Mubvunzo Wakaomesesa
“NEI?” Zvinosiririsa kuona kuti kushushikana nemarwadzo zvinotaurwa mushoko riri nyore irori. Vanhu vanowanzobvunza mubvunzo iwoyo pashure pokunge njodzi kana tsaona zvaitika: Dutu rinopfuura nomune imwe nharaunda, richisiya raparadza nokuuraya sezvarinopfuura. Kudengenyeka kunoita kuti guta rive murwi wamarara. Kurwisa kwemagandanga kunochinja zuva rakanaka kuva rinotyisa uye remhirizhonga. Kana kuti tsaona inokuvadza kana kuuraya munhu watinoda.
Kakawanda, vanowanzotambura vanosanganisira vaya vasina mhosva uye vasingagoni kuzvidzivirira. Nguva pfupi ichangopfuura, kwava kune njodzi dzakadaro, zvichiita kuti vanhu vakawanda vacheme kuna Mwari vachiti, “Nei?” Chimbofunga mimwe mienzaniso:
◼ “Mwari, nei makatiitira izvi? Chii chatakaita kuti mutsamwe?” Nyaya yeReuters yakati mumwe mudzimai achembera muIndia akabvunza mibvunzo iyoyo pashure pokunge tsunami yaparadza ruwa rwake.
◼ “Mwari aiva kupi? Kana Mwari ari iye ane simba rokudzora zvinhu zvose, nei Mwari akabvumira kuti izvi zviitike?” Iyi mibvunzo yakabvunzwa nerimwe pepanhau muTexas, U.S.A., pashure pokunge mumwe murume aridzira pfuti muchechi, achikuvadza uye kuuraya vanamati vanoverengeka.
◼ “Nei Mwari akabvumira kuti afe?” Mumwe mukadzi akabvunza mubvunzo uyu pashure pokunge kenza yauraya shamwari yake, zvichiita kuti murume wacho asare achirera vana vavo vashanu.
Vanhu ava havasi ivo voga vanofunga kuti Mwari ndiye ari kukonzera nhamo dzavo. Somuenzaniso nezvenjodzi dzinongoitika dzoga, nguva ichangobva kupfuura iyi vanosvika hafu yevanhu vaipindura paIndaneti vakati njodzi dzakadai semadutu dzinobva kuna Mwari. Nei vanhu vakawanda kudaro vachifunga izvozvo?
Kuvhiringidzika Kwechitendero
Panzvimbo pokupa mhinduro dzinogutsa, vatungamiriri vezvitendero kazhinji ndivo vanokonzera kuvhiringidzika kwakadaro. Ngationei zvinhu zvitatu pamapinduriro avanowanzoita.
Chokutanga, vatungamiriri vezvitendero vakawanda vanoparidza kuti Mwari anotumira njodzi kuitira kuti arange vanhu vasingateereri. Somuenzaniso, muUnited States, Dutu reKatrina parakaparadza New Orleans, kuLouisiana, vamwe vashumiri vechitendero vakati Mwari akanga aranga guta racho. Vakataura nezvokupararira kwouori, kubhejera uye unzenza. Vamwe vakatonongedzera kuBhaibheri souchapupu, vachitaura nezvenguva apo Mwari akaparadza vakaipa nemafashamo kana kuti nemoto. Zvisinei, kutaura kwakadaro kutsanangura Bhaibheri zvisizvo.—Ona bhokisi rinoti “Mabasa aMwari Here?”
Chechipiri, vamwe vafundisi vanoti Mwari ane zvikonzero zvake zvokuunza matambudziko anowira vanhu asi zvikonzero izvi hatigoni kuzvinzwisisa. Vanhu vakawanda vanowana pfungwa iyi isingagutsi. Vanoshamisika kuti, ‘Mwari ane rudo angaita zvinhu zvakaipa kudaro uye orega kupa chiedza vaya vanoda kunyaradzwa uye vanoteterera vachibvunza kuti, “Nei?”’ Zvechokwadi, Bhaibheri rinoti: “Mwari rudo.”—1 Johani 4:8.
Chechitatu, vamwe vatungamiriri vezvitendero vanofunga kuti zvichida Mwari haana simba uye haana rudo. Zvekare, kutaura kwakadaro kunomutsa mibvunzo inokosha. Iye “akasika zvinhu zvose”—kusanganisira zvinhu zvakakura zvisinganzwisisiki—haakwanisi kudzivisa kutambura panyika ino here? (Zvakazarurwa 4:11) Munhu akatipa pfungwa yokuda, anotsanangurwa neShoko rake kuti ndiye muenzaniso chaiwo worudo, angarega sei kunzwa tsitsi paanoona kutambura kwevanhu?—Genesisi 1:27; 1 Johani 4:8.
Chokwadi, pfungwa idzi nhatu dzabva kutaurwa dzinongova dzimwe nzira idzo vanhu vanoedza kutsanangura kuti nei Mwari achibvumira kutambura—mubvunzo wanga uchivhiringidza vanhu vanga vachiedza kutsvaka mhinduro kwemazana emakore. Munyaya inotevera, tichakurukura zvinodzidziswa neBhaibheri panyaya iyi inokosha yakakodzera nguva. Sezvauchaona, zano rakanaka reBhaibheri rinobvisa kuvhiringidzika uku. Uyezve, Bhaibheri rinonyaradza chaizvo vose vakatambura netsaona muupenyu hwavo.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 4]
Mabasa aMwari Here?
Bhaibheri rinombodzidzisa kuti Mwari ndiye anokonzera njodzi dzinongoitika dzoga dzatinoona nhasi here? Kana! Kutonga kwaMwari sezvinotsanangurwa muBhaibheri kwakasiyana nenjodzi dzinongoitika. Somuenzaniso, Mwari anosarudza, anoona zvakaita mwoyo womumwe nomumwe uye anoparadza vaya chete vaanoti vakaipa. (Genesisi 18:23-32) Uyezve, Mwari anotanga anyevera, achipa vakarurama mukana wokuti vatize.
Asiwo njodzi dzinongoitika dzoga, dzinongoitika nenyevero shoma kana kuti pasina nyevero, uye dzinouraya uye kukuvadza dzisingasarudzi. Neimwe nzira, vanhu vakaita kuti njodzi dzakadaro dziwande nokuparadza masango uye nokuvaka munzvimbo dzisingatani kudengenyeka, kuita mafashamo, uye dzine mamiriro okunze akaipisisa.
[Kwazvakatorwa]
SENA VIDANAGAMA/AFP/Getty Images
[Mufananidzo uri papeji 4]
Vatungamiriri vezvitendero vakapa mhinduro dzinovhiringidza dzakasiyana-siyana