Ganhuro 7
Kugadzikisa Nhau Pakushandiswa Kwemari dzaKristu
KUNZE kweimwe bedzi, hakuna hurumende isina zvinetso zvemari. Hurumende dzakawanda dzine zvikwereti zvikuru. Hurumende imwe bedzi inosiiwa isinazvo ndihwo “umambo hwamatenga” zvino hunoparidzirwa zvakafara. (Mateo 25:1) Pasi pano pachine mitezo iyoyo inokarirwa yoUmambo ihwohwo hwokudenga iri mubasa rehurumende iyeyo. Mukati menhambo ino inoisvotambudza zvikuru yenhau yose yomunhu, ava vabatiri vo“umambo hwamatenga” vari kudanirwa kuzozvidavirira. Vanofanira kugadzikisa nehurumende pamsoro pokuti vakashandisa sei zvinhu zvinokosha zvakaronzeswa kwavari.
2 Kuenzanisira iyi nhau, mumiriri mukurusa wo“umambo hwamatenga” ihwohwo kare kare akarondedzera mufananidzo, kana kuti muenzanisiro. Kunofanira kutifadza isu nhasi, nokuti “Muchinda woRugare” akaubatanidza nechiporofita chake chenguva refu pamsoro pe“chiratidzo” chaizoratidzira “kuvapo” kwake muUmambo ane chiremera chizere chokubata ushe. (Mateo 24:3) Isu nhasi takabatanidzwa nomutoo usingatongoparadzanisiki nemiuyo inotevera kuzadzika kwomufananidzo wechiporofita, sezvo kuvapo kwedu kunopfuurira, upenyu hwedu humene, huchibatanidzwa. Naizvozvo heino zvino nzira iyo “Muchinda woRugare” akazivisa nayo mufananidzo kuvaapostora vake mazuva mashomanene pamberi porufu rwake rwechibairo paKarivhari.
Mufananidzo Wamatarenta
3 “Naizvozvo, pfuurirai kurinda, nokuti imi hamusati muchiziva zuva neawa. Nokuti kwakafanana naapo munhu, odokuenda kunyika dzokumwe, akadana varanda vake ndokuvapa pfuma yake. Uye kuno mumwezve iye akapa matarenta mashanu,a kuno mumwe maviri, kuno mumwe rimwe chete, kuno mumwe nomumwe mukuwirirana nesimba rake amene, uye iye akaenda kunyika dzokumwe. Pakarepo uya akagamuchira matarenta mashanu akaenda akaita basa nawo ndokuwana mamwe mashanu. Nenzira imwe cheteyo uyo akagamuchira maviri akawana mamwe maviri. Asi uyo agamuchira rimwe bedzi akaenda, akachera muvhu ndokuviga mari yesirvha yashe wake.
4 Pashure penguva refu ishe wavaranda ivavo akasvika ndokugadzikisa nhau dzemari navo. Naizvozvo uya akagamuchira matarenta mashanu akauya pamberi ndokuunza matarenta mashanu omuraudzo, achiti, ‘Ishe, makandipa matarenta mashanu; onai, ndakawana mamwe mashanu.’ Ishe wake akati kwaari, ‘Wakaita zvakanaka, muranda akanaka nowakatendeka! Wakanga wakatendeka pazvinhu zvishomanene. Ndichakugadza pazvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro waShe wako.’ Tevere uya akanga agamuchira matarenta maviri akauya pamberi ndokuti, ‘Ishe makandipa matarenta maviri; onai, ndakawana mamwe matarenta maviri.’ Ishe wake akati kwaari, ‘Wakaita zvakanaka, muranda akanaka nowakatendeka! Wakanga wakatendeka pazvinhu zvishomanene. Ndichakugadza pazvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro waShe wako.’
5 “Pakupedzisira uya akanga agamuchira tarenta rimwe akauya pamberi ndokuti, ‘Ishe, ndaikuzivai kuva munhu akaoma, anocheka paasina kudyara uye anounganidza paasina kurudza. Naizvozvo ndakatya ndikaenda ndokuviga tarenta renyu muvhu. Onai mava neriri renyu.’ Mukupindura ishe wake akati kwaari, ‘Muranda akaipa neane usimbe, waiziva hako, handiti here, kuti ndaicheka pandisina kudyara nokuunganidza pandisina kurudza? Zvakanaka, ipapoka, waifanira kudai wakaisa mari yangu yesirvha kuna vebhangi, uye pakusvika kwangu ndaizogamuchira iri yangu ine mhindu.
6 “‘Naizvozvo mutorerei tarenta mugoripa kuno uyo ane matarenta ane gumi. Nokuti kumunhu ari wose anawo, achapiwa akawanda uye iye achava namazhinji; asi kana ari iye asina, kunyange naaanawo achatorwa kwaari. Uye kandirai muranda pasina murima rokunze. Ikoku ndiko kuchava nokuchema kwake nokugeda-geda kwameno.’”—Mateo 25:13-30.
7 Muno uyu mufananidzo, chii chinomirirwa namatarenta? Chimwe chinhu choukoshi hukuru, musati muri mune zvemari asi mupfungwa yomudzimu. Matarenta anomirira kutumwa kundoita vadzidzi vaKristu. Uku kutumwa kunova pamwe chete nebanza rakaropafadzwa zvikurusa rokuita basa senhume dzaKristu, Mambo, sokumirira Umambo kumarudzi ose enyika.—VaEfeso 6:19, 20; 2 VaKorinte 5:20.
8 Nomutoo usingapanikiriki, isu nhasi tasvika mhedziso yokuzadzika kwouyu mufananidzo wechiporofita! Pane ichi chizvarwa pakaburukira nhambo yerima rakati ndo-o kusviba renhau yose yomunhu! Zvamazvirokwazvo, kunze kworutivi rwunooneka rwesangano raJehovha kune rima rakakodzera umo boka romuranda ano “usimbe” naaka“nakira pasina” anogona kukandirwa mariri pakuraira kwaShe. “Rima rokunze” rakadaro rinoratidzira mugariro wakamonzverwa nerima renyika yavanhu, zvikurukuru mupfungwa yorudzidziso. Nyika yavanhu haisati iri kufarikanya chiedza chenyasha nechikomborero chaMwari. Haisati iri muchiedza chokuziva Umambo hwaMwari. Inodzorwa na“mwari wetsika ino yezvinhu,” uyo a“kapofumadza ndangariro dzavasingadaviri, kuti chivheneko chamashoko akanaka ane mbiri pamsoro paKristu, uyo ari mufananidzo waMwari, chigorega kupenya mavari.”—2 VaKorinte 4:4.
9 Nhasi hufakazi hunokatyamadza ndohwokuti uyo anofananidzirwa no“munhu,” uyo zvisinei hazvo akanga ane matarenta esirivha masere, akadzoka panzendo dzake dzokune dzimwe nyika. “Munhu” iyeyo ndiKristu Jesu. Kuenda kwake kunyika dzokumwe kwakamusvitsa apo pano Musiki wezuva, mwedzi, nenyeredzi dzomuchisiko chapose pose chedu. Kuratidzira kudzoka kwake, hondo mbiri dzomwero yenyika yose, zvino dzinova pamwe chete nedzimwe hondo zhinji dzomwero midukusa, dzakazadza pasi redu neropa. Sezvakadeya kuziviswa, idzodzi dzakavapo pamwe chete nenzara, nhenda, nokudengenyeka kwapasi, uye nokuwedzera kwokusateerera mutemo nokuparidzirwa kwa“aya mashoko akanaka oumambo” mupasi rose rinogarwa. Ikoku kwakazadzika mashoko ose oudzame eizvo Jesu akataura kuti zvaizova “chiratidzo chokuvapo [kwake] nechemhedziso yetsika yezvinhu.”—Mateo 24:3-15.
10 Kunyange zvazvo asati achiratidzirwa chaizvoizvo mumufananidzo waJesu, munhu akaenda kunyika dzokumwe, kuva asipo kwenguva refu, kwakaita zvomenemene rwendo rwake rwokuwana “umambo hwamatenga,” hwanongedzerwa kwahuri pamberi apa muna Mateo 25:1. Pasinei hapo nokugundika kweHondo yeNyika I, Jehovha Mwari, ane umambo hwake pana Israeri hwakapidigurwa muna 607 P.N.V., akagadza pachigaro choumambo Mudyi Wenhaka wapamaruramiro oUmambo muna 1914 N.V., panguva yakafanira yokuti kutsika-tsika kuve kunomiswa. Aiwa, marudzi aVamarudzi haana kuona nameso awo omuzvarirwo kugadzwa pachigaro choumambo kwouyo Mambo Dhavhidhi akaidza kuti “Ishe wangu.” (Pisarema 110:1) Haati aigona kuita kudaro nokuti munhu womumufananidzo, Jesu Kristu, akanga ataura kuna vadzidzi vake, pamberi pokuenda kwake kunyika dzokumwe, kuti: “Kwasara chinguvana uye nyika haichazondionizve.”—Johane 14:19.
11 Kuuya kwakaitwa naKristu kusimba roUmambo hwokudenga zvakwakanga kusingaoneki nameso ohunhu, iye aitofanira kuita kuti kuvapo kwake kuoneke muUmambo hwokudenga kupfurikidza nechiratidzo icho vaapostora vake vakamukumbira mazuva matatu pamberi pokufira kwake kutendeka. Rutivi rwechiratidzo ichecho chinopwisa rwaizova rwokuti munhu aizodzoka kubva kunyika dzokumwe ndokugadzikisa nhau navaranda vake avo iye akanga aronzesa kwavari matarenta oukoshi hukuru. Ikoku zvakwakanga kwakadaro, kugadzikiswa kwenhau ikoku naavo vakawana mutsa nokushandiswa kwamatarenta kwakanga kwoda kuitika pashure pa 1914.
12 Ikoku kwaizoreva kugadzikisa nhau naavo vaiva vadyi venhaka vo“Umambo hwamatenga.” Ikoku kwaizoratidzira kuitwa kwenhau navakasarira vomutumbi iwowo wechiKristu, uyo wakanga waberekwa nomudzimu waMwari kubvira pazuva rePentekosta regore ra 33 N.V. (Mabasa ganhuro 2) Makanga muchifanira kuva navakasarira vaivava pasi pano mukati neiyi “mhedziso yetsika yezvinhu” kubvira muna 1914 zvichienda mberi. Ivava vaizova avo musengwa wokutungamirira waizowira pavari mukuzadzika chiporofita chaJesu nokuda kwenguva iyeyo: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo kuguma kuchasvika.” (Mateo 24:14; Marko 13:10) Mutoro wokuva vakatendeka kusvikira kumugumo uri pavari, kuti vagoponeswa ndokupinda muUmambo hwamatenga. (Mateo 24:13) Achirangarira ruponeso rwavo rwokupedzisira, Mwari Wamasimba ose akavasimbaradza kutsungirira kutozosvikira zvino, pasinei zvapo nechitambudzo chenyika yose. Iri idi rinopupurira kuvatendera kwake!
Vakambiri Kuva Namatarenta Venhema
13 ChiKristudhomu chinokambira kuva chakaronzeswa nomutoo unoremekedzeka matarenta omunhu ane pfuma womumufananidzo waJesu. Asi patinogadzikisa nhau yenzira yacho chifo cha 1914, tinosvika parutongesoi? Urwu: Icho hachina kurarama mukuwirirana nekambiro dzacho. Chisina kutendeka kumunhu womufananidzo, icho chakazvibatanidza chimene namaumambo enyika ino; vezvamatongerwe enyika avo hurumende dzenyika dziri zvikomba zvacho. Chichindoveri kutsigira Chibatanwa chaMarudzi, mutsivi weChinzwano chaMarudzi zvino chisisipo.
14 Icho hachisati chichitombowirirana nomuranda wetarenta rimwe, uyo akabvumikisa hake kuva ano usimbe uye uyo asina kuwedzera pfuma yaShe wake. Naizvozvo munhambo ino chifo chokuguma kweHondo yeNyika I muna 1918, chiKristudhomu chakafumurwa chaizvoizvo sechanguve chiri murima rokunze kweimba yakasanovhenekerwa yaShe. Kunze ikoko muusiku hwakasviba kuti ndo-o munyika ndimo, mukutaura kwokufananidzira, umo kuchema kwacho nokugeda-geda kwameno acho kwakatovamba kuitika. Kwakawanda kwakwo kuchaitika apo zvikomba zvaro zvezvamatongerwe enyika zvinorimukira ndokuripfekenura sorutivi rwune mhaka zvikurusa rweBhabhironi Guru rose, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema.
Boka “Romuranda Akashata” Rinodzingwa
15 Avo vave vari rutivi zvomenemene rwavakasarira vakazodzwa nomudzimu uye vakaronzeswa zvinokosha zvoUmambo, asi avo vakarega kuita nhamburiko dzokuwedzera mhindu dzaShe akadzoka, vave vachidzingwa mubasa roumambo raShe. (Mateo 24:48-51) Hatisati tichasitongowanazve boka rine usimbe ro“muranda akaipa” achiparidza “aya mashoko akanaka oumambo.” Kupfuurezvo, vanoitira hanya zvikuru pamsoro pokuponeswa kwavo vamene panzvimbo pemhindu dzoUmambo hwaMwari. Vanozviwana ivo vamene vari “murima rokunze,” uko kune nyika yavanhu. Tarenta ravo rokufananidzira rakavatorerwa uye rakapiwa kuboka riya rakaratidzira kudisisa kwokushandisa tarenta irero mukati morutivi rwasara rwe“mhedziso yetsika yezvinhu.”
16 Hakuna kutongova nenguva yakaisvonaka zvikurusa yokuparidzira “mashoko akanaka oumambo” kupfurikidza nokushandisa “tarenta,” ndiko kuti, ropafadzo yechienzi, banza, rokubatira se“nhume dzinobatira munzvimbo maKristu,” Mambo anotonga, nokuita vadzidzi nokuda kwake. (2 VaKorinte 5:20) Uye mugumo zvaunoswedera pedyo nokukurumidza, kwakafanira kuti “boka guru” ra“mamwe makwai” riyamure nhume dziya dzakasarira dzakaberekwa nomudzimu sezvadzinoshandisa zvizere nomutoo wokushingaira “tarenta rinokosha” rakaronzeswa kwadziri.
[Mashoko Omuzasi]
a Tarenta resirvha rechiGiriki rairema maaunzi 654 (20.4 kg).
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1. Ihurumende ipi isina zvinetso zvipi nezvipi zvemari, uye zvino ndiani anofanira kugadzikisa nhau nehurumende iyoyi?
2. Neiko isu tichifanira kufarira zvikuru mumwe muenzaniso sowakaziviswa no“Muchinda woRugare”?
3. Ko varanda vakagamuchira matarenta kuna tenzi pamberi pokuenda kwake vakaatarisira sei mukati mokusavapo kwake?
4. Ko ishe akatii kuna varanda vaya vakawedzera chiverengero chamatarenta?
5, 6. Ko muranda wechitatu akapa pembedzoi nokuda kwokuvanza tarenta, uye tenzi akaitei kwaari?
7. Chii chinomirirwa namatarenta?
8. (a) Ko boka romuranda ano “usimbe” akabudisirwa murimai mukati meino “mhedziso yetsika yezvinhu”? (b) Neiko nyika yavanhu isiri kufarikanya chiedza chenyasha dzaMwari nechikomborero?
9. (a) Mukuzadzika kwomufananidzo, ndiani anofananidzirwa no“munhu,” uye iye akaenda kure kwakadini? (b) Hufakazii huripo hwokuratidzira kudzoka kwake?
10. (a) Neiko munhu akaenda kunyika dzokumwe? (b) Neiko kwakanga kuri kuti nyika yavanhu haina kuona zvomenemene kudzoka kwake?
11. (a) Chii chaizova rutivi rwechiratidzo chokuratidzira kudzoka kwake nokuvapo? (b) Ikoku kwaizoitika rini?
12. (a) Ko musengwa wokutungamirira mukupupurira Umambo wakava pana vanaani? (b) Ruponeso rwavo rwokupedzisira runotsamira pachii?
13. (a) Ndivanaani vanokambira kuve vakagamuchira matarenta? (b) Ko isu tinosvika parutongesoi rwacho?
14. Ndokupi kwatinowana chiKristudhomu nhasi?
15. Ndivanaani vakazadzika mufananidzo womuranda ano usimbe, uye ivo vanozviwana vamene vari kupi?
16. (a) Ko ino inguva yakaisvonaka yokushandiswai kwetarenta rokufananidzira? (b) Musengwai zvino unowira pa“boka guru” ra“mamwe makwai”?
[Mufananidzo uri papeji 59]
Avo vanoratidzira miitiro yomuranda akaipa vanodzingwa mubasa raShe ndokupinda murima