Iva Noupenyu Husina Twakawanda-wanda
KUVA noupenyu husina twakawandawanda, uchikamuranisa nguva zvakanaka, zvechokwadi kunoita kuti ufare chaizvo. Asi zvinoda kuti uitei? Chokutanga, unofanira kufunga nezvezvinhu zvaunokoshesa. Ungazviita sei?
Zvibvunze kuti: ‘Iye zvino chii chandati ndava nacho? Chii chasara?’ Nyora zvaunovavarira kuita zvinokosha pasi apa:
1. ․․․․․
2. ․․․․․
3. ․․․․․
Mazuva ano vanhu vakawanda vanongofunga nezvezvavanoda panguva iyoyo chete. Zvinoita sokuti vari kuti: “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tichafa.” (1 VaKorinde 15:32) Vanofunga kuti mararamiro emazuva ano ekushanda kuti uwane mari yokutenga zvakawanda ndiwo akanyanya kunaka. Asi Bhaibheri handizvo zvarinotaura.
Mune mumwe wemifananidzo yake, Jesu akataura nezvemumwe murume akaunganidza zvinhu zvakawanda, achibva afa asati adya upfumi hwake. “Ndizvo zvazvinoita nomunhu anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.” (Ruka 12:16-21) Kushanda nesimba kwomurume uyu kuti azviraramise kwakanga kwakaipa here? Kana. Dambudziko raiva rokuisa pfungwa dzake papfuma. Paaiita zvirongwa zvake, haana kufunga nezvemaonero aMwari. Izvi zvakabva zvaita kuti upfumi hwose, zvose zvaakanga ashandira, zvisamubatsira kwenguva refu. Zvinosuwisa chaizvo!—Muparidzi 2:17-21; Mateu 16:26.
Kusiyana nemurume iyeye, Jesu anotikurudzira kushandira mubayiro unogara nokusingaperi. Akati, “Musashandira zvokudya zvinoparara, asi zvokudya zvinoramba zviripo nokuda kwoupenyu husingaperi.” (Johani 6:27) Asati ataura izvi akanga amboti: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Uyu mubayiro wakazonaka!
Ungakurira Sei Kuzvidya Mwoyo?
Jesu akaona kuti zviri muvanhu kuti vazvidye mwoyo pamusana pezvinhu zvokurarama nazvo. Saka akakurudzira vadzidzi vake kuti: “Regai kutsvaka chamungadya nechamunganwa, uye regai kuramba muchizvidya mwoyo; nokuti zvose izvi ndizvo zvinhu zvinotsvakwa nemamwe marudzi nomwoyo wose, asi Baba venyu vanoziva kuti munoda zvinhu izvi. Kunyange zvakadaro, rambai muchitsvaka umambo hwavo, uye zvinhu izvi zvichawedzerwa kwamuri.”—Ruka 12:29-31.
Mashoko iwayo anokurudzira ndiwo akaita kuti vaKristu vakawanda vasarudze kurarama upenyu husina twakawandawanda. Juliet wokuMalaysia, anoti: “Basa rangu raiita kuti ndipedzisire ndaneta uye musoro wava kutenderera. Saka ini nomurume wangu takanyengetera kuti Jehovha atibatsire kurarama upenyu husina twakawandawanda. Mhinduro yake haina kutora nguva. Pasina mwedzi, ndakawana basa rokudzidzisa vana vakaremara.” Steve, uyo anoita basa rokupfirira dzimba kuAustralia, akagadzirisa basa rake kuitira kuti awane nguva yakawanda aine mhuri yake vachiita mabasa echiKristu. Mudzimai wake Maureen, anotsanangura kuti: “Iye zvino ava kufara chaizvo, tingatoti tose tiri kufara. Kana vari vana, vanozozvifarira! Neniwo ndinozvifarira! Rarama usina tunhu twakawandawanda uye uchaona kuti mhuri yose ichafambirwa zvakanaka nezvinhu.”
Asi kana wakapererwa nebasa uye uchiona kuti ungatofanira kubva pauri kugara, zvinotoda kutenda kwakasimba kuti uteerere zvakataurwa naJesu. Kunyange hazvo zvakadaro, kana ukaisa zvinhu zvokunamata pakutanga wovimba naMwari, unogonawo kurarama upenyu husina twakawandawanda. Kuita izvozvo kuchakubatsira kuti uvavarire kuwana “upenyu chaihwo,” upenyu husingaperi munyika itsva yaMwari yakarurama, umo mabasa ose anenge achinakidza zvokunakidza zviya uye pasina anozoshandira pasina.—1 Timoti 6:17-19; Isaya 65:21-23.
Ungada kuziva zvakawanda nezveuhwu “upenyu chaihwo” hunovimbiswa muBhaibheri here? Kana uchida, ona Zvapupu zvaJehovha zvekwaunogara, kana kuti nyorera pakero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 25]
Munyika itsva yaMwari, mabasa ose achange achinakidza zvokunakidza zviya uye kuri kushandira zviripo
[Bhokisi riri papeji 24]
UNGAWANA ZVOKUITA PASIRI PAMBA HERE?
Pasi apa pane mamwe mazano angabatsira mune dzime nyika panguva yazvinenge zvakaoma kuwana mabasa:
● Kuchengeta dzimba (vanhu pavanenge vasipo pamusana pemabasa kana kuti vaenda kuzororo vachida kuti imba yavo isare ichichengetwa)
● Kuchenesa: zvitoro; mahofisi; dzimba uye nzvimbo dzichangopera kuvakwa, nzvimbo dzinenge dzatsva, vanhu pavanenge vatama; mabasa omumba (dzimba dzevamwe); mahwindo (kumabasa kana mudzimba)
● Kugadzira zvinhu zvakafa: mabhasikoro; nezvimwewo zvakawandawanda (maraibhurari ane mabhuku akanyorwa zviri nyore kunzwisisa nezvekugadzirwa kwezvinhu zvakafa)
● Mabasa maduku: kunama mapoto; kuveza; kuvaka; kupfirira dzimba; kufitira madhoo; kupenda; kufenza
● Maricho: kudyara, kurimira vamwe, kuvasakurira uye kukohwa
● Kugadzira pamba uye kutarisira miti nemaruva: pamahofisi, pabhengi, pazvitoro kana pamahotera
● Kutarisira nzvimbo: kuchengeta mafurati, kuchengeta zvivako (pamwe pacho iwe wacho uri kuchengeta unowana pokugara pausingabhadhari)
● Kuisa kapeti uye kuichenesa
● Kutengesa mapepanhau (vakuru uye vaduku) uye kuendesa zvimwe zvinhu zvakadai semapepa ekuti vanhu vabhadhare magetsi kana mvura
● Kubatsira vanenge vachitama
● Basa romugadheni, kuchekerera miti, kucheka roni uye kutema huni
● Kutora mapikicha (pamwe pacho pazviitiko zveruzhinji)
● Kutengesa mahwemisi kana zvokubatisa hove kune vanoredza
Kuti uwane mamwe mashoko ona Mukai yaMarch 8, 1996, mapeji 3-11.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 25]
ZVIMWE ZVAUNGAITA URI PAMBA
Ongorora zvinhu zvinodiwa munzvimbo yaunogara. Bvunza vavakidzani. Tanga iwe kutsvaka-tsvaka
● Kuchengeta vana
● Kurima muriwo, madomasi kana maruva uchitengesa; kutengesa madhiringi
● Kusona
● Kubheka uye kubika zvokudya
● Kukirosha, kuruka; kuumba; nezvimwewo
● Kuwedzera masitafu pazvigaro kuti apfavirire
● Kutaipira vanhu uri kumba
● Kugadzira musoro
● Kurojesa dzimwe dzimba
● Kuchengeta uye kutengesa huku
● Kugeza motokari uye kushainisa mavhiri adzo
● Kutarisira zvipfuyo
● Kugadzira zvimai zvemakiyi uye makiyi acho
Cherechedza kuti: Pamabasa akawanda ataurwa nezvawo pamusoro apa, unogona kushambadzira aunogona pamabhodhi emashoko ezvitoro usingabhadhari.