RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g17 nha. 2 p. 3
  • Vanhu Vava Kufarira Zvemadhimoni!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanhu Vava Kufarira Zvemadhimoni!
  • Mukai!—2017
  • Mashoko Akafanana
  • Sumo
    Mukai!—2017
  • Mharidzo Dzekuenzanisira
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2017
  • Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvemashiripiti?
    Mukai!—2017
Ona Zvimwe
Mukai!—2017
g17 nha. 2 p. 3
Mukomana ari kushamisika nezvaari kuona patablet

NYAYA IRI PAKAVHA | ZVAKAIPA HERE KUONA MAFIRIMU EMASHIRIPITI?

Vanhu Vava Kufarira Zvemadhimoni!

“Kare kwaimbova nemafirimu ezvipoko, emavampire kana kuti euroyi asi iye zvino kwazara evanhu vanenge vakagarwa nemadhimoni.”​—The Wall Street Journal.

MABHUKU, mafirimu uye mavideo game anofarirwa nevakawanda ndeanenge aine varoyi, zvipoko uye mavampire. Chii chiri kuita kuti vanhu vafarire zvinhu izvi?

“Kare kuAmerica, munhu 1 pavanhu 10 vega vega aitenda kuti zvipoko zviriko, asi iye zvino vava 3 pa10,” akanyora kudaro mumwe purofesa anonzi Claude Fischer. “Nhamba yevechidiki vekuAmerica vanobvuma kuti zvidhoma zviriko, vakamboenda kunobvunza vafemberi, uye vanoti kune dzimba dzine zvipoko inotopeta kaviri nhamba yevanhu vakuru.”

Nyaya dzinotaura nezvevanhu vane mweya yakaipa dzava kufarirwa zvekare. “Mafirimu anobudisa vanhu vakagarwa nemadhimoni ariko mazuva ano akabva pamafirimu ezvipoko nemavampire aivako kare,” akanyora kudaro Michael Calia mumagazini inonzi The Wall Street Journal.

Imwe ongororo yakati “pasi rose vanhu vari pakati pe25% kusvika ku50% vanobvuma kuti zvipoko zviriko uye mumabhuku nyaya dzezvipoko hadziperi.” Uye imwe ongororo yakaitwa nemapurofesa maviri Christopher Bader naCarson Mencken kuUnited States “yakaratidza kuti 70% kusvika ku80% yevanhu vekuAmerica vanobvuma zvakasimba kuti dzimwe nyaya dzine chekuita nechidhimoni ndedzechokwadi.”

Kuvaraidzwa nezvinhu zvechidhimoni kwakaipa here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe