RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g06 January pp. 30-31
  • Bhaibheri Rinozvidza Vakadzi Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinozvidza Vakadzi Here?
  • Mukai!—2006
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Maonerwo Anoitwa Vakadzi muMagwaro echiHebheru
  • Kuzviisa Pasi Kuzvidzwa Here?
  • Mwari Ane Hanya Nevanhukadzi Zvechokwadi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mwari Ane Hanya Nevanhukadzi Uye Anovaremekedza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Murume Nomukadzi—Mumwe Nomumwe Ane Basa Rinokudzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • “Vakadzi Vanoshanda Zvakaoma munaShe”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Mukai!—2006
g06 January pp. 30-31

Zvinotaura Bhaibheri

Bhaibheri Rinozvidza Vakadzi Here?

TERTULLIAN, imwe nyanzvi yezvitendero yomuzana remakore rechitatu, akamborondedzera vakadzi achiti “ndivo musuo wadhiyabhorosi.” Vamwe vakashandisa Bhaibheri kuti varatidze vakadzi sevasinganyanyi kukosha pane varume. Zvakaguma zvaitika ndezvokuti vanhu vakawanda vanofunga kuti Bhaibheri rinozvidza vakadzi.

Elizabeth Cady Stanton, mumwe aisimudzira kodzero dzevakadzi muzana remakore rechi19 muUnited States akati, “Bhaibheri neChechi ndizvo zvipingamupinyi zvikuru zvinotadzisa vakadzi kuwana rusununguko.” Nezvemabhuku mashanu okutanga eBhaibheri, Stanton akamboti: “Hapana mamwe mabhuku andinoziva anonyatsodzidzisa nezvokuzviisa pasi kwevakadzi uye anovazvidza sezvinoita mabhuku aya.”

Kunyange zvazvo vamwe nhasi vaine maonero okunyanyisa akadaro, vakawanda vachiri kufunga kuti zvimwe zvikamu zveBhaibheri zvinozvidza vakadzi. Zvakarurama here kugumisa nenzira iyi?

Maonerwo Anoitwa Vakadzi muMagwaro echiHebheru

“Uchapanga murume wako, uye achakutonga.” (Genesisi 3:16) Vatsoropodzi vanoti uyu ndiwo mutongo wakapiwa Evha naMwari uye unoratidza kuti Mwari akabvumira mukadzi kuti ave pasi pomurume. Zvisinei, pane kuzivisa chinangwa chaMwari, mashoko aya akarurama anoratidza migumisiro yakaipa yechivi uye yokuramba uchangamire hwaMwari. Kubatwa zvisina kufanira kwevakadzi mugumisiro wakananga wokusakwana kwevanhu kwete wokuda kwaMwari. Chokwadi mutsika dzakawanda vakadzi vave vachitongwa nevarume vavo, kazhinji kacho noutsinye zvikuru. Asi chakanga chisiri icho chinangwa chaMwari.

Vose Adhamu naEvha vakaitwa nomufananidzo waMwari. Uyezve, vakapiwa murayiro wakafanana wakabva kuna Mwari wokuti vabereke, vazadze nyika, uye vaitonge. Vaifanira kushanda pamwe chete. (Genesisi 1:27, 28) Zviri pachena kuti panguva iyoyo hapana aiitira mumwe utsinye. Genesisi 1:31 inoti: “Mwari akaona zvinhu zvose zvaakanga aita uye, tarira! zvakanga zvakanaka kwazvo.”

Dzimwe nguva nhoroondo dzeBhaibheri hadziratidzi maonero anoita Mwari nyaya yakati. Dzingarondedzera nhoroondo yezvakaitika chete. Nhoroondo yaRoti yokupa kwaakaita vanasikana vake kuvanhu veSodhoma inorondedzerwa asi isingatauri nezvokuti zvaitenderwa here mutsika kana kuti zvaifarirwa naMwari here.a—Genesisi 19:6-8.

Chokwadi ndechokuti Mwari anovenga kudzvinyirira nokubata zvisina kufanira chero kupi zvako. (Eksodho 22:22; Dheuteronomio 27:19; Isaya 10:1, 2) Mutemo waMosesi wairambidza kubata chibharo uye upfambi. (Revhitiko 19:29; Dheuteronomio 22:23-29) Upombwe hwairambidzwa, uye vaihuita vaitongerwa rufu. (Revhitiko 20:10) Pane kuzvidza vakadzi, Mutemo waivasimudzira nokuvadzivirira pakudzvinyirira kwakanga kwakapararira kwaiitwa nemarudzi akanga akavapota. Mukadzi wechiJudha aikwanisa airemekedzwa kwazvo uye aikudzwa. (Zvirevo 31:10, 28-30) VaIsraeri pavaitadza kutevera mitemo yaMwari yokuremekedza vakadzi kwakanga kusiri kuda kwaMwari asi yaiva mhaka yavo. (Dheuteronomio 32:5) Somugumisiro, Mwari akatonga uye akaranga rudzi rwacho rwose pamusana pokuramba rusingateereri.

Kuzviisa Pasi Kuzvidzwa Here?

Nzanga ipi zvayo, inogona kuita zvakanaka chete kana zvinhu zvakarongeka. Izvi zvinoda kuti pave nevanotungamirira. Zvikasadaro panova nenyonganyonga. “Mwari haasi Mwari wenyonganyonga, asi worugare.”—1 VaKorinde 14:33.

Muapostora Pauro anorondedzera urongwa hwomusoro mumhuri achiti: “Musoro womurume wose ndiKristu; uyewo musoro womukadzi murume; uyewo musoro waKristu ndiMwari.” (1 VaKorinde 11:3) Munhu wose kunze kwaMwari, anozviisa pasi pevane simba zvikuru. Kuti Jesu ane musoro kunoreva here kuti akazvidzwa? Kwete! Kupiwa kwakaitwa varume basa repaMagwaro rokutungamirira muungano uye mumhuri hakurevi kuti vakadzi vari kuzvidzwa. Kuti mhuri uye ungano zvibudirire, zvinoda kuti vakadzi nevarume vaite basa ravo norudo noruremekedzo.—VaEfeso 5:21-25, 28, 29, 33.

Jesu aigara achiremekedza vakadzi. Akaramba kutevera tsika nemirayiro yaizvidza yaidzidziswa nevaFarisi. Akataurawo nevakadzi vakanga vasiri vaJudha. (Mateu 15:22-28; Johani 4:7-9) Akadzidzisa vakadzi. (Ruka 10:38-42) Akadzivirira vakadzi kuti vasarambwa. (Mako 10:11, 12) Zvichida danho guru raakatora rakachinja zvinhu munguva yaJesu ndepaya paakagamuchira vakadzi kuti vavewo shamwari dzake dzepedyo. (Ruka 8:1-3) Somunhu airatidza unhu hwose hwakakwana hwaMwari, Jesu akaratidza kuti varume nevakadzi vose vakaenzana mukuona kwaMwari. Kutaura zvazviri, pavaKristu vokutanga, varume nevakadzi vose vakagamuchira chipo chomudzimu mutsvene. (Mabasa 2:1-4, 17, 18) Kune vaya vakazodzwa vanotarisira kushumira naKristu semadzimambo nevapristi, hapana musiyano wokuti uyu mukadzi kana kuti uyu murume pavanongomutswa muupenyu hwokudenga. (VaGaratiya 3:28) Munyori weBhaibheri, Jehovha, haazvidzi vakadzi.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona Nharireyomurindi yaFebruary 1, 2005, mapeji 25-6.

[Mufananidzo uri papeji 30]

Kusiyana nevakawanda vairarama mumazuva ake, Jesu airemekedza vakadzi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe