RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • si pp. 69-74
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 12—2 Madzimambo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 12—2 Madzimambo
  • “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVIRI MUBHUKU RAMADZIMAMBO RECHIPIRI
  • CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
  • Zviri Mubhuku ra2 Madzimambo
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Ndiani Achapukunyuka “Zuva ra[Jehovha, NW]”?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku reMadzimambo Rechipiri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
si pp. 69-74

Bhuku reBhaibheri Nhamba 12—2 Madzimambo

Munyori: Jeremia

Nzvimbo Yakanyorerwa: Jerusarema uye Egipita

Kunyora Kwakapedzwa: 580 B.C.E.

Nguva Yakafukidzwa: Munenge muna 920–580 B.C.E.

1. Inhaui dzinorondedzerwa mubhuku raMadzimambo Rechipiri, uye mukurevererwa kwechii?

BHUKU raMadzimambo Rechipiri rinopfuurira kuronda muitiro wamasimba masimba oumambo hwaIsraeri naJudha. Erisha akatora nguo yaEria uye akakomborerwa namativi maviri omudzimu waEria, achiita zvishamiso 16, zvichienzaniswa ne8 zvaEria. Akapfuurira kuporofita shurikidzo nokuda kwaIsraeri akaramba kutenda, apo Jehu bedzi akagovera kushingairira Jehovha kwenguva pfupi. Madzimambo aIsraeri akanyura zvikuru muuipi, kutozosvikira umambo hwokuchamhembe pakupedzisira hwaparara pamberi peAsiria muna 740 B.C.E. Muumambo hwokumaodzanyemba hwaJudha, madzimambo mashomanene akatanhamara, sezvinocherekedzwa Jehoshafati, Jehoashi, Hezekia, uye Josia, vakadzivisa kuramba kutenda kwenguva yakati, asi Nebhukadnezari pakupedzisira akaita rutongeso rwaJehovha kupfurikidza nokuparadzanya Jerusarema, tembere yaro, uye nyika yaJudha muna 607 B.C.E. Nokudaro uporofita hwaJehovha hwakazadzikwa, uye shoko rake rakarevererwa!

2. Chii chingataurwa pamusoro pokuva munyori namanyoro ebhuku raMadzimambo Rechipiri, uye inhamboi inofukidzwa naro?

2 Sezvo bhuku raMadzimambo Rechipiri pakuvamba rakanga riri rutivi rwomupumburu wamanyoro mumwe chetewo nowebhuku raMadzimambo Rokutanga, izvo zvatotaurwa pamusoro pokuva munyori kwaJeremia zvinoshanda nenzira yakaenzana pano, sezvinoita zvibvumikiso zvamanyoro zvebhuku racho nouchokwadi. Rakapedzwa munenge muna 580 B.C.E. uye rinofukidza nhambo inovamba nokutonga kwaAhazia Israeri munenge muna 920 B.C.E. uye richigumira mugore rechi37 routapwa hwaJehoiakini, 580 B.C.E.—1:1; 25:27.

3. Zviwanwai zvakatanhamara zvoruzivo rwokuchera matongo zvinotsigira bhuku raMadzimambo Rechipiri?

3 Zviwanwa zvoruzivo rwokuchera matongo zvinotsigira chinyorwa chebhuku raMadzimambo Rechipiri zvinopa humwezve ufakazi hwouchokwadi hwacho. Somuenzaniso, kune Dombo reMoabhi rakakurumbira, rine runyoro runopa nhoroondo yaMesha mambo weMoabhi yehondo yapakati paMoabhi naIsraeri. (3:4, 5) Kunewo rushongwe rwelimestone rutema rwaShalmaneser III weAsiria, zvino runoratidzwa muBritish Museum, London, urwo rwunodudza mambo waIsraeri Jehu nezita. Kune manyoro amambo weAsiria Tigrati-pireseri III (Puri), ayo anodudza madzimambo anoverengeka aIsraeri naJudha, kubatanidza Menahemi, Ahazi, uye Peka.—15:19, 20; 16:5-8.a

4. Chii chinobvumikisa kuti bhuku raMadzimambo Rechipiri rutivi rwakakwana rwaMagwaro akafuridzirwa?

4 Chibvumikiso chakajeka chouchokwadi hwebhuku racho chinowanwa muururami hukurusa hwarinorondedzera nahwo kuitwa kwamarutongeso aJehovha pavanhu vake amene. Sezvo kutanga umambo hwaIsraeri uye tevere umambo hwaJudha hunoputsika kuva matongo, simba rinoshamisa rorutongeso rwouporofita raJehovha riri muna Dheuteronomio 28:15–29:28 rinotijekeserwa. Muruparadziko rwoumambo ihwohwo, “kutsamwa kwaJehovha kwakamukira nyika iyi kuti aituke nokutuka kwose kwakanyorwa mubhuku iyi.” (Dheut. 29:27; 2 Madz. 17:18; 25:1, 9-11) Zvimwe zviitiko zvakanyorwa mubhuku raMadzimambo Rechipiri zvinotsanangurwa kune imwe nzvimbo muMagwaro. Pana Ruka 4:24-27, pashure pokunge Jesu anongedzera kuna Eria nechirikadzi yeSarepta, iye anonongedzera kuna Erisha naNaamani mukuratidza chikonzero nei iye amene asina kugamuchirwa somuporofita munyika yokumusha kwake. Nokudaro, mabhuku ose ari maviri aMadzimambo Rokutanga neRechipiri anoonwa kuva rutivi rukuru rwaMagwaro Matsvene.

ZVIRI MUBHUKU RAMADZIMAMBO RECHIPIRI

5. Eria anopa Ahazia tsiuroi norutongeso, uye neiko?

5 Ahazia, mambo waIsraeri (1:1-18). Achitambura kuwa mumusha make, uyu mwanakomana waAhabhi anorwara. Anotumira kundobvunza Bhaari-zebhubhi, mwari waEkroni, kana iye achizonaya. Eria anomisa nhume dzacho ndokudzidzorera kuna mambo, achimutsiura nokuda kwokusabvunza Mwari wechokwadi uye achimuudza kuti nemhaka yokuti iye haanakutendeukira kuna Mwari waIsraeri, iye achafa zvirokwazvo. Apo mambo anotuma mukuru ane varume 50 kundotora Eria ndokumuunza kuna mambo, Eria anodana mwoto kubva kudenga kuti uvaparadze. Chinhu chimwe chetecho chinoitika kumukuru wechipiri navane 50 vake. Mukuru wechitatu navane 50 vanotumwa, uye nguva ino Eria anoponesa upenyu hwavo nemhaka yomukumbiro womukuru unoremekedzeka. Eria anoenda navo kuna mambo uye zvakare anotaura rutongeso rworufu pana Ahazia. Mambo anofa sezvakangotaurwa naEria kuti aizodaro. Ipapo Jehorami hama yaAhazia inova mambo pana Israeri, nokuti Ahazia haana mwanakomana wokutora nzvimbo yake.

6. Eria anoparadzana naErisha mumamiriroi ezvinhu, uye kunokurumidza kuratidzwa sei kuti “mudzimu waEria” wagara pana Erisha?

6 Erisha anotsiva Eria (2:1-25). Nguva inosvika yokuti Eria atorwe. Erisha anonamatirana naye parwendo rwake rwokubva Girgari achienda Bheteri, kuJeriko, uye pakupedzisira mhiri kwaJoridhani. Eria anoparadzanisa mvura dzaJoridhani kupfurikidza nokudzirova nenguo yake yebasa. Zvaanoona ngoro yomwoto yehondo namabhiza omwoto zvichiuya pakati pake amene naEria uye anoona Eria achikwira muchamupupuri, Erisha anogamuchira mativi maviri akapikirwa omudzimu waEria. Anokurumidza kuratidza kuti “mudzimu waEria” wagara paari. (2:15, NW) Achitora nguo yaEria yadonha, anoishandisa kuparadzanisa mvura zvakare. Ipapo iye anorapa mvura yakaipa paJeriko. Pakuenda Bheteri, zvikomana zvinovamba kumuseka, zvichiti: “Kwira, iwe nyamhanza! Kwira, iwe nyamhanza!” (2:23, NW) Erisha anodana pana Jehovha, uye maperekadzi maviri anobuda mumasango ndokuuraya 42 veidzi sindimari dzechiduku.

7. Jehovha anonunura Jehoshafati naJehorami nemhaka yechii?

7 Jehorami, mambo waIsraeri (3:1-27). Uyu mambo anoramba achiita zviri zvakaipa mumeso aJehovha, achinamatira kuzvivi zvaJerobhoami. Mambo waMoabhi ave achiripira muripo kuna Israeri asi zvino anopanduka, uye Jehorami anowana betsero yaMambo Jehoshafati waJudha namambo weEdhomi mukurwa naMoabhi. Vachindodenha, hondo dzavo dzinosvika pamupata usina mvura uye vodokuparara. Madzimambo matatu anoburukira kuna Erisha kundobvunza Jehovha Mwari wake. Nemhaka yaJehoshafati akatendeka, Jehovha anovanunura uye anoita kuti vakunde Moabhi.

8. Erisha anoita zvimwe zvishamisoi?

8 Zvimwe zvishamiso zvaErisha (4:1–8:15). Vakweretesi vayo zvavodokupinza vanakomana vayo vaviri muuranda, chirikadzi yomumwe wavanakomana vavaporofita inotsvaka betsero kuna Erisha. Iye nenzira inoshamisa anowanziridza mugove muduku wamafuta mumba make zvokuti iye anokwanisa kutengesa akakwana kubhadhara ngava dzake. Mukadzi weShunemi anoziva Erisha somuporofita waMwari wechokwadi, uye iye nomurume wake vanomugadzirira kamuri rokushandisa apo iye anenge ari muShunemi. Nemhaka yomutsa wake, Jehovha anomukomborera nomwanakomana. Makore akati gare gare, mwana wacho anorwara ndokufa. Mukadzi wacho anokurumidza kutsvaka Erisha. Anomuperekedza kumba kwake, uye kupfurikidza nesimba raJehovha anomutsira mwana kuupenyu. Achidzokera kuvanakomana vavaporofita kuGirgari, Erisha nenzira inoshamisa anobvisa “rufu ruri muhari” kupfurikidza nokuita kuti magake ane muchetura ave asingakuvadzi. Ipapo anodyisa vanhu vane zana rimwe nezvingwa zvebhari 20, bva vano“siya zvimwe.”—4:40, 44.

9. Zvishamisoi zvinoitwa pamusoro paNaamani, uye nesanhu?

9 Naamani, mukuru wehondo yeSiria, munhu ane maperembudzi. Musikana wechiIsraeri akatapwa anoudza mudzimai waNaamani kuti muSamaria mune muporofita anogona kumuporesa. Naamani anoenda kuna Erisha, asi panzvimbo pokumutarisira iye pachake, Erisha anongomutumira chete shoko rokuti aende andoshamba amene kanomwe muRwizi rwaJoridhani. Naamani anotsamwira uku kushayikwa kuri pachena kworuremekedzo. Ko nzizi dzeDhamasko hadziziri nani zvikuru kupfuura mvura dzeIsraeri here? Asi iye anonyengetedzwa kuti ateerere Erisha, uye iye anoporeswa. Erisha anoramba kugamuchira chipo setuso, asi gare gare murindiri wake Gehazi anomhanyira Naamani ndokukumbira chipo muzita raErisha. Apo iye anodzoka ndokuedza kunyengedza Erisha, Gehazi anorohwa namaperembudzi. Chimwezve chishamiso chinoitwa apo Erisha anoita kuti sanhu ripapame.

10. Masimba makuru aJehovha anoratidzwa sei, uye Erisha anodzosera sei vaSiria?

10 Apo Erisha anonyevera mambo waIsraeri nezvebangano reSiria rokumuuraya, mambo weSiria anotuma uto rehondo kuDhotani kundotapa Erisha. Achiona guta rakakombwa nehondo dzeSiria, murindiri waErisha anotya. Erisha anomuvimbisa, kuti: “Usatya hako, nokuti vari kwatiri vanopfuura vari kwavari pakuwanda.” Ipapo anonyengetera kuna Jehovha kuti murindiri wake aone uto guru iro rina Erisha. ‘Uye, tarira! Nzvimbo yamakomo yakazara mabhiza nengoro dzehondo dzomwoto mose makakomba Erisha.’ (6:16, 17) Apo vaSiria vanodenha, muporofita anonyengeterazve kuna Jehovha, uye vaSiria vanorohwa noupofu hwendangariro ndokutungamirirwa kuna mambo waIsraeri. Panzvimbo pokuurayiwa kwavo, zvisinei, Erisha anoudza mambo kuvapa zvokudya ndokuvadzorera kumusha.

11. Uporofita hwaErisha pamusoro pavaSiria naBheni-hadhadhi hunozadzikwa sei?

11 Gare gare, Mambo Bheni-hadhadhi weSiria anokomba Samaria, uye kune nzara huru. Mambo weIsraeri anopa mhaka Erisha, asi muporofita anofanotaura zvokudya zvakawanda nokuda kwezuva rinotevera. Usiku, Jehovha anosakisa vaAsiria kunzwa mubvumo wehondo huru, zvokuti ivo vanotiza, vachisiyira vaIsraeri mbuva dzavo dzose. Pashure penguva yakati Bheni-hadhadhi anorwara. Pakunzwa mushumo wokuti Erisha wauya kuDhamasko, anotuma Hazaeri kundobvunza kana achizonaya. Mhinduro yaErisha inoratidzira kuti mambo achafa uye kuti Hazaeri achava mambo munzvimbo make. Hazaeri anoita kuti ikoku kuve kwechokwadi kupfurikidza nokuuraya iye amene mambo uye kutora umambo.

12. Mwanakomana waJehoshafati Jehorami anobvumikisa kuva mambo worudzii?

12 Jehorami, mambo waJudha (8:16-29). Munguva yacho, muna Judha, mwanakomana waJehoshafati Jehorami ndimambo zvino. Anobvumikisa kusava ari nani zvikuru kupfuura madzimambo aIsraeri, achiita zvakaipa mumeso aJehovha. Mudzimai wake mwanasikana waAhabhi Ataria, ane hanzvadzi, inonziwo Jehorami, ari kutonga muna Israeri. Parufu rwaJehorami waJudha, mwanakomana wake Ahazia anova mambo muJerusarema.

13. Jehu anotevera kuzodzwa kwake nenhimbei yokukurumidza?

13 Jehu, mambo waIsraeri (9:1–10:36). Erisha anotuma mumwe wavanakomana vavaporofita kundozodza Jehu kuti ave mambo pana Israeri uye kumutuma kundoparadza imba yose yaAhabhi. Jehu anokurumidza. Anotanga kutevera Jehorami, mambo waIsraeri, uyo ari paJezreeri achipora maronda ehondo. Nharirire inoona boka ravanhu rinotura mafemo richisvika, uye pakupedzisira inoshuma kuna mambo, kuti: “Kufambisa kwakafanana nokufambisa kwaJehu mwanakomana waNimshi, nokuti unofambisa zvinotyisa.” (9:20) Jehorami weIsraeri naAhazia weJudha vanobvunza vavariro yaJehu. Jehu anopindura kupfurikidza nokubvunza, kuti: “Rugare rwei rwungagona kuvapo chero bedzi pane ufeve hwaJezebheri amai vako nouroyi hwavo huzhinji?” (9:22, NW) Sezvo Jehorami anotendeuka kuti atize, Jehu anopfura museve unopfuura nomumwoyo make. Chitunha chake chinokandirwa ipapo mumunda waNabhoti, sokubhadharazve ropa risina mhaka rakateurwa naAhabhi. Gare gare Jehu navanhu vake vanoronda Ahazia, vachimurova zvokuti anofira paMegidho. Madzimambo maviri anofira munhimbe yakamwe kamwe yokutanga yaJehu.

14. Uporofita hwaEria pamusoro paJezebheri hunozadzikwa sei?

14 Zvino rava jana raJezebheri! Jehu zvaanotasva nenzira yokukurira achipinda muJezreeri, Jezebheri anooneka pafafitera rake akazvitsvindisa zvakaisvonakisisa. Jehu haayevedzwi. “Musundire pasi” anodanidzira kudaro kuvarindiri. Anowira pasi, ropa rake richichambwadza pamadziro napamabhiza anomutsika-tsika. Apo vanondomuviga, vanogona kuwana dehenya rake bedzi, tsoka dzake, uye zvanza zvamaoko ake. Ikoku kunozadzika uporofita hwaEria, ‘imbwa dzakamudya, uye akava somupfudze munyika yeJezreeri.’—2 Madz. 9:33, 36, 37; 1 Madz. 21:23.

15. Jehu anova namarudzii akasiyana okusangana pakuenda Samaria?

15 Tevere, Jehu anorayira kuurawa kwavanakomana 70 vaAhabhi, uye iye anounganidza misoro yavo pasuo reJezreeri. Madzvetera ose aAhabhi ari muJezreeri anourawa. Zvino, anopfuurira kudzimbahwe raIsraeri, Samaria! Pakuenda anosangana navanun’una 42 vaAhazia, vari kuenda Jezreeri, vasingazivi chiri kuitika. Vanotorwa ndokuurawa. Asika zvino pane rudzi rwakasiyana rwokusangana. Jehonadhabhi mwanakomana waRehabhi anobuda kuzosangana naJehu. Kumubvunzo waJehu wokuti, “Mwoyo wako wakarurama here, sokururama kwomwoyo wangu kwauri?” Jehonadhabhi anopindura kuti, “Wakarurama hawo.” Jehu ipapo anomuita kuti aende naye mungoro yake kuti azvionere amene “kushingaira [kwake] kwandinoshingairira Jehovha nako.”—2 Madz. 10:15, 16.

16. Chiito chaJehu mukurwisana neimba yaAhabhi uye mukurwisana naBhaari chinova chakakwana sei?

16 Pakusvika muSamaria, Jehu anoparadzanya chinhu chiri chose chakasiyiwa chaAhabhi, maererano neshoko raJehovha rakapiwa kuna Eria. (1 Madz. 21:21, 22) Zvisinei, zvakadiniko norudzidziso runonyangadza rwaBhaari? Jehu anozivisa kuti, “Ahabhi, kune rumwe rutivi, akanamata Bhaari zvishoma. Jehu, kune rumwe rutivi, achamunamata zvikuru.” (2 Madz. 10:18, NW) Achidanira ava vanamati vose vamadhemoni kuimba yaBhaari, anovaita kuti vapfeke nguo dzavo dzokuzivikanwa nadzo ndokuva nechokwadi chokuti hapana munamati waJehovha ari pakati pavo. Ipapo anopinza varume vake kuti vavauraye, vasingaregi nomumwe achipukunyuka. Imba yaBhaari inoputswa, uye nzvimbo yacho inoshandurwa kuva durunhuru, iro rakavapo kusvikira kuzuva raJeremia. ‘Nokudaro Jehu akaparadzanya Bhaari muna Israeri.’—10:28.

17. Jehu anokundikana muchii, uye Jehovha anotanga sei kuunza chirango pana Israeri?

17 Zvisinei, kunyange Jehu anoshingaira anokundikana. Muchiiko? Mukuti anopfuurira kutevera mhuru dzendarama idzo Jerobhoami akamisa muBheteri neDhani. Haasati achi“ngwarira kufamba mumutemo waJehovha Mwari waIsraeri nomwoyo wake wose.” (10:31, NW) Asi nemhaka yechiito chake chokurwisana neimba yaAhabhi, Jehovha anopikira kuti vazukuru vake vachatonga pana Israeri kusvikira kuchizvarwa chechina. Mumazuva ake, Jehovha anovamba kugura rutivi rwokumabvazuva rwoumambo, achiunza Hazaeri weSiria kuzorwisa Israeri. Pashure pokutonga makore 28, Jehu anofa uye anotsiviwa nomwanakomana wake Jehoahazi.

18. Rangano yaAtaria muna Judha inodziviswa sei, uye chii chinokosha pamusoro pokutonga kwaJehoashi?

18 Jehoashi, mambo waJudha (11:1–12:21). Mambokadzi ari amai, Ataria, mwanasikana waJezebheri munyama nomumudzimu. Achinzwa nezverufu rwomwanakomana wake Ahazia, anorayira kuurawa kwemhuri yose youmambo ndokutora chigaro choumambo. Mwanarume bedzi waAhazia Jehoashi anopukunyuka rufu apo anovanzwa. Mugore rechinomwe rokutonga kwaAtaria, Jehoiadha muprista anoita kuti Jehoashi azodzwe samambo uye anoita kuti Ataria aurawe. Jehoiadha anotungamirira vanhu mukunamatwa kwaJehovha, anorayiridza mambo mupwere mumibato yake pamberi paMwari, uye anogadzirira kugadzirwa kweimba yaJehovha. Kupfurikidza nezvipo, Jehoashi anodzosa denho inoitwa naHazaeri mambo weSiria. Pashure pokunge atonga kwamakore 40 muJerusarema, Jehoashi anopondwa navabatiri vake, uye Amazia mwanakomana wake anovamba kutonga samambo munzvimbo make.

19. (a) Kunamatai kwenhema kunopfuurira mukati mokutonga kwaJehoahazi naJehoashi muna Israeri? (b) Erisha anogumisa sei nzira yake somuporofita waJehovha?

19 Jehoahazi naJehoashi, madzimambo aIsraeri (13:1-25). Mwanakomana waJehu Jehoahazi anopfuurira mukunamata zvidhori, uye Israeri anova pasi pesimba reSiria, kunyange zvazvo Jehoahazi asati achibviswa pachigaro choumambo. Jehovha anosunungura vaIsraeri munguva chaiyo, asi vanopfuurira mukunamata mhuru kwaJerobhoami. Parufu rwaJehoahazi, mwanakomana wake Jehoashi anotora nzvimbo yake samambo muna Israeri, kunyange apo mumwe Jehoashi ari kutonga muna Judha. Jehoashi waIsraeri anopfuurira mukunamata zvidhori kwababa vake. Parufu rwake mwanakomana wake Jerobhoami anova mambo. Ndimo mukati mokutonga kwaJehoashi umo Erisha anorwara ndokufa, pashure pokuita uporofita hwake hwokupedzisira hwokuti Jehoashi achaparadza Siria katatu, uhwo hunozadzikwa nenzira yakakodzera. Chishamiso chokupedzisira chinonzi chakaitwa naErisha chinoitika pashure porufu rwake, apo munhu akafa anokandirwa munzvimbo imwe cheteyo yokuvigira, kuzongomira bedzi ari mupenyu nokukurumidza apo anogunzva mafupa aErisha.

20. Rondedzera kutonga kwaAmazia muna Judha.

20 Amazia, mambo waJudha (14:1-22). Amazia anoita zviri zvakarurama mumeso aJehovha, asi anokundikana kuparadza nzvimbo dzakakwirira dzinoshandiswa nokuda kwokunamata. Anokurirwa muhondo naJehoashi weIsraeri. Pashure pokutonga kwamakore 29, anourawa murangano. Azaria mwanakomana wake anoitwa mambo munzvimbo make.

21. Chii chinoitika mukati mokutonga kwaJerobhoami II muna Israeri?

21 Jerobhoami II, mambo waIsraeri (14:23-29). Jerobhoami wechipiri kuti ave mambo muna Israeri anopfuurira mukunamata kwenhema kwasekuru vake. Anotonga muSamaria kwamakore 41 uye anobudirira mukuwanazve maruwa akarasika aIsraeri. Zekaria mwanakomana wake anova mutsivi wake pachigaro choumambo.

22. Chii chinorondedzerwa pamusoro pokutonga kwaAzaria muna Judha?

22 Azaria (Uzia), mambo waJudha (15:1-7). Azaria anotonga kwamakore 52. Iye akarurama pamberi paJehovha asi anokundikana kuparadza nzvimbo dzakakwirira. Gare gare, Jehovha anomurovanya namaperembudzi, uye mwanakomana wake Jotami anotarisira mabasa oumambo, achiva mambo parufu rwaAzaria.

23. Israeri anorwadzwa nezvakashatai sezvo tyisidziro yeAsiria inomuka?

23 Zekaria, Sharumi, Menahemi, Pekahia, uye Peka, madzimambo aIsraeri (15:8-31). Mukuwirirana nechipikirwa chaJehovha, chigaro choumambo chaIsraeri chinoramba chiri muimba yaJehu kusvikira kuchizvarwa chechina, Zekaria. (10:30) Nenzira inowirirana, anova mambo muSamaria, uye mwedzi mitanhatu gare gare mhondi inomuuraya. Sharumi, mubvuti, anogara bedzi mwedzi mumwe. Kunamata kwenhema, kuponda, uye rangano zvinopfuurira kutambudza Israeri sezvo madzimambo Menahemi, Pekahia, uye Peka vanopfuura mukutevedzana. Mukati mokutonga kwaPeka Asiria inokomba nokuda kwokuuraya. Hoshea anoponda Peka, kuti ave mambo wokupedzisira waIsraeri.

24. Pashure paJotami, Ahazi waJudha anotadza sei pamusoro pokunamata?

24 Jotami naAhazi, madzimambo aJudha (15:32–16:20). Jotami anoshandisa kunamata kwakachena asi anorega nzvimbo dzakakwirira dzichipfuurira. Ahazi mwanakomana wake anotevedzera madzimambo aIsraeri ari pedyo kupfurikidza nokushandisa chiri chakashata mumeso aJehovha. Mukudenhwa namadzimambo aIsraeri neSiria, iye anokumbira betsero kuna mambo weAsiria. VaAsiria vanomuyamura, vachitapa Dhamasko, uye Ahazi anoendako kundosangana namambo weAsiria. Achiona atari yokunamatira ikoko, Ahazi anoita kuti imwe ivakwe muJerusarema maererano nomutoo mumwe chetewo, uye anovamba kubayira zvibayiro pairi panzvimbo peatari yendarira patembere yaJehovha. Mwanakomana wake Hezekia anova mambo waJudha somutsivi wake.

25. Israeri anopinda sei muutapwa, uye neiko?

25 Hoshea, mambo wokupedzisira weIsraeri (17:1-41). Israeri zvino anova musimba reAsiria. Hoshea anopanduka uye anotsvaka betsero kuEgipita, asi mugore rechipfumbamwe rokutonga kwake, Israeri anokundwa neAsiria uye anopinzwa muutapwa. Nokudaro umambo hwendudzi gumi hwaIsraeri hunoguma. Neiko? “Nokuti vana vaIsraeri vakatadzira Jehovha Mwari wavo, . . . vakashumira zvifananidzo, zvavakanga vanzi naJehovha: Regai kuita chinhu ichi. Naizvozvo Jehovha wakatsamwira vaIsraeri kwazvo, akavabvisa pachiso chake.” (17:7, 12, 18) VaAsiria vanopinza vanhu vanobva mabvazuva kuti vagare munyika, uye ivava vanova ‘vanotya Jehovha,’ kunyange zvazvo vachipfuurira kunamata vamwari vavo vamene.—17:33.

26, 27. (a) Hezekia waJudha anoita sei zvakarurama mumeso aJehovha? (b) Jehovha anopindura sei munyengetero waHezekia mukudzorera vaAsiria? (c) Uporofita hwaIsaya hunova neimweizve zadziko?

26 Hezekia, mambo waJudha (18:1–20:21). Hezekia anoita zviri zvakarurama mumeso aJehovha, maererano nezvose izvo Dhavhidhi sekuru vake vakanga vaita. Anoparadza kunamata kwenhema uye anokoromora nzvimbo dzakakwirira, uye nemhaka yokuti vanhu zvino vanoinamata, anotoparadza nyoka yendarira yakaitwa naMosesi. Sanheribhi, mambo weAsiria, zvino anovhozhokera Judha ndokutapa maguta mazhinji akakombwa namasvingo. Hezekia anoedza kumutenga nomuripo mukuru, asi Sanheribhi anotuma nhume yake Rabhisheki, uyo anokwira kumasvingo eJerusarema ndokurayira kutera uye anonyomba Jehovha vanhu vose vachinzwa. Muporofita Isaya anovimbisa Hezekia akatendeka neshoko reshurikidzo mukurwisana naSanheribhi. “Izvi ndizvo zvataurwa naJehovha: ‘Usatya hako.’” (19:6, NW) Sanheribhi zvaanopfuurira kutyisidzira, Hezekia anoteterera Jehovha: “Uye zvino, Haiwa Jehovha Mwari wedu, tiponesei, tapota, muruoko rwake, kuti umambo hwose hwapasi hugoziva kuti imi, Haiwa Jehovha, ndimi Mwari oga.”—19:19, NW.

27 Jehovha anopindura uyu munyengetero usina udyire here? Kutanga, kupfurikidza naIsaya, anotuma shoko rokuti “kushingaira kwaJehovha” kuchadzosera muvengi. (19:31) Ipapo, usiku humwe chetehwo, anotuma ngirozi yake kundouraya 185 000 vari mumusasa wavaAsiria. Mumangwanani ‘ivo vose zvitunha.’ (19:35) Sanheribhi anodzokera akurirwa uye anogara muNinevhe. Imomo mwari wake Nisroki anomukundikanisazve, nokuti ndipo apo iye akakotama mukunamata apo vanakomana vake amene vanomuuraya, muzadziko youporofita hwaIsaya.—19:7, 37.

28. Hezekia anokurumbira nokuda kwechii, asi anotadza muchii?

28 Hezekia anorwara zvokudokufa, asi Jehovha anotetekerazve munyengetero wake ndokurebesa upenyu hwake namakore 15 okuwedzera. Mambo weBhabhironi anotuma nhume nezvipo, uye Hezekia anotsunga kuvaratidza imba yake yose yepfuma. Isaya ipapo anoporofita kuti chinhu chiri chose chiri muimba yake rimwe zuva chichaendeswa Bhabhironi. Hezekia ipapo anofa, akakurumbira nokuda kwesimba rake uye nokuda kwomugero waakachera kuti upinze mvura yeJerusarema muguta.

29. Manase anotanga kunamatwai kwezvidhori, Jehovha anofanotaura ngwavairai, uye Manase anoita chimwe chivii?

29 Manase, Amoni, uye Josia, madzimambo aJudha (21:1–23:30). Manase anotsiva baba vake, Hezekia, uye anotonga kwamakore 55, achiita zvakaipa mumeso aJehovha pamwero mukuru. Anodzorera nzvimbo dzakakwirira dzokunamata kwenhema, anovakira Bhaari atari, anoita danda rinoyera sezvakaita Ahabhi, uye anoita imba yaJehovha nzvimbo yokunamatira zvifananidzo. Jehovha anofanotaura kuti achaunza ngwavaira paJerusarema sezvaakaita paSamaria, “achirichenesa nokuripidigura.” Manase anoteurawo ropa risina mhaka “rakawanda zvikuru kwazvo.” (21:13, 16, NW) Anotsiviwa nomwanakomana wake Amoni, uyo anopfuurira kuita zvakaipa kwamakore maviri, kutozosvikira aurawa nemhondi.

30. Josia anodzokera kuna Jehovha nomwoyo wake wose nei uye sei?

30 Vanhu zvino vanoita mwanakomana waAmoni Josia mambo. Mukati mamakore ake 31 okutonga, nokupfupikisa anochinja kupinda kwaJudha muruparadziko ‘kupfurikidza nokufamba munzira yose yaDhavhidhi sekuru vake.’ (22:2) Anovamba kugadzira imba yaJehovha, uye imomo muprista mukuru anowana bhuku roMutemo. Irori rinosimbisa kuti ruparadziko ruchauya parudzi rwacho nokuda kwokusateerera kwarwo Jehovha, asi Josia anova anovimbiswa kuti nemhaka yokutendeka kwake, harusati ruchizouya muzuva rake. Anobvisa mumba maJehovha uye munyika yose kunamata madhemoni uye anotambanudzira mubato wake wokuputsanya zvidhori kusvikira kuBheteri, uko iye anoparadza atari yaJerobhoami muzadziko youporofita huri pana 1 Madzimambo 13:1, 2. Anovambazve Paseka kuna Jehovha. “Hakuna kubvumikisa kuva namambo akamutangira akafanana naye uyo akadzokera kuna Jehovha nomwoyo wake wose uye nomweya wake wose uye nesimba guru rake rose, maererano nomutemo wose waMosesi.” (23:25, NW) Kunyange zvazvo zvakadaro, kutsamwa kwaJehovha kuchiri kukuru nokuda kwemhaka dzaManase. Josia anofa mukurwisana namambo weEgipita paMegidho.

31. Imhinganidzoi dzinowira Judha pashure porufu rwaJosia?

31 Jehoahazi, Jehoyakimi, uye Jehoyakini, madzimambo aJudha (23:31–24:17). Pashure pokutonga mwedzi mitatu, mwanakomana waJosia Jehoahazi anotapwa namambo weEgipita, uye munun’una wake Eriakimi, ane zita rinochinjwa kuva Jehoyakimi, anoiswa pachigaro choumambo. Anotevera munzira yakaipa yamadzisekuru ake uye anodzorwa naNebhukadnezari, mambo weBhabhironi, asi anomupandukira pashure pamakore matatu. Pakufa kwaJehoyakimi mwanakomana wake Jehoyakini anovamba kutonga. Nebhukadnezari anokomba Jerusarema, anoritapa, uye anoendesa pfuma yeimba yaJehovha kuBhabhironi, “sezvakanga zvataurwa naJehovha” kupfurikidza naIsaya. (24:13; 20:17) Jehoyakini nezviuru zvavadzorwi vake vanopinzwa muutapwa muBhabhironi.

32. Zviitikoi zvinokatyamadza zvinotungamirira kukuva dongo kweJerusarema nokwenyika yacho?

32 Zedhekia, mambo wokupedzisira waJudha (24:18–25:30). Nebhukadnezari anoita babamunini vaJehoyakini Matania mambo ndokuchinja zita rake kuva Zedhekia. Anotonga makore 11 muJerusarema ndokupfuurira kuita zvakaipa mumeso aJehovha. Anopandukira Bhabhironi, naizvozvo mugore rechipfumbamwe raZedhekia, Nebhukadnezari nehondo yake yose vanokwira ndokuvaka rusvingo rwokukomba Jerusarema rose. Pashure pemwedzi 18 guta rinokuvadzwa nenzara. Masvingo ipapo anoputsanywa, uye Zedhekia anotapwa achingunoedza kutiza. Vanakomana vake vanourayirwa pamberi pake, uye iye anoitwa bofu. Mumwedzi unotevera, dzimba huru dzose dzeguta, kubatanidza imba yaJehovha neimba yamambo, dzinopiswa uye masvingo eguta anokoromorwa. Vapukunyuki vazhinjisa vanoendeswa muutapwa kuBhabhironi. Gedharia anogadzwa kuva gavhuna pavarombo vashomanene vanosara mumaruwa aJudha. Zvisinei, iye anopondwa, uye vanhu vanotizira Egipita. Nokudaro, kubvira pamwedzi wechinomwe wa607 B.C.E., nyika inova dongo chose chose. Mashoko okupedzisira ebhuku raMadzimambo Rechipiri anotaura nezvenyasha idzo mambo weBhabhironi anoratidza kuna Jehoyakini mugore rechi37 routapwa hwake.

CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA

33. Mienzanisoi yakaisvonaka inogoverwa mubhuku raMadzimambo Rechipiri yokuti isu titevere?

33 Kunyange zvazvo richifukidza kuwa kune ngwavaira kwoumambo hwaIsraeri naJudha, bhuku raMadzimambo Rechipiri rinopenya nemienzaniso mizhinji yechikomborero chaJehovha pavanhu vakaratidza kumuda uye nenheyo dzake dzakarurama. Sechirikadzi yeZarefati yakamutangira, mukadzi weShunemi akagamuchira chikomborero chikuru nokuda kwomutsa wake wakaratidzwa kumuporofita waMwari. (4:8-17, 32-37) Simba raJehovha rokugarogovera rakaratidzwa apo Erisha akadyisa vanhu vane zana zvingwa 20, kunyange sezvo Jesu aizoita zvishamiso zvakafanana gare gare. (2 Madz. 4:42-44; Mat. 14:16-21; Marko 8:1-9) Cherekedza kuti Jehonadhabhi akagamuchira sei chikomborero mukukokwa kuti aende pamwe chete mungoro yaJehu kundoona kuparadzwa kwavanamati vaBhaari. Asika neiko? Nemhaka yokuti akaita chiito chakananga mukubuda kuzochingamidza Jehu anoshingaira. (2 Madz. 10:15, 16) Pakupedzisira, kune mienzaniso yakaisvonaka yaHezekia naJosia, mukuzvininipisa kwavo uye kuremekedza kwakafanira zita raJehovha noMutemo. (19:14-19; 22:11-13) Iyi mienzaniso yakaisvonaka yokuti isu titevere.

34. Bhuku raMadzimambo Rechipiri rinotidzidzisei pamusoro pokuremekedza vabatiri vane chiremera uye pamusoro pemhaka yeropa?

34 Jehovha haashiviriri kuzvidzwa kwavabatiri vake vane chiremera. Apo sindimari dzakaseka Erisha somuporofita waJehovha, Iye akaunza matsive okukurumidza. (2:23, 24) Uyezve, Jehovha anoremekedza ropa ravasina mhaka. Rutongeso rwake rwaiva zvikuru paimba yaAhabhi kwete bedzi nemhaka yokunamata Bhaari asiwo nemhaka yechishava chakava pamwe chete nako. Nokudaro, Jehu akazodzerwa kutsiva “ropa ravaranda vose vaJehovha kuna Jezebheri.” Apo rutongeso rwakaitirwa Jehorami, Jehu akayeuka kutaura kwaJehovha kuti kwakanga kuri nokuda kwe“ropa raNabhoti, neropa ravanakomana vake.” (9:7, 26) Nenzira yakafanana, yakanga iri mhaka yeropa yaManase iyo yakasimbisa pakupedzisira shurikidzwo yaJudha. Achiwedzera kuchivi chake chokunamata kwenhema, Manase ‘akazadza Jerusarema neropa kubvira kumugumo kusvikira kumugumo.’ Kunyange zvazvo Manase gare gare akapfidza nzira yake yakaipa, mhaka yeropa yakaramba iripo. (2 Mako. 33:12, 13) Kunyange kutonga kwakanaka kwaJosia, uye kubvisa kwake kunamata zvidhori kwose, kwaisagona kubvisa mhaka yeropa yenzanga kupfuurira ichibva mukutonga kwaManase. Makore gare gare, apo Jehovha akavamba kuunza vaurayi vake kuzorwisana neJerusarema, akazivisa kuti kwakanga kuri nemhaka yokuti Manase akanga “azadza Jerusarema neropa risina mhaka, uye Jehovha haana kubvuma kupa kanganwiro.” (2 Madz. 21:16; 24:4, NW) Nenzira yakafanana, Jesu akazivisa kuti Jerusarema romuzana ramakore rokutanga C.E. raifanira kuparara nemhaka yokuti vaprista varo vakanga vari vanakomana vaavo vakateura ropa ravaporofita, ‘kuti ropa rose ravakarurama rakateurirwa pasi riuye pamusoro pavo.’ (Mat. 23:29-36) Mwari anonyevera nyika kuti achatsiva ropa risina mhaka rakateurwa, zvikurukuru ropa ra“vakanga vaurawa nokuda kweshoko raMwari.”—Zvak. 6:9, 10.

35. (a) Eria, Erisha, uye Isaya vanosimbiswa sei kuva vaporofita vechokwadi? (b) Pamusoro paEria, Petro anotii pamusoro pouporofita?

35 Uchokwadi husingakanganisi uhwo Jehovha anozadzika nahwo rutongeso rwake rwouporofita hunoratidzwawo mubhuku raMadzimambo Rechipiri. Tinoziviswa vaporofita vatatu vakatanhamara, Eria, Erisha, uye Isaya. Uporofita hwomumwe nomumwe hunoratidzwa kuva hune zadziko dzinokatyamadza. (2 Madz. 9:36, 37; 10:10, 17; 3:14, 18, 24; 13:18, 19, 25; 19:20, 32-36; 20:16, 17; 24:13) Eria anosimbiswawo somuporofita wechokwadi mukuoneka kwake aine muporofita Mosesi noMuporofita Mukuru, Jesu Kristu, mukushanduka chitarisiko pagomo. (Mat. 17:1-5) Achinongedzera kukuisvonaka kwenhambo iyoyo, Petro akati: “Naizvozvo isu tine shoko rouporofita rakaitwa rive rechokwadi zvikuru; uye imi munoita zvakanaka mukuriteerera sokurambi rinovheneka munzvimbo yerima, kutozosvikira utonga hwotsvuka uye nyamasase yabuda, mumwoyo yenyu.”—2 Pet. 1:19, NW.

36. Neiko Jehovha akaratidza vanhu vake ngoni, uye chivimbo chedu muUmambo hweMbeu chinokudzwa sei?

36 Zviitiko zvakanyorwa mubhuku raMadzimambo Rechipiri zvinowadzanyura nenzira yakajeka kuti rutongeso rwaJehovha pavashandisi vose vorudzidziso rwenhema navateuri vose voune veropa risina mhaka ndiko kuparadzwa. Bva, Jehovha akaratidza nyasha nengoni kuvanhu vake “nokuda kwesungano yake naAbrahama, naIsaka, naJakobho.” (2 Madz. 13:23) Akavachengeta “nokuda kwaDhavhidhi muranda wake.” (8:19) Acharatidza ngoni dzakafanana kuna avo vanotendeukira kwaari muzuva rino. Zvatinohwirudzura chinyorwa cheBhaibheri nezvipikirwa, chivimbo chinokura chakadini chatinokarira nacho Umambo hwo“mwanakomana waDhavhidhi,” Jesu Kristu Mbeu yakapikirwa, umo chishava nouipi zvisati zvichizovamozve!—Mat. 1:1; Isa. 2:4; Pis. 145:20.

[Mashoko Omuzasi]

a Insight on the Scriptures, Vhor. 1, mapeji 152, 325; Vhor. 2, mapeji 908, 1101.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe