RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g08 October pp. 12-14
  • Kushamisa Kunoita Chibage

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushamisa Kunoita Chibage
  • Mukai!—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Chinotaura” Newe
  • Muchekechera, Panobva Mukume uye Rebvu
  • Chakapararira Nenyika Yose Chichibva kuMexico
  • Mbeu Ine Mabasa Akawanda
  • Mitambo Yokukohwa Inofadza Mwari Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Matambudziko Ari Kutarisana Nevarimi
    Mukai!—2003
  • Makemikoro Anouraya Tupukanana Haangourayi Zvipembenene Chete
    Mukai!—1999
Mukai!—2008
g08 October pp. 12-14

Kushamisa Kunoita Chibage

KWEMAKORE akawanda Harlin aive murimi wechibage kunzvimbo inonzi Finger Lakes mudunhu reNew York kuAmerica. Ainakidzwa nekutsanangurira shamwari nevashanyi kushamisa kunoita chibage. Vanyori veMukai! vakakumbira Harlin kuti apakurire vaverengi ruzivo rwaanarwo. Tichatarisawo kumwe kushamisa kunoita chibage. Semuenzaniso, chibage chakabva nekupi? Chakasvika sei kune dzimwe nyika? Uye basa racho nderei? Tisati tapindura mibvunzo iyi, ngatimbokurukurai zvinotaurwa naHarlin nezvekushamisa kunoita chibage.

“Chinotaura” Newe

“Kwandiri, pachibage pane unyanzvi nemasvomhu anotyisa. Kubva kumashizha kusvika kutsanga yega yega iri pamuguri, zvose zvakarongwa zvokuti hapana remuromo. Uyezve, pachinenge chichikura, ‘chinotaura’ newe. Chinokuudza kana chiine nyota kana kuti muvhu hamuna chikafu. Mwana anochema kana paine zvaanenge achida. Sezvinoita zvimwe zvirimwa zvizhinji, chibage chiri kukura chinokuratidza zvachiri kuda neruvara rwemashizha kana kuti nekuondoroka kwacho. Chinokosha kunzwisisa zvazvinoreva.

“Mashizha akatsvukuruka achienda kuruvara rwepepuru anoratidza kuti muvhu hamuna fosifeti iyo inowanika mufotereza. Zvimwe zvingaratidzawo kuti muvhu hamuna maginiziyamu, naitirojeni, kana kuti potashi. Murimi anokwanisa kuonawo nemaziso kana chibage chake chiri kurwara kana kuti chakapiswa nemishonga.

“Sezvinoita vamwe varimi vose vechibage, ndaidyara muchirimo, nokuti kudziya kunenge kuchiita ivhu kunomeresa mbeu. Papera mwedzi mina kusvika kumitanhatu, chibage changu chainge chanyatsokura, chareba anenge mamita maviri.

“Chibage chinokura mumatanho anokwanisa kuzivikanwa nekuverenga mashizha acho. Pachinenge chasvika padanho remashizha mashanu, ndipo panouya unyanzvi hwacho hwekushandisa makemikari ne“masvomhu.” Chekutanga, midzi inoongorora zvakaita ivhu. Zvinobuda ipapo ndizvo zvinotema kuti chichava nemuguri wakakora zvakadii uko kunopimwa nekuwanda kwemizera inenge iri pamuguri wacho. Zvadaro, chava nemashizha ari pakati pe12 ne17, chinoongororazve ivhu kuti chiteme kuti muguri wova netsanga ngani. Muchidimbu, chibage chimwe nechimwe chinoedza kubereka zvakanakisisa zvachinokwanisa maererano nechikafu chinenge chiri muvhu. Humwe uchapupu hwekushamisa kunoita chibage hwakaoma kunzwisisa huri pane zvinoitika kuti chizova nevana.”

Muchekechera, Panobva Mukume uye Rebvu

“Chibage chega chega chirume uye chikadzi. Muchekechera ndiwo murume. Iwo une zvinogadzira mukume zvingasvika kuma6 000. Izvi zvinobudisa mamiriyoni emukume padzinde rega rega. Watakurwa nemhepo, mukume unonoberekesa mazai echibage chiri pedyo nokusvikopinda muchisvo kana kuti chihara (mwana wechibage achangotanga kutunga). Mazai acho anenge ari muchihara.

“Ko mukume unosvika sei kune mazai? Unofamba nemurebvu. Rebvu maruva akaita tambo tambo anomera pamuguri wechibage kana chichiri kukura. Muguri unenge uine rebvu rakawanda chaizvo. Kana ukatevedza kunenge kuchibva rebvu rimwe nerimwe, unosvika kunenge kuine zai. Rebvu rega rega rine zai raro. Uyewo, zai rega rega rinobereka tsanga imwe chete.

“Chikamu cherebvu ratinoona chine tumvere. Mukume paunenge uchipupurutswa unosvikonamira patumvere utwu. Kana mukume wangonamira parebvu, unoita kamudzi kanotevedza rebvu kachinoberekesa zai.

“Kana chibage chikaita daranganwa zvinoreva kuti rimwe rebvu harina kunamira mukume, zvichida nokuti rakatadza kukura nenguva. Zvingakonzerwawo nevhu rakaoma. Saka kana murimi achiziva zviratidzo izvi, kazhinji zvingangomubatsira kugadzirisa dambudziko racho owedzera goho rake—kana zvaramba pazvirimwa zviri mumunda, zvingazodaro pane zvinotevera. Zvimwe zvandaiita kuti ndiwedzere goho rangu kwaiva kuti ndikarima chibage mumunda uyu, gore rinotevera ndoisa soyabhinzi imomo. Soyabhinzi rudzi rwembesa dzinowedzera naitirojeni kuvhu uye hadzidyiwe negonye rinoparadza zvirimwa.a

“Zvinondifadza kwazvo kuona munda wanga usina chinhu uchitanga kusvibira pachizobuda goho rakakura, zvose izvi zvichiitika chinyararire, zvinoyevedza uye pasina kusvibiswa kwezvakatipoteredza. Handina mubvunzo kuti sezvakaita zvimwe zvirimwa, chibage chakasikwa zvinoshamisa. Uye zvandakadzidza kanongova kachikamu kadiki-diki.”

Zvataurwa naHarlin zvaita kuti ude kuziva zvimwe nezvechirimwa ichi chinoshamisa here? Funga nezvenhoroondo yacho uye zvinhu zvakasiyana-siyana zvatinoita nacho.

Chakapararira Nenyika Yose Chichibva kuMexico

Chibage chakatanga kurimwa munyika dzokuAmerica, zvichida muMexico, ndokuzopararira chichibva ikoko. Vanhu vekuPeru vakararama vaInca vasati vava kutonga, vainamata mwarikadzi wechibage aiva akapfeka ngundu yemiguri yaitenderera musoro kunge maspokisi. Joseph Kastner munyori wezviwanikwa anotaura kuti maIndia ekuAmerica “ainamata [chibage] sechinhu chakagadzirwa navanamwari, chinovawo chinhu chakagadziriswa munhu . . . Chaisadhura kurima—dzinde rimwe chete raipa munhu zvokudya zvezuva rimwe chete.” Zvisinei, vagari veikoko vaizodyawo bhinzi, idzo dzichiri kungodyiwa nevanhu vekuLatin-America.

Munyika dzekuEurope chibage chakazozivikanwa muna 1492 Christopher Columbus paakasvika kuzvitsuwa zveCaribbean. Mwana waColumbus ainzi Ferdinand akanyora kuti baba vake vakaona tsanga “dzavanoti chibage uye dzinonaka chaizvo dzafashaidzwa, dzagochwa kana kuti dzakuyiwa kuva upfu.” Columbus akaenda nembeu yacho kumusha kwake, uye Kastner anonyora kuti “pakazosvika makore ekuma1550 [chibage] chakanga chava kurimwa kwete bedzi muSpain, asiwo muBulgaria neTurkey. Vaiita zvekutenga nekutengesa nhapwa vakauya nechibage kuAfrica . . . Varume vaifamba naMagellan [muSpanish akaberekerwa kuPortugal] vakasiyawo iyi mbeu yekuMexico kuPhilippines nekuAsia.” Chibage chakabva chatanga kushandiswa nenzira dzakasiyana-siyana.

Mazuva ano, pazvirimwa zverudzi urwu, chibage chiri panzvimbo yechipiri munyika yose. Gorosi ndiro riri pekutanga. Mupunga uri pechitatu. Zvitatu izvi ndizvo zvinodyiwa neruzhinjisa rwemarudzi evanhu tisingataure hedu zvipfuyo.

Sezvakaita zvimwe zvirimwa zvemumhuri iyi, chibage chine marudzi akasiyana-siyana. Kutaura zvazviri, kune marudzi anodarika 1 000, kusanganisira aya akaita zvekuuchikwa anowanika muUnited States chete. Kureba kwacho kunosiyana-siyana kubva pamasendimita 60 kusvika kunhungamakore dzakareba mamita 6! Miguri yakarebawo zvakasiyana-siyana. Mimwe yakangoreba masendimita mashanu, mimwe matanda chaiwo akareba masendimita 60. Rimwe bhuku rinotaura nezvekubika muLatin America rinoti mamwe marudzi echibage chekuSouth America anobereka miguri yakakura chaizvo zvekutoenzana nepopo hombe, iine tsanga dzakafara uye dzakareba masendimita 2,5.

Chibage chine mavara akasiyana-siyana. Kunze kwekuva chekenya, chingava chitsvuku, chebhuruu, chepingi, kana kuti chitema. Pamwe muguri ungatoita tsanga dzine mavara akasiyana-siyana. Saka zvinonzwisisika kuti dzimwe nguva chibage chakadaro hachipinde mupoto asi chinopedzisira chava kushongedza mumba.

Mbeu Ine Mabasa Akawanda

Mhando dzechibage dzinoiswa mumarudzi makuru matanhatu anoti: chine kakomba kumusana, chine tsanga dzakaomarara, chinowanzoitwa upfu, chinotapira, chine mafuta, uye chemaputi—popukoni. Chibage chinotapira chishoma zvikuru. Kutapira uku kunobva pakuti chinochinja shuga shoma kuti ive sitachi. Pasi rose, goho rechibage rinopfuura 60 muzana nderechikafu chezvipfuyo uye rinongova pasi pe20 muzana ndiro rinodyiwa nevanhu. Chinosara chinoshandiswa nemaindasitiri kana kuti chinoitwa mbeu. Zvechokwadi, izvi zvinoenderana nenyika yega yega.

Mabasa echibage haaperi. Mbeu yacho kana zvinenge zvabviswa pairi zvingagadziriswa zvinonama, hwahwa, manapukeni anonzi mapambazi zvichingodaro. Chibage chava kutoshandiswawo pakugadzira mafuta ekufambisa motokari—kunyange zvazvo paine makakatanwa panyaya iyi. Kutaura chokwadi, hatisati tava kuziva mabasa ose angaitiswa chirimwa chinoshamisa ichi.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya inoti “Was It Designed? An Amazing Union in the Soil,” iri papeji 25 muAwake! yaAugust 2008.

[Bhoksisi riri papeji 13]

Chibage Chakauchikwa

Munyika zhinji, varimi vechibage vanorima mbeu dzakauchikwa nokuti vanoda kukohwa pakuru. Mbeu dzakauchikwa dzakasiyana-siyana, kunyanya dziya dzechibage chine kakomba kumusana, dzinowanikwa nokuita kuti mamwe marudzi aberekesane kuti pabude mbeu inenge ichidiwa. Zvisinei, maitiro aya anoita kuti varimi vatenge mbeu gore negore. Nemhosva yei? Kudyara mbeu inobva pane zvinenge zvakohwewa kunoita kuti murimi asawane goho rakanaka.

[Mifananidzo iri papeji 12]

Pasi rose pane marudzi echibage akasiyana-siyana

[Kwazvakatorwa]

Courtesy Sam Fentress

Courtesy Jenny Mealing/flickr.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe