RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g11 April p. 3
  • Unogona Kuvandudza Utano Hwako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Kuvandudza Utano Hwako
  • Mukai!—2011
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Tarisira Utano Hwako!
  • Tora Matanho Okuti Uvandudze Utano Hwako
    Mukai!—2011
  • Chengeta Kutenda Kwako Noutano Hwomudzimu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Utano Chii?
    Mukai!—1990
  • 1 | Chengetedza Utano Hwako
    Mukai!—2022
Ona Zvimwe
Mukai!—2011
g11 April p. 3

Unogona Kuvandudza Utano Hwako

RUSTAM, anogara kuRussia anongogara akabatikana. Kare, aiva netsika dzaikanganisa utano hwake asi akazoona kuti akanga ari kurumwa nechokuchera. Akarega kusvuta uye kunwisa doro. Kunyange zvakadaro, nguva yakawanda yaaipedza ari pakombiyuta yaiita kuti anzwe ati rukutu.

Kunyange zvazvo Rustam aitanga basa na8 mangwanani, aizonzwa kuti anyatsopengenuka kuma10 uye aigara achirwara-rwara. Saka akachinja purogiramu yake. Zvakaguma nei? Anoti, “Mumakore manomwe apfuura, handina kumborovha kubasa kwemazuva anopfuura maviri pagore ndichiti ndiri kurwara. Ndinonzwa zvakanaka, ndakamuka uye ndakachangamuka uye ndinonakidzwa noupenyu!”

Ram, mudzimai wake, nevana vavo vaduku vaviri vanogara kuNepal. Kwavanogara hakuna utsanana, uye nzvimbo iyoyo ine umhutu nenhunzi dzakawanda. Kare, Ram nemhuri yake vaigara vachitambura nemaziso uyewo kutadza kufema zvakanaka. Ivowo vane zvavakachinja zvakaita kuti utano hwavo huvandudzike.

Tarisira Utano Hwako!

Pasinei nokuti varombo here kana kuti vapfumi, vanhu vakawanda havaoni kuti maitiro avo ane zvaanoita pautano hwavo. Vangaona sokuti kuva neutano hwakanaka kunongoitika kwoga kana kuti hapana zvavagona kuita kuti vave noutano hwakanaka. Kuzvinyepera kwakadaro kunotadzisa vakawanda kuvandudza utano hwavo uye kunovatadzisa kurarama upenyu hune pundutso.

Kutaura zvazviri chaizvo, pasinei nokuti une mari yakadini, pane matanho aunogona kutora kuti uchengetedze uye uvandudze utano hwako uye hwemhuri yako. Kuita izvozvo kunobatsira here? Hungu! Unogona kuvandudza upenyu hwako uye kuita kuti usahupfupikisa.

Kupfurikidza nezvavanotaura uye zvavanoita, vabereki vanogona kudzidzisa vana vavo kuti vave netsika dzakanaka, zvichizoita kuti vave noutano huri nani. Nguva nemari zvinoshandiswa pakutarisira utano zvinenge zvisina kurasikira pasina nokuti nguva nemari yakawanda hazvizopereri pakurwara nepakurapwa. Zvishoma zvaunoita pakuzvidzivirira zvinotoderedza dambudziko guru.

Munyaya dziri kutevera, tichakurukura mazano mashanu anokosha akabatsira Rustam, Ram nevamwe vakawanda. Mazano aya anogonawo kukubatsira!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe