RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 12/8 pp. 12-14
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisagare Ndichingotevedzera Mukoma Wangu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingaita Sei Kuti Ndisagare Ndichingotevedzera Mukoma Wangu?
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Usavaise Panzvimbo Yakakwirira
  • Dzidza Kwavari!
  • Kutsvaka Zvaunokwanisa
  • Ndingawirirana Sei Nevamwe Vana Vomumba Medu?
    Mukai!—2010
  • Neiko Mukoma Wangu Nehanzvadzi Vakaoma Zvikuru Kugarisana Navo?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Ndingawirirana Sei Nevana Vomumba Medu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Ndichafanana Nomukoma Wangu Here?
    Mukai!—1993
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 12/8 pp. 12-14

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndingaita Sei Kuti Ndisagare Ndichingotevedzera Mukoma Wangu?

“Ndaida kuva munhuwo akazvimirira, asi nguva dzose ndainzwa ndichifanira kurarama maererano nomukurumbira wavanasisi vangu. Ndainzwa kuti ndaisazombogona kuita zvinhu zvakanga zvaitwa navanasisi vangu.”—Clare.

UNE mukoma kana hanzvadzi inoita seinobudirira muzvinenge zvinhu zvose here? Vabereki vako vanongogara vachikukurudzira kuti uite saiye here? Kana zvakadaro, ungatyira kuti uchangogara uchimutevedzera—kuti kukosha kwako kuchayerwa nguva dzose nokuti unobudirira zvakadini kuita sezvaakaita.

Vakoma vaBarrya vose vakapedza kudzidza kuChikoro Chokudzidzisa Vashumirib chinoremekedzwa kwazvo uye vane mukurumbira wakanaka sevaKristu. Barry anobvuma kuti: “Chivimbo changu chakapera, sezvo ndainzwa kuti ndaisazombogona kuita zvavaiita mubasa rokuparidza kana kuva akanaka saivo pakutaura mberi kwevanhu. Ndakawana zvakaoma kuva neshamwari dzangu pachangu nokuti ndaingoperekedza vakoma vangu pavainge vakokwa. Ndainzwa sokuti vanhu vaingoshamwaridzana neni pamusana pevakoma vangu.”

Zvakaoma kusanzwa godo kana uine mukoma kana munun’una anowanzorumbidzwa. Munguva inotaurwa muBhaibheri Josefa wechiduku akadarika vakoma vake. Vakoma vake vakanzwa sei? “Vakamuvenga, vakasagona kutaura naye nomufaro.” (Genesi 37:1-4) Zvechokwadi, Josefa aizvininipisa. Asi vakoma vako kana vanin’ina vangaita kuti unzwe godo kana kusavafarira kana vachiramba vachikuyeuchidza nezvokubudirira kwavo.

Vamwe vechiduku vanodzorera zvose izvi nokupanduka—pamwe nokurega magiredhi avo okuchikoro achiderera, kuita zvishoma mumabasa echiKristu, kana kuva nomufambiro wakaipa kwazvo. Vangafunga kuti kana vasingagoni kuita zvakanaka sezvinoita mukoma wavo, hapana chikonzero chokuedza. Asi, nokufamba kwenguva kupandukira kuchangokukuvadza. Unogona sei kungova munhu akazvimirira nenzira inoita kuti uzvivimbewo?

Usavaise Panzvimbo Yakakwirira

Uchiona kuyemurwa kwose kunoitwa mumwe wako, ungangoerekana wava kufunga kuti iye akakwana uye kuti haumbofi wakaita zvakanaka saiye. Asi ichocho ichokwadi here? Bhaibheri rinotaura nyaya yacho zvakananga parinoti: “Vanhu vose vakaita zvivi vakaperevedza pambiri yaMwari.”—VaRoma 3:23.

Chokwadi, pasinei nounyanzvi hwavangave nahwo, vachingori “vanhu vasina simba” sesu. (Mabasa 14:15) Hapana chikonzero chokuvaisa panzvimbo yakatanhamara kana kuvanamata. Munhu chete akava muenzaniso wakakwana ndiJesu Kristu.—1 Petro 2:21.

Dzidza Kwavari!

Zvadaro, edza kuona mamiriro ako ezvinhu somukana wokudzidza chimwe chinhu. Somuenzaniso, funga nezvevanun’una vaJesu Kristu. (Mateu 13:55, 56) Funga zvavangadai vakadzidza kumukoma wavo ainge akakwana! Kunyange zvakadaro, “vanun’una vake, chaizvoizvo, vakanga vasingatendi maari.” (Johani 7:5) Zvichida kudada uye godo ndizvo zvakavatadzisa kutenda. Dzaiva hama dzaJesu mukunamata—vadzidzi vake—dzakabvuma chikumbiro chake chomutsa chokuti: ‘Dzidzai kwandiri.’ (Mateu 11:29) Uye vanun’una vaJesu chaivo vakatozomukoshesa pashure pokumutswa kwake. (Mabasa 1:14) Asi pose apa, vakanga varasikirwa nemikana yakaisvonaka yokudzidza kumukoma wavo aiva akatanhamara.

Kaini akakanganisa nenzira yakafanana. Munun’una wake, Abheri, aiva mushumiri waMwari akanaka kwazvo. Bhaibheri rinotaura kuti ‘Jehovha akagamuchira Abheri nechipiriso chake.’ (Genesi 4:4) Kunyange zvakadaro, nokuda kwechimwewo chikonzero, Mwari ‘haana kugamuchira Kaini nechipiriso chake.’ Kaini angadai akaratidza kuzvininipisa uye akadzidza kumunun’una wake. Asi, “Kaini akatsamwa kwazvo” uye akapedzisira aponda Abheri.—Genesi 4:5-8.

Hazvirevi hazvo kuti ungazotsamwira mukoma kana munun’una wako kusvika pakadaro. Asi iwewo unogona kurasikirwa nemikana inokosha kana ukarega kudada uye godo zvichikutadzisa. Kana uine mukoma kana munun’una anogona masvomhu, ane njere dzakapinza dzokubata nhoroondo dzezvakaitika, shasha yomutambo waunofarira, anoziva Magwaro zvikuru, kana anotaura zvakanaka pamberi pevanhu, usaita godo! Pamusoro pazvo, “godo rinoodza mapfupa” uye rinongokukuvadza. (Zvirevo 14:30; 27:4) Asi pane kutsamwa, edza kudzidza kumukoma kana munun’una wako. Bvuma chokwadi chokuti iye ane mano kana humwe unyanzvi zvausina. Cherechedza maitiro anoita mukoma kana munun’una wako zvinhu—kana kuti ungatokumbira hako kubatsirwa.

Barry, ambotaurwa, akasvika pakubatsirwa nemienzaniso yakanaka yevakoma vake. Anoti: “Ndaiona kufara kwaiita vakoma vangu pamusana pokuti vaida kubatsira vanhu vaiva muungano uye mubasa rokuparidza. Saka ndakasarudza kutevedzera muenzaniso wevakoma vangu, uye ndakabatanidzwa mubasa rokuvaka Dzimba dzoUmambo neBheteri. Unyanzvi hwandakawana hwakandipa chivimbo uye hwakandibatsira kuwedzera ukama hwangu naJehovha.”

Kutsvaka Zvaunokwanisa

Pamwe unotya kuti kutevedzera unhu hwakanaka hwomukoma kana munun’una wako kuchareva kurasikirwa nokuva kwako mumwewo munhu akazvimiririra. Asi izvozvo hazvifaniri kuitika. Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu vomuzana rokutanga remakore kuti: “Muve vatevedzeri vangu.” (1 VaKorinde 4:16) Izvi zvaireva kuti Pauro aida kuti varasikirwe nokuva vamwewo vanhu vakazvimiririra here? Kwete. Vanhu vakasiyana-siyana mune zvakawanda. Kana usiri mudzidzi anoziva masvomhu somukoma kana munun’una wako, hazvirevi kuti hauna zvaunokwanisa. Zvinongoreva kuti wakasiyana.

Pauro anopa zano iri rinoshandisika: “Munhu mumwe nomumwe ngaaratidze zvakaita basa rake oga, uye ipapo achava nechisakiso chokufara zvikuru pamusoro pake oga, asingazvienzanisi nomumwe munhu.” (VaGaratiya 6:4) Wadii kuumbiridza unyanzvi hwako nezvaunokwanisa zvaunazvo iwe pachako zvisina vamwe? Kudzidzira mutauro wevamwe, kuridza chiridzwa chomumhanzi, kana kushandisa kombiyuta zvingakubatsira kuti uzviremekedze, uye zvingakupawo unyanzvi hunokosha. Usanetseke nokuda kuita zvinhu nenzira yakakwana! Dzidza kunyatsoita, nomwoyo wose, uye zvakanaka. (Zvirevo 22:29) Ungave usingagoni chimwe chinhu nomuzvarirwo, asi “ruoko rwavasina usimbe ruchabata ushe,” inodaro Zvirevo 12:24.

Zvisinei, kukura kwako mumudzimu ndiko kwaunofanira kunyanya kushandira. Unyanzvi pazvinhu zvine chokuita nokunamata hunokosha zvinogara nguva refu kudarika zvipo zvipi nezvipi zvingayemurwa kwazvo. Chimbofunga nezvemapatya Isau naJakobho. Isau akarumbidzwa chaizvo nababa vake nokuti aiva “mudzimba wakachenjera, murume wesango.” Pakutanga, zvingave zvaiva nyore kwaari kutarisira pasi munun’una wake Jakobho, nokuti “wakanga ari murume wakarurama, waigara mumatende.” (Genesi 25:27) Isau akatadza kusimbisa kunamata kwake uye akarasikirwa nezvikomborero. Jakobho akada zvinhu zvokunamata uye akakomborerwa kwazvo naJehovha. (Genesi 27:28, 29; VaHebheru 12:16, 17) Zvinokudzidzisei? Simbisa kunamata kwako, ‘chiedza chako ngachivheneke,’ uye “kufambira mberi kwako [kuchaonekwa] nevanhu vose.”—Mateu 5:16; 1 Timoti 4:15.

Clare, ambotaurwa, anoti: “Ndaigutsikana nokugara ndichitevedzera vanasisi vangu. Asi ndakazosarudza kutevedzera zano reMagwaro roku‘wedzera’ kuda kwangu vamwe. Ndakashanda muushumiri hwomumunda nevakasiyana-siyana muungano, uye ndakatsvaka nzira dzinoshandisika dzokubatsira vamwe vaida kubatsirwa muungano. Ndaikokawo hama nehanzvadzi dzemazera akasiyana-siyana kumba kwedu ndodzibikira. Iye zvino ndine shamwari dzakawanda, uye ndinozvivimba.”—2 VaKorinde 6:13.

Nguva nenguva, vabereki vako vangakanganwa vokukurudzira kuti uve somukoma kana sisi vako. Asi kuziva kuti vabereki vako vanokuda nomwoyo wose kungakunyaradza. (Zvirevo 19:11) Zvisinei, zvingave zvakanaka kuudza vabereki vako noruremekedzo manzwiro aunoita nokuenzanisa ikoko. Zvichida vachaedza kutsvaka dzimwe nzira dzokuratidza kuti vane hanya.

Usambokanganwa kuti Jehovha Mwari pachake achakucherechedza kana ukamushumira. (1 VaKorinde 8:3) Barry anogumisa izvi achiti: “Ndinowana kuti kureba kwenguva yandinopedza ndichishumira Jehovha, ndiko kuwedzera kwomufaro wandinowana. Iye zvino vanhu vava kundiona sezvandiri uye vanondida, sokuda kwavanongoita vakoma vangu.”

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe mazita akachinjwa.

b Chakarongwa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 12]

Mukoma kana munun’una wako ndiye anonyanya kuonekwa here?

[Mufananidzo uri papeji 13]

Ongorora zvipo zvako pachako uye zvaunofarira

[Mufananidzo uri papeji 13]

‘Chiedza chako ngachivheneke” nokuumbiridza unyanzvi hwako hwokunamata

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe