Ganhuro 8
Kutora Rutivi Mu“mufaro” wo“Muchinda woRugare”
MUMUFANANIDZO waJesu wamatarenta, munhu aiva namatarenta esirivha masere haana kuenda kunyika dzokumwe nokuda bedzi kwomufaro saari parwendo rwokuona nzvimbo. Akanga ane chikonzero chakakomba chokuenda kunyika dzokumwe; aidisisa kuwana chimwe chinhu chinokosha. Iye akaenda kunyika dzokumwe, sokuratidzira kunoita mufananidzo, kundowana “mufaro” wakati kuti, pamwe chete ne“zvinhu zvizhinji.” (Mateo 25:21) Nokudaro iye aitofanira kuenda daro refu, rinoda nguva refu zvikuru, kuti akumbire kuno uyo aigona kumupa mufaro iwowo wakati kuti.
2 Munhu ane pfuma womumufananidzo zvaanofananidzira Jesu Kristu, kuenda kwomunhu kunyika dzokumwe kworwendo rurefu kunofananidzira Jesu achienda kuManyuko mamwe omufaro chaiwo waakanga achirangarira. Ko zvino, iye akaenda kunaani? VaHebheru 12:2 inotizivisa, kuti: “Tinosanotarira Mumiriri Mukuru noMukwanisi wokutenda kwedu, Jesu. Nokuda kwomufaro wakagadzwa pamberi pake iye akatsungirira padanda rokutambudzira, achizvidza kunyadziswa, uye akagara kuruoko rworudyi rwechigaro choUmambo rwaMwari.” Hungu, zvamazvirokwazvo, Jehovha Mwari ndiye Manyuko omufaro iwoyo. Kwakanga kuri kuna iye uko Jesu akaenda, achisiya vadzidzi vake vakatendeka pasi pano vakaronzeswa “matarenta” ake. Ishe akadzoka ne“zvinhu zvizhinji” zvaakanga asati ava nazvo apo iye akapa matarenta esirivha masere kuna varanda vake vatatu. Mufananidzo wakatangira uyo wakapiwa naJesu, mufananidzo wa“mamina ane gumi,” unoratidza kuti icho iye akadzoka nacho chakanga chiri “simba roumambo.”—Ruka 19:12-15.
3 Pakuva achangobva kugadzwa, Mambo ane chikonzero chokuva anofara, ndozvinoitawo vadzorwi vake vakavimbika. Tinoyeuka nhambo apo Mwanakomana waMwari akapinda muJerusarema kuzadzika chiporofita chaZekaria 9:9. Pamsoro pokuzadzika kwechiporofita ichocho, kwakanyorwa, kunzi: “Vazhinjisa veboka vakawaridza nguvo dzavo dzokunze pamugwagwa, apo vamwe vakavamba kutema matavi pamiti vachiawaridza pamugwagwa. Kana ari mapoka, awo aiva pamberi pake naawo aimutevera akaramba achidanidzira, kuti: ‘Tinonyengetera kuti, muponesei, Mwanakomana waDhavhidhi! Wakakomborerwa ndiye uyo anouya muzita raJehovha! Tinonyengetera kuti, muponesi, kumusoro kumatenga!’ Zvino apo iye akanga apinda muJerusarema, guta rose rakanyanduka, richiti: ‘Uyu ndianiko?’”—Mateo 21:4-10; onawo Ruka 19:36-38.
4 Kana, panguva iyeyo, yakanga iri nhambo yomufaro apo iye akangozviratidzira bedzi amene kuvagari veJerusarema souyo akazodzwa nomudzimu waJehovha nokuda kwokuva mambo, kwakava kwakadaro zvikuru sei apo iye akagadzwa chaizvoizvo pachigaro choumambo saMambo pakupera kweNguva dzaVamarudzi muna 1914? Yakanga iri nhambo inoisvofadza zvikuru nokuda kwake. Ipapo, zvamazvirokwazvo, akapinda chaizvoizvo mumufaro usati wakatongowanwa nakare kose. Pakugadzikisa nhau, naizvozvo iye aigona kutaura kuvadzidzi vake avo iye akanga atongera kuva “vakanaka navakatendeka,” kuti: “Iwe wakanga wakatendeka pazvinhu zvishomanene. Ndichakugadza pazvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro washe wako.” (Mateo 25:21) Zvino pakanga pano mufaro mutsva uyo “varanda” vake vanotenderwa vaigona kutora rutivi. Haiwa ituso yakadini!
5 Muna 1919 vadzidzi vakazodzwa vaMambo anotonga, Jesu Kristu, vakapinda chaizvoizvo mumugariro unotenderwa, uye ikoku kwakava pamwe chete nomufaro mukurusa kwavari. Mazana amakore ane gumi namapfumbamwe apamberi muapostora Pauro akanyorera vadaviri biyake kuvazivisa nezvenzvimbo yavo yakakwiridzirwa, kuti: “Naizvozvo isu tiri nhume dzinobatira nokuda kwaKristu.” (2 VaKorinte 5:20) Iwawa akanyorwa apo Jesu akanga achiri bedzi mudyi wenhaka anooneka ane kariro yokugamuchira “umambo hwamatenga.” (Mateo 25:1) Naizvozvo, ipapoka, aidikanirwa hake kugara kuruoko rworudyi rwaMwari uye kumirira ikoko nokuda kwezuva rokugadzwa. Asika zvino, chifo cha 1919, vakasarira vanotenderwa vave vari “nhume” dzakatumwa noUyo anotonga chaizvoizvo saMambo. (VaHebheru 10:12, 13) Idi irori rakaziviswa zvikurukuru kuVadzidzi veBhaibheri Vamarudzi Ose pakokorodzano muna 1922, paCedar Point, Ohio.
6 Muna 1919 ivo vakanga vatopiwa huenzani hwa“matarenta” aMambo anotonga, Jesu Kristu. Ikoku kwakanga kwaita kuti kuzvidavirira kwavo kuve kukuru kuna Mambo wavo anotonga. Kubvira pakutanga, nhamburiko dzavo dzapashure pehondo dzakarereudzirwa kubasa ro“kukohwa,” kuunganidzwa kwechakanga chiri boka re“gorosi.” (Mateo 13:24-30) Sokutaura kwakaita Jesu, kukohwa zvakuri “mhedziso yetsika yezvinhu,” gore rapashure pehondo ra 1919 rakanga riri nguva yakafanira yokuti uku kukohwa kwa“vanakomana voumambo” vakafanana negorosi, vakasarira vakatendeka vakazodzwa, kuvambe.—Mateo 13:37-39.
7 Nguva yokukohwa inguva inofadza kuvacheki, sezvo Ishe wokukohwa anofarikanya nhamboyo pamwe navo. (Pisarema 126:6) Uku kukohwa kwakakudziridzwa zvikurukuru nohufakazi hunotutirana hwokuti Umambo hwaMwari hunodzorwa naJesu Kristu hwakagadzwa mumatenga muna 1914 uye kuti Jehovha akadzorera kumira kwakarurama kuna vanhu vake vakazvitsaurira pasi pano. Seboka, vanokumbanira mashoko aIsaya 61:10, anoti: “Ndichafarira Jehovha pasina kundikano. Mweya wangu uchafarira Mwari wangu. Nokuti iye akandipfekedza nguvo dzoruponeso; iye akandipfekedza bhachi risina mioko rokururama.”
Kuunganidza “Boka Guru” Ravatori Rutivi Mu“mufaro”
8 Vakasarira vakazodzwa vakapinda mu“mufaro” waShe wavo vakanga vasingazivi kuti pakupera kwokuunganidzwa kwemitezo yokupedzisira yavadyi venhaka voUmambo hwokudenga kwaizova nomumwe mufaro, chimwe chinhu chisati chaitarirwa. Ikoku kwakanga kuri kuunganidzwa kweboka rapasi raizogara muParadhiso yapasi Mukutonga kweMireniyumu yaJesu Kristu. Ndivanaani kunze kwavanhu vanobva muboka rapasi rino vaizova vanhu vakafanira kukokerwa kune chaizova kuwadzanyurwa kwokutanga kwamashoko anoreva nezvavo?
9 Naizvozvo kwakaitika kuti, mukudavidza kukokero yakabudiswa muNharireyomurindi, yechiNgezia mazana aitsvaka ukama naJehovha, pamwe chete navanhu vezita rake, vakapinda kokorodzano yavose yeZvapupu zvaJehovha muWashington, D.C., May 30 kusvikira kuna June 2, 1935. Pakokorodzano iyoyo mwoyo yavo yakatapurwa zvikurukuru kudzidza kuti “boka guru” rakadeya kuonwa muna Zvakazarurwa 7:9-17 raizova boka rapasi.
10 Haiwa kuitwa kwekokorodzano iyeyo muWashington, D.C., kunofanira kuve kwakava mufaro wakadini, nokuda kwaMwari Wokumusorosoro, Jehovha! Haiwa kunofanirawo kuve kwakava mufaro wakadini kuno Mwanakomana wake soMufudzi Akaisvonaka uyo zvino aizotanga kuunganidzira aya “mamwe makwai” mu“boka rimwe”!—Johane 10:16.
11 Mukutaura kwokufananidzira, ichingunotungamirirwa nokufudzwa, mitezo yavakasarira ne“boka” rinowedzera ra“mamwe makwai” vanovhengana pamwe chete murugare nomurudo. Mwoyo wo“mufudzi mumwe” wavo zvino unofanira kufutunuka mumufaro pakuva ne“boka” guru rakadaro pedyo nomugumo weiyi “mhedziso yetsika yezvinhu.”
Vanyai vo“Muchinda woRugare”
12 Avo vakafanana namakwai vanoumba “boka guru” zvino vano rutivi ruhombe mumufaro waShe, Jesu Kristu. Ikoku kuri zvikurukuru nokuda kwokuve kwavo vane mugove wokushingaira mukupinza avo vanodikanwa nokuda kwokukwanisa “boka guru,” iro risina chiverengero chinopiwa muna Zvakazarurwa 7:9.
13 Basa rokuunganidza iro “mamwe makwai” ari kuva norutivi mariri rakapararira mumwero wenyika yose, rakakura zvikuru zvokusagona kugovanwa naro nesimba rechiverengero chinoderera chavakasarira vakazodzwa. Naizvozvo, kwakava kuri madikanwa nomutoo unowedzera kuti chiverengero chinowedzera cha“mamwe makwai” chive nomugove wakatokura zvikuru mukupinza mamwezve a“mamwe makwai” ane tariro yapasi. Nokudaro “mamwe makwai” ari kubatira senhume dzakatendeka dzo“Muchinda woRugare.” Zvirevo 25:13 inowedzera, kuti: “Nhume yakatendeka yakafanana nokutonhorera kwechando pazuva rokucheka kuna avo vanoituma, nokuti iyo inodzorera mweya yavashe vayo.”
14 Mumufananidzo wamakwai nembudzi, makwai omufananidzo ndaavo Mambo Jesu Kristu anotaura kwaari, kuti: “Uyai, imi makakomborerwa naBaba vangu, garai nhaka Umambo hwakagadzirirwemi kubvira pakuteiwa kwenyika.” (Mateo 25:31-46) Vanogara nhaka dunhu rapasi iro Umambo hwamatenga huchabata ushe pariri mukati meMireniyumu yokutonga kwaKristu. Kubvira munguva yaAbheri akatendeka, Jehovha ave achigadzirira iri dunhu nokuda kwavanhu vanodzikinurika.—Ruka 11:50, 51.
15 Mambo akachenjera Soromoni weIsraeri yakare akanyora, kuti: “Mbiri yamambo iri mukuwanda kwavanhu.” (Zvirevo 14:28) Ishe woumambo wanhasi, Kristu Jesu, uyo ari mukuru mukuru akakwirira zvikuru kwazvo kupinda Mambo wapasi Soromoni, ane “mbiri” yakadaro chaizvoizvo pakureva nezvo“kuwanda kwavanhu.” Ikoku kunodaro kunyange zvino pamberi pokutanga kwoubati ushe hwake hwamakore ane chiuru, hungu, apo iye ari kutonga pakati pavavengi vake vapasi, avo Satani Dhiabhorosi ari mambo asingaoneki anopfuura wohunhu pavari.—Mateo 4:8, 9; Ruka 4:5, 6.
16 “Mbiri” yanhasi inokodzera nokuda kwomukuru mukuru akakwirira ane nzvimbo yamambo zvino inowanwa muchiverengero chinofutunuka cha“mamwe makwai” anoumba “boka guru.” Nomutoo womufaro iwo ari kudanidzira muhumwe, kuti: “Tinowana ruponeso rwedu kuna Mwari wedu, uyo agere pachigaro choumambo, nokuGwaiana.” (Zvakazarurwa 7:9, 10) Vakatoponeswa mutsika yakashurikidzwa yezvinhu, iyo Satani Dhiabhorosi ari “mwari” wayo. (2 VaKorinte 4:4) Mukutaura kwokufananidzira, ivo vakato“geza nguvo dzavo . . . muropa reGwaiana” ndokudzichenesa kuti vagooneka vasina vara pamberi paJehovha Mwari, Mutongi.—Zvakazarurwa 7:14.
17 Asi vanokarira ruponeso runogoverwa nomutoo woumwari rwavachawana parukundo rwokupedzisira rwaJehovha mu“hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose” paHar–Magedhoni. Rukundo rwake rune mbiri ipapo ruchaparira kurevererwa kwouchangamire hwake hwapose pose, uye ivo vachava zvapupu zvakaona zvapasi nokuda kwokuva zvakachengetwa zviri zvipenyu zvichipfuura mugumo unotyisa wenyika ino yakaipa. (Zvakazarurwa 16:14; 2 Petro 3:12) Haiwa iropafadzo inokosha sei! Haiwa mufaro mukuru wakadini uchava no“Muchinda woRugare” ipapo ne“boka guru” rinopukunyuka ra“mamwe makwai” ake akavimbika!
[Mashoko Omuzasi]
a Peji 2 yezvinyorwa zveNharireyomurindi zvechiNgezi zvaApril 1 na 15, May 1, na 15, 1935.
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1. (a) Ko mumwe munhu akaenda kunyika dzokumwe nokuda kwechikonzeroi? (b) Chii chinoratidzirwa mumufananidzo waJesu, kunyange zvazvo chisati chichirondedzerwa nomutoo wakananga?
2. (a) Mune chinoitika chaJesu, ko kuenda kunyika dzokumwe kwomunhu ane pfuma kwakafananidzirei, uye iye akaenda kunaani? (b) Ko Ishe akadzoka nechii?
3. Yakanga iri nguva yorudzii apo Zekaria 9:9 yakavamba kuzadzika muzana ramakore rokutanga N.V.?
4. Pashure pokunge agadzwa pachigaro choumambo saMambo, neiko Jesu Kristu akava nohwaro chaihwo hwokukokera “varanda” vake vakatendeka kupinda mumugariro womufaro?
5. (a) Muapostora Pauro akanga ari ‘nhume’ yaKristu panhanhoi yezvinhu? (b) Asi nhasi vakasarira vakazodzwa i“nhume” dzaKristu pashure pechinoitikai?
6. Nhamburiko dzapashure pehondo dzaavo vakanga vagamuchira “matarenta” dzakatanga kurereudzirwa kurudzii rwebasa?
7. (a) Ko vakohwi vakapinda murudzii rwenguva naShe wavo? (b) Ko Jehovha akapinza vakohwi mumugariroi, uye ivo vanokumbanira mukutaurai kwechiporofita?
8. Mufaroi uyo vakasarira vakanga vasati vachikarira waizova mugove wavo pamugumo wokuunganidzwa kwavadyi venhaka voUmambo?
9. Ndivanaani vakakokwa chaizvoizvo kuzopinda kokorodzano muna 1935, muWashington, D.C., uye mashokoi anowirirana nenguva avakawadzanyurirwa ipapo?
10, 11. Ko ikoku kunofanira kuve kwakabvumikisa kuva nguva yomufaro chaiwo nokuda kwavanaani mudenga?
12, 13. (a) Ndivanaani vakakokerwa kukuva nomugove navakasarira vakazodzwa mumufaro waShe akadzoka, uye chii chiri chikonzero chaikoku? (b) “Boka guru” ra“mamwe makwai” rinobatira fariro dzo“Muchinda woRugare” munzvimboi?
14. (a) Ko makwai okufananidzira omumufananidzo waJesu pana Mateo 25:31-46 anogara nhaka chii? (b) Ko Umambo hwave huchigadzirwa sei nokuda kwavo “kubvira pakuteiwa kwenyika”?
15, 16. (a) I“mbirii” yamambo, seinodudzwa naSoromoni, inaShe nhasi pasinei hapo nokubata ushe kwake pakati pavavengi vake? (b) Ko Mambo anotonga ane iyi “mbiri” nhasi muchimiroi? (c) Ko avo vanoita iyi “mbiri” vakaitei?
17. (a) Ko “boka guru” richiri kukarira ruponesoi? (b) Ko ivo vachafarikanya ropafadzoi mukati moKutonga kweMireniyumu kwo“Muchinda woRugare”?
[Mufananidzo uri papeji 71]
Mwoyo woMufudzi Akaisvonaka zvino unofanira kuve wakazadzwa nomufaro pakuva na“mamwe makwai” mazhinji