Ganhuro 11
Jerusarema Rapasi Rinosianiswa neJerusarema Rokudenga
AVO nhasi vari vaJudha mukuwirirana nenyama vanosimbisira kuti Jerusarema riri muMiddle East richagara nokusingaperi. Kunyange marudzi echiKristudhomu achiri kurangarira zvikuru kwazvo guta irero uko Jesu akapedzera ushumiri hwake. Asika ikoku kwose kunosimbisira kuvapo kunopfuurira kweguta irero here? Rakaparadzwa kare, muna 607 P.N.V. navaBhabhironi uye muna 70 N.V. naVaRoma. Kungareva ngwavaira nokuda kwavanhu vose here kana iro rikaparadzwazve? Aiwa, gutaro harisati richidikanwa kuti zvikomborero zvesungano yaAbrahama zviyerere kuvanhu. Kunyange nezvaAbrahama kwakanyorwa, kuchinzi: “Iye akanga achimirira guta rine nheyo chaidzoidzo, guta iro Mwari ari muvaki waro nomuiti.”—VaHebheru 11:10.
2 Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Asi Jerusarema riri kumusoro rakasununguka, uye iro ndivo mai vedu.” (VaGaratia 4:26) Iye ipapo akaratidzira kuti Jerusarema rokumusoro kana kuti rokudenga, rinowirirana naSara uye rakanga riri sangano rakafanana nomudzimai waAbrahama Mukuru Zvikuru, Jehovha Mwari. Nokuda kwechikonzero ichecho, vanakomana ve“Jerusarema riri kumusoro” ndivo maKristu akaberekwa nomudzimu, saPauro.
“Jerusarema Riri Kumusoro” Rinova Guta Roumambo
3 “Jerusarema riri kumusoro” rakava norutivi rwoumambo kubvira pakuguma kwe“nguva dzakagadzwa dzamarudzi” muna 1914. (Ruka 21:24) Kubvira ipapo zvichienda mberi, Pisarema 97:1 inoshanda: “Jehovha iye amene ava mambo! Pasi ngarifare.” Nenzira imwe cheteyo Pisarema 99:1, 2 inoshanda: “Jehovha amene ava mambo. . . . Jehovha mukuru muZioni, uye iye akakwirira pamsoro pamarudzi ose.” Muna 1914 nguva yakasvika yokuti iye amise kutsika-tsika paUmambo huri mumutsara woumambo hwaDhavhidhi, sohwaimirirwa mune raichimbova guta roumambo reJerusarema. Nokudaro, iye akagadza pachigaro choumambo Mwanakomana wake, Jesu Kristu, saMambo kuruoko Rwake amene rworudyi mu“Jerusarema riri kumusoro,” Jerusarema rokudenga, neiyi nzira achiriita guta roumambo. Umambo hwaJehovha iye amene hunosimbiswa kana kuti hunokudziridzwa pahuri kupfurikidza nokugadzwa pachigaro choumambo kwaJesu Kristu saMambo.
4 Naizvozvo pashure pokuberekwa kwoUmambo hwokudenga muna 1914 uye pashure pokunge Satani namadhemoni ake vaburitswa mudenga, kwakanga kwakakodzera kuzivisa, kuti: “Zvino rwazoitika ruponeso nesimba noumambo zvaMwari wedu nechiremera chaKristu wake, nokuti mupomeri wehama dzedu akakandirwa pasi, uyo anovapomera masikati nousiku pamberi paMwari wedu!” (Zvakazarurwa 12:1-10) “Chiremera chaKristu wake” chakanga chiri chokuti Iyeyu abate ushe saMambo mu“Jerusarema riri kumusoro.” Zvamazvirokwazvo, iro rakava guta roumambo mugore irero rinoisvokosha ra 1914.
Mwanasikana we“Jerusarema Riri Kumusoro”
5 Anopfuura makore ana makumi maviri namashanu pashure pokuparadzwa kweJerusarema namauto eRoma muna 70 N.V., muapostora Johane akapiwa zviono zvinoshamisa zviri mubhuku raZvakazarurwa. Muna Zvakazarurwa 21:1, 2, Johane anotaura nezve“Jerusarema Idzva.” Ndaavo vanoumba iri “Jerusarema Idzva” avo vanogamuchira nomufaro Mambo achangobva kugadzwa anouya muzita raJehovha, kungofanana nezvavanorairwa kuita muna Zekaria 9:9, 10, naaya mashoko:
6 “Fara kwazvo, haiwa mwanasikana weZioni. Pururudza murukundo, haiwa mwanasikana weJerusarema. Tarira! mambo wako amene anouya kwauri. Iye akarurama, hungu, akaponeswa; anozvininipisa, uye anotasva mbongoro . . . Uye ini ndichaparadza zvamazvirokwazvo ngoro yehondo pana Efraimi uye bhiza paJerusarema. Uye uta hwehondo hunofanira kuvhunwa. Uye iye achataura zvamazvirokwazvo rugare kumarudzi; uye ubati ushe hwake huchabva kugungwa kusvikira kugungwa uye kubva paRwizi kusvikira kumigumo yapasi.”
7 Ichi chiporofita chakazadzika murutivi mukutasva kworukundo kwaJesu Kristu achipinda muJerusarema muna 33 N.V. Chifo cha 1919 chakava nokuzadzika kwacho kwokupedzisira pana vakasarira vaIsraeri womudzimu. Hapana kukamukana pakati pemitezo yavakasarira ivavo vakazodzwa, kwakadai sokukamukana kwapakati pendudzi yaEfraimi wakare neJerusarema, dzimbahwe roumambo hwendudzi mbiri hwaJudha. Kupfurikidza nokubatira muhumwe fariro dzoUmambo hwouMesia nokuda kwedonzo rokuita chiporofita chaJesu pana Mateo 24:14 naMarko 13:10, inopfuurira kurumbidza Mambo anokunda, Jesu Kristu. Muchinzwano chisingaputsiki iyo inozviisa pasi poubati ushe hwake hwoumambo mukuvimbika mukati meino “mhedziso yetsika yezvinhu.”—Mateo 24:3.
8 Mukunyara kwazvo, pamwe chete neJerusarema reRepublic of Israel, anowanzonzi marudzi echiKristu anoumba chiKristudhomu hazvigamuchiri Mambo anokunda uyo anouya muzita raJehovha. Hunyanguvezvo, kuna avo vari Zvapupu zvoUyo iye anouya muzita rake, vanobatira Iye nomufaro mutembere Yake. (Isaya 43:10-12) Meso avo omudzimu akasvinudzirwa kukuona kuti Republic of Israel namamwe marudzi ose ari mukati naari kunze kweCM zvino aswedera pedyo zvikuru mukuenda ku“nzvimbo inonzi muchiHebheru—Har–Magedhoni.” (Zvakazarurwa 16:16) Hondo yaMwari Wamasimba ose yava pedyo!
9 Chitarisiko cheJerusamera rapasi chinosuruvarisa, asi chiya cheJerusarema Idzva chinofadza zvikuru. Munguva yakafanira, “nyanga gumi” dze“chikara” chezvamatongerwe enyika, uyewo “chikara” icho chimene, chichivenga tsika dzehure, Bhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. Izvozvi zvicharatidzira kuvenga kwazvo kwamasimba masimba Jerusarema rorudzidziso rinoremekedzwa rapasi uye zvichariparadza sokunge kuti nomwoto. (Zvakazarurwa 17:16) Asi izvo hazvisati zvichizokwanisa chose chose kugunzva Jerusarema Idzva rokudenga.
10 Vakasarira vamaKristu akaberekwa nomudzimu vanokarira kuva rutivi rweJerusarema Idzva rokudenga vanopfuurira kurumbidza Mambo ari Chikomba, Jesu Kristu, pamwe chete ne“boka guru” rezvimwe zvapupu zvaJehovha. Mune iyi nzira yokutendeka yechiito, izvo zvinochachamara mumusiano mukurusa neJerusarema rekare. Chifo chokuteiwa kweRepublic of Israel, guta reJerusarema zvino rakatanhamara ravaJudha rinotevera nzira yavagari veJerusarema romuzana rokutanga ramakore. Mukutungamirirwa nepesvedzero youpofu yorudzidziso, runopfuurira kuramba Jesu Kristu, Uyo ana maruramiro nesimba rokubata ushe muUmambo hwokudenga.
11 Chokwadi, chifo chokuguma kweNguva dzaVamarudzi muna 1914, “Muchinda woRugare” ave achibata ushe mumatenga, asingaoneki nameso ohunhu. Kunyanguvezvo, chifo chokutapwa kweJerusarema namaNgezi muHondo yeNyika I uye chiremera chokuritonga chakapiwa kuBritain neChinzwano chaMarudzi, mashoko akanaka oUmambo hwokudenga hunodzorwa noMwanakomana wouMesia waMambo Dhavhidhi ave achi“paridzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose,” kungofanana nokudeya kuzivisa kwakaita Jesu Kristu iye amene.—Mateo 24:14.
12 Iyi zadziko inocherekedzwa yechiporofita yave ichiitwa neZvapupu zvaJehovha mukutarisira kweWatch Tower Bible and Tract Society. Iyi Sosaiti inotova nebazu rehofisi muTel Aviv, umo mibato yeZvapupu zvaJehovha muruwa rwose rweIsrael inotungamirirwa kubva mairi. Uyewo zvino mune ungano dzeZvapupu zvaJehovha zvinoshingaira kuzivisa evhangeri yoUmambo munyika iyeyo.
13 Jesu Kristu akaporofita kuti pashure pokuparidzirwa kwa“aya mashoko akanaka oumambo” kwapedzwa zvizere, “mugumo waizowira patsika ino yenyika yezvinhu. (Mateo 24:14) Naizvozvo zvino mugumo weJerusarema rapasi wava pedyo. Panguva ino, panoratidzira kuva pasina kudikanwa kwokuti rimwe Jerusarema rivakirwe panzvimbo yekare, kunyange kuwana aichimbova mambo weJerusarema, Dhavhidhi, kupfurikidza norumuko muna vakafa muUmambo hweMireniyumu hwomuzukuru wake woumambo, Jesu Kristu. (Johane 5:28, 29) Hunyanguvezvo, Dhavhidhi sezvingabvira achadzorerwa kunzvimbo iyi iye aichimbobatira Jehovha Mwari.
Nguva Yokufara
14 Jerusarema Idzva rinobatanidzwa netsika itsva yezvinhu ine mbiri. Anodaro muapostora Johane: “Ini ndakaona denga idzva nepasi idzva; nokuti denga rekare nepasi rekare zvakanga zvapfuura, uye gungwa harisati richipozve. Ini ndakaonawo guta dzvene, Jerusarema Idzva, richiburuka kudenga kuna Mwari uye rakagadzirirwa somwenga wakashongedzererwa murume wake. Pana ikoko ini ndakanzwa inzwi guru richibva pachigaro choumambo: ‘Tarirai! Tenti raMwari rine rudzi rwavanhu, uye iye achagara navo, uye ivo vachava marudzi ake. Uye Mwari amene achava navo.’” (Zvakazarurwa 21:1-3) Nokudaro, Jerusarema Idzva richava chikomborero kuvanhu vose.
15 Ikoku kunoita kuti yedu ive nguva yokufara. Kuwedzera kukufara ikoku kwose, chinoitika chefariro yapose pose nechomufaro wapose chosvika. Icho iroorano yeboka romwenga rakakwana muchiverengero, Jerusarema Idzva, naJesu Kristu Mambo. Sezvazvakanyorwa muna Zvakazarurwa 19:6-9, kuti: “Uye ini [muapostora Johane] ndakanzwa inzwi rakanga rakaita senzwi reboka guru uye somubvumo wokuyerera kwemvura zhinji uye sokutinhira kwemipande mikuru. Ivo vakati: ‘Rumbidzai Jah, imi vanhu, nokuti Jehovha Mwari wedu, Wamasimba ose, akavamba kubata ushe samambo. Ngatifarei tigova vanofarisisa, uye ngatimukudzei, nokuti roorano yeGwaiana [Jesu Kristu] yasvika uye mudzimai waro azvigadzira amene. Hungu, iye akabvumirwa kupfeka mucheka unon’aima, wakachena, wakaisvonaka, nokuti mucheka wakaisvonaka unomirira mabasa akarurama avatsvene.’ Uye iye anondiudza, kuti: ‘Nyora, kuti: “Vanofara ndaavo vanokokerwa kuchidyo chamadekanwa cheroorano yeGwaiana.’”
16 Uku kubatanidzwa neGwaiana Jesu Kristu muroorano kuchareva mufaro usingarondedzereki nokuda kweJerusarema Idzva rokufananidzira mudenga. Kupfurikidza nawo iro richava ‘mai vanofara vavanakomana.’ (Pisarema 113:9) Hungu, iro richava mai vokudenga vavanhu vose, vapenyu navakafa, avo murume wavo ano rudo akadzikinura kupfurikidza nechibairo chake chakakwana chohunhu makore ana mazana 19 akapfuura. Mukutsinhirana zvizere nesungano yaAbrahama yaJehovha yezviuru zvamakore akapfuura, Jerusarema Idzva richabvumikisa kuva chikomborero kumhuri dzose dzapasi.
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1. (a) Ko kuparadzwa kweJerusarema kuchava chinhu chipi nechipi chitsva here? (b) Neiko kusati kuchizova ngwavaira kuvanhu vose kana Jerusarema rikaparadzwazve?
2. (a) Ko muapostora Pauro anoratidzira sei kuti kune Jerusarema rakakwirira zvikuru? (b) Ndiani ari Murume weJerusarema irero, uye ndivanaani vari vanakomana vake vanoberekwa naro?
3. (a) Ko Jehovha Mwari iye amene akavamba rini kutonga? (b) Ko Jesu Kristu akagadzwa kupi pachigaro choumambo, uye ikoko kwakava netapuroi paumambo hwaJehovha amene?
4. Ko “Jerusarema riri kumusoro” rakava guta roumambo chifo cha 1914 kupfurikidza nezvinoitikai?
5, 6. (a) Muna Zvakazarurwa 21:1, 2, Johane anoona gutai idzva romufananidzo? (b) Ko kugamuchirwa kwoumambo sezvakaratidzirwa muna Zekaria 9:9, 10 kunoitwa navanaani, uye namashokoi?
7. Ko chiporofita ichecho chave chichizadziswa navanaani mukati meino “mhedziso yetsika yezvinhu,” uye munzirai?
8. (a) Ndivanaani vanokundikana kugamuchira Mambo anokunda? (b) Ko vakadarovo vari kuenda kupi uye kuchii?
9. Ko nguva yemberi yeJerusarema rapasi yakachachamara sei mumusiano mukuru nouyo weJerusarema Idzva rokudenga?
10. Ko Jerusarema rapasi rinoronda sei nzira yakasiana neyeyo yamaKristu akaberekwa nomudzimu ne“boka guru,” shamwari dzawo?
11, 12. (a) Kuzadzika kunocherekedzwa kwechiporofita chaJesu pana Mateo 24:14 kwave kuchiitwa navanaani zvikurukuru? (b) Ko Sosaiti iyo izvo zvinoshanda pamwe chete nayo ine chii muRepublic of Israel nhasi?
13. (a) Chii chinosvika pashure pokunge kuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari kwaitwa zvizere? (b) Ko pachazombova nokudikanwa kwerimwe Jerusarema rapasi here, kunyange kugamuchirazve Dhavhidhi murumuko?
14, 15. (a) Ko muapostora Johane anorondedzera sei Jerusarema Idzva rine mbiri nokuburuka kwaro kudenga nokuda kwechikomborero chavanhu? (b) Neiko yedu iri nguva yokufara, uye ndichinoitikai chomufaro wapose pose chosvika?
16. (a) Kupfurikidza nokuroorana kwaro neGwaiana, Jerusarema Idzva rinova mai wavanaani? (b) Jerusarema Idzva richabvumikisa kuva chikomborero mutsinhirano izere nechii?
[Mufananidzo uri papeji 96]
Mutsika itsva yezvinhu, Jerusarema Idzva richakomborera vanhu vose