Mawaniro Angaita Vechiduku Rubatsiro
Munyika yakanaka chaizvo, vabereki vose vaizogara vachirayiridza uye vachidzidzisa vana vavo norudo. Vaizotaura navo, vaizoverenga navo, vaizodya navo, uye vaizovanzwisisa. Asi vabereki vanhuwo vanotadza. Bhaibheri rinotaura zvakakodzera kuti: “Vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari.”—VaRoma 3:23.
Kana uri wechiduku, ungafunga kuti mararamiro ako kumba haana kumbonaka—uye ichocho chingava chokwadi. Asi, pane zvakawanda zvaungaita kuti usanyanya kuzvidya mwoyo uye kuti uwedzere kufara kwaunoita. Ona kumwe kubatsirwa kwaungaita nokushandisa zvinotaurwa neBhaibheri.
Zano Rokutanga
Sarudza Kushamwaridzana Nevamwe Pane Kuva Zindoga
“Munhu anozviparadzanisa nevamwe achazvitsvakira zvaanoda zvoudyire; acharwa nouchenjeri hwose hunobatsira.” (Zvirevo 18:1) Vamwe vechiduku vanonzwa vakasungika pane vamwe uye vanoona zviri nyore kuona terevhizheni kana kuti kutamba mutambo wevhidhiyo. Vamwe vanonyara zvisingaiti, zvokuti vanova vanazindoga. Musikana wechiduku anonzi Elizabeth anotsanangura kuti “ndinongogara ndichinyara.” Anoti: “Kunyara kwandinoita kwakafanana nokutya. Zvakandiomera chaizvo kuenda kunotaura nevamwe.”
Elizabeth anorarama sei nedambudziko rake rokunyara? Iye mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye sechimwe chezvinhu zvaanoita pakunamata, anogara achienda kumisangano yechiKristu. Elizabeth anoti: “Pasinei nokunyara kwandinoita, ndinovavarira kutaura nemunhu mumwe chete pamusangano woga woga. Ndikakundikana, ndinoedza kusaora mwoyo. Pane kudaro, ndinoisa pfungwa dzangu pane zvandinobudirira kuita. Ndinoona kuti zvechokwadi ndakabatsirwa nokuziva vamwe.”
Wadii kunyora mazita maviri kana matatu evanhu vaungada kuziva zviri nani? Muvhiki imwe inotevera kana kuti kupfuura, vavarira kudzidza chimwe chinhu chitsva nezvemumwe wavo. Zvadaro, nyora pasi chinhu chimwe chete chakanaka chaungada kuitira mumwe nomumwe wevanhu ava mumwedzi unotevera, wobva wachiita.—Mabasa 20:35.
Kana ukazvivharira mumba pamusana pematambudziko uye kusada kuonana nevamwe, uchaguma wava kunyanya kuva nehanya noupenyu hwako kupfuura zvaunofanira kuita. Pane kudaro, Bhaibheri rinotirayira kuti ‘tisaramba tichiva nehanya nezvinhu zvatinoda isu pachedu, asi kuti tive nehanya nezvinhu zvinodiwawo nevamwe.’ (VaFiripi 2:4) Kana ukashandisa izvozvo paukama hwako nevaya vari mumhuri mako uye nevamwewo, uchaona matambudziko ako zviri pakati nepakati wobva waagadzirisa zviri nani.
Zano Rechipiri
Tiza Unzenza
“Tiza unzenza. Zvimwe zvivi zvose zvinoitwa nemunhu zviri kunze kwemuviri wake, asi iye anoita chivi chounzenza, anotadzira muviri wake.” (1 VaKorinde 6:18, New International Version) Ungadzivisa sei kumanikidzwa kuita unzenza, ihwo huchiitwa nevaduku vakawanda kudai?
Kutanga, unofanira kufanofunga nezvenyaya iyi usati wasangana nemamiriro ezvinhu angakuedza kana kukumanikidza kuita unzenza. Chimwe chirevo chouchenjeri chinoti “Munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake.” (Zvirevo 14:15) Mumwe musikana wokuSouth Africa anonzi Mbali, anoti: “Kusekondari, ndaigara ndichipfimbwa nemumwe mukomana womukirasi yangu. Vasikana vomukirasi yangu vaindimanikidza kuti ndifambidzane naye nokuti akanga akanaka chaizvo, aiita basa rokushambadzira zvipfeko akazvipfeka uye aiva mutimu yebhora yechikoro. Ndakafunga kuti aitora mwoyo, asi ndakanga ndatosarudza kuramba ndakaomerera patsika dzangu. Vezera rangu vaifunga kuti kuita zvepabonde musingavimbisani kuroorana kwakanga kusina kuipa. Asi ndaiziva kutsauranisa zvakarurama nezvakaipa uye ndakanga ndagara ndasarudza zvandaizoita ndisati ndasangana nemamiriro aya ezvinhu.”
Chechipiri, nyengetera kuti Mwari akubatsire kuramba uchiteerera mitemo yake yetsika. Mumwe wechiduku wokuEngland anonzi Maggie, anoti: “Kunyengetera kunondibatsira kuva nesimba randinoda pandinenge ndichimanikidzwa kuita zvepabonde. Handifungi kuti ndingakunda pamamiriro ezvinhu akadaro ndoga. Ndinotaurawo nevabereki vangu nezvenyaya yacho uye dzimwe nguva ndinokurukura dambudziko racho neshamwari dzabva zera.”
Zano Rechitatu
Nzwira Tsitsi Vabereki Vako
“Imi mose ivai nokufunga kwakafanana, muchinzwirana ngoni, muchidanana kwazvo sehama, muchinzwirana tsitsi kwazvo.” (1 Petro 3:8) Haugoni kuita kuti vabereki vako varege kuparadzana kana kuti vose vasaenda kubasa zuva rose. Asi zviri kwauri kubvumira matambudziko akadaro kukanganisa ukama hwako navo. Imwe nzira yokudzikisa kuzvidya mwoyo kwaunoita wowedzera kufara ndeyokunzwira tsitsi vabereki vako nokuedza kunzwisisa matambudziko avanosangana nawo.
Mumwe wechiduku anonzi Amber akashandisa zano iri. Anobvuma kuti, pane dzimwe nguva anonetsana chaizvo naamai vake, havanzwisisani, uye vanoshatirisana. Asi anoti, “Amai vangu vakatsungirira zvinhu zvakawanda chaizvo muupenyu hwavo. Vakarera vana vanokwana vana vari voga. Vakagara vachitipa pokugara, zvokudya, uye zvokupfeka. Zvechokwadi ndinoyemura kushinga kwavo, uye ndinovimba kuti ndichatsungawo saizvozvo pandichasangana nedambudziko.”
Kana ukavavarira kunzwisisa mamiriro ezvinhu evabereki vako uye kunzwa sezvavanoita, zvingakubatsira kuona matambudziko ako zviri pakati nepakati. Kuita izvozvo kungakubatsirawo kuona uye kutevedzera unhu hwakanaka hwevabereki vako.
Bhaibheri Rine Mazano Akavimbika
Mazano ari pamusoro apa anongova muenzaniso weuchenjeri hunobatsira huri muShoko raMwari, Bhaibheri. Sezvaunodzidza zvakawanda nezvebhuku iri, uchaona kukosha kwemazano arinopa.a
Imwe nzira yokudzidza nayo zvakawanda nezveBhaibheri ndeyokushamwaridzana neZvapupu zvaJehovha uye kuridzidza nazvo. Pavanhu ava uchawana shamwari dzechokwadi dzichakutsigira panguva yakaoma uye dzichakubatsira kushandisa zano reBhaibheri rouchenjeri muupenyu hwako. Zvechokwadi, kuita zvinotaurwa neBhaibheri muupenyu hakusi nyore. Asi kana ukasarudza kurarama saizvozvo, uchabatsirwa nokusingaperi.—Isaya 48:17, 18.
[Mashoko Omuzasi]
a Bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, rine mazano akanaka chaizvo anobva muBhaibheri anobatsira vechiduku kukunda matambudziko avanosangana nawo. Mashoko akafanana anobudiswawo paIndaneti pawww.watchtower.org/ype.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 8, 9]
Zvinodiwa Nevari Kuyaruka Kuvabereki
Nguva: Jehovha Mwari akaudza vabereki vomuIsraeri kuti vaifanira kugara vachitaura nevana vavo—‘pavaigara mumba mavo nepavaifamba mumugwagwa.’ (Dheuteronomio 6:6, 7) Izvi zvinoda kuti vabereki vapedze nguva nevana vavo. Zviri pachena kuti Jesu akaona kuti aifanira kupedza nguva nevana. Somuenzaniso, apo “vanhu vakatanga kuuya nevana vaduku kwaari kuti avabate,” Jesu akaita sei? “Akagumbatira vana mumaoko ake, akatanga kuvakomborera.” (Mako 10:13, 16) Iwoyo muenzaniso wakazonaka kuvabereki!
Kunyatsokurukurirana Vasingavanzirani: Bhaibheri rinoti: “Pasina kurangana, zvirongwa hazvibudiriri.” (Zvirevo 15:22) Vana venyu pavaiva vaduku zvaikosha kurangana navo. Zvinotonyanya kukosha panguva yavanenge vachiyaruka, pavangangopedza nguva shoma vari pamba uye yakawanda vaine shamwari dzokuchikoro kana kuti vamwe. Kana pasina kurangana, kureva kukurukurirana kwevana nevabereki vasingavanzirani, vana vari kuyaruka vanova sevaeni pamba.
Kurangwa Zvakakodzera: Kuranga kunonyanya kureva kururamisa uye kudzidzisa—kunyange zvazvo panichi ingadiwa. Zvirevo 15:5 inoti, “Benzi hariremekedzi kuranga kwababa varo, asi munhu anobvuma kutsiurwa ane njere.” Mwana ari kuyaruka ‘haangabvumi kutsiurwa’ iye asingatsiurwi. Chokwadi, vabereki pavanenge vachiranga vana vari kuyaruka, vanofanira kuva pakati nepakati. Vanofanira kudzivisa kuomesa zvinhu zvokuti vanoshungurudza vana vavo, zvichida kunyange kuita kuti vasava nechivimbo. (VaKorose 3:21) Asi, vabereki havafaniri kuregerera vana vavo votadza kunyatsovadzidzisa. Kuvaregerera kungava nemigumisiro yakaipa.b
[Mashoko Omuzasi]
b Kuti uwane mamwe mashoko ona chitsauko 5 ne6 mubhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.