RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • si pp. 79-84
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 14—2 Makoronike

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 14—2 Makoronike
  • “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVIRI MUBHUKU RAMAKORONIKE RECHIPIRI
  • CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
  • Zviri Mubhuku ra2 Makoronike
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raMakoronike Rechipiri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 11—1 Madzimambo
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 12—2 Madzimambo
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
si pp. 79-84

Bhuku reBhaibheri Nhamba 14—2 Makoronike

Munyori: Ezra

Nzvimbo Yakanyorerwa: Jerusarema (?)

Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 460 B.C.E.

Nguva Yakafukidzwa: 1037–537 B.C.E.

1. Ezra akapedza rini bhuku raMakoronike, uye achirangarira chinangwai?

SEZVO bhuku raMakoronike Rokutanga neRechipiri sezviri pachena pakutanga raiva bhuku rimwe, zvibvumikiso zvinopiwa muganhuro rinotangira rino pamusoro pamamiriro ezvinhu ekare, munyori, nguva yokunyora, kuva romundaza yamanyoro matsvene, uye uchokwadi zvinoshanda kumabhuku ose ari maviri. Mukuwirirana noufakazi hunopiwa, Ezra akapedza bhuku raMakoronike Rechipiri munenge muna 460 B.C.E., zvimwe muJerusarema. Chakanga chiri chinangwa chaEzra kuchengeta mashoko enhau akanga ari mungozi yokuva anorasika. Betsero yomudzimu mutsvene, pamwe chete namano ake sowezvenhau okubata uye kusarudza udzame, yakagonesa Ezra kuita chinyorwa chakarurama nechechigarire. Akachengetera ramangwana iro akarangarira seidi renhau. Basa raEzra rakanga rakakodzera nguva zvikurusa, sezvo zvino kwakangawo kuri madikanwa kuunganidza pamwe chete manyoro matsvene ose echiHebheru akanga anyorwa mumazana amakore.

2. Neiko pasina chikonzero chokupanikira ururami hwebhuku raMakoronike?

2 VaJudha vomuzuva raEzra vakabetserwa zvikurukuru nechinyorwa chakafuridzirwa chaEzra. Chakanyorerwa nokuda kwomurayiridzo wavo uye kukurudzira tsungiriro. Kupfurikidza nenyaradzo yapaMagwaro, vaigona kuva netariro. Vakagamuchira bhuku raMakoronike sorutivi rwendaza yamanyoro matsvene eBhaibheri. Vaiziva kuti rakanga rakavimbika. Vaigona kurinzvera kupfurikidza namamwe manyoro akafuridzirwa uye kupfurikidza nenhau dzenyika dzakawanda dzinodudzwa naEzra. Nepo vakabvumira nhau dzenyika dzisina kufuridzirwa kuti dziparare, ivo nenzira yokungwarira vakachengeta bhuku raMakoronike. Vashanduri veSeptuagint vakabatanidza bhuku raMakoronike sorutivi rweBhaibheri rechiHebheru.

3. Mamwe magwaro anoratidzira sei kuti bhuku raMakoronike nderechokwadi?

3 Jesu Kristu navanyori vaMagwaro echiGiriki echiKristu vakarigamuchira serechokwadi uye rakafuridzirwa. Jesu pasina panikiro airangarira zviitiko zvakadai sezvakanyorwa pana 2 Makoronike 24:21 pakushurikidza Jerusarema somuurayi nomutaki namabwe wavaporofita navabatiri vaJehovha. (Mat. 23:35; 5:12; 2 Mako. 36:16) Apo Jakobho akanongedzera kuna Abrahama se“shamwari yaJehovha,” iye zvichida akanga achinongedzera kukutaura kwaEzra kuri pana 2 Makoronike 20:7. (Jak. 2:23, NW) Bhuku racho rinewo uporofita hwakazadzikwa nenzira yokusakanganisa.—2Mako. 20:17, 24; 21:14-19; 34:23-28; 36:17-20.

4. Kuwanai kworuzivo rwokuchera matongo kunopupurira uchokwadi hwebhuku raMakoronike Rechipiri?

4 Ruzivo rwokuchera matongo runopupurirawo uchokwadi hwebhuku raMakoronike Rechipiri. Kuchera panzvimbo yeBhabhironi rekare kwakafukunyura mahwendefa omunyakwe ane chokuita nenhambo yokutonga kwaNebhukadnezari, rimwe rawo rinodudza “Yaukin, mambo wenyika yeYahud,” ndiko kuti, “Jehoyakini, mambo wenyika yaJudha.”a Ikoku kunosanokodzerana nenhoroondo yeBhaibheri yokutapirwa kwaJehoyakini kuBhabhironi mukati megore rechinomwe rokutonga kwaNebhukadnezari.

5. Inhamboi yenguva inofukidzwa mubhuku raMakoronike Rechipiri, uye nei nhau yaJudha ichisimbiswa panzvimbo peiyo youmambo hwendudzi gumi?

5 Chinyorwa chebhuku raMakoronike Rechipiri chinoronda zviitiko muna Judha kubvira mukutonga kwaSoromoni, kuvambira muna 1037 B.C.E., kusvikira kuchirevo chaKoreshi cha537 B.C.E. chokuvakazve imba yaJehovha muJerusarema. Mune iyi nhau yamakore 500, umambo hwendudzi gumi hunonongedzerwa kwahuri bedzi sezvo ihwo hunova hunobatanidzwa munhau dzaJudha, uye ruparadziko rwoumambo ihwohwo hwokuchamhembe muna 740 B.C.E. harusati ruchimbodudzwa. Neiko ikoku kwakadaro? Nemhaka yokuti muprista Ezra akanga achiitira hanya zvikurukuru kunamatwa kwaJehovha panzvimbo yako yakakodzera, imba Yake muJerusarema, uye noumambo hwomutsara waDhavhidhi, uyo Jehovha akanga aita sungano Yake naye. Nokudaro, ndipo paumambo hwokumaodzanyemba apo Ezra anonangidzira ngwariro mukutsigirwa kwokunamata kwechokwadi uye mukukarirwa kwomutongi achabuda muna Judha.—Gen. 49:10.

6. Bhuku raMakoronike Rechipiri rinokurudzira uye rinonyandura mumativii?

6 Ezra anova nomurangariro unokurudzira. Pamaganhuro 36 ebhuku raMakoronike Rechipiri, 9 okutanga anopiwa kukutonga kwaSoromoni, uye 6 aiwawa chose chose kukugadzirirwa nokutsaurirwa kweimba yaJehovha. Chinyorwa chacho chinosiya kududzwa kwokutsauka kwaSoromoni. Pamaganhuro 27 asara, 14 anobata namadzimambo mashanu akatevera zvikurukuru muenzaniso waDhavhidhi wokuzvipira kwakazara kukunamatwa kwaJehovha: Asa, Jehoshafati, Jotami, Hezekia, uye Josia. Kunyange muna mamwe maganhuro 13, Ezra anongwarira kusimbisa mapfundo akanaka amadzimambo akashata. Iye nguva dzose anosimbisa zviitiko zvine chokuita nokudzorerwa nokuchengetwa kwokunamata kwechokwadi. Haiwa kunokurudzira sei!

ZVIRI MUBHUKU RAMAKORONIKE RECHIPIRI

7. Jehovha anoita sei kuti Soromoni ave “mukuru zvikuru kwazvo”?

7 Mbiri yokutonga kwaSoromoni (1:1–9:31). Bhuku raMakoronike Rechipiri zvarinotanga, tinoona Soromoni mwanakomana waDhavhidhi achikura musimba muumambo. Jehovha anaye uye anoramba achi“mukurisa zvikuru kwazvo.” Apo Soromoni anoita zvibayiro paGibheoni, Jehovha anooneka kwaari usiku, achiti: “Kumbira chaunoda kuti ndikupe.” Soromoni anokumbira zivo nouchenjeri kuti atonge vanhu vaJehovha nenzira yakafanira. Nemhaka youyu mukumbiro usiri woudyire, Mwari anopikira kupa Soromoni husati huri uchenjeri bedzi nezivo asiwo upfumi nezvakawanda norukudzo “zvisina kumbopiwa mumwe wamadzibaba akakutangira; uye hapano mumwe uchakutevera uchava nezvakadai.” Upfumi hukuru kwazvo huchapinda muguta zvokuti pashure penguva yakati Soromoni anosvika paku“unganidza sirivha nendarama paJerusarema zvikawanda zvikaita samabwe.”—1:1, 7, 12, 15.

8. Basa patembere rinopfuurira sei, uye ndohupi huri udzame hwokuvakwa kwayo?

8 Soromoni anonyora vashandi nokuda kwebasa rokuvaka imba yaJehovha, uye Mambo Hirami weTire anobatira pamwe kupfurikidza nokutumira matanda nenyanzvi. “Mugore rechina rokutonga” kwaSoromoni, kuvaka kunotanga, uye kunopedzwa makore manomwe nehafu gare gare, muna 1027 B.C.E. (3:2, NW) Tembere iyo imene ine biravira guru rakareba makubhiti 120 (53,4 m) pamberi payo. Mbiru mbiri huru dzendarira, imwe inonzi Jakini, kureva kuti Jehovha “Ngaasimbise Zvakasimba,” uye imwe yacho inonzi Bhoazi, sezviri pachena kureva kuti “Musimba,” dziri pamberi pebiravira. (3:17) Imba imene iduku zvikuru, ichiva yakareba makubhiti 60 (26,7 m), kukwira makubhiti 30 (13,4 m), uye kupamhama makubhiti 20 (8,9 m), asi madziro ayo nedenga zvakafukidzwa nendarama; kamuri rayo romukatikati, Nzvimbo Tsvene-tsvene, iro rimene rakashongedzwa nenzira yamaoresa nendarama. Irowo rine makerubhi maviri endarama, rimwe parutivi rumwe norumwe rwekamuri, ane mapapiro akatambanuka uye anosangana pakati.

9. Tsanangura zvishongo nemidziyo zvoruvazhe netembere.

9 Muruvazhe rwomukatikati, mune atari hombe yendarira ina mativi mana akaenzana ane makubhiti 20 (9 m) uye yakakwirira makubhiti 10 (4,5 m). Chimwe chinhu chinokatyamadza chiri muruvazhe idziva rakaumbwa rendarira, shambiro huru yendarira iri pamisana yenzombe 12 dzendarira dzakatarira kunze, nhatu parutivi rumwe norumwe. Iri dziva rinokwanisa kuva ne“mabati ane zviuru zvitatu” (66 000 L) emvura, iyo inoshandiswa navaprista kuzvishamba vamene. (4:5) Dziriwo muruvazhe ishambiro duku gumi dzendarira dziri pamusoro pezvigadziko zvakashongedzwa zvendarira, uye mune iyi mvura, zvinhu zvine chokuita nezvipiriso zvinopiswa zvinosukurudzwa. Dzinozadzwa nemvura yomudziva rakaumbwa rendarira ndokuendeswa kuri kwose uko mvura inodikanwa. Mukuwedzera, pane zvigadziko zvomwenje zvendarira zvine gumi nemimwe midziyo mizhinji, mimwe yendarama nemimwe yendarira, nokuda kwokunamata kwapatembere.b

10. Chii chinoitika apo Areka inopinzwa muNzvimbo Tsvene-tsvene?

10 Pakupedzisira, pashure pamakore manomwe nehafu ebasa, imba yaJehovha inopedzwa. (1 Madz. 6:1, 38) Zuva rokutsaurirwa kwayo ndiyo nguva yokupinza chiratidzo chokuvapo kwaJehovha mukamuri romukatikati reichi chivako chakaisvonaka. Vaprista vanopinza “areka yesungano yaJehovha munzvimbo yayo, mukamuri romukatikati reimba, muNzvimbo Tsvene-tsvene, pasi pamapapiro amakerubhi.” Ipapo chii chinoitika? Sezvo vaimbi vechiRevhi navaridzi vamarimba vanorumbidza uye vanoonga Jehovha murwiyo rwakabatana, imba inozadzwa negore, uye vaprista havakwanisi kumira kuti vashumire nemhaka yokuti “kubwinya kwaJehovha” kunozadza imba yaMwari wechokwadi. (2 Mako. 5:7, 13, 14) Nokudaro Jehovha anoratidzira kutendera kwake tembere uye anoratidzira kuvapo kwake ipapo.

11. Soromoni anopa munyengeteroi, uye anokumbirei?

11 Chikuva chendarira chakakwirira makubhiti matatu (1,3 m) chakavakwa nokuda kwenhambo yacho, uye chakaiswa muruvazhe rwomukati pedyo neatari hombe yendarira. Ari mune iyi nzvimbo yakakwirira, Soromoni anogona kuonwa namapoka makuru aunganira kutsaurirwa kwetembere. Pashure pokuratidzwa kunoshamisa kwokuvapo kwaJehovha kupfurikidza negore rine kubwinya, Soromoni anopfugama pamberi peboka ndokupa munyengetero unonyandura wokuonga nerumbidzo, uyo unobatanidza nhevedzano yemikumbiro yokuzvininipisa nokuda kwekanganwiro nechikomborero. Mumhedziso, anoteterera, kuti: “Zvino, Mwari wangu, meso enyu ngaasvinure, nenzeve dzenyu ngadziteerere zvakanaka munyengetero unonyengeterwa munzvimbo ino. Jehovha Mwari, musafuratira chiso chomuzodzwa wenyu; rangarirai mabasa akanaka aDhavhidhi muranda wenyu.”—6:40, 42.

12. Jehovha anopindura sei munyengetero waSoromoni, uye kuchengeta kwamazuva 15 kunoguma nenzirai inofadza?

12 Jehovha anonzwa uyu munyengetero waSoromoni here? Nokukurumidza sezvo Soromoni anopedza kunyengetera, mwoto unoburuka kumatenga ndokupedza chipiriso chinopiswa nezvibayiro, uye “kubwinya kwaJehovha” kunozadza imba. Ikoku kunoparira vanhu vose kuzvizvambaradza ndokuonga Jehovha, “nokuti wakanaka, nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi.” (7:1, 3) Chibayiro chikuru ipapo chinoitwa kuna Jehovha. Mutambo wevhiki yose wetsauriro unoteverwa noMutambo wetsauriro wevhiki yose woKuunganidza nesabata rokurega basa. Pashure pouku kuchengeta kwamazuva 15 kunofadza, kunosimbisa mumudzimu, Soromoni anoendesa vanhu kumisha yavo vachifara uye vachinzwa zvakanaka pamwoyo. (7:10) Jehovhawo anofadzwa. Anosimbisazve sungano yoUmambo kuna Soromoni, achinyevera panguva imwe cheteyo nezvemigumisiro yakakomba yokusateerera.

13. (a) Ibasai rokuvaka rinotevera riya retembere? (b) Mambokadzi weShebha anotaura sei amene pakuona umambo hwaSoromoni?

13 Soromoni zvino anoita basa gurusa rokuvaka muumambo hwake hwose, asingazvivakiri amene imba yamambo bedzi asiwo maguta akakombwa namasvingo, maguta amatura, maguta engoro, uye maguta avatasvi vamabhiza, pamwe chete nechinhu chiri chose chaanoda kuvaka. Inhambo yorubudiriro norugare zvine kubwinya nemhaka yokuti vose vari vaviri mambo navanhu vanorangarira kunamatwa kwaJehovha. Kunyange mambokadzi weShebha, anobva kure namakiromita anopfuura 1 900, anonzwa nezvorubudiriro nouchenjeri zvaSoromoni ndokutanga rwendo rwurefu, rwakaoma rwokundozvionera amene. Anoodzwa mwoyo here? Nyangwe napaduku pose zvapo, nokuti anobvuma, kuti: “Handina kutenda mashoko avo kutozosvikira ndauya kuti meso angu ndimene agoona; uye, tarirai! ndakanga ndisina kuudzwa hafu yokuwanda kwouchenjeri hwenyu. Imi makapfuura mushumo wandakanzwa. Varume venyu vanofara, uye ava vabatiri venyu vanofara.” (9:6, 7, NW) Hakuna mamwe madzimambo apasi anopfuura Soromoni mupfuma nouchenjeri. Anotonga kwamakore 40 muJerusarema.

14. Neiko Israeri achikurumidza kwazvo kutorerwa mbiri yake?

14 Kutonga kwaRehobhoami naAbhija (10:1–13:22). Kutonga kwakakasharara nokwokudzvinyirira kunoitwa nomwanakomana waSoromoni Rehobhoami kunonyandura ndudzi gumi dzokuchamhembe dzinodzorwa naJerobhoami kuti dzipanduke muna 997 B.C.E. Zvisinei, vaprista navaRevhi voumambo hwose huri huviri vanotsigira Rehobhoami, vachivimba nesungano yoUmambo kupfuura urudzi. Rehobhoami anokurumidza kurega mutemo waJehovha, uye Mambo weEgipita Shishaki anovhozhokera, achipinda muJerusarema uye achitorera imba yaJehovha pfuma yayo. Haiwa kunosuruvarisa sei kuti makore anopfuura zvishomanene 30 pashure pokuvakwa kwazvo, izvi zvivako zvakashongedzwa zvakaisvonaka zvinotorerwa mbiri yazvo! Chikonzero: Rudzi rwa“zvibata nenzira isina kutendeka kuna Jehovha.” Munguva yakafanira chaizvo Rehobhoami anozvininipisa amene, zvokuti Jehovha haaparadzi rudzi chose chose.—12:2, NW.

15. Ihondoi dzinotevera rufu rwaRehobhoami, uye neiko Judha achibvumikisa kuva mukuru mukurwisana naIsraeri?

15 Parufu rwaRehobhoami mumwe wavanakomana vake 28, Abhija, anoitwa mambo. Kutonga kwamakore matatu kwaAbhija kunoratidzirwa nehondo ine chishava naIsraeri kuchamhembe. Judha anokurirwa navaviri kuno mumwe, mauto 400 000 anorwisana ne800 000 mukutungamirira kwaJerobhoami. Mukati mehondo dzinotyisa dzinotevera, varwi vaIsraeri vanotapudzwa kusvikira kuna vasingasviki hafu, uye vanamati vemhuru vanosvika hafu yemiriyoni vanoparadzwa. Vanakomana vaJudha vanobvumikisa kuva vakuru nemhaka yokuti ivo vanovimba na“Jehovha, Mwari wamadzibaba avo.”—13:18.

16. Jehovha anopindura sei munyengetero wokukurumidzira waAsa?

16 Asa Mambo anotya Mwari (14:1–16:14). Abhija anotsiviwa nomwanakomana wake Asa. Asa mutsigiri wokunamata kwechokwadi. Anoita nhimbe yokubvisa munyika kunamata mifananidzo. Asika, tarirai! Judha anotyisidzirwa neuto rehondo rinotyisa ravaEtiopia vane miriyoni imwe. Asa anonyengetera, kuti: “Tibatsirei Jehovha Mwari wedu; nokuti tinovimba nemi, tasvika kuzorwa navazhinji ava nezita renyu.” Jehovha anopindura kupfurikidza nokumupa rukundo rukurusa.—14:11.

17. Asa anokurudzirwa sei kuti achinje kunamata muna Judha, asi iye anotsiurwa nokuda kwei?

17 Mudzimu waMwari unoburukira pana Azaria kuti audze Asa, kuti: “Jehovha unemi, kana imi munaye; kana mukamutsvaka, uchawanikwa nemi.” (15:2) Akurudzirwa zvikuru, Asa anochinja kunamata muna Judha, uye vanhu vanoita sungano yokuti munhu upi noupi asati achizotsvaka Jehovha anofanira kuurawa. Zvisinei, apo Bhaasha, mambo waIsraeri, anomisa mipingo kuti adzivise kudirana kwavaIsraeri vachipinda muna Judha, Asa anoita chikanganiso chakakomba kupfurikidza nokupinza basa Bheni-hadhadhi, mambo weSiria, kuti arwisane naIsraeri, panzvimbo pokuvimba naJehovha nokuda kwebetsero. Nokuda kwaikoku Jehovha anomutsiura. Pasinei hapo naikoku, mwoyo waAsa unobvumikisa “kuva wakakwana mazuva ake ose.” (15:17, NW) Anofa mugore rechi41 rokutonga kwake.

18. (a) Jehoshafati anoita sei nhimbe nokuda kwokunamata kwechokwadi, uye nemigumisiroi? (b) Chibvumirano chake cheroorano chinodokutungamirira sei kungwavaira?

18 Kutonga kwakanaka kwaJehoshafati (17:1–20:37). Mwanakomana waAsa Jehoshafati anopfuuridzira kurwisana nokunamata zvifananidzo uye anotanga nhimbe chaiyo yedzidzo, varayiridzi vachifamba mumaguta ose aJudha, vachidzidzisa vanhu mubhuku roMutemo raJehovha. Nguva yorubudiriro rukuru norugare inotevera, uye Jehoshafati anopfuurira “kuenderera mberi uye kukura zvikuru kusvikira kumwero mukuru.” (17:12, NW) Asika ipapo anoita chibvumirano cheroorano naMambo akaipa Ahabhi waIsraeri uye anoburuka kundomubetsera kurwisana nesimba rinokura reSiria, achifuratira muporofita waJehovha Mikaya uye achipona napaburi retsono apo Ahabhi anourawa muhondo paRamoti-gireadhi. Muporofita waJehovha Jehu anotsiura Jehoshafati nokuda kwokufambidzana naAhabhi. Pashure pacho Jehoshafati anogadza vatongi munyika yose, uye iye anovarayiridza kuita mabasa avo vachitya Mwari.

19. Pamugumo wokutonga kwaJehoshafati, hondo inobvumikisa sei kuva yaMwari?

19 Zvino mugumo wokutonga kwaJehoshafati unosvika. Mauto akabatana aMoabhi, Amoni, uye nzvimbo ine makomo yeSeiri zvinouya kuzorwisana naJudha musimba guru. Vanokwira vari vazhinji nomurenje reEnigedhi. Kutya kunobata rudzi rwacho. Jehoshafati naJudha wose, ne“pwere dzavo, navakadzi vavo, navana vavo,” vanomira pamberi paJehovha ndokumutsvaka mumunyengetero. Mudzimu waJehovha unoburukira pana Jahazieri muRevhi, uyo anodana kumapoka akaungana, kuti: “Teererai, imi vaJudha mose, nemi mugere pakati peJerusarema, nemi mambo Jehoshafati; zvanzi naJehovha kwamuri: Musatya, kana kuvhunduka nokuda kwavanhu ava vazhinji; nokuti kurwa hakuzi kwenyu, asi ndokwaMwari. Burukai mangwana mundorwa navo; . . . nokuti Jehovha unemi.” Achifumomuka mangwanani, Judha anobuda vaimbi vechiRevhi vachitungamirira. Jehoshafati anovakurudzira, kuti: “Tendai Jehovha . . . tendai vaporofita vake, mugokunda.” Vaimbi vanokudza Jehovha nomufaro “nokuti nyasha dzake hadziperi.” (20:13, 15-17, 20, 21) Jehovha anoratidzira tsitsi dzake dzorudo nenzira inoshamisa, achihwandira mauto anodenha zvokuti anoparadzana. Vachisvika panharirire iri murenje, vaJudha vanofara vanongoona bedzi zvitunha. Zvirokwazvo, hondo ndeyaMwari! Kusvikira kumugumo wokutonga kwake kwamakore 25, Jehoshafati anoramba achifamba nokutendeka pamberi paJehovha.

20. Ingwavairai dzinoratidzira kutonga kwaJehorami?

20 Kutonga kwakashata kwaJehorami, Ahazia, uye Ataria (21:1–23:21). Mwanakomana waJehoshafati Jehorami anotanga nenzira yakashata nokuuraya vanun’una vake vose. Zvisinei, Jehovha anomuponesa nemhaka yesungano Yake naDhavhidhi. Edhomi inovamba kupanduka. Ari kune imwe nzvimbo Eria anotumira tsamba, achinyevera Jehorami kuti Jehovha ucharova zvikuru imba yake uye kuti uchafa nenzira inotyisa. (21:12-15) Mukuwirirana nouporofita hwacho, vaFiristia navaArabhu vanovhozhokera ndokupamba Jerusarema, uye mambo anofa nehosha inosemesa yomuura, pashure pokutonga kwamakore masere.

21. Zvinhui zvakashata zvinoparirwa nokutonga kwaAtaria muna Judha, asika Jehoyadha anobudirira sei mukudzorera chigaro choumambo chaDhavhidhi?

21 Mwanakomana bedzi mupenyu waJehorami, Ahazia (Jehoahazi) anomutsiva, asi iye anopesvedzerwa zvakashata naamai vake Ataria, mwanasikana waAhabhi naJezebheri. Kutonga kwake kunopfupikiswa pashure pegore rimwe nokuchenesa kwaJehu imba yaAhabhi. Pana ikoku, Ataria anoponda vazukuru vake ndokubvuta chigaro choumambo. Zvisinei, mumwe wavanakomana vaAhazia anopukunyuka. NdiJehoashi ane gore rimwe rokukura, uyo anoverevedzerwa muimba yaJehovha natete vake Jehoshabheati. Ataria anotonga kwamakore matanhatu, uye tevere murume waJehoshabheati, muprista mukuru Jehoyadha, noushingi anotora Jehoashi muduku ndokumuita kuti aziviswe samambo, somumwe wa“vanakomana vaDhavhidhi.” Achiuya kuimba yaJehovha, Ataria akabvarura nguo yake napakati ndokudanidzira kuti, “Ndamukirwa. Ndamukirwa!” Asi pasina maturo. Jehoyadha anoita kuti akandirwe kunze kwetembere ndokuurawa.—23:3, 13-15.

22. Kutonga kwaJehoashi kunotanga sei zvakanaka asi kwoguma zvakashata?

22 Kutonga kwaJehoashi, Amazia, uye Uzia kunotanga zvakanaka asi kunoguma nenzira yakashata (24:1–26:23). Jehoashi anotonga kwamakore 40, uye chero bedzi Jehoyadha ari mupenyu kuti ashandise pesvedzero yakanaka, anoita zvakanaka. Iye anotofarira imba yaJehovha uye anoita kuti inatsiridzwe. Apo Jehoyadha anofa, zvisinei, Jehoashi anopesvedzerwa namachinda aJudha kuti abve pakunamatwa kwaJehovha kuti abatire matanda anoyera nezvidhori. Apo mudzimu waMwari unosunda Zekaria mwanakomana waJehoyadha kutsiura mambo, Jehoashi anoita kuti muporofita atakwe namabwe kusvikira afa. Nokukurumidza pashure pacho uto duku rehondo reSiria rinovhozhokera, uye hondo huru zvikuru kwazvo yaJudha haikwanisi kuridzosa nemhaka yokuti “vakasiya Jehovha Mwari wamadzibaba avo.” (24:24, NW) Zvino vabatiri vaJehoashi amene vakasimuka ndokumuponda.

23. Amazia anotevera mutooi wokusatendeka?

23 Amazia anotsiva baba vake Joashi. Anovamba kutonga kwamakore 29 zvakanaka asi gare gare anobva panyasha dzaJehovha nemhaka yokuti anomisa uye anonamata zvidhori zvavaEdhomi. “Mwari unofunga kukuparadza,” muporofita waJehovha anomunyevera kudaro. (25:16) Zvisinei, Amazia anova anozvitutumadza ndokudenha Israeri wokuchamhembe. Mukuwirirana neshoko raMwari, iye anotambura kukundwa kunodukupisa kwakaitwa navaIsraeri. Pashure pokukunda ikoko, varangani vanosimuka ndokumuuraya.

24. Simba raUzia rinova utera hwake sei, uye nomugumisiroi?

24 Mwanakomana waAmazia Uzia anotevera tsoka dzababa vake. Anotonga zvakanaka kworutivi rukuru rwamakore 52, achiwana mbiri senyanzvi yokurwa, somuvaki weshongwe, uye so“mudi wokurima.” (26:10, NW) Anoshongedza uye anogovera hondo zvombo. Zvisinei, simba rake rinova utera hwake. Anozvitutumadza uye anofunga kutora basa rouprista rokupa zvinonhuwira mutembere yaJehovha. Nokuda kwaikoku, Jehovha anomurova namaperembudzi. Somugumisiro, anotofanira kugara akaparadzana, kure neimba yaJehovha uyewo neimba yamambo, umo mwanakomana wake Jotami anotonga vanhu munzvimbo make.

25. Neiko Jotami achibudirira?

25 Jotami anobatira Jehovha (27:1-9). Kusafanana nababa vake, Jotami haa“vhozhokeri tembere yaJehovha.” Panzvimbo pezvo ‘anoramba achiita zviri zvakarurama mumeso aJehovha.’ (27:2) Mukati mokutonga kwake kwamakore 16, anoita basa rakawanda rokuvaka uye nenzira inobudirira anoparadza kumukira kwavaAmoni.

26. Ahazi anoburukira kuuipii husingaenzaniswi?

26 Mambo akaipa Ahazi (28:1-27). Mwanakomana waJotami Ahazi anobvumikisa kuva mumwe wavakaipisisa vamadzimambo 21 aJudha. Anonyanyonyanyisa mukupa vanakomana vake amene sezvibayiro zvinopisirwa vamwari vechihedheni. Naizvozvo Jehovha anomusiyirawo kuhondo dzeSiria, Israeri, Edhomi, uye Firistia. Naizvozvo Jehovha anodukupisa Judha nemhaka yokuti Ahazi ‘anorega kusazvidzora kuchikura muna Judha, uye kune kuita nokusatendeka kukuru kunoitirwa Jehovha.’ (28:19) Achiva akaipisisa, Ahazi anobayira vamwari veSiria nemhaka yokuti vaSiria vanobvumikisa kuva vakuru kwaari muhondo. Anopfiga masuo eimba yaJehovha ndokutsiva kunamatwa kwaJehovha nokunamatwa kwavamwari vechihedheni. Nokukurumidza zvikuru, kutonga kwaAhazi kunoguma pashure pamakore 16.

27. Hezekia anoratidza sei kushingairira kunamatwa kwaJehovha?

27 Mambo akatendeka Hezekia (29:1–32:33). Hezekia, mwanakomana waAhazi, anotonga kwamakore 29 muJerusarema. Chiito chake chokutanga ndechokuzarurazve ndokugadzira masuo eimba yaJehovha. Tevere anounganidza vaprista navaRevhi ndokuvapa mirayiridzo yokuchenesa tembere ndokuitsvenesa nokuda kwebasa raJehovha. Anozivisa kuti iye anoda kuita sungano naJehovha kuti adzose kutsamwa Kwake. Kunamatwa kwaJehovha kunotangwazve nenzira yakaisvonaka.

28. Hezekia anoita mutamboi mukuru muJerusarema, uye vanhu vanoratidzira sei mufaro wavo?

28 Paseka huru inorongwa, asi zvapasina nguva yokuigadzirira mumwedzi wokutanga, gadziriro yoMutemo inoshandiswa, uye inochengetwa mumwedzi wechipiri wegore rokutanga rokutonga kwaHezekia. (2 Mako. 30:2, 3; Num. 9:10, 11) Mambo anokoka asati achingova Judha wose bedzi kuzopinda asi Israeriwo, uye nepo vamwe vari muna Efraimi, Manase, uye Zebhuroni vachiseka kokero, vamwe vanozvininipisa vamene ndokuuya kuJerusarema pamwe chete naJudha wose. Pashure pePaseka, Mutambo Wezvipapata Zvisina Kuviriswa unoitwa. Mutambo unofadza zvakadini wamazuva manomwe! Unovaka kwazvo, zvikuru zvokuti ungano yose inotambanudza mutambo mamwe mazuva manomwe. Mune “mufaro mukuru ukavapo paJerusarema; nokuti kubva panguva yaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo waIsraeri, hakuna kuitwa zvakadaro paJerusarema.” (2 Mako. 30:26) Vanhu vadzorerwa mumudzimu vanotevera nenhimbe huru yokubvisa kunamatwa kwezvidhori mose muri muviri muna Judha nomuna Israeri, nepo Hezekia, iye amene, achidzorera mipiro yezvinhu nokuda kwavaRevhi namabasa etembere.

29. Jehovha anotusa sei kuvimba Naye kwakakwana kwaHezekia?

29 Ipapo Sanheribhi mambo weAsiria anovhozhokera Judha ndokutyisidzira Jerusarema. Hezekia anoshinga, anogadzira zvinodzivirira zveguta, uye anozvidza kushora kwomuvengi. Achivimba zvakakwana naJehovha, anoramba achinyengeterera yamuro. Jehovha anopindura nenzira inokatyamadza uyu munyengetero wokutenda. Anopfuurira “kutuma mutumwa wakaparadza vose vakanga vane simba noumhare, navatungamiriri, navakuru pamisasa yamambo weAsiria.” (32:21) Sanheribhi anodzokera kumusha achinyara. Kunyange vamwari vake havagoni kumubetsera kusanyara, nokuti gare gare iye anourayirwa paatari yavo navanakomana vake amene. (2 Madz. 19:7) Jehovha anotambanudza nenzira inoshamisa upenyu hwaHezekia, uye anosvika pakuva nepfuma huru nembiri, Judha wose achimukudza parufu rwake.

30. (a) Manase anotendeukira kuuipii, asi chii chinotevera rupfidzo rwake? (b) Chii chinoratidzira kutonga kupfupi kwaAmoni?

30 Manase naAmoni vanotonga nomutoo wakaipa (33:1-25). Mwanakomana waHezekia Manase anodzokera kunzira yakaipa yasekuru vake Ahazi, achiparadza zvakanaka zvose zvakaitwa mukati mokutonga kwaHezekia. Anovaka nzvimbo dzakakwirira, anomisa matanda anoyera, uye anotobayira vanakomana vake kuna vamwari venhema. Pakupedzisira, Jehovha anounza mambo weAsiria kuzorwisana naJudha, uye Manase anoendeswa senhapwa kuBhabhironi. Ikoko anopfidza chakaipa chake. Apo Jehovha anoratidza ngoni kupfurikidza nokumudzorera kuumambo hwake, iye anoedza kuparadza kunamata madhemoni uye kudzorera rudzidziso rwechokwadi. Zvisinei, apo Manase anofa pashure pokutonga kwamakore akawanda ane 55, mwanakomana wake Amoni anogara pachigaro choumambo uye nenzira yakaipa anotsigirazve kunamatwa kwamadhemoni. Pashure pamakore maviri, vabatiri vake amene vanomuuraya.

31. Ndaapi ari mapfundo makuru okutonga kwoushingi kwaJosia?

31 Kutonga kwoushingi kwaJosia (34:1–35:27). Josia muduku, mumwe mwanakomana waAmoni, anoedza noushingi kudzorera kunamata kwechokwadi. Anoita kuti atari dzaBhaari nemifananidzo yakavezwa zvikoromorwe, uye anogadzira imba yaJehovha, umo “bhuku romutemo waJehovha rakanyorwa noruoko rwaMosesi,” pasina panikiro kopi yapakuvamba, rinowanwa. (34:14, NW) Bva, Josia akarurama anoudzwa kuti ngwavaira ichawira nyika nokuda kwokusatendeka kwakatoitika, asi kwete muzuva rake. Mugore rechi18 rokutonga kwake, anogadzirira kuchengetwa kwakatanhamara kwePaseka. Pashure pokutonga kwamakore 31, Josia anonangana norufu rwake mukuedza kusina maturo kudzivisa mauto eEgipita kupfuura nomunyika achienda Yufratesi.

32. Madzimambo mana okupedzisira anotungamirira sei Judha kumugumo wake une ngwavaira?

32 Jehoahazi, Jehoyakimi, Jehoyakini, Zedhekia, uye kuva dongo kweJerusarema (36:1-23). Uipi hwamadzimambo mana okupedzisira aJudha hunosvitsa nokukurumidza rudzi rwacho kumugumo warwo une ngwavaira. Mwanakomana waJosia Jehoahazi anotonga mwedzi mitatu bedzi, achiva anobviswa naFarao Neko weEgipita. Anotsiviwa nomunun’una wake Eriakimi, ane zita rinochinjwa kuva Jehoyakimi, uye Judha anokurirwa mukati mokutonga kwake nesimba idzva renyika, Bhabhironi. (2 Madz. 24:1) Apo Jehoyakimi anopanduka, Nebhukadnezari anokwira Jerusarema kundomuranga muna 618 B.C.E., asi Jehoyakimi anofa gore rimwe cheteri, pashure pokutonga makore 11. Anotsiviwa nomwanakomana wake ane makore 18 okukura Jehoyakini. Pashure pokutonga kweisingasviki mwedzi mitatu, Jehoyakini anotera kuna Nebhukadnezari uye anoendeswa senhapwa kuBhabhironi. Nebhukadnezari zvino anoisa mwanakomana wechitatu waJosia, babamunini vaJehoyakini Zedhekia, pachigaro choumambo. Zedhekia anotonga nenzira yakaipa kwamakore 11, achiramba “kuzvininipisa nokuda kwaJeremia muporofita pakurayira kwaJehovha.” (2 Mako. 36:12, NW) Mukusatendeka kukuru, vaprista navanhu nenzira yakafanana vanoshatsa imba yaJehovha.

33. (a) Kuva dongo kwamakore 70 kunovamba sei, “kuzadzika shoko raJehovha”? (b) Chirevoi chinokosha chakanyorwa mundima mbiri dzokupedzisira dzebhuku raMakoronike Rechipiri?

33 Pakupedzisira, Zedhekia anopandukira joko reBhabhironi, uye nguva ino Nebhukadnezari haaratidzi ngoni. Kutsamwa kwaJehovha kwakakwana, uye hapana kuporesa. Jerusarema rinowa, tembere yaro inopambwa ndokupiswa, uye vapukunyuki vekomberedzo yemwedzi 18 vanoendeswa senhapwa kuBhabhironi. Judha inosiyiwa rava dongo. Nokudaro, mune iri gore rimene ra607 B.C.E., munovamba kuva dongo “kuzadzika shoko raJehovha rakataurwa nomuromo waJeremia . . . kuzadzika makore ana makumi manomwe.” (36:21, NW) Munyori ipapo anosvetuka uyu mukaha waanenge makore 70 kuti anyore mundima mbiri dzokupedzisira chirevo chinokosha chaKoreshi muna 537 B.C.E. Nhapwa dzechiJudha dzinofanira kusunungurwa! Jerusarema rinofanira kumukazve!

CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA

34. Chii chinosimbiswa muchisarudzo chaEzra chamashoko, uye ikoku kwakanga kuchibetsera sei kurudzi rwacho?

34 Bhuku raMakoronike Rechipiri rinowedzera chipupuriro charo chine simba kune chiya chezvimwe zvapupu pamusoro peiyi nhambo inokosha, 1037-537 B.C.E. Uyezve, rinopa mashoko anokosha okuwedzera asingawanikwi mune dzimwe nhau dzendaza yamabhuku matsvene, somuenzaniso, pana 2 Makoronike maganhuro 19, 20, uye 29 kusvikira ku31. Kusarudza kwaEzra mashoko kwakasimbisa zvinhu zvinokosha uye zvechigarire munhau yorudzi rwacho, zvakadai souprista nebasa rahwo, tembere, uye sungano yoUmambo. Ikoku kwakanga kuri kunobetsera mukubatanidza rudzi pamwe chete mutariro yaMesiya noUmambo hwake.

35. Mapfundoi anokosha anobvumikiswa mundima dzokugumisira dzebhuku raMakoronike Rechipiri?

35 Ndima dzokugumisira dzebhuku raMakoronike Rechipiri (36:17-23) dzinopa chibvumikiso chinopwisa chezadziko yaJeremia 25:12 uye, mukuwedzera, chinoratidza kuti makore 70 akakwana anofanira kuverengwa kubvira pakuva dongo kwakakwana kwenyika kusvikira pakudzorerwa kwokunamatwa kwaJehovha paJerusarema muna 537 B.C.E. Uku kuva dongo naizvozvo kunovambira muna 607 B.C.E.c—Jer. 29:10; 2 Madz. 25:1-26; Ezra 3:1-6.

36. (a) Izanoi rine simba riri mubhuku raMakoronike Rechipiri? (b) Rinosimbisa sei kariro pamusoro poUmambo?

36 Bhuku raMakoronike Rechipiri rine zano rine simba nokuda kwaavo vanofamba mukutenda kwechiKristu. Madzimambo mazhinji kwazvo aJudha akatanga zvakanaka dzokonokei opinda munzira dzakaipa. Ichi chinyorwa chenhau chinoratidzira zvakasimba sei kuti rubudiriro rwunotsamira pakutendeka kuna Mwari! Tinofanira kunyeverwa naizvozvo kuva vasati vari “rudzi runodzokera shure kuruparadziko, asi rudzi rune kutenda kunoponesa mweya.” (VaH. 10:39, NW) Kunyange Mambo Hezekia akatendeka akava anozvitutumadza pakunaya pachirwere chake, uye akakwanisa kudzivisa hasha dzaJehovha nemhaka bedzi yokuti iye akakurumidza kuzvininipisa amene. Bhuku raMakoronike Rechipiri rinokudza mavara anoshamisa aJehovha uye rinokudza zita rake nouchangamire. Nhau yose inopiwa mumurangariro wokuzvipira kwakazara kuna Jehovha. Sezvainosimbisawo mutsara woumambo waJudha, inosimbisa kariro yedu yokuona kunamata kwakachena kuchisimudzwa muUmambo husingaperi hwaJesu Kristu, “mwanakomana [akavimbika] waDhavhidhi.”—Mat. 1:1; Mabasa 15:16, 17.

[Mashoko Omuzasi]

a Insight on the Scriptures, Vhor. 1, peji 147.

b Insight on the Scriptures, Vhor. 1, mapeji 750-1; Vhor. 2, mapeji 1076-8.

c Insight on the Scriptures, Vhor. 1, peji 463; Vhor. 2, peji 326.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe