RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g05 October pp. 12-14
  • Ndingaitei Kuti Ndisashamwaridzane Nevanhu Vasina Kunaka?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingaitei Kuti Ndisashamwaridzane Nevanhu Vasina Kunaka?
  • Mukai!—2005
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ishamwari Dzorudzii Dzakanaka?
  • Ushamwari Hunoitwa Pakati pomuKristu nomuKristu
  • Kushamwaridzana Nomunhukadzi
  • Ngwarira va“Epikuro”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Ida Vaya Vanodiwa naMwari
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Kuroorana Chipo Chinobva Kuna Mwari Ane Rudo
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Kugadzirira Nokuda Kweroorano Inobudirira
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
Ona Zvimwe
Mukai!—2005
g05 October pp. 12-14

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndingaitei Kuti Ndisashamwaridzane Nevanhu Vasina Kunaka?

“Ndakatanga kutamba nomumwe musikana kuchikoro. . . . Akanga asingashandisi zvinodhaka, asingaendi kumapati oupengo, kana kuita zvounzenza. Akanga asingatauri zvinonyadzisira, uye aigona chaizvo muchikoro. Asi hapana mubvunzo kuti akanga ari shamwari yakaipa.”—Beverly.a

NEI Beverly akazofunga zvataurwa pamusoro apa? Iye zvino ava kuziva kuti musikana uyu akamufurira kuti ave netsika dzisina kunaka. Beverly anotsanangura kuti: “Sezvandairamba ndichishamwaridzana naye, ndakatanga kuverengawo mabhuku ane chokuita nemidzimu, uye ndakatombonyora nyaya ine chokuita nezvemidzimu.”

Wechiduku anonzi Melanie akafurirwawo kuita misikanzwa—asi nomumwe munhu aiti muKristu! Ungaziva sei kana mumwe munhu achizova shamwari yakanaka? Kushamwaridzana nevanhu vasinganamati kune ngozi nguva dzose here? Ushamwari hunoitwa pakati pomuKristu nomuKristu hwakanaka nguva dzose here?

Zvakadini nokushamwaridzana nomunhukadzi? Kana uri kutarisira kuroora mumwe munhu, ungaziva sei kana kudanana kwenyu kuchizova kwakanaka? Ngationei kuti Bhaibheri ringatibatsira sei kupindura mibvunzo iyi.

Ishamwari Dzorudzii Dzakanaka?

Chokwadi chokuti waaidzidza naye akanga asinganamati Mwari wechokwadi chaifanira kuita kuti Beverly azeze kushamwaridzana naye here? Kutaura zvazviri, vaKristu vechokwadi havafungidziri kuti munhu akaipa kana kuti ane tsika dzakashata nemhaka bedzi yokuti havanamati naye. Asi kana toreva nezvokutanga ushamwari hwakasimba, pane chikonzero chokuva anongwarira. Muapostora Pauro akayambira vaya vaiva muungano yeKorinde yomuzana remakore rokutanga kuti: “Kushamwaridzana nevanhu vakaipa kunoodza tsika dzakanaka dzomunhu.” (1 VaKorinde 15:33, Bhaibheri Rinoera) Airevei?

Vamwe vevaKristu vomuKorinde vangangodaro vaishamwaridzana nevaEpikuro, vateveri vomuzivi wechiGiriki ainzi Epicurus. Panguva iyoyo, Epicurus aidzidzisa vateveri vake kurarama zvinoenderana netsika dzakanaka, ushingi, kuzvidzora, uye kururamisira. Akatovakurudzira kusaita zvakaipa pachivande. Saka nei Pauro aizoona vaEpikuro, uye kunyange vaya vaiva muungano vaine pfungwa dzakafanana nedzavo, se‘shamwari dzakaipa’?

VaEpikuro vakanga vasinganamati Mwari wechokwadi. Sezvo vakanga vasingadaviri kumuka kwevakafa, vaingofunga kuita zvose zvavaikwanisa muupenyu hwazvino. (Mabasa 17:18, 19, 32) Saka, hazvishamisi kuti nemhaka yokushamwaridzana nevanhu vakadaro, vamwe vaiva muungano yeKorinde vakanga vatanga kusava nechokwadi nenyaya yokumuka kwevakafa. Ndosaka muna 1 Vakorinde chitsauko 15—umo matinowana kuyambira kwaPauro nezveshamwari dzakaipa—makazara mashoko aiita kuti vaKristu ivavo vepakutanga vatende zvakare chokwadi chetariro yokumuka.

Tinodzidzei? Kunyange vanhu vasinganamati Mwari vanogona kuratidza unhu hwakanaka. Asi ukasarudza kuti vave shamwari dzako dzapedyo, pfungwa dzako, kutenda kwako, uye tsika dzako zvichakanganiswa. Saka, mutsamba yake yechipiri kuVakorinde, Pauro akati: “Musasungwa zvisina kukodzera pajoko nevasingatendi.”—2 VaKorinde 6:14-18.

Fred, ane makore 16, akadzidza uchenjeri hwemashoko aPauro. Pakutanga akabvuma kuita zvidzidzo zvechikoro zvokuwedzera zvaisanganisira kuenda kunyika ichiri kubudirira kunobatsira kudzidzisa vana veko. Zvisinei, sezvo iye nomumwe waaidzidza naye vaigadzirira pamwe chete, Fred akachinja zvaaida. Akati: “Ndaiona kuti nguva yakawanda yandaizopedza ndiri pakati pavo yakanga isingazondibatsiri mune zvokunamata.” Nemhaka yeizvi, Fred akasarudza kubuda muchirongwa chacho ndokubva abatsira vanoshayiwa nezvimwe zvinhu.

Ushamwari Hunoitwa Pakati pomuKristu nomuKristu

Zvisinei, zvakadini nokushamwaridzana mukati meungano yechiKristu? Paainyorera jaya rainzi Timoti, Pauro akanyevera kuti: “Muimba huru hamuna midziyo yendarama nesirivha chete asiwo yematanda neyevhu, mimwe yebasa rinokudzwa asi mimwe yebasa risingakudzwi. Naizvozvo, kana munhu akaramba ari kure neyapedzisira kutaurwa, iye achava mudziyo webasa rinokudzwa, wakatsveneswa, unoshanda kumuridzi wawo, wakagadzirirwa mabasa ose akanaka.” (2 Timoti 2:20, 21) Saka Pauro haana kungovhara-vhara chokwadi chokuti, kunyange pakati pevaKristu panogona kunge paine vamwe vasingazvibati zvakanaka. Uye akanga abudira Timoti pachena kuti arambe ari kure nevakadaro.

Izvi zvinoreva here kuti unofanira kunyumwira vaKristu vaunonamata navo? Aiwa. Uyewo hazvirevi kuti unofanira kutarisira kuti shamwari dzako dzinge dzisingambokanganisi. (Muparidzi 7:16-18) Zvisinei, kungoti munhu wechiduku ari kupinda misangano yechiKristu kana kuti ane vabereki vanoshingaira muungano hazvirevi kuti akanaka kuva shamwari yapedyo.

“Mukomana [kana musikana] anoratidza kana basa rake rakachena uye kana rakarurama nezvaanoita,” inodaro Zvirevo 20:11. Naizvozvo, kuchenjera kufunga kuti: Ukama hwomunhu uyu naJehovha ndihwo chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwake here? Kana kuti pane uchapupu here hwokufunga uye hwounhu hunoratidza “mudzimu wenyika”? (1 VaKorinde 2:12; VaEfeso 2:2) Kana unaye unonzwa uchida kunamata Jehovha here?

Kana ukasarudza shamwari dzinonyatsoda Jehovha uye zvinhu zvine chokuita nokunamata, hauzodzivisi zvinetso bedzi asi unowanawo simba rakawanda rokushumira Mwari. Pauro akaudza Timoti kuti: “Tevera kururama, kutenda, rudo, rugare, pamwe chete nevaya vanodana panaShe zvichibva pamwoyo wakachena.”—2 Timoti 2:22.

Kushamwaridzana Nomunhukadzi

Kana uri munhu abva zera uye uchida kuroora, wati wambofunga here kuti zvatakurukura izvi zvinofanira kukubatsira sei pakusarudza wokuroora? Pane zvinhu zvakawanda zvinokuita kuti ude munhu wauchazoroora, asi hapana chinokosha zvakafanana noukama hwomunhu wacho naMwari.

Saka Bhaibheri rinonyevera ranyeverazve richirambidza kuroora munhu asiri “munaShe.” (1 VaKorinde 7:39; Dheuteronomio 7:3, 4; Nehemiya 13:25) Chokwadi, vanhu vasinganamati vanogonawo kuva vakatendeseka, vakadzikama, uye vane hanya. Asi, havanzwi semanzwiro aunoita nezvokukudziridza unhu hwakadaro uye kutsungirira mumba nokufamba kwemakore.

Asi, munhu akazvipira kuna Jehovha uye akavimbika kwaari anokudziridza unhu hwechiKristu nokuzvidira uye anohuchengetedza, chero zvodini. Iye anoziva kuti Bhaibheri rinobatanidza kuda wawakaroorana naye nokuva noukama hwakanaka naJehovha. (VaEfeso 5:28, 33; 1 Petro 3:7) Saka, kana vose vari vaviri vachida Jehovha, vane chinovakurudzira zvakasimba kuti varambe vakatendeka kunomumwe wavo.

Izvi zvinoreva here kuti kuroorana kwevanhu vanonamata kunovimbiswa kuti kuchabudirira? Kwete. Somuenzaniso, dai waizoroora munhu anongofarira zvishoma zvinhu zvine chokuita nokunamata, chii chaizoitika? Asina kugadzirira kurwisa zvinetso zvemamiriro ezvinhu epanguva ino, munhu asina kusimba mune zvokunamata ari nyore kubuda muungano yechiKristu. (VaFiripi 3:18; 1 Johani 2:19) Chimbofungidzira hako kurwadziwa uye zvinetso zvomumhuri zvawaizosangana nazvo kana wawakaroorana naye aizopinda ‘mukusvibisa kwenyika.’—2 Petro 2:20.

Usati watanga ushamwari hungagona kuzokusvitsa pakuroora, funga kuti: Anoratidza here kuva akasimba mukunamata? Anoratidza muenzaniso wakanaka mukurarama kwechiKristu here? Munhu uyu akabata zvakasimba chokwadi cheBhaibheri here, kana kuti anoda nguva yakati rebei yokuti akure mune zvokunamata? Une chokwadi here chokuti kuda Jehovha ndicho chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwake? Kuziva kuti munhu wacho anozivikanwa somunhu akanaka kunobatsira. Zvisinei, chinhu chinokosha zvikuru ndechokuti, unofanira kugutsikana kuti munhu wauri kufarira akazvipira kuna Jehovha uye anogona kuzova mudzimai akanaka.

Yeukawo kuti vamwe vanofarira ‘vanhu vasina kunaka’ vanotanga vafadzwa nezvinhu zvisina kunaka—zvakadai sevaraidzo dzakashata. Vechiduku vari muungano yechiKristu vane mienzaniso yakanaka havangambokutsigiri pakuita zvinhu zvakadaro. Saka ongorora mwoyo wako.

Kana ukaona kuti mwoyo wako unoda kurangwa, usaore mwoyo. Mwoyo unogona kurangwa. (Zvirevo 23:12) Pfungwa inonyanya kukosha ndeyokuti: Unonyatsoda chii? Unoda here kuva pedyo nezvakanaka uye nevanozviita? Nokubatsira kwaJehovha, unogona kuva nemwoyo wakadaro. (Pisarema 97:10) Uye nokurovedza masimba ako okunzwisisa kutsauranisa zvakanaka kubva mune zvakaipa, zvichakuitira nyore kuona kuti ndivanaani vangava shamwari dzakanaka, dzinokurudzira.—VaHebheru 5:14.

[Mashoko Omuzasi]

a Mazita akachinjwa.

[Mufananidzo uri papeji 13]

Kushamwaridzana kwakanaka kunokurudzira mune zvokunamata

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe