1 Johani 2:17.
Haasi mazuva okupedzisira epasi. Shoko raMwari rinopikira kuti pasi rinogarwa richaramba riripo nokusingaperi.—Pisarema 37:29; 104:5; Isaya 45:18.
Asi, ano mazuva okupedzisira egadziriro ino yezvinhu ine chisimba isina rudo pamwe chete neavo vanoomerera kunzira dzayo.—Zvirevo 2:21, 22.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 7]
Bhaibheri iShoko raMwari Zvechokwadi Here?
Vaprofita vomuBhaibheri vakadzokorora kakawanda kunyora kuti: “Zvanzi naJehovha.” (Isaya 43:14; Jeremia 2:2) Kunyange Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari, akasimbisa kuti ‘akanga asingatauri zvake oga.’ (Johani 14:10) Bhaibheri pacharo rinoratidza zvakajeka kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.”—2 Timoti 3:16.
Hakuna rimwe bhuku rinobudiswa mumitauro yakawanda saizvozvo—inopfuura 2 200, sezvakashumwa neUnited Bible Societies. Hakuna rimwe bhuku rinoparadzirwa zvakakura kudaro—iye zvino ava makopi anopfuura mabhiriyoni mana. Izvozvo handizvo zvawaizotarisira nezveshoko rinobva kuna Mwari nokuda kwevanhu vose here?
Kana uchida mamwe mashoko akazara pamusoro pouchapupu hwokuti Bhaibheri rakafuridzirwa naMwari, ona bhuku rinonzi Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
Kana ukaverenga Bhaibheri uchinzwisisa chokwadi chokuti iShoko raMwari chairo, uchabatsirwa zvikuru.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 8]
Umambo hwaMwari Chii?
Ihurumende iri kudenga inoratidza kutonga kwaMwari wechokwadi, Jehovha, Musiki wedenga nepasi.—Jeremia 10:10, 12.
Bhaibheri rinozivisa kuti Jesu Kristu ndiye anopiwa simba rokutonga rakadaro naMwari. (Zvakazarurwa 11:15) Paakanga ari pasi pano, Jesu akaratidza kuti akanga achitova nechiremera chinoshamisa chaakanga apiwa naMwari—chiremera chaimugonesa kudzora zvinhu zvakadai semamiriro okunze, kurapa zvirwere zvemarudzi ose, uye kunyange kumutsa vakafa. (Mateu 9:2-8; Mako 4:37-41; Johani 11:11-44) Uprofita hwakafuridzirwa hweBhaibheri hwakafanotaura kuti Mwari aizomupa “simba, nokubwinya, noushe, kuti vanhu vose nemarudzi nemarimi ose vamushumire.” (Dhanieri 7:13, 14) Hurumende iyoyo inonzi Umambo hwokudenga; iye zvino Jesu Kristu anotonga ari kudenga.
[Mifananidzo iri papeji 7]
Kuparidzwa kwemashoko akanaka mupasi rose