Fundo 4
Nzira Yokurava Nayo Ndokuyeuka
1, 2. Nei kuchikosha kuti tiyeuke zvatinorava?
1 Nokuda kwaavo vanorava sokuvaraidza nguva chete, nokuda kwokuzvivaraidza, kuyeuka zvavanorava ndekwoukoshi huduku. Asi nokuda kwomumwe munhu ari kufundira basa, kunokosha kuyeuka zvaanorava mumabhuku ake anofundwa. Kupasa bvunzo nokupinda basa rinosarudzwa kunotsamira pakuri. Mushumiri wechiKristu, zvisinei, anofanira zvikuru kuyeuka zvaanorava, angave achingoravawo zvake kana kuti zvakakomba. Vavariro yake ndeyokuswedera pedyo zvikuru naJehovha uye kuvandudza ushumiri hwake, kukurumbidzwa kwaJehovha.—Dheut. 17:19.
2 Zvokurava zvomuKristu iBhaibheri uye zvinyorwa zviya zvinopa betsero yapachokwadi mukunzwisisa Bhaibheri. Anoziva kuti izivo inowanwa muBhaibheri iyo inotungamirira kuupenyu husingagumi. Ndiko kurava ikoku kunomushongedzera kuva mushumiri anobudirira, uye ndiko kurava ikoku kwatinoitira hanya zvikuru muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari.
3, 4. Nei tichifanira kuva vanosarudza mune zvatinorava?
3 Kupinza kwedu mashoko mundangariro kupfurikidza nokurava kungaenzaniswa nokupinza kwedu zvokudya mudumbu. Muzviitiko zvose zviri zviviri tinofanira kuva vanosarudza. Mudyi, kunyange apo anenge achingopedza zvake nzara, ufuza kupinza mudumbu make izvo zvisingaseredzeki kana kuti izvo zvisingapi betsero chaiyoiyo kumuviri, kana kuti zvakaipa zvikuru, zvingatoita somuchetura. Nokuda kwemigumisiro yakanakisisa, nokuda kwebetsero dzinogara nguva refu, zvokudya zvinofanira kuva zvinoseredzwa nenzira iri nyore ndokushandiswa nemiviri yedu.
4 Ndizvo zvazvakaitawo nokurava kwedu. Kungave kuri kuravawo zvako kana kuti kwakakomba, zvatinopinza zvinofanira kuva zvinoseredzeka mundangariro uye zvinofanira kuva chimwe chinhu chichabetsera nokusingaperi ndangariro dzedu. Sezvinooneka kusachenjera kudyisa ndangariro izvo zvisati zviri zvechokwadi, zvisina umwari kana kuti zvounzenza, uye izvo naizvozvo zvingaparira chirungurira chomudzimu. (VaF. 4:8) Uye kupambadzirei nguva uchirava zvoukoshi huduku? Sezvatiri vanosarudza mune zvatinodya, ndizvo zvatinofanirawo kuita mune zvatinorava.
5, 6. Nei tichifanira kuronga nguva yokurava kwomunhu oga, uye kurava kwakadaro kungaitwa rini?
5 Rudungwe rwokurava kwomunhu oga. Pashure pokunge wasarudza rudzi rwakarurama rwezvokurava, unofanira kuita nhano inotevera. Iyoyi kutanga rudungwe rwokurava rwuchakodzera mararamire ako akati. Kana ukakundikana kutsaura mazuva akati, kana kuti madekwana, nokuda kwenhambo dzokurava, nhamburiko dzako sezvingabvira dzichava dzisina kurongeka zvikuru zvokusagona kubudirira.—Mabasa 17:11.
6 Kurava kwokufunga kunoda nguva yakawanda pamwe chete nemhoteredzo izvo zvinoda kufungisisa mashoko ari kunzverwa. Asi hakusati kuri kurava kwako kwose kuchaitwa mukati menhambo refu dzokufunda. Kana uchigona kutsaura kunyange maminiti gumi kana kuti gumi namashanu nguva dzose zuva riri rose kuti urave, uchashamiswa nezvakawanda zvaunogona kuita. Vamwe vanhu vanofumira kurava, kana kuti vasati varara usiku. Vamwe vanorava apo vanenge vakakwira chokufambisa chavose vachienda kunzvimbo yavo yebasa rokunyika kana kuti kuchikoro, kana kuti mukati menguva yavo yokudya kwamasikati. Mune mimwe misha, mhuri yose inorava pamwe chete kwamaminiti mashanu kana kuti gumi pashure pokudya kumwe zuva rimwe nerimwe kana kuti chinguvana vasati vaenda kundorara. Kuva wenguva dzose, kurava zuva riri rose, kunoparira migumisiro yakanaka.
7. Ndeipi inofanira kuva vavariro yedu mukurava Bhaibheri?
7 Rudungwe rwako rwomunhu oga rwunofanira kubatanidza nguva yokurava Bhaibheri rimene. Mune ukoshi hukuru mukurirava rose kubva kubutiro kusvikira kubutiro. Ikoku kunogona kuitwa kupfurikidza nokurava nhamba yakati yamaganhuro kana kuti mapeji zuva rimwe nerimwe kana kuti vhiki imwe neimwe. Zvisinei, vavariro yako mukurava haisati ichitongofanira kuva yokungofukidza chete mashoko acho, asi kuwana murangariro mukuru wawo uine chinangwa chokuyeuka. Iva nenguva yokufungisisa zvaanotaura. Pakurava Bhaibheri unogona nguva dzose kuva nechivimbo chokuti uri kudya zvokudya zvakanakisisa zvomudzimu zvinogona kudyiwa.
8, 9. Zvimwei zvingava zvinobetsera zvokubatanidza mugadziriro yedu yokurava?
8 Nguva inodikanwawo nokuda kwokurava kwokugadzirira mashoko achafukidzwa pafundo yeNharireyomurindi nemimwe misangano yeungano. Kwakanaka kurangarira kutsinhira pamisangano yacho, asi usaita kuti kuwanwa kwemhinduro kuve vavariro yako huru. Panzvimbo pezvo, tsvaka kunzwisisa zvaunorava uye rangarira matapurire azvinoita upenyu hwako umene.
9 Ipapo pane nyaya dzeNharireyomurindi dzisati dziri dziya dzinoshandiswa mufundo yevhiki nevhiki yeungano. Magazini yeMukai!wo inopa mashoko akawanda anorayiridza mumapeji ayo. Uye wakarava zvinyorwa zvekare zveSosaiti zvomutauro wako here? Kusvikira kutambanuko iyo unogona kuva nenguva yokurava mashoko acho, kune chikomborero chawakachengeterwa. Mwero wokukura mumudzimu kwako, kusvikira kutambanuko huru, unodzorwa nokuva wenguva dzose uye kunaka kwemiitiro yako yokurava.
10-17. Miitiroi ichatibetsera kuyeuka zvizhinji zvezvatinorava?
10 Yamuro dzokuyeuka. Kuti tibetserwe zvizere nezvatinorava, tinofanira kuzviyeuka. Vanhu kazhinji kazhinji vachataura kuti havayeuki nemhaka yokuti vane hanganwa. Muzviitiko zvizhinji, zvisinei, kungangovawo zvako kuyeuka kusina kurovedzwa kana kuti kusingashandiswi. Kuchenjera kuedza kuwana zvakanakisisa mukurava kwatinoita. Zvakanakisisa zvizhinji zvaizorasika kana mashoko anoraviwa akakurumidza kukanganwiwa. Tinofanira kudzidza nzira yokurava nayo kuti tigoyeuka. Pane zvikarakadzo zvakati izvo zvakashandira zvakanaka varavi vane ruzivo rwokuzviwanira. Zvingakubatsira.
11 Sezvaunorava, edza kurava zvikamu zvamashoko kana kuti mapoka amashoko panzvimbo pamashoko mamwe namamwe. Ikoku kuchabvirisa kukurumidzisa kurava kwako uye kuchakubetsera kunzwisisa pfungwa panzvimbo pokuparapatika namashoko. Nokuda kwokurava kwenguva dzose, usadaidzisa mashoko kana kuti kufambisa miromo yako sezvaunorava, uye rega kuita muitiro wokudzokera shure kuti uravezve kutoti kuri kuroverera mufungo mukuru. Chokwadika, nokuda kwamashoko akakomba, akaoma kunzwisisa unofanira kunonoka kuti ugova nechokwadi chokuwana mufungo wakarurama. Ungatoda kuarava zvinonzwika, kana kuti nenzwi rakaderera. (Pis. 1:2) Mapisarema uye Zvirevo, somuenzaniso, hazvina kunyorerwa kurava kwokukurumidza asi kwokufungisisa.—Pis. 77:11, 12.
12 Kunobetserawo kana ukarava uine penzura muruoko, uchitara mashoko anokosha uye neimwe nzira uchinyora mapfundo chaiwo aungada kuravazve. Zvisinei, kutara kunofanira kuitwa zvishomanene, nokuti kana kukanyanyiswa kunokurira donzo rokuparadzanisa mifungo mikuru payo yoga. Apo unowana tsananguro kana kuti chibvumikiso chakati chinokosha zvikuru chingagona kushandiswa kukurira chirambidzo chakati chinozivikanwa muushumiri hwapaimba neimba, kungava kunobetsera kunyora peji uye ndima seri kwebhuku rako. Ipapo chinogona kuwanwa nokukurumidza apo chinodikanwa. Usatongotara bhuku, chokwadika, kutoti riri rako umene.
13 Haugoni kungorava chete nyaya yose kana kuti bhuku usingatindiki, usingarangariri, usingaenzanisi mashoko acho namaidi aunotoziva pamusoro penhau yacho—haudaro kana uchida chaizvoizvo kuyeuka mapfundo akatanhamara. Dzidza kunzvera zvaunorava, uchinyora zvikonzero zvinopiwa uye zvibvumikiso zvinotsigira mhedziso dzinopiwa. Uyewo, ngwarira nheyo dzinoshanda kuupenyu hwako uye idzo dziri nhungamiro kukurarama kwezuva nezuva. Tindika kuti urangarire mashandisire aungadziita.
14 Mukuraviwa kwakakomba kwerimwe ramabhuku makuru eSosaiti kunobetsera kazhinji kazhinji kutanga kurangarira musoro uye nhevedzano ine mufungo yendaza yezviri mukati. Ikoku kuchasimbisa mundangariro mako musoro mukuru. Apo unogadzirira kurava nyaya yamagazini kana kuti ganhuro riri mubhuku, tanga kutarira misoro miduku yakasiyana-siyana. Iyoyi inoratidza nhevedzano ichakudziridzwa nayo musoro wacho. Svinurira kucherechedza mitsetse yamashoko emisoro, inowanzooneka pedyo namavambo endima imwe neimwe. Iyo kazhinji kazhinji ichakuudza mumashoko mashomanene kuti ndima yacho inotaura nezvechii. Nangidzira ngwariro pakuwana murangariro mukuru wenhau yauri kurava pamusoro payo.
15 Chimwe chikarakadzo ndechokuedza kuisa muchiono zvaunorava, uchiita mifananidzo mundangariro seyamuro yekuyeuka. Mufungidziro ona vatambi vomutambo nenzvimbo yakapoteredza, inzwa mibvumo namanzwi, nhuhwidza hwema, ravidza zvokudya nezvokunwa, uye goverana mufaro kana kuti nhambo yemamirire acho ezvinhu. Edza kuzviisa umene muchiitiko chiri kurondedzerwa. Pfungwa iri yose inogona kushandiswa nenzira yokufungidzira kuitazve zvakajeka nhoroondo yeBhaibheri. Zvikamu zvamashoko zvenhau yeBhaibheri zvinogona kupinzwa mundangariro zviri nyore zvikuru neiyi nzira.
16 Apo unosvika kumugumo weganhuro, rihwirudzure kokupedzisira nokupfupikisa mundangariro. Ipapo enzanisazve ndaza yako yomundangariro namashoko akanyorwa.
17 Kana kuchibvira, kurukura nomumwe munhuwo zvake mapfundo awafukidza, uchidaro achiri matsva mundangariro. Kuataura kwako kuchadzamisa nzwisiso mundangariro mako, apo mumwe munhu angave anosanokwanisa kuwedzera kudura rako rezivo pamusoro penhau yacho. Kana wawana mapfundo akati anoshanda omumunda, ashandise muushumiri hwako hwokuparidza nokukurumidza sezvinobvira. Ikokuwo kuchasimbisa mashoko acho muyeuko mako.
18-20. Nei kuchikosha kwazvo kudzidza kurava zvakanaka?
18 Ukoshi hwokurava kunobudirira. Kurava kune pesvedzero yakanaka paupenyu hwedu. Rudzi rwebasa ratinoita, unyanzvi hwatinokudziridza, kufarikanya kwedu upenyu, kukura kwedu mumudzimu zvose zvakabatanidzwa namano edu okurava. Asina awa mano okurava munhu anonyimwa pfuma zhinji yokudzidza uye yoruzivo rwokuzviwanira. Vabereki vanogona kubetsera kurovedza vana vavo kurava kupfurikidza negadziriro ine nhevedzano yapamusha yokurava. Nguva nenguva kungava kwakanaka kukumbira vana venyu kurava zvinonzwika, somuenzaniso, kurava rugwaro netsinhiro zvezuva racho mubhukwana raKunzvera Magwaro Zuva Nezuva. Kana usiri muravi anodekudza, kwaizova kwakasanokodzera nguva yako kurovedza kwamaminiti gumi namashanu kusvikira kumakumi matatu zuva rimwe nerimwe. Mumwedzi mishomanene uchawana migumisiro inogutsa.
19 Miitiro yakanaka yokurava, nguva dzakarongwa dzokurava uye nzvero, uye kushandiswa kwezvikarakadzo zvakasiyana-siyana zvakarongwa muno kuchavandudza zvikurukuru mano ako okushumira. Uchakwanisa kuyeuka mashoko mazhinji anokosha aMwari, kuti ugoashandisa muupenyu hwako uye ushumiri. Kunyange vanhu vakwegura vanogona kuvandudza mano avo okuyeuka kana vakashandisa mapfundo apiwa muno. Hapana munhu anofanira kurangarira kuti anyanyokura zvokusagona kubetserwa.
20 Chikonzero chaMwari chokunyora madonzo ake akaisvonaka mubhuku chakanga chiri chokuti mabasa ake ose anoshamisa agoziviswa kune vana vavanhu ndokuyeukwa kwenguva refu. (Pis. 78:5-7) Kuonga kwedu rupo rwake mune iyi nhau kunoratidzwa zvakanakisisa kupfurikidza nokushingaira kwedu mukurava uye mukuyeuka Shoko rinopa upenyu irero.