RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 98
  • PaGomo reMiorivhi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • PaGomo reMiorivhi
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Anodzokera Kudenga
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Kuraramazve Mumazuva Okupedzisira aJesu Pasi Pano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • “Awa Yasvika!”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Jesu Anodzokera Kudenga
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 98
Jesu ari paGomo reMiorivhi uye ari kutaura nevamwe vevaapostora vake

NHAU 98

PaGomo reMiorivhi

UYU ndiJesu ari paGomo reMiorivhi. Varume vana vanaye vaapostora vake. Ivo mukoma nomuninʼina Andrea naPetro, uyewo mukoma nomuninʼina Jakobho naJohane. Iyo itembere yaMwari iri muJerusarema yaunogona kuona mhiri uko kure.

Temberi iri muJerusarema

Ave mazuva mairi chifo chokupinda kwaJesu muJerusarema akatasva mhuru yembongoro. Chipiri. Muzuvari Jesu afumova patembere. Vaprista vaedza kubata Jesu ipapo kuti vamuuraye. Asi vaitya kukuita nokuti vanhu vanoda Jesu.

Jesu akaidza vatungamiriri vorudzidziso ivavo kuti: ʼImi nyoka navanakomana venyoka!ʼ Ipapo Jesu akati Mwari aizovaranga nokuda kwezvinhu zvose zvakashata zvavakanga vaita. Pashure pakwo Jesu akakwira muGomo reMiorivhi, nokudaro vaapostora ava vana vakatanga kumubvunza mibvunzo. Unoziva here zvavari kubvunza Jesu?

Vaapostora vari kubvunza pamsoro pezvinhu zvomunguva yemberi. Vanoziva kuti Jesu uchagumisa ushati hwose pasi pano. Asi vanoda kuziva kuti ikoku kuchaitika riini. Ko Jesu anouyazve kuzobata ushe saMambo riini?

Jesu anoziva kuti vateveri vake pasi pano havazokwanisi kumuona paanouyazve. Imhaka yokuti achave ari mudenga, uye havazokwanisi kumuona ikoko. Saka Jesu anoudza vaapostora vake zvimwe zvezvinhu zvichave zvichiitika pasi pano apo anobata ushe saMambo mudenga. Ndezvipiko zvimwe zvezvinhu izvi?

Jesu anotaura kuti kuchava nehondo huru, vanhu vazhinji vacharwara uye vacharumwa nenzara, utsotsi huchashata kwazvo, uye kuchava nokudengenyeka kukuru kwapasi. Jesu anotaurawo kuti mashoko akanaka pamsoro poumambo hwaMwari achaparidzirwa mupasi rose rose. Tati taona zvinhu izvi zvichiitika munguva yedu here? Hungu! Nokudaro tingava nechokwadi chokuti Jesu zvino ari kubata ushe mudenga. Nokukurumidza achagumisa ushati hwose pasi pano.

Mateo 21:46; 23:1-39; 24:1-14; Marko 13:3-10.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe