Ganhuro 10
Icho Mwari Akapikira Kuitira Vanhu—Zvino Chava Pedyo!
KO Mwari anopika here? Hungu, Mwari anopika, asi haashandisi kunyomba, kufufutirwa nehasha ndokurasikirwa nokuzvidzora. Kupika kwake kunowanzoitirwa kusimbisa icho iye anozivisa kuva donzo rake. Kunopa simbisiro yakawedzerwa kuna avo vanotapurwa. Nokudaro, vanhu vose vanosanoita zvakanaka kuteerera mashoko ake ari pana Isaya 45:23, anoti: “Ndakapika neni ndimene—shoko rakabuda mumuromo mangu ndimene mukururama, zvokuti iro haringadzoki—kuti ibvi riri rose richandipfungamira, rurimi rwuri rwose rwuchapika.”
2 Nhasi, anopfuura makore ane 2 700 pashure pechiporofita ichecho, tinopwiswa here kuti mashoko omuporofita ari pana Isaya 45:24 ndeechokwadi, anoti: “Zvamazvirokwazvo kururama kuzere nesimba zviri muna Jehovha. Vose avo vanomutsamwira vachananga kwaari ndokunyadziswa”? Kana zvakadaro, ipapoka, tingagonawo kubvumirana namashoko anotevera aIsaya ari Isa 45 mundima 25, anoti: “Mbeu yose yaIsraeri ichabvumikisa kuva yakarurama muna Jehovha uye ichazvitutumadza pamsoro pavo vamene.”
3 Pakurava Isaya 45:25, isu tinofanira kufunga nezveRepublic of Israel here? Aiwa! VaIsraeri ivavo havapi rukundo rwavo kuna Mwari waMagwaro avo matsvene echiHebheru. Ivo vanotoramba kududza zita rake nokuda kworuremekedzo rwokuposha.
4 Kupfurikidza naikoku, tiri kutaura here kuti Isaya 45:23-25 yakakundikana kuzadzika kusvikira kugore rino? Aiwa! Kwave kusina kukundikana mukuzadzika kwechiporofita panguva yakagadzwa yaJehovha. Kwaari, kukundikana kwechiporofita ndichinhu chisingabviri! Shoko rake iro rimene harisati richitongova bedzi rinovimbika nerinonyindwa asi rinodaro zvikuru kwazvo apo Jehovha anoripikira, anowedzera mhiko yake, kusimbisa zvinhu.
Mwari Anopinda Nemhiko
5 Pamsoro paikoku, tinorava pana VaHebheru 6:13-18, kuti: “Nokuti apo Mwari akaita mhiko yake kuna Abrahama, iye zvaakanga asingagoni kupika nomunhu upi noupi mukuru zvikuru, iye akapika naiye amene, achiti: ‘Zvamazvirokwazvo muchikomborero ini ndichakukomborera, uye mukuwanziridza ini ndichakuwanziridza.’ Nokudaro pashure pokunge Abrahama aratidzira kushivirira, iye akawana ichi chipikirwa. Nokuti vanhu vanopika nouyo ari mukuru zvikuru, uye mhiko yavo ndiwo mugumo wegakava riri rose, sezvairi simbisiro yapamutemo kwavari. Nenzira iyeyo Mwari, apo akarongedzera kuratidzira zvikuru kwazvo kuvadyi venhaka yechipikirwa kusachinja kwezano rake, akapinda nemhiko, kuti, kupfurikidza nezvinhu zviviri zvisingachinji izvo zvisingabviriri Mwari kureva nhema mazviri, isu takatizira kuutiziro tigova norukurudziro rwakasimba rwokubatisisa tariro yakaiswa pamberi pedu.”
6 Zvikurukuru, kune sundo ine simba yokupika, yokutaura mhiko. Zvikurukuru ikoko ndokwechokwadi apo kupika kunenge kuri kwokuda kumene kwaMwari, kwokuzvidira. Sundo yakadaro inopedzerwa mune chinoitika ichi umo Jehovha anoshumwa seanopika machiri, hungu, achipika naiye amene. Chipikirwa chinosunga chemhiko icho Jehovha akaita kuna Abrahama, “shamwari” yake, chinotapura isu tose nhasi. Jehovha akachikoshesa apo Abrahama akaita chiito pakukoka kwoumwari ndokusiya nyika yokwake kuenda kunyika iyo Jehovha aizopa vazukuru vaAbrahama senhaka. Jehovha aigona nomutoo wakakotsekana kuita kuti zita reiyi “shamwari” yake rive guru uye aigona kumushandisa nokuda kwokukomborerwa kwavamwe. Jehovha aigona kusanotaura kwaari, kuti: “Uye ini ndichakomborera avo vanokukomborera, uye ini ndichatuka avo vanokutuka, uye mhuri dzose dzapasi zvamazvirokwazvo dzichazvikomborera idzo dzimene kupfurikidza newe.”—Genesi 12:3; Isaya 41:8.
7 Apo mudzimai waAbrahama Sara akanga ava namakore 90 ezera, apfuura zvikuru kwazvo zera rokubereka vana, Mwari nenzira yenenji akamuitira mutsa wokuti iye aberekere Abrahama mwanakomana wavo anodikanwa, Isaka, mukupfuudzirwa kwechipikirwa Chake chinoshamisa kuna Abrahama. Abrahama akazvibvumikisa amene kuva akagadzirira naanodisisa kupira kunyange mwanakomana uyu anokosha sechibairo chohunhu mukuteerera murairo waMwari wake, Jehovha. Uku kuratidzirwa kwechienzi kwokutenda nokuteerera kwakakuchidzira zvikuru kwazvo Jehovha zvokuti iye akataura kune “shamwari” yake Abrahama, kuti:
8 “‘Ndinopika neni ndimene,’ ndiko kutaura kwaJehovha, ‘kuti kupfurikidza neidi rokuti iwe wakaita ichi chinhu uye iwe hauna kundinyima mwanakomana wako, mumwe bedzi, zvamazvirokwazvo ini ndichakukomborera uye ini ndichawanziridza zvapachokwadi mbeu yako kufanana nenyeredzi dzokumatenga uye kufanana noturukangarabwe twejecha turi pamhenderekedzo yegungwa; uye mbeu yako ichava muridzi wesuo ravavengi vayo. Uye kupfurikidza nembeu yako marudzi ose apasi achazvikomborera iwo amene zvamazvirokwazvo nokuda kweidi rokuti iwe wakateerera inzwi rangu.’”—Genesi 22:15-18.
9 Iyi ndiyo nzvimbo yokutanga muBhaibheri apo Jehovha anoshumwa kuva anopika. Nemhaka yokuti hapana mumwe munhu mukuru zvikuru waaigona kupika naye, iye akapika naiye amene, achizvisungirira kwaari iye amene. Nenzira iyoyi akazviita iye amene ane mutoro kusati kuri kuno mumwe munhu asi kwaari iye amene. Iye amene anofanira kurumbidzwa nokuti iye anoita kuzivisa kwake amene donzo.
Kusvikira Kutambanuko Yakadini?
10 Abrahama akapinda nyika yakapikirwa yeKanani anenge makore ane 4 000 akapfuura. Naizvozvo kusvikira zvino, sungano iyeyo yakaitwa muna 1943 P.N.V. yakaitwa kusvikira kutambanukoi?
11 Nhasi, kune Republic of Israel iri muMiddle East. Muudyire, iyo mutezo weChibatanwa chaMarudzi. CM inomirira kurambwa kwoUmambo hwaJehovha Mwari hunodzorwa ne“mbeu” yakapikirwa yaAbrahama naizvozvo ichaparadzwa mu“hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose,” Armagedhoni. Mutezo uri wose weCM, kubatanidza neRepublic of Israel zvichabviswa pakuvapo. Nomutoo usingafadzi, vazukuru vokunyama, vomuzvarirwo vaAbrahama havasati vari kusvitsa zvinodikanwa zvokuva “mbeu” yoUmesia yakapikirwa iyo Jehovha Mwari achakomborera vanhu vose kupfurikidza nayo.—Zvakazarurwa 16:14-16.
12 Nomutoo wakajeka zvakaringanira kuti munhu ari wose acherekedze, Mesia akapikirwa haasati achibata ushe muJerusarema romuMiddle East, rapasi nokuda kwokuzadzika kwesungano yaAbrahama. Mukusafanana natateguru vake Dhavhidhi vakare, Mesia uye “Muchinda woRugare” haasati achizobata ushe ari oga. Iye akapikira kuzvibatanidza iye amene muubati ushe hwake navaapostora vake vakatendeka 12 navamwe vadzidzi vake vakaberekwa nomudzimu, kusvikira kuchiverengero chavane 144 000. (Zvakazarurwa 7:1-8; 14:1-4) Kuchine vakasarira vavadzidzi vakadaro pasi pano. Chii chave chichiitwa nokuda kwavo mukufambidzira mberi kuzadzika kwesungano yaAbrahama iyo Mwari akapika kwairi? Mumwe uyo akanga ari musonganiri mukuru anokarirwa muUmambo ihwohwo, muapostora Pauro, akanyora pana VaGaratia 3:8, kuti: “Zvino Rugwaro, mukuona pachine nguva mberi kuti Mwari aizozivisa vanhu vamarudzi kuva vakarurama nokuda kwokutenda, akazivisa mashoko akanaka pachine nguva mberi kuna Abrahama, ndiko kuti: ‘Kupfurikidza newe marudzi ose achakomborerwa.’”
13 MaKristu akasarudzwa pakati pamarudzi haana kufanira kumirira kutozosvikira pashure pokugadzwa kwoUmambo muna 1914 kuwana chikomborero chakapikirwa, nokuti muapostora Pauro akapfuurira kutaura, kuti: “Naizvozvo avo vanoomerera kukutenda vari kukomborerwa pamwe chete naAbrahama akatendeka.” (VaGaratia 3:9) Pauro akanga ari muKristu uye akanga achikomborerwa, ndozvakanga zvichiitawo mamwe maKristu ose akaberekwa nomudzimu omuzuva rake.a Nenzira imwe cheteyo nhasi, vakasarira, vanoumba maKristu akaberekwa nomudzimu avo vanoomerera kukutenda muna Mesia se“mbeu” huru yaAbrahama yokukomborera vanhu vose, ari kuwana chikomborero chakapikirwa.
14 Kupfurikidza nokuzvitsaurira iwo amene kuna Jehovha ndokuratidzira iyi tsauriro norubhapatidzo rwomumvura dzokonokei kwakuberekwa nomudzimu waMwari mumugariro womudzimu, aya maKristu akava vanakomana vomudzimu vaAbrahama Mukuru Zvikuru, Jehovha Mwari. Iwo akavawo vadyi venhaka pamwe chete naJesu Kristu, Isaka Mukuru Zvikuru. (VaRoma 8:17) Iwo anokomborerwa zvikurukuru mukuwirirana nesungano yaAbrahama. Jehovha ave achiita chaakapikira kuita, kupfurikidza naikoko achizvireverera iye amene somuzivisi wezvokwadi, Uyo anokwanisa nomutoo wakakwana kuita icho iye akapikira zvomenemene kuita muzita rake amene.
15 Mutezo mumwe nomumwe wavakasarira vamaKristu akaberekwa nomudzimu muJudha mupfungwa yomudzimu. Sokureva kwakaita muapostora Pauro, kuti: “Iye haasati ari muJudha uyo ari nechokunze, kana kuti kudzingiswa uko kuri nechokunze panyama. Asi iye muJudha uyo ari iye nechomukati, uye kudzingiswa kwake ndokuye kwomwoyo kunoitwa nomudzimu, uye kwete nebumbiro remitemo rakanyorwa.”—VaRoma 2:28, 29.
16 Mune ino “mhedziso yetsika yezvinhu,” maKristu ayo akaberekwa nomudzimu, ari maJudha nechomukati nokudzingiswa kwomwoyo yavo, vanoumba boka romuJudha iro rinodeya kuziviswa pana Zekaria 8:23, apo pakanyorwa, kuti: “Izvi ndozvakataurwa naJehovha wamauto, ‘Kuchaitika mumazuva iwawo kuti varume vane gumi vemitauro yose yamarudzi vachabata, hungu, vachabata chaizvoizvo nguvo yomunhu ari muJudha, vachiti: “Isu tichaenda nemi vanhu, nokuti takanzwa kuti Mwari unemi vanhu.”’”
17 “Vanhu” avo “varume vane gumi” vanoda kuenda navo kukunamatwa kwaJehovha ndivo vakasarira vomuzuva razvino uno vaavo vari maJudha omudzimu, boka rinoumba “muranda akatendeka nowakachenjera” waMateo 24:45-47. Sezvo chiverengero chegumi chichimirira kukwana kworudzi rwapasi, “varume vane gumi vanobva mumitauro yose yamarudzi” vaizomirira makwai ose omufananidziro akadeya kuziviswa pana Mateo 25:32-46. Iwawa ndeeboka ra“mamwe makwai” iro Jesu akataura kuti iye aizopinza musonganirano navakasarira vakafanana namakwai kuumba pamwe chete nawo “boka rimwe” mukutarisira kwo“mufudzi mumwe,” iye amene. (Johane 10:16) Neiyi nzira vanodeya kuravira zvikomborero zvesungano yaAbrahama kupfurikidza ne“mbeu” yaAbrahama Mukuru Zvikuru, Jehovha Mwari. Zvamazvirokwazvo, ipapoka, icho Mwari akapika kuitira vanhu vose chava pedyo!
[Mashoko Omuzasi]
a Pakureva nezveshoko rokuti “maKristu,” mashoko omuzasi eReference Bible pana Mabasa 11:26 anoti: “ChiHebheru, Meshi·chi·yimʹ, ‘Vateveri vaMesia.’”
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1, 2. (a) Mwari anopika mupfungwai, uye nei? (b) Mwari anotii pana Isaya 45:23? (c) Ko isu tinofanira kubvumirana namashokoi akataurwa nomuporofita Isaya?
3, 4. (a) Neiko Isaya 45:25 isati ichitisakisa kufunga nezveRepublic of Israel? (b) Kwave kune kundikano ipi neipi here mukuzadzika kwaIsaya 45:23-25, uye nei uchipindura kudaro?
5. Ko VaHebheru 6:13-18 inotsanangura sei kupinda kwaMwari nemhiko muchipikirwa kuna Abrahama?
6. (a) Isundoi yakanga iripo kuna Mwari yokupika naiye amene pamsoro pechipikirwa chake kuna Abrahama? (b) Ko Jehovha aigona sei kushandisa “shamwari” yake?
7. (a) Ko Mwari akawanira mutsa Abrahama kupfurikidza nenenjii apo mudzimai wake akanga ava namakore 90 ezera? (b) Ko Abrahama akaratidzira sei kutenda kwake nokuteerera nenzira yechienzi?
8, 9. (a) Ko Jehovha akaita sei kuno uku kuratidzirwa kwokutenda kwaAbrahama nokuteerera? (b) Ko Mwari akazviita iye amene ane mutoro kunaani?
10. Ko Mwari akaita sungano yake naAbrahama hunenge hurefui hwenguva, naizvozvo mubvunzoi unomuka?
11. (a) Ko kuva mutezo kweRepublic of Israel muCM kunoratidzirei, uye nemiuyoi? (b) Ko vazukuru vokunyama vaAbrahama vanosvitsa zvinodikanwa zvokuva “mbeu” yakapikirwa here?
12, 13. (a) Mukusafanana natateguru vake Dhavhidhi, neiko “Muchinda woRugare” asati achitonga ari oga? (b) Ko maKristu akazodzwa aitofanira kumirira kutozosvikira Umambo hwake hwagadzwa muna 1914 kuti awane chikomborero chakapikirwa here, uye tinoziva sei?
14. (a) Ko maKristu akazodzwa ave achikomborerwa zvikurukuru sei mukuwirirana nesungano yaAbrahama? (b) Ko ikoku kwakareverera Jehovha munzirai?
15. Ko muapostora Pauro anotaura kuti mutezo mumwe nomumwe wamaKristu akazodzwa nomudzimu chii?
16. Ko vaJudha vomudzimu vanoumba bokai rakadeya kuziviswa pana Zekaria 8:23?
17. (a) Ndivanaani vanomirirwa na“varume vane gumi” vanoda kunamata Jehovha navakasarira vomuzuva razvino uno vavaJudha vomudzimu? (b) Kupfurikidza nokusonganirana navaJudha vomudzimu mukunamatwa kwaJehovha, ko mitezo ya“mamwe makwai” zvino inofarikanyei?
[Mufananidzo uri papeji 89]
Bhaibheri rakadeya kuzivisa kuti vanhu vanobva mumarudzi ose vaizozvibatanidza naIsraeri womudzimu