Kuchengetedza Kwaungaita Basa Rako
“Unoona munhu ane unyanzvi pabasa rake here? Iye achamira pamberi pemadzimambo.”—Zvirevo 22:29.
SOKURATIDZA kunoita ndima iri pamusoro apa yomuBhaibheri, vashandi vane unyanzvi vanokosheswa zvikuru. Ndohupi humwe unyanzvi nounhu hunokosheswa uye hunodiwa nevaridzi vemakambani muvashandi vavo? George, mukuru mukuru wekambani inoona nezvevashandi ine vashandi 700, akaudza Awake! kuti: “Mumushandi tinokoshesa kukwanisa kwake kukurukura zvakanaka uye kushanda zvakanaka nevamwe.” Bhaibheri rine zano rinoshandisika rinogona kukubatsira kunatsiridza unyanzvi uhwu, zvobva zvaita kuti uwedzere kuchengetedza basa rako. Chimbofunga mienzaniso iyi.
Taura Nevamwe Zvakanaka
Munyori weBhaibheri Jakobho anoratidza kuti basa romunhu anogona kunyatsotaura nevamwe rinotanga asati ataura. Jakobho akanyora kuti munhu anofanira “kukurumidza kunzwa, anonoke kutaura.” (Jakobho 1:19) Nei zano iri rakanaka? Soromoni akanyora kuti: “Kana munhu achipindura nyaya asati ainzwa, ihwohwo upenzi kwaari uye kuzvinyadzisa.” (Zvirevo 18:13) Zvechokwadi, kunyatsoteerera waunoshandira uye vaunoshanda navo kunogona kudzivisa kusanzwisisana kwokubatsira kusaita zvikanganiso zvoupenzi.
Paunotaura, matauriro ako anokoshawo. Kana ukataura zvakajeka uye zvichinzwika zvakanaka, ungangonzwisiswa, uye izvi zvichaita kuti anenge achiteerera aremekedze zvauri kutaura. Brian, anopa mazano ane chokuita nebasa ambotaurwa munyaya yapfuura, anoti: “Ungashamisika kuziva kuti vanhu vakawanda sei vanobudiswa basa, kwete nokuti havana unyanzvi hwebasa ravo asi nokuti havakwanisi kunyatsotaura nevamwe.”
Shanda Zvakanaka Nevamwe
Pamusana penguva yaunopedza uine vamwe vako, hapana mubvunzo kuti uchasvika pakunyatsovaziva. Saka unganzwa uchida kuvanyeya, uchingotaura zvikanganiso zvavo. Zvisinei, zano reBhaibheri nderokuti ‘uvavarire kugara wakanyarara, uchiva nehanya nezvinhu zvako woga.’ (1 VaTesaronika 4:11) Kana ukaita izvi, hauzovi nomukurumbira woku“pindira munyaya dzevamwe vanhu.” (1 Petro 4:15) Uyezve, hauzotambisi nguva uye kukonzera kupesana nevaunoshanda navo.
Kana ukakumbirwa kuti uite basa, yeuka zano rouchenjeri raJesu rinoti: “Kana mumwe munhu ane simba akakumanikidza kuti uite basa kwemaira imwe chete, enda naye kwemamaira maviri.” (Mateu 5:41) Jesu akanga achitaura nezvevane simba muhurumende, asi mashoko aya chokwadi anoshanda kumabasa. Kana ukava nomukurumbira wokuti uri munhu anoshanda nesimba—munhu anoita zvakawanda kudarika zvaanenge akumbirwa—ungangochengetedza basa rako. Chokwadi, waunoshandira ane paanofanira kugumira pane zvaanokukumbira. Jesu akataura kuti munhu anofanira kudzorera “Zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” (Mateu 22:21) Pano Jesu akaratidzawo kuti vaya vari munzvimbo dzine chiremera havafaniri kubvumirwa kukanganisa zvinhu zvinokosha zvikuru, zvakadai sokunamata.
Iva Akavimbika
Imwe ongororo yemakambani anodarika 1 400 yakaratidza kuti varidzi vemakambani vazhinji vacho vakati “kuvimbika nokutendeka ndihwo unhu hwavanoyemura chaizvo pane vose vanenge vachida basa.” Zviri pachena kuti kuva akavimbika kunosanganisira kusabira waunoshandira mari yake kana zvinhu zvake. Kunorevawo kusaba nguva. Imwe ongororo yakaitwa neimwe kambani yezvemabasa yakawana kuti kambani imwe neimwe inobirwa nguva inosvika avhareji yemaawa mana nemaminitsi 15 vhiki yoga yoga. Kuwedzerawo pakuba nguva, mbavha dzenguva idzi dzaigara dzichinonoka kubasa, dzichikurumidza kukumuka, uye kuita nyaya chaizvo nevamwe vashandi dziri pabasa.
Bhaibheri rinopa zano rokuti: “Anoba ngaachirega kubazve, asi ngaashande nesimba, achiita basa rakanaka nemaoko ake.” (VaEfeso 4:28) Uyezve, Shoko raMwari rinokurudzira vaKristu kuti vashande nesimba, kunyange zvazvo vakuru vakuru vavo vangave vasingavaoni. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Teererai vaya vari vanatenzi venyu panyama muzvinhu zvose, kwete kushanda pamunenge muchionekwa, sevanhu vanofadza vanhu, asi nomwoyo wose, muchitya Jehovha.” (VaKorose 3:22) Kana uine mukurumbira wokushanda zvakanaka—kunyange paunenge usina ari kukutarisa—uri mushandi angavimbwa.
Ona Zvinhu Sezvazviri
Bhaibheri rakafanotaura nenzira yakarurama kuti nguva yedu ichange iine zvinetso uye yakaoma kubata nayo. (2 Timoti 3:1) Kusadzikama kwezvinhu mune zvematongerwo enyika uye munzanga, zvechokwadi kwaizoguma nokusamira zvakanaka kwezvoupfumi. (Mateu 24:3-8) Saka, kunyange ukashandisa mazano ari pamusoro apa, basa rako ringangopera zvakare.
Zvisinei, kushandisa mashoko eBhaibheri kunogona kukubatsira kuderedza kuzvidya mwoyo kunokonzerwa nokubudiswa basa. Jesu akati: “Kana Mwari achipfekedza zvinomera zvomusango saizvozvo, zviripo nhasi uye mangwana zvinokandwa muchoto, haangatokupfekedzei kwazvo here, imi vane kutenda kuduku? Naizvozvo musambozvidya mwoyo muchiti, ‘Tichadyeiko?’ kana, ‘Tichanweiko?’ kana, ‘Tichapfekeiko?’ . . . Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi.”—Mateu 6:30-32.
Kufanana nemamiriyoni ari munyika yose, Ericka ambotaurwa, akawana kuti mashoko ari pamusoro apa ndeechokwadi. Anogumisa manzwiro ake achiti: “Ndinonakidzwa chaizvo nebasa randiri kuita iye zvino. Asi ndava kuziva kuti zvinhu zvinogona kuchinja. Kunyange zvakadaro, nokushandisa mashoko eBhaibheri uye nokuvimba naJehovha, ndakadzidza nzira yokuderedza nayo kuzvidya mwoyo pandinenge ndisina basa uye kuwedzera kugutsikana nebasa randinenge ndawana.”
[Mufananidzo uri papeji 10]
Kusateerera pamisangano kunogona kuita kuti upererwe nebasa rako